Kurarama Maererano Netsauriro Yedu “Zuva Rimwe Nerimwe”
“Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.”—RUKA 9:23.
1. Inzirai imwe yatinogona kuyera nayo budiriro yedu savaKristu?
“ZVIROKWAZVO takanga tiri vanhu vakazvitsaurira here?” Mhinduro kumubvunzo uyu, maererano naJohn F. Kennedy, Purezidhendi wechi 35 weUnited States, chitemeso mukuyera kubudirira kwaavo vari munzvimbo yehurumende yavose. Mubvunzo wacho waigona kubatira nerevo huru zvikuru somuedzo wokubudirira kwedu savashumiri vechiKristu.
2. Duramazwi rinorondedzera sei shoko rokuti “tsauriro”?
2 Chii, kunyanguvezvo, chiri tsauriro? Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary inoirondedzera se“chiito kana kuti tsika yokuzvitsaurira kumunhu woumwari kana kuti kubasa rinoyera,” “kuzvipira kana kuti kutsaura nokuda kwechinangwa chaicho,” “kuzvipira kwokuzvibayira.” John F. Kennedy sezviri pachena akanga achishandisa shoko racho kureva “kuzvipira kwokuzvibayira.” Nokuda kwomuKristu, tsauriro inoreva zvakawanda zvikuru.
3. Tsauriro yechiKristu chii?
3 Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.” (Mateo 16:24) Kutsaurwa nokuda kwebasa roumwari hakubatanidzi zvako kuita chiito chete chokunamata paSvondo kana kuti pakushanyira nzvimbo yakati yokunamatira. Kunobatanidza mararamire ose emunhu. Kuva muKristu kunoreva kuzviramba umene kana kuti kuzvinyima umene apo unenge uchibatira Mwari uyo Jesu Kristu akabatira, Jehovha. Mukuwedzera, muKristu anotakura “muchinjikwa” wake kupfurikidza nokutsungirira mukutambura kupi nokupi kungawanwa nokuda kwokuva muteveri waKristu.
Muenzaniso Wakakwana
4. Rubhapatidzo rwaJesu rwakaratidzirei?
4 Apo aiva pasi pano, Jesu akaratidzira icho kuzvitsaurira kwomunhu amene kuna Jehovha kunobatanidza. Mirangariro yake yaiva, yokuti: “Chibayiro nechipo makazviramba, asi makandigadzirira muviri.” Ipapo akawedzera, kuti: “Tarirai, ndauya, (Pabhuku yakapetwa pakanyorwa zvangu) kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.” (VaHebheru 10:5-7) Somutezo werudzi rwakazvitsaurira, akanga akazvitsaurira kuna Jehovha pakuzvarwa. Zvisinei, pakuvamba kwoushumiri hwake hwapasi, akazvipa amene nokuda kworubhapatidzo sechiratidzo chokuzvipa kwake amene kuti aite kuda kwaJehovha, uko nokuda kwake kwaizobatanidza kupa upenyu hwake sechibayiro chorudzikinuro. Iye nokudaro akagadza muenzaniso wokuti vaKristu vaite chipi kana chipi chiri icho Jehovha anoda.
5. Jesu akaratidzira sei murangariro womuenzaniso wezvinhu zvokunyama?
5 Pashure porubhapatidzo rwake Jesu akatevera mararamire ayo akatungamirira pakupedzisira kurufu rwechibayiro. Akanga asingafariri kuita mari kana kuti kurarama upenyu hwakapfava. Panzvimbo pezvo, upenyu hwake hwakanangidzirwa paushumiri hwake. Iye akarayira vadzidzi vake ku“tanga[i] kutsvaka ushe . . . nokururama kwake,” uye iye amene akararama maererano naaya mashoko. (Mateo 6:33) Chokwadi, pane imwe nguva akamboti: “Mhunguhwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” (Mateo 8:20) Aigona kuva akawiriranisa dzidziso dzake kuti awane mari kuvateveri vake. Zvaaiva muvezi aigona kuva akatora nguva kuti aite fanicha yakaisvonaka kuti atengese kuitira kuti agova nezvidimbu zvesirivha zvishomanene zvokuwedzera. Asi haana kushandisa unyanzvi hwake kutsvaka kubudirira kwokunyama. Savabatiri vakazvitsaurira vaMwari, tiri kutevedzera Jesu mukuva nomurangariro wakarurama wezvinhu zvokunyama here?—Mateo 6:24-34.
6. Tinogona sei kutevedzera Jesu mukuva vabatiri vanozvibayira, vakazvitsaurira vaMwari?
6 Mukuisa basa rake kuna Mwari pakutanga, Jesu haana kutsvaka fariro dzake amene. Upenyu hwake mukati mamakore matatu nehafu oushumiri hwake hwapachena hwakanga huri hwokuzvibayira. Pane imwe nhambo pashure pezuva rokubatikana, asina kutongowana nguva yokuti adye zvokudya, Jesu akanga achidisa kudzidzisa vanhu avo vakanga “vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” (Mateo 9:36; Marko 6:31-34) Kunyange zvazvo akanga “aneta nokufamba,” ndiye akavamba kutaura nomukadzi weSamaria uyo akauya kutsime raJakobho raiva muSikari. (Johane 4:6, 7, 13-15) Aigaroisa garikano yavamwe pamberi peyake amene. (Johane 11:5-15) Tinogona kutevedzera Jesu nokurega norupo fariro dzedu timene kuti tibatire Mwari navamwe. (Johane 6:38) Kupfurikidza nokufunga munzira idzo dzokuti tingafadza Mwari zvirokwazvo sei panzvimbo pokuita bedzi zvishomanene zvinodikanwa, tichava tichirarama maererano netsauriro yedu.
7. Tinogona sei kutevedzera Jesu mukugaropa rukudzo kuna Jehovha?
7 Jesu akanga asingaedzi munzira ipi neipi kukwevera ngwariro kwaari amene kupfurikidza nokubetsera vanhu. Akanga akazvitsaurira kuna Mwari kuti aite kuda Kwake. Naizvozvo aigarova nechokwadi chokuti Jehovha, Baba vake, vaiwana mbiri yose yechipi kana chipi chakaitwa. Apo mumwe mutongi akamudana kuti “Mudzidzisi wakanaka,” achishandisa shoko ra“wakanaka” sezita rokuremekedza, Jesu akamururamisa nokuti: “Hakuna wakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.” (Ruka 18:18, 19; Johane 5:19, 30) SaJesu, tinokurumidza here kubvisa rukudzo kwatiri timene ruchienda kuna Jehovha?
8. (a) Somunhu akazvitsaurira, Jesu akazvitsaura amene sei nenyika? (b) Tinofanira kumutevedzera sei?
8 Muupenyu hwake hwose hwakatsaurirwa pasi pano, Jesu akaratidzira kuti akanga azvitsaura amene nokuda kwebasa roumwari. Akazvichengeta amene akachena kuitira kuti agone kuzvipa amene se“gwayana risina charingapomerwa” kuti ave chibayiro chorudzikinuro. (1 Petro 1:19; VaHebheru 7:26) Akachengeta mirayiro yose yoMutemo waMosesi, nokudaro achizadzika Mutemo iwowo. (Mateo 5:17; 2 VaKorinte 1:20) Iye akararama maererano nokudzidzisa kwake amene pamusoro petsika. (Mateo 5:27, 28) Hapana aigona kumupomera nomazvo nokuda kwevavariro dzakaipa. Zvirokwazvo, iye a“kavenga kusarurama.” (VaHebheru 1:9) Savaranda vaMwari, ngatitevedzere Jesu mukuchengeta upenyu hwedu uye kunyange vavariro dzedu zvakachena mumeso aJehovha.
Mienzaniso Inonyevera
9. Pauro akanongedzera kumuenzanisoi unonyevera, uye neiko tichifanira kurangarira uyu muenzaniso?
9 Mukupesana nomuenzaniso waJesu, tine muenzaniso unonyevera wavaIsraeri. Kunyange pashure pokunge vazivisa kuti vaizoita zvose izvo Jehovha akavaudza kuti vaite, vakakundikana kuita kuda kwake. (Dhanieri 9:11) Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kudzidza muchakawira vaIsraeri. Ngatinzverei zvimwe zviitiko izvo Pauro akanongedzera kwazviri mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte ndokuona kuti imhinganidzoi dzinofanira kudziviswa navabatiri vakazvitsaurira vaMwari munguva yedu.—1 VaKorinte 10:1-6, 11.
10. (a) VaIsraeri ‘vakashuva [sei] zvinhu zvinokuvadza’? (b) Neiko vaIsraeri vaiva nokuzvidavirira kukuru nguva yechipiri yavakanyunyuta pamusoro pezvokudya, uye chii chatinogona kudzidza mumuenzaniso wavo unonyevera?
10 Kutanga, Pauro akatinyevera kuti tisave vano“chiva zvakaipa.” (1 VaKorinte 10:6) Ikoko kungakuyeuchidza nezvenhambo apo vaIsraeri vakanyunyuta pamusoro pokuva bedzi nemana yokudya. Jehovha akavatumira zvihuta. Chimwe chinhu chakafanana chakanga chaitika rinenge gore ikoku kusati kwaitika murenje reSini, chaizvo vaIsraeri vasati vazivisa tsauriro yavo kuna Jehovha. (Eksodho 16:1-3, 12, 13) Asi mamiriro ezvinhu akanga asiri mamwe chetewo chaizvoizvo. Apo Jehovha akagovera zvihuta nguva yokutanga, haana kuita kuti vaIsraeri vazvidavirire kukunyunyuta kwavo. Nguva ino, zvisinei, zvinhu zvakanga zvakasiyana. “Nyama yakanga ichiri pakati pameno avo, isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kukamukira vanhu, Jehovha akarova vanhu nehosha yakaipa kwazvo.” (Numeri 11:4-6, 31-34) Chii chakanga chachinja? Sorudzi rwakazvitsaurira, zvino vakava nemhaka uye vaisagona kupukunyuka chirango. Kushayiwa kuonga kwavo gadziriro dzaJehovha kwakavatungamirira kukunyunyutira Jehovha, pasinei zvapo nokuva kwavo vakanga vavimbisa kuita izvo zvose Jehovha akanga ataura! Kunyunyuta pamusoro petafura yaJehovha nhasi kwakafanana. Vamwe vanokundikana kuonga gadziriro dzomudzimu dzaJehovha kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Yeuka, kunyanguvezvo, kuti tsauriro yedu inoda kuti tiyeuke nenzira yokuonga chatakaitirwa naJehovha ndokugamuchira zvokudya zvomudzimu izvo Jehovha anogovera.
11. (a) VaIsraeri vakasvibisa sei kunamata kwavo Jehovha nokunamata zvidhori? (b) Tingagona sei kutapurwa norudzi rwakati rwokunamata zvidhori?
11 Tevere, Pauro akanyevera, kuti: “Imi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo.” (1 VaKorinte 10:7) Pano muapostora sezviri pachena akanga achinongedzera kukunamatwa kwemhuru kwakaitika pashure chaipo pokunge vaIsraeri vaita sungano naJehovha paGomo reSinai. Iwe ungati, ‘Somubatiri akazvitsaurira waJehovha, handisati ndichizotongobatanidzwa mukunamata zvidhori.’ Cherekedza, zvisinei, kuti mukurangarira kwavaIsraeri, havana kurega kunamata Jehovha; bva, vakapinza muitiro wokunamatwa kwemhuru—chimwe chinhu chainyangadza kuna Mwari. Chimiro ichi chokunamata chakabatanidzei? Vanhu vakabayira zvibayiro pamberi pemhuru, uye ipapo ivo “vakagara pasi, vakadya nokunwa, vakasimuka, vakatamba.” (Eksodho 32:4-6) Nhasi, vamwe vangataura kuti vanonamata Jehovha. Asi upenyu hwavo hungave hwakanangidzirwa, kwete pakunamatwa kwaJehovha, asi pakufarikanywa kwezvinhu zvenyika ino, uye vanoedza kukodzeranisa basa ravo kuna Jehovha naizvozvi. Chokwadi, ikoku hakusati kuri kunyanyisa sokupfugamira mhuru yendarama, asi hakuna kusiyana zvikuru munheyo. Kuzviitira mwari wechishuvo chomunhu amene kwakasiyana zvikuru nokurarama maererano netsauriro yomunhu kuna Jehovha.—VaFiripi 3:19.
12. Muchiitiko chavaIsraeri naBhaari-peori, tinodzidzei pamusoro pokuzviramba timene?
12 Rudzi rwakati rwevaraidzo rwakabatanidzwawo mumuenzaniso unonyevera unotevera uyo Pauro akadudza. “Ngatirege kuita upombwe, savamwe vavo vakaita upombwe, vakafa nezuva rimwe vane zvuru zvina makumi maviri nezvitatu.” (1 VaKorinte 10:8) VaIsraeri, vanyengerwa nomufaro wounzenza wakapiwa navanasikana veMoabhi, vakapinzwa mukunamata Bhaari-peori muShitimi. (Numeri 25:1-3, 9) Kuzviramba timene kuti tiite kuda kwaJehovha kunobatanidza kugamuchira mipimo yake nokuda kwechakachena mutsika. (Mateo 5:27-30) Muzera rino remipimo inoora, tinoyeuchidzwa nezvokudikanwa kwokuzvichengeta timene takachena pamarudzi ose omufambiro wounzenza, tichizviisa pasi pechiremera chaJehovha chokuti asarudze chiri chakanaka nechiri chakaipa.—1 VaKorinte 6:9-11.
13. Muenzaniso waPinehasi unotibetsera sei kunzwisisa icho tsauriro kuna Jehovha inobatanidza?
13 Nepo vakawanda vakawira mumusungo woufeve muShitimi, vamwe vakararama maererano netsauriro yerudzi kuna Jehovha. Pakati pavo, Pinehasi akanga akatanhamara mukushingaira. Apo akaona mukuru wechiIsraeri achipinza mukadzi wechiMidhiani mutende rake, Pinehasi pakarepo akabata pfumo muruoko rwake ndokuvabaya. Jehovha akaudza Mosesi, kuti: “Pinehasi . . . wadzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsraeri; nokuti wakanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu, naizvozvo handina kuparadza vana vaIsraeri neshungu dzangu.” (Numeri 25:11) Kusatongoshivira makwikwi kuna Jehovha—ndozvinoreva tsauriro. Hatigoni kubvumira chinhu chipi nechipi kutora nzvimbo iyo tsauriro kuna Jehovha inofanira kuva nayo mumwoyo yedu. Kushingairira kwedu Jehovha kunotisundawo kuchengeta ungano yakachena kupfurikidza nokushuma unzenza hwakakomba kuvakuru, tisingahushiviri.
14. (a) VaIsraeri vakaedza sei Jehovha? (b) Tsauriro yakakwana kuna Jehovha inotibetsera sei kuti tirege “kuneta”?
14 Pauro akanongedzera kune mumwe muenzaniso unonyevera: “Ngatirege kuidza Ishe, savamwe vavo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.” (1 VaKorinte 10:9) Pauro pano akanga achitaura pamusoro penguva apo vaIsraeri vakanyunyutira Mwari kuna Mosesi apo ivo “vakapera mwoyo kwazvo panzira.” (Numeri 21:4) Unomboita chikanganiso ichocho here? Apo wakazvitsaurira umene kuna Jehovha, waifunga kuti Armagedhoni yakanga yava pedyo zvikuru here? Kushivira kwaJehovha kwave kuri kurefu kupfuura zvawaikarira here? Yeuka, hatina kuzvitsaurira timene kuna Jehovha kwenhambo yenguva yakati chete kana kuti kusvikira paArmagedhoniwo zvapo. Tsauriro yedu inopfuurira nokusingaperi. Naizvozvo, ipapo, “ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.”—VaGaratia 6:9.
15. (a) VaIsraeri vakanyunyutira ani? (b) Tsauriro yedu kuna Jehovha inotisunda sei kuremekedza chiremera choumwari?
15 Pakupedzisira, Pauro akanyevera pamusoro pokuva va“nyunyuti” kurwisana navabatiri vakagadzwa vaJehovha. (1 VaKorinte 10:10, NW) VaIsraeri vakanyunyutira Mosesi naAroni zvikuru apo 10 dzetsori 12 dzakatumwa kunonzvera nyika yeKanani dzakadzora mishumo yakaipa. Vakatotaura pamusoro pokutsiva Mosesi somutungamiriri wavo uye kudzokera kuEgipita. (Numeri 14:1-4) Nhasi, tinogamuchira utungamiriri huri kupiwa kwatiri kupfurikidza nechiito chomudzimu mutsvene waJehovha here? Pakuona tafura yomudzimu yezvakawanda izvo zvinogoverwa neboka romuranda akatendeka naakangwara, kwakajeka kuti ndiani Jesu ari kushandisa kugovera “zvokudya nenguva yakafanira.” (Mateo 24:45) Tsauriro yomweya wose kuna Jehovha inoda kuti tiratidze ruremekedzo nokuda kwavabatiri vake vakagadzwa. Ngatisatongove savanyunyuti vomuzuva razvino uno vakanangidzira ngwariro yavo kumutungamiriri mutsva, sokunge zvakadaro, kuti avadzosere munyika.
Ndihwo Unani Hwangu Here?
16. Vabatiri vaJehovha vakazvitsaurira vangada kuzvibvunza mibvunzoi?
16 VaIsraeri vangadai vasina kuwira muzvikanganiso zvakakomba kudaro kudai vakanga vayeuka kuti tsauriro yavo kuna Jehovha yakanga isina kutsamira pachimwe chinhu. Kusafanana navaIsraeri ivavo vasina kutenda, Jesu Kristu akararama maererano netsauriro yake kusvikira kumugumo. Savateveri vaKristu, tinotevedzera muenzaniso wake wokuzvipira kwemweya wose, ti“rege kurarama [upenyu hwedu] nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari.” (1 Petro 4:2; enzanisa na 2 VaKorinte 5:15.) Kuda kwaJehovha nhasi ndokwokuti “vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Timotio 2:4) Nechinangwa ichocho, tinofanira kuparidza “evhangeri iyi youshe” mugumo usati wasvika. (Mateo 24:14) Tinoisa nhamburiko yakadini mune iri basa? Tingada kuzvibvunza timene kuti, ‘Ndihwo unani hwangu here?’ (2 Timotio 2:15) Mamiriro ezvinhu anosiyana. Jehovha anofara kubatirwa “maererano neizvo munhu anazvo, kwete maererano neizvo munhu asina.” (2 VaKorinte 8:12, NW; Ruka 21:1-4) Hapana anofanira kutonga ukuru nouchokwadi zvetsauriro yomumwe. Mumwe nomumwe anofanira kuyera somunhu oga ukuru hwokuzvipira kwake amene kuna Jehovha. (VaGaratia 6:4) Kuda kwedu Jehovha kunofanira kutisunda kubvunza kuti, ‘Ndinogona sei kuita kuti Jehovha afare?’
17. Ukamai huripo pakati pokuzvipira nenzwisiso? Enzanisira.
17 Kuzvipira kwedu kuna Jehovha kunokura sezvatinokura mukumunzwisisa kwedu. Mumwe mukomana ana makore 14 okukura muJapan akazvitsaurira amene kuna Jehovha ndokuratidzira iyi tsauriro kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. Gare gare, akanga achida kuronda dzidzo yapamusoro ndokuva musayendisiti. Haana kutongofunga nezvoushumiri hwenguva yakazara, asi somubatiri akazvitsaurira, akanga asingadi kusiya Jehovha nesangano rake rinooneka. Kuti asvitse nharidzano yake yebasa, akapinda imwe yunivhesiti. Ikoko akaona vakapedza kufunda vapayunivhesiti yacho vachimanikidzirwa kutsaurira upenyu hwavo hwose kukambani dzavo kana kuti kufundo dzavo. Akashamisika kuti, ‘Ndiri kuitei pano? Ndinogona chaizvoizvo kuronda nzira yavo youpenyu ndokuzvitsaurira ndimene kubasa rokunyika here? Handina kutozvitsaurira kuna Jehovha here?’ Nenzwisiso yakamutsidzirwa, akava piyona wenguva dzose. Kunzwisisa kwake tsauriro yake kwakakura uye kwakamusunda kusarudza mumwoyo make kuenda kuri kwose kwaaidikanwa. Akapinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri ndokugamuchira mugove wokubatira somufundisi mhiri kwamakungwa.
18. (a) Zvakawanda sei zvinobatanidzwa mutsauriro yedu kuna Jehovha? (b) Itusoi yatinogona kuwana mutsauriro yedu kuna Jehovha?
18 Tsauriro inobatanidza upenyu hwedu hwose. Tinofanira kuzviramba timene uye “zuva rimwe nerimwe” kutevera muenzaniso wakaisvonaka waJesu. (Ruka 9:23) Kana tichinge tazviramba timene, hatikumbiri Jehovha rivhi, zororo. Upenyu hwedu hunotsinhirana nenheyo Jehovha anoitira vabatiri vake. Kunyange mumativi atinogona kuita chisarudzo chomunhu oga, tinoita zvakanaka kuona kana tiri kuita unani hwedu kurarama upenyu hwakatsaurirwa kuna Jehovha. Sezvatinomubatira zuva nezuva, tichiita unani hwedu kuti timufadze, tichabudirira savaKristu uye tichakomborerwa nenyemwerero yokutendera inobva kuna Jehovha, Uyo akafanirwa nokuzvipira kwedu kwomweya wose.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Tsauriro yakabatanidzei nokuda kwaJesu Kristu?
◻ Neiko tichifanira kudzivisa kunyunyutira Jehovha?
◻ Tinogona kudzivisa kurega kunamata zvidhori kuchikanganisa upenyu hwedu namanomano munzirai?
◻ Kuyeukei kuchatibetsera kurega “kuneta” mukuita kuda kwaMwari?
[Mufananidzo uri papeji 17]
VaKristu vakazvitsaurira hava“net[e] pakuita zvakanaka”