‘Kunzwisisa Zvatiri’—Panguva yeChirangaridzo
“Kana tikanzwisisa zvatiri timene, hatisati taizotongwa . . . kuti tigorega kushurikidzwa.”—1 VAKORINTE 11:31, 32, “NW.”
1. MaKristu echokwadi anoda chaizvoizvo kudzivisei, uye nei?
CHINHU chokupedzisira icho muKristu anoda kutongwa zvakaipa naJehovha. Kutsamwisa “Mutongi wapasi rose” kungagona kutungamirira ku‘kuva anoshurikidzwa nenyika’ nokurasikirwa noruponeso. Ikoko kwakadaro kana tine tariro youpenyu mudenga naJesu kana kuti youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi.—Genesi 18:25, NW; 1 VaKorinte 11:32.
2, 3. Tingatongwa zvakaipa munhaui, uye chii chakataura Pauro pamusoro paikoku?
2 Muna 1 VaKorinte ganhuro 11, muapostora Pauro akataura nharaunda umo tingapinda murutongeso. Nepo akanangidzira tsinhiro dzake kumaKristu akazodzwa, zano rake rinokosha kuvose, zvikurukuru mumwaka uno. Kunzwisisa kwedu zvatiri timene kunogona kutibetsera kuva netendero yaMwari ndokusatongwa. Mukukurukura kuchengetwa kwegore negore kweChirairo chaShe, Pauro akanyora, achiti:
3 “Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, wakatora chingwa; akati aonga, akachimedura, akati: ‘Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.’ Saizvozvowo, vakati vapedza kuraira, akatora mukombe, akati: ‘Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.’ Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achiuya.”—1 VaKorinte 11:23-26.a
4. Chii chichaitika pamadekwana aApril 10, 1990?
4 Pashure pokuvira kwezuva pana April 10, 1990, Zvapupu zvaJehovha zvichachengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Kazhinji kazhinji, boka rakaungana richava ungano imwe; nokudaro kuchava nenzvimbo yavanhu vachigere kuva Zvapupu. Musangano wacho uchava wakaita seiko? Kuchava nehurukuro yeBhaibheri. Ipapo, pashure pomunyengetero, chingwa chichapfuudzwa. Mumwe munyengetero unosuma kupfuudzwa kwomukombe. Panzvimbo pokuti kwose ikoku kuve mukuwirirana netsika yomuitiro kana kuti muitiro usingachinjiki, chiverengero chezvingwa kana kuti mikombe nenzira yazvinopfuudzwa nayo inorongwa mukuwirirana nomugariro womunzvimbomo. Chinhu chikuru ndechokuti zvinhu zvacho zviwanike kuvose vanopinda, kunyange zvazvo vazhinjisa vachangozvipfuudza zvavo vasingadyi. Zvinhui, kunyanguvezvo, zvinopfuudzwa, uye izvo zvinorevei? Uyezve, chii chatinofanira kurangarira pachine nguva mberi kuti tigonzwisisa zvatiri timene?
“Ichi Ndiwo Muviri Wangu”
5, 6. (a) Jesu akaitei nechingwa? (b) Rudzii rwechingwa rwaakashandisa?
5 Tarava izvo Pauro “akagamuchira kunaShe” pamusoro peChirangaridzo. Kunewo nhauro dzakanyorwa navanyori vatatu veEvhangeri, mumwe wavo akanga aripo apo Jesu akatanga iyi chengeto. (1 VaKorinte 11:23; Mateo 26:26-29; Marko 14:22-25; Ruka 22:19, 20) Idzi nhauro dzinotaura kuti Jesu akatanga kutora chingwa, akanyengetera, uye ipapo akamedura ndokuchiparadzira. Chii chakanga chiri chingwa ichocho? Nenzira inowirirana, chii chinoshandiswa nhasi? Chinorevei kana kuti kumirira?
6 Zvaivapo zvakanga zviri zvinhu zvakabva pachirairo chePaseka chechiJudha, chimwe chichiva chingwa chisina kuviriswa, icho Mosesi akadana kuti “chingwa chisina kuviriswa . . . chingwa chokutambudzika.” (Dheuteronomio 16:3; Eksodho 12:8) Ichi chingwa chakaitwa noupfu hwegorosi pasina kushandisa mbiriso, munyu, kana kuti zvokurungisa. Zvachakanga chisina kuviriswa (chiHebheru, mats·tsahʹ), chakanga chakati sandara uye chakaomarara; chaifanira kumedurwa kuukuru hunodyika.—Marko 6:41; 8:6; Mabasa 27:35.
7. Chii chinoshandisa Zvapupu zvaJehovha nokuda kwechingwa mukati meChirangaridzo?
7 Jesu akashandisa chingwa chisina kuviriswa muChirairo chaShe, naizvozvo Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoita zvakafanana. Matzo dzechiJudha dzenguva dzose dzinobatira iri donzo kana dzisina kuitwa nezvinhu zvakawedzerwa, zvakadai sechimera, hanyanisi, kana kuti mazai. (Matzo dzine zvinowedzerwa izvozvo hadzisati dzaizotongowirirana nerondedzero yokuti “chingwa chokutambudzika.”) Kana kuti vakuru veungano vangaita kuti mumwe munhu aite chingwa chisina kuviriswa nomukanyiwa woupfu hwegorosi nemvura. Kana upfu hwegorosi husingawaniki, chingwa chisina kuviriswa chinogona kuitwa noupfu hwebhari, mupunga, chibage, kana kuti imwe mbeu. Mukanyiwa unotetepeswa ndokubhekwa parata rokubikira rakaiswa mafuta mashomanene.
8. Neiko chingwa chisina kuviriswa chiri chiratidzo chakafanira, uye kuchidya kunoratidzirei? (VaHebheru 10:5-7; 1 Petro 4:1)
8 Chingwa chakadaro chakafanira nemhaka yokuti hachina mbiriso (yisiti), iyo Bhaibheri rinoshandisa kumirira uipi kana kuti chivi. Pauro akapa zano pamusoro pomurume woutere aiva muimwe ungano: ‘Mbiriso shoma inovirisa bundu rose. Bvisai mbiriso yekare, kuti mugova vasina mbiriso. Kristu paseka yedu akabairwa. Ngatichengetei mutambo, kwete nembiriso youshati kana kuti uipi, asi nezvingwa zvisina kuviriswa zvouchokwadi nezvokwadi.’ (1 VaKorinte 5:6-8; enzanisa naMateo 13:33; 16:6, 12.) Chingwa chisina kuviriswa chiratidzo chakakodzera chomuviri wohunhu waJesu, nokuti iye akanga ari “akavimbika, asina mhaka, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa navatadzi.” (VaHebheru 7:26, NW) Jesu akanga aripo mumuviri wake wakakwana wohunhu paakati kuvaapostora: “Torai mudye ichi [chingwa], chinoreva muviri wangu.” (Mateo 26:26, A New Translation of the Bible, yakanyorwa naJames Moffatt) Kudya chingwa kunoreva kuti munhu anodavira betsero yechibairo chaJesu nokuda kwake uye anochigamuchira. Zvakawanda, kunyanguvezvo, zvinobatanidzwa.
Waini Ine Revo
9. Ndichimwe chiratidziroi icho Jesu akati chinofanira kushandiswa?
9 Jesu akashandisa chimwe chiratidzo: “Akatorawo mukombe, uye pashure pokutenda Mwari akaupa kwavari achiti, ‘Inwai mauri, mose zvenyu; uyu unoreva ropa rangu, sungano yeropa itsva, rakadeurirwa vazhinji, kuti vawane kanganwirwo yezvivi zvavo.’” (Mateo 26:27, 28, Moffatt) Chiiko chakanga chiri mumukombe iwoyo wavose uyo akapfuudza, uye chinorevei nokuda kwedu sezvatinovavarira kunzwisisa zvatiri timene?
10. Waini yakawana sei nzvimbo muPaseka yechiJudha?
10 Apo Mosesi pakuvamba akaonesa mabiko ePaseka, haana kududza chinwiwa. Nyanzvi dzakawanda dzinodavira kuti waini yakapinzwa muPaseka gare gare zvikuru, zvichida muzana ramakore rechipiri P.N.V.b Muchinoitika chipi nechipi, kushandiswa kwewaini muichi chidyo kwaizivikanwa navose muzana rokutanga ramakore, uye Jesu haana kukuramba. Iye akashandisa waini yePaseka pakutanga Chirangaridzo.
11. Iwaini yorudzii yakafanira kushandisa mukati meChirairo chaShe?
11 Sezvo Paseka yechiJudha yaiitika kare kare pashure pokuchekwa kwamazambiringa, Jesu aizova achishandisa, kwete muto usina kuviriswa, asi waini tsvuku iyo yaigona kumirira nyore nyore ropa rake. (Enzanisa naZvakazarurwa 14:20.) Ropa raKristu raisafanira kuwedzerwa, naizvozvo wainiwo zvayo yakafanira, panzvimbo pewaini yakasimbiswa nebhurandi (zvakadai seport, sherry, kana kuti muscatel) kana kuti kuita kuti zvinonhuwira kana kuti miti zviwedzerwe (vermouth, Dubonnet, kana kuti aperitifs). Hatifaniri, kunyanguvezvo, kuva vanozvidya mwoyo pamusoro pokuti waini yaigadzirwa sei, kana shuga yaiwedzerwa mukati mokuvira kuiita kuti ive yokunaka kwapaavhareji kana kuti ive nechinodhaka kana kuti kana sulfur shomanene yaishandiswa kudzivisa kushata.c Ungano dzakawanda dzinoshandisa waini tsvuku inotengeswa (zvakadai seChianti, Burgundy, Beaujolais, kana kuti claret) kana kuti waini tsvukuwo zvayo inogadzirwa pamba. Waini nechingwa zvinongova hazvo zviratidzo, kana kuti zviratidziro; nokudaro, zvipi nezvipi zvisina kushandiswa zvinogona kuendeswa kumusha ndokushandiswa gare gare sezvimwe zvinhu zvokudyawo hazvo kana kuti zvinwiwa.
12. Jesu akatsanangura kuti waini ine revoi yokumirira?
12 Idi rokuti Jesu akataura nezveropa rake pausiku hwePaseka ringagona kuva rakayeuchidza ropa ramakwaiana shure muEgipita. Asi cherechedza kuti Jesu akaita sei zvomenemene enzaniso yakasiana, achiti: “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi.” (Ruka 22:20) Mwari pamberi pezvi akanga aita sungano norudzi rwaIsraeri wokunyama, uye iyo yakatangwa neropa rezvibairo zvemhuka. Pakanga pane wirirano pakati peropa rezvibairo izvozvo neropa raJesu. Ose ari maviri akabatanidzwa mukutanga kwaMwari sungano norudzi rwavanhu vake. (Eksodho 24:3-8; VaHebheru 9:17-20) Rumwe rutivi rwesungano yoMutemo rwakanga rwuri rwokuti Israeri wokunyama aiva nekariro yokuumba rudzi rwamadzimambo navaprista. (Eksodho 19:5, 6) Zvisinei, pashure pokunge Israeri akundikana kuchengeta sungano yaJehovha, iye akataura kuti aizotsiva “sungano yekare” ne“sungano itsva.” (VaHebheru 9:1, 15; Jeremia 31:31-34) Mukombe wewaini uyo Jesu zvino akapfuudza pakati pavaapostora vakatendeka wakamirira iyi sungano itsva.
13, 14. (a) Kuva musungano itsva kunorevei? (b) Chii chinoratidzirwa nokudya kwomunhu zviratidziro?
13 MaKristu anopinzwa muiyi sungano itsva anosvika pakuumba rudzi rwomudzimu rwamadzimambo navaprista. (VaGaratia 6:16) Muapostora Petro akanyora, achiti: “Imi muri ‘rudzi rwakasarudzwa, uprista hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vepfuma chaiyo, kuti mugofanira kuzivisa kwakafara zvakaisvonaka’ zvouyo akakudanai kubuda murima muchipinda muchiedza chake chinoshamisa.” (1 Petro 2:9, NW) Kwakajeka kuti ruponesoi rwavanogamuchira—upenyu mudenga savatongi biyake naJesu. Zvakazarurwa 20:6 (NW) inosimbisa ikoku, ichiti: “Anofara uye mutsvene ndiye munhu upi noupi ano rutivi murumuko rwokutanga; . . . ivo vachava vaprista vaMwari navaKristu, uye vachatonga samadzimambo naye kwamakore ane chiuru.”
14 Kutaura idi, pashure pokunge Jesu araira vaapostora kudya chingwa newaini zvokuratidzira, akavaudza kuti ivo vaizo‘dya nokunwa patafura yake muumambo hwake, uye kugara pazvigaro zvoumambo kuti vatonge marudzi gumi namaviri aIsraeri.’ (Ruka 22:28-30) Somuuyo, kudya zviratidziro zveChirangaridzo kunoreva zvinopfuura kungodavira chete chibairo chaJesu. MuKristu ari wose anofanira kugamuchira rudzikinuro ndokushandisa kutenda kana iye achizowana upenyu husingaperi munzvimbo ipi neipi. (Mateo 20:28; Johane 6:51) Asi kudya zviratidziro kunoratidzira kuti munhu ari musungano itsva, akasarudzwa kuva naJesu muUmambo hwake.
Kudikanwa Kwokunzwisisa Panguva yeChirangaridzo
15. Jesu akatanga sei tariro itsva nokuda kwavabatiri vaMwari?
15 Sezvo nyaya yakapfuura yakatsanangura, pamberi penguva yaJesu vabatiri vakavimbika vaMwari vakanga vasina tariro yokuenda kudenga. Ivo vaikarira kuwana upenyu husingaperi pasi pano, musha wapakuvamba worudzi rwomunhu. Jesu Kristu akanga ari wokutanga kumutswa somudzimu, uye iye akava wokutanga akabva murudzi rwomunhu kuendeswa kudenga. (VaEfeso 1:20-22; 1 Petro 3:18, 22) Pauro akasimbisa ikoku, achinyora, kuti: “Tine ushingi hwokupinda munzvimbo tsvene neropa raJesu, iyo akativambira senzira itsva nemhenyu.” (VaHebheru 10:19, 20, NW) Ndivanaani vaizotevera, pashure pokunge Jesu azarura nzira iyoyo?
16. Nguva yemberi inei nokuda kwaavo vanodya chingwa newaini?
16 Usiku uhwo Jesu akavamba Chirairo chaShe, akaudza vaapostora vake vakavimbika kuti akanga achivagadzirira nzvimbo mudenga. (Johane 14:2, 3) Yeuka, kunyanguvezvo, kuti Jesu akataurawo kuti vanodya chingwa nomukombe vaizova muUmambo hwake ndokugara pazvigaro zvoumambo kuti vatonge. Ivavo vaizongova bedzi vaapostora here? Aiwa, nokuti gare gare muapostora Johane akaziva kuti mamwe maKristuwo aizokurira ndoku‘gara naJesu pachigaro chake choumambo,’ uye pamwe chete ivo vaizova ‘umambo navaprista kuti vatonge pamusoro papasi.’ (Zvakazarurwa 3:21; 5:10) Johane akazivawo hwerengedzo yamaKristu ano“torwa mupasi”—144 000. (Zvakazarurwa 14:1-3) Nemhaka yokuti iri iboka duku zvikuru, “boka duku” rikaenzaniswa navose vakanamata Mwari mumazera ose, nzwisiso chaiyo inodikanwa panguva yeChirangaridzo.—Ruka 12:32, NW.
17, 18. (a) Mamwe maKristu aiva muKorinte akawira mutsikai? (b) Neiko kunyanyisa muzvokudya nokunwa kwakanga kwakakomba kwazvo? (VaHebheru 10:28-31)
17 Pauro akamutsa ikoku mutsamba yake kuvaKorinte panguva apo vamwe vaapostora vakanga vachiri vapenyu uye apo Mwari akanga achidana maKristu “kuva vatsvene.” Pauro akataura kuti muitiro wakashata wakanga waitika pakati paavo vaivamo vaisungirwa kudya zviratidziro. Vamwe vaidya zvokudya pachine nguva mberi apo ivo vaidyisa kana kuti kunwisa, kuchivaita vanotsimwaira, kugomadzwa mupfungwa dzavo. Somuuyo, vaisagona “kunzwisisa muviri,” muviri wenyama waJesu wakamirirwa nechingwa. Ikoko kwakanga kwakakomba kwazvo here? Hungu! Kupfurikidza nokudya nenzira isina kufanira, ivo vakava “nemhaka pamusoro pomuviri neropa raShe.” Kudai ivo vakanga vakasvinura mundangariro nomumudzimu, ‘vaigona kunzwisisa zvavakanga vari uye havasati vaizotongwa.’—1 VaKorinte 1:2; 11:20-22, 27-31.
18 Chii chaida maKristu iwayo kunzwisisa uye sei? Zvikurukuru, aifanira kunzwisisa mumwoyo nendangariro kudanwa kwacho kuva pakati pavadyi venhaka vane 144 000 voupenyu hwokudenga. Ivo vakanzwisisa sei ikoku, uye vazhinji nhasi vanofanira kudavira kuti ivo rutivi rweiri boka duku Mwari ave achisarudza chibviro chezuva ravaapostora here?
19. Mugariroi unokosha wakatekeshera mukati meChirangaridzo cha 1989?
19 Zvomenemene, vorushoma bedzi vaduku zvikuru vamaKristu echokwadi nhasi vanonzwisisa ikoku pamusoro pavo vamene. Pakuchengetwa kweChirairo chaShe muna 1989, vanopfuura 9 479 000 vakaungana muungano dzeZvapupu zvaJehovha kupote pasi. Vanenge 8 700 vakataura kuva vane tariro yoku‘poneswa nokuda kwoumambo hwokudenga.’ (2 Timotio 4:18) Voruzhinji zvikuru—hungu, mamirioni amamwe maKristu akavimbika, akakomborerwa akaungana—akanzwisisa kuti tariro yavo yakasimba kurarama nokusingaperi pasi pano.
20. Avo ve 144 000 vanoziviswa sei kuti vakadanwa? (1 Johane 2:27)
20 PaPentekosta 33 N.V., Mwari akavamba kusarudza 144 000 nokuda kwoupenyu hwokudenga. Sezvo iyi tariro yakanga iri itsva, yakanga isina vabatiri vaMwari pamberi penguva yaJesu, avo vanosarudzwa vaizoziva sei kana kuti kuva nechokwadi netariro iyoyi? Ivo vanonzwisisa ikoku kupfurikidza nokugamuchira chipupuriro kwakuri chinopiwa nomudzimu mutsvene waMwari. Ikoko hakurevi kuti ivo vanoona zvomenemene mudzimu (hausati uri munhu) kana kuti kuva nechiono chendangariro chomudzimu unokurukurirana navo, kana kuti kunzwa manzwi anobva munzvimbo yemidzimu. Pauro anotsanangura, achiti: “Mudzimu umene unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari . . . Tiriwo vadyi venhaka: vadyi venhaka zvamazvirokwazvo vaMwari, asi vadyi venhaka pamwe chete naKristu, chero tikatambura pamwe chete kuti tigopiwawo mbiri pamwe chete.”—VaRoma 8:16, 17, NW.
21. (a) Vakazodzwa vanoziva sei kuti vane tariro yokudenga? (1 VaKorinte 10:15-17) (b) Rudzii rwavanhu vari vakazodzwa, uye ivo vanopupurira sei nenzira yokuzvininipisa tariro yavo?
21 Ichi chipupuriro, kana kuti kuziva, kunochinja kufunga kwavo netariro. Ivo vachiri vanhu, vanofarikanya zvinhu zvakanaka zvechisiko chapasi chaJehovha, bva nhungamiro huru youpenyu hwavo nezvokuitira hanya zviri pakuva vadyi venhaka pamwe naKristu. Ivo havana kusvika pauyu murangariro kupfurikidza namanyemwe. Ivo vanhu vakatsarukana, vakadzikama mumirangariro yavo nomufambiro. Zvavachitsveneswa nomudzimu waMwari, kunyanguvezvo, ivo vanopwiswa nezvokudanwa kwavo, vasati vachiva nepanikiro dzinopfuurira pamusoro pako. Ivo vanoziva kuti ruponeso rwavo ruchava rwokudenga kana vakabvumikisa kuva vakatendeka. (2 VaTesaronika 2:13; 2 Timotio 2:10-12) Vachinzwisisa chinoreva chibairo chaJesu nokuda kwavo nokunzwisisa kuti ivo maKristu akazodzwa nomudzimu, vanodya nokuzvininipisa zviratidziro zveChirangaridzo.
22. Chii icho vazhinjisa vaavo vanopinda Chirairo chaShe vachanzwisisa?
22 Vazhinjisa vaavo vachaungana nenzira yokuteerera pana April 10 havana tariro iyoyo, nokuti Mwari haana kuvazodza nomudzimu, achivadana kuupenyu hwokudenga. Sezvatacherechedza, Mwari akavamba kusarudza vane 144 000 shure muzuva ravaapostora. Asi nokupedzwa kwokudanwa ikoko, kunofanira kukarirwa kuti vamwe vanouya kuzomunamata vaizova netariro yaiva naMosesi, Dhavhidhi, Johane Mubhapatidzi, uye vamwe vakatendeka vakafa Jesu asati azarura nzira itsva yokuupenyu mudenga. Nokudaro, mamirioni amaKristu akavimbika naanoshingaira nhasi haadyi zviratidziro zveChirangaridzo. MaKristu akadaro anonzwisisa zvaari pamberi paMwari mupfungwa yokuti ivo vanonzwisisa mutariro yavo yakasimba. Ivo vanobetserwa neropa raJesu nomuviri kupfurikidza nokuita kuti zvivi zvavo zvikanganwirwe uye ipapo kuwana upenyu husingagumi pasi pano.—1 Petro 1:19; 2:24; Zvakazarurwa 7:9, 15.
23. Neiko Chirangaridzo chichava kuchengeta kunofadza? (Enzanisa na 2 Makoronike 30:21.)
23 Ipapoka, ngatikarirei kuchengeta kunofadza pana April 10. Ichava nguva yokushandisa nzwisiso asiwo nguva yomufaro. Mufaro nokuda kwechiverengero chiduku chine tariro yokudenga avo nenzira yakafanira uye nenzira yokuteerera vachadya chingwa nomukombe. (Zvakazarurwa 19:7) Mufarowo nokuda kwamamirioni amaKristu anofara ayo madekwana iwayo achacherechedza ndokudzidza uye avo vanokarira kuyeuka nokusingaperi pasi pano chengeto iyoyo ine revo.—Johane 3:29.
[Mashoko Omuzasi]
a “Pausiku umo Iye akapiwa Ishe Jesu akatora chingwa; achipa kuonga, Iye akachimedura ndokuti: ‘Uyu ndiwo muviri wangu uri wenyu; itai ikoku sechirangaridzo changu.’ Nenzira yakafanana Iye akatora mukombe apo chirairo chakanga chapera, ndokuti: ‘Mukombe uyu isungano itsva, yakaiswa chisimbiso neropa rangu; nguva iri yose yamunounwa, kuitei sechirangaridzo changu.’”—An Expanded Paraphrase of the Epistles of Paul, yakanyorwa naF. F. Bruce.
b Imwe nyanzvi inopa uyu murangariro pamusoro pechikonzero nei waini yakawedzerwa: “[Paseka] yakanga isati ichafanira kuva kuunganidzwa kwegore negore kwakakomba kwavakuru vechirume; yaifanira kuva nhambo yomutambo wemhuri, umo kunwiwa kwewaini kwakawana nzvimbo yomuzvarirwo.”—The Hebrew Passover—From the Earliest Times to A.D. 70, rakanyorwa naJ. B. Segal.
c Kuvambira munguva dzakare munyu, zvichena zvamazai, uye zvimwe zvinhu zvakashandiswa kujekesa kana kuti kubudisa ruvara nokunaka zvewaini, vaRoma vachitoshandisa sulfur sechinouraya mbeu dzose dzehosha mukuita waini.
Ndeipi Iri Mhinduro Yako?
◻ Neiko chingwa chisina kuviriswa chichipfuudzwa mukati meChirangaridzo, uye icho chinoratidzirei?
◻ Chii chiri mukombe unopfuudzwa mukati meChirairo chaShe, uye iwo unomirirei?
◻ Neiko nzwisiso ichidikanwa pamusoro pechengeto yeChirangaridzo?
◻ Neiko uri kukarira Chirangaridzo chiri kuuya?