RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ‘Kunzwisisa Zvatiri’—Panguva yeChirangaridzo
    Nharireyomurindi—1990 | February 15
    • 3 “Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, wakatora chingwa; akati aonga, akachimedura, akati: ‘Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.’ Saizvozvowo, vakati vapedza kuraira, akatora mukombe, akati: ‘Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.’ Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achiuya.”—1 VaKorinte 11:23-26.a

  • ‘Kunzwisisa Zvatiri’—Panguva yeChirangaridzo
    Nharireyomurindi—1990 | February 15
    • 3 “Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, wakatora chingwa; akati aonga, akachimedura, akati: ‘Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.’ Saizvozvowo, vakati vapedza kuraira, akatora mukombe, akati: ‘Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.’ Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achiuya.”—1 VaKorinte 11:23-26.a

  • ‘Kunzwisisa Zvatiri’—Panguva yeChirangaridzo
    Nharireyomurindi—1990 | February 15
    • “Ichi Ndiwo Muviri Wangu”

      5, 6. (a) Jesu akaitei nechingwa? (b) Rudzii rwechingwa rwaakashandisa?

      5 Tarava izvo Pauro “akagamuchira kunaShe” pamusoro peChirangaridzo. Kunewo nhauro dzakanyorwa navanyori vatatu veEvhangeri, mumwe wavo akanga aripo apo Jesu akatanga iyi chengeto. (1 VaKorinte 11:23; Mateo 26:26-29; Marko 14:22-25; Ruka 22:19, 20) Idzi nhauro dzinotaura kuti Jesu akatanga kutora chingwa, akanyengetera, uye ipapo akamedura ndokuchiparadzira. Chii chakanga chiri chingwa ichocho? Nenzira inowirirana, chii chinoshandiswa nhasi? Chinorevei kana kuti kumirira?

      6 Zvaivapo zvakanga zviri zvinhu zvakabva pachirairo chePaseka chechiJudha, chimwe chichiva chingwa chisina kuviriswa, icho Mosesi akadana kuti “chingwa chisina kuviriswa . . . chingwa chokutambudzika.” (Dheuteronomio 16:3; Eksodho 12:8) Ichi chingwa chakaitwa noupfu hwegorosi pasina kushandisa mbiriso, munyu, kana kuti zvokurungisa. Zvachakanga chisina kuviriswa (chiHebheru, mats·tsahʹ), chakanga chakati sandara uye chakaomarara; chaifanira kumedurwa kuukuru hunodyika.—Marko 6:41; 8:6; Mabasa 27:35.

      7. Chii chinoshandisa Zvapupu zvaJehovha nokuda kwechingwa mukati meChirangaridzo?

      7 Jesu akashandisa chingwa chisina kuviriswa muChirairo chaShe, naizvozvo Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoita zvakafanana. Matzo dzechiJudha dzenguva dzose dzinobatira iri donzo kana dzisina kuitwa nezvinhu zvakawedzerwa, zvakadai sechimera, hanyanisi, kana kuti mazai. (Matzo dzine zvinowedzerwa izvozvo hadzisati dzaizotongowirirana nerondedzero yokuti “chingwa chokutambudzika.”) Kana kuti vakuru veungano vangaita kuti mumwe munhu aite chingwa chisina kuviriswa nomukanyiwa woupfu hwegorosi nemvura. Kana upfu hwegorosi husingawaniki, chingwa chisina kuviriswa chinogona kuitwa noupfu hwebhari, mupunga, chibage, kana kuti imwe mbeu. Mukanyiwa unotetepeswa ndokubhekwa parata rokubikira rakaiswa mafuta mashomanene.

      8. Neiko chingwa chisina kuviriswa chiri chiratidzo chakafanira, uye kuchidya kunoratidzirei? (VaHebheru 10:5-7; 1 Petro 4:1)

      8 Chingwa chakadaro chakafanira nemhaka yokuti hachina mbiriso (yisiti), iyo Bhaibheri rinoshandisa kumirira uipi kana kuti chivi. Pauro akapa zano pamusoro pomurume woutere aiva muimwe ungano: ‘Mbiriso shoma inovirisa bundu rose. Bvisai mbiriso yekare, kuti mugova vasina mbiriso. Kristu paseka yedu akabairwa. Ngatichengetei mutambo, kwete nembiriso youshati kana kuti uipi, asi nezvingwa zvisina kuviriswa zvouchokwadi nezvokwadi.’ (1 VaKorinte 5:6-8; enzanisa naMateo 13:33; 16:6, 12.) Chingwa chisina kuviriswa chiratidzo chakakodzera chomuviri wohunhu waJesu, nokuti iye akanga ari “akavimbika, asina mhaka, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa navatadzi.” (VaHebheru 7:26, NW) Jesu akanga aripo mumuviri wake wakakwana wohunhu paakati kuvaapostora: “Torai mudye ichi [chingwa], chinoreva muviri wangu.” (Mateo 26:26, A New Translation of the Bible, yakanyorwa naJames Moffatt) Kudya chingwa kunoreva kuti munhu anodavira betsero yechibairo chaJesu nokuda kwake uye anochigamuchira. Zvakawanda, kunyanguvezvo, zvinobatanidzwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe