-
“Tizai Ufeve”“Rambai Muri Murudo rwaMwari”
-
-
3. Zano raBharami rakabudirira zvakadini?
3 Zano iri rakabudirira here? Hongu, rakati budirirei. Makumi ezviuru zvevarume vechiIsraeri vakadyira pahwambo hwacho nokuita “unzenza nevanasikana veMoabhi.” Vakatotanga kunyange kunamata vamwari veMoabhi, vaisanganisira Bhaari wePeori, mwari wokubereka, kana kuti wezvepabonde. Izvi zvakaita kuti vaIsraeri 24 000 vafire pamuganhu chaipo weNyika Yakapikirwa. Iri raiva dambudziko rakakura zvisingatauriki!—Numeri 25:1-9.
-
-
“Tizai Ufeve”“Rambai Muri Murudo rwaMwari”
-
-
4. Nei zviuru zvevaIsraeri zvakadyira pakuita unzenza?
4 Chii chakaita kuti dambudziko iri riitike? Vakawanda vavo vakava nomwoyo wakaipa ndokusiya Jehovha, anova ndiye akanga avasunungura muIjipiti, avapa zvokudya murenje, uye avatungamirira achivachengetedza kusvika pamuganhu wenyika yakapikirwa. (VaHebheru 3:12) Achitaura nezvenyaya yacho, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngatiregeiwo kuva netsika yokuita ufeve, sevamwe vavo vakaita ufeve, vakazongofa, zviuru makumi maviri nezvitatu pazuva rimwe chete.”a—1 VaKorinde 10:8.
-
-
“Tizai Ufeve”“Rambai Muri Murudo rwaMwari”
-
-
a Zvinoratidza kuti nhamba inotaurwa pana Numeri inosanganisira “vakuru vose vevanhu” vakaurayiwa nevatongi avo vangadaro vakasvika varume 1 000, uye vaya vakaurayiwa naJehovha pachake.—Numeri 25:4, 5.
-