Kudya kwaShe Kwemanheru Kunoreva Zvakawanda Kwauri
KUDYA kwaShe Kwemanheru kunokosha uye kune zvakunoreva nokusingaperi kwauri here? Kuti tione, ngatitangei taona kuti Jesu Kristu akati chiitiko chinokosha ichi chinorevei.
Manheru aNisani 14, 33 C.E., Jesu nevaapostora vake 12 vakaungana mukamuri repamusoro muJerusarema kuti vachengete Paseka yegore negore. Vapedza kudya Paseka, Judhasi mutengesi akabuda mukamuri racho kuti anotengesa Jesu. (Johani 13:21, 26-30) Jesu akatanga “kudya kwaShe kwemanheru” nevaapostora 11 vakanga vasara. (1 VaKorinde 11:20) Kunonziwo Chirangaridzo, sezvo Jesu akarayira vateveri vake kuti: “Itai izvi muchindirangarira.” Ndicho chiitiko chete icho vaKristu vanorayirwa kuchengeta.—1 VaKorinde 11:24, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Maererano neduramazwi raWebster, chirangaridzo ndechimwe chinhu chinobatsira “kurangarira” kana kuti “kuramba uchiyeuka.” Munzvimbo dzakawanda, vanhu vanomisa chivezwa kana kuti vanosarudza musi unokosha wokurangarira, kana kuti wokuyeuka mumwe munhu anokosha kana kuti chimwe chinhu chinokosha. Muchiitiko ichi Jesu akatanga kudya kunofanira kuyeukwa—kudya kwaizobatsira kuyeuka, achibatsira vadzidzi vake kurangarira zviitiko zvinokosha zvikuru zvezuva iroro rinokosha. Kuzvizvarwa zvaizouya, kudya uku kwechirangaridzo kwaizoyeuchidza vacherechedzi kukosha kukuru kwezvakaitwa naJesu usiku ihwohwo, zvikurukuru zviratidzo zvaakashandisa. Jesu akashandisa zviratidzo zvipi, uye zvinorevei? Ngationgororei nhoroondo yeBhaibheri yezvakaitika usiku hwacho muna 33 C.E.
Zviratidzo Zvitsvene
“Akatora chingwa, akaonga, akachimedura, akachipa kwavari, achiti: ‘Ichi chinoreva muviri wangu uchapiwa nokuda kwenyu. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.’”—Ruka 22:19.
Jesu paakatora chingwa ndokuti, “ichi chinoreva muviri wangu,” aireva kuti chingwa chisina kuviriswa chaimiririra, kana kuti chaiva chiratidzo chomuviri wake wenyama wakanga usina chivi, waakapa “nokuda kwoupenyu hwenyika.” (Johani 6:51) Kunyange zvazvo dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzichiti “uyu [chiGiriki, es·tinʹ] muviri wangu,” Greek-English Lexicon of the New Testament yaThayer inoti chiito ichi chinowanzoreva “kuzivisa, kuratidza, kureva.” Chinopa pfungwa yokumiririra, kana kuratidza.—Mat. 26:26.
Izvozvo zvaiva zvimwe chete nekapu yewaini. Jesu akati: “Kapu iyi inoreva sungano itsva muropa rangu, richadururwa nokuda kwenyu.”—Ruka 22:20.
Munhoroondo yaMateu, Jesu akati nezvekapu yacho: “Iyi inoreva ‘ropa rangu resungano,’ richadururirwa vakawanda nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi.” (Mateu 26:28) Jesu akanga achishandisa waini yaiva mukapu kumiririra, kana kuti sechiratidzo cheropa rake pachake. Ropa rake rakadeurwa raizova hwaro hwe“sungano itsva” kuvadzidzi vakazodzwa nomudzimu, vaizotonga naye semadzimambo nevapristi mudenga.—Jeremia 31:31-33; Johani 14:2, 3; 2 VaKorinde 5:5; Zvakazarurwa 1:5, 6; 5:9, 10; 20:4, 6.
Waini yomukapu inoshandawo sechiyeuchidzo chokuti ropa raJesu rakadeurwa raizova hwaro hwoku“kanganwirwa kwezvivi,” kwava kuzarura nzira yokuti vaya vanodya vadanwe kuupenyu hwokudenga sevagari venhaka pamwe naKristu. Zvinonzwisisika kuti vaya vanodanwa kudenga—vashoma—ndivo chete vanodya chingwa newaini paChirangaridzo.—Ruka 12:32; VaEfeso 1:13, 14; VaHebheru 9:22; 1 Petro 1:3, 4.
Zvisinei, ko vaya vateveri vaJesu vose vasiri musungano itsva? Ava ndivo “mamwe makwai” aShe, anotarira mberi kuva noupenyu husingaperi muparadhiso pasi pano, kwete kutonga naKristu mudenga. (Johani 10:16; Ruka 23:43; Zvakazarurwa 21:3, 4) Sezvavari ve“boka guru revanhu” revaKristu vakatendeka, vari ‘kuitira Mwari basa dzvene masikati nousiku,’ vanofara kuva vacherechedzi vanoonga paKudya kwaShe Kwemanheru. Chaizvoizvo mashoko avo nezviito zvavo zvinozivisa kuti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.”—Zvakazarurwa 7:9, 10, 14, 15.
Kakawanda Sei?
“Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—Ruka 22:19.
Chirangaridzo chinofanira kuchengetwa kakawanda sei kuitira kurangarira rufu rwaKristu? Jesu haana kutaura zvakananga. Zvisinei, sezvo akatanga Kudya kwaShe Kwemanheru pana Nisani 14, manheru ePaseka yaichengetwa gore negore nevaIsraeri, zviri pachena kuti Jesu aida kuti Chirangaridzo chichengetwe saizvozvo. Kunyange zvazvo vaIsraeri vaichengeta kununurwa kwavo muuranda muIjipiti gore negore, vaKristu vanochengeta kununurwa kwavo muuranda hwechivi norufu gore negore.—Eksodho 12:11, 17; VaRoma 5:20, 21.
Pfungwa yokuchengeta chiitiko chinokosha gore negore zvechokwadi haishamisi. Somuenzaniso, funga apo vaviri vakaroorana vanochengeta musi womuchato wavo gore negore kana kuti apo nyika inopemberera chiitiko chinokosha munhau yayo. Kuchengeta kwacho kunowanzoitwa kamwe pagore pamusi wegore wechiitiko chacho. Zvinofadza kuti kwemazana emakore anoverengeka Kristu afa, vaizviti vaKristu vakawanda vakanzi maQuartodeciman, kureva kuti “Vachengeti vezuva rechigumi nena,” nokuti vaichengeta rufu rwaJesu kamwe pagore, pana Nisan 14.
Kuri Nyore asi Kuchikosha
Muapostora Pauro akatsanangura kuti kuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru kwaizoita kuti vadzidzi vaJesu vakwanise ‘kuramba vachizivisa rufu rwaShe.’ (1 VaKorinde 11:26) Saka, kuchengeta uku kwaizoratidza kukosha kwezvakaitwa naJesu mukuitwa kwechinangwa chaMwari, kuburikidza norufu rwake.
Nokuramba akatendeka kusvikira parufu, Jesu Kristu akareverera Jehovha Mwari soMusiki akachenjera uye ane rudo uye Changamire akarurama. Kusiyana nokutaura kwaSatani, uye kusafanana naAdhamu, Jesu akaratidza kuti zvinobvira kuti munhu arambe akatendeka kuna Mwari, kunyange mumiedzo mikuru.—Jobho 2:4, 5.
Kudya kwaShe Kwemanheru kurangarirwawo kunokosha kworudo rwokuzvipira rwaJesu. Pasinei nemiedzo inoverengeka, Jesu akaramba achiteerera Baba vake zvakakwana. Saka aikwanisa kupa upenyu hwake hwakakwana somunhu kubhadhara mutengo mukuru wechivi chaAdhamu. Sokutsanangura kwakaita Jesu pachake, akauya ‘kuzopa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.’ (Mateu 20:28) Saka vose vanotenda muna Jesu vangakanganwirwa zvivi zvavo ndokuwana upenyu husingaperi maererano nechinangwa chaJehovha chepakutanga nokuda kwevanhu.—VaRoma 5:6, 8, 12, 18, 19; 6:23; 1 Timoti 2:5, 6.a
Zvose izvi zvinosimbisawo kunaka kukuru kwaJehovha uye mutsa wake usina kufanirwa mukuita urongwa hwokuti vanhu vapone. Bhaibheri rinoti: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaoneswa kwatiri, nokuti Mwari akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi munyika kuti tiwane upenyu naye. Rudo rwuri muchinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida akatumira Mwanakomana wake sechibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu.”—1 Johani 4:9, 10.
Chokwadi, Chirangaridzo kuchengeta kwakaisvonaka zvikuru! Chiri nyore uye chinogona kuchengetwa pasi pose mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, nepo chiri chiyeuchidzo chinokosha kwenguva yakareba.
Zvakunoreva Kwauri
Rufu rwechibayiro rwaShe wedu Jesu Kristu rwakaitwa pamutengo mukuru kwaari uye kuna Baba vake, Jehovha. Somunhu akakwana, Jesu haana kutarisana norufu rwokuberekwa narwo zvatinoita isu tose. (VaRoma 5:12; VaHebheru 7:26) Aigona kudai akararama nokusingaperi. Upenyu hwake hwaisagona kutorwa kunyange nokuita zvokumanikidzwa iye asingadi. Akati: “Hapana munhu akatora [upenyu hwangu] kwandiri, asi ndino[h]upa nokuzvidira.”—Johani 10:18.
Asi Jesu akapa nokuzvidira upenyu hwake hwomunhu hwakakwana sechibayiro kuitira kuti “norufu rwake aparadze uyo ane simba rokuparira rufu, iye Dhiyabhorosi; uye kuti asunungure vose avo nemhaka yokutya rufu vakanga vari muuranda kwoupenyu hwavo hwose.” (VaHebheru 2:14, 15) Rudo rwokuzvipira rwaKristu runoonekwazve munzira yokufa kwaakaita. Ainyatsoziva kutambura kwaaizoita ndokufa.—Mateu 17:22; 20:17-19.
Chirangaridzo chinotiyeuchidzawo nezvokuratidzwa kukuru kworudo kwati kwamboitwa naBaba vedu vokudenga, Jehovha. Zvaimurwadza zvikuru kuti iye, uyo “ane rudo rukuru kwazvo uye ane ngoni,” anzwe, uye aone “kuchema zvikuru nemisodzi,” kwaJesu mubindu reGetsemane, kurohwa zvine utsinye, kurovererwa kwoutsinye, uye kufa zvishoma nezvishoma, kunorwadza. (Jakobho 5:11, NW; Ref., mashoko omuzasi; VaHebheru 5:7; Johani 3:16; 1 Johani 4:7, 8) Kungozvifunga kunyange iye zvino papera mazana emakore, zvinorwadza pfungwa dzevakawanda.
Funga kuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vakabhadhara mutengo wakakura kudaro pamusana pedu isu vatadzi! (VaRoma 3:23) Zuva nezuva, zvinorwadza kutarisana nokutadza uye kusakwana kwedu. Zvisinei, nokutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu, tinogona kukumbira Mwari kuti atikanganwire. (1 Johani 2:1, 2) Izvi zvinoita kuti isu tikwanise kuva norusununguko rwokutaura naMwari uye kuva nehana yakachena. (VaHebheru 4:14-16; 9:13, 14) Uyezve, tingava netariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. (Johani 17:3; Zvakazarurwa 21:3, 4) Zvikomborero izvi nezvimwe zvakawanda zvose migumisiro yokuzvibayira kukuru kwaJesu.
Kuratidza Kuonga Kudya kwaShe Kwemanheru
Hapana mubvunzo kuti Kudya kwaShe Kwemanheru kuratidzwa kwakaisvonaka kwo“mutsa mukuru usina kufanirwa waMwari.” Uye urongwa hwaJehovha Mwari hwechibayiro chorudzikinuro—hwakaitwa kuti hubvire kuburikidza norudo rwaJesu rwokuzvipira—chokwadi “chipo [chake] chepachena chisingarondedzereki.” (2 VaKorinde 9:14, 15) Kuratidza uku kwaMwari runako rwake achishandisa Jesu Kristu hakukuiti kuti uve nepfungwa yakadzama uye isingaperi yokuonga here?
Tinovimba kuti kunodaro. Naizvozvo, tinokukoka noushamwari kuzoungana neZvapupu zvaJehovha pakuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaJesu. Gore rino Chirangaridzo chacho chichaitwa musi weChitatu, April 16, zuva ranyura. Zvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako zvichafara kukuzivisa nguva chaiyo nenzvimbo ichaitirwa chiitiko ichi chinokosha zvikuru.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwokukurukurwa kwakadzama kworudzikinuro, tapota ona bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 6]
“UYU NDIWO MUVIRI WANGU” KANA KUTI “ICHI CHINOREVA MUVIRI WANGU” NDEZVIPI?
Jesu paakati, “Ndini musuo” uye, “Ndini muzambiringa wechokwadi,” hapana munhu akafunga kuti aiva musuo chaiwo kana muzambiringa chaiwo. (Johani 10:7; 15:1) Saizvozvowo, The New Jerusalem Bible parinodzokorora mashoko aJesu richiti: “Kapu iyi ndiyo sungano itsva,” hatigumisi kuti kapu pachayo ndiyo yaiva sungano itsva. Saka, paakatiwo chingwa ‘chaiva’ muviri wake, zviri pachena kuti chingwa chaireva, kana kuti chaifananidzira, muviri wake. Nokudaro, shanduro yaCharles B. Williams inoti: “Ichi chinomirira muviri wangu.”—Ruka 22:19, 20.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Chingwa chisina kuviriswa uye waini zviratidzo zvakakodzera zvomuviri waJesu usina chivi uye ropa rake rakadeurwa
[Mufananidzo uri papeji 7]
Chirangaridzo chiyeuchidzo chorudo rukuru rwakaratidzwa naJehovha Mwari naJesu Kristu