CHITSAUKO 30
“Rambai Muchifamba Murudo”
1-3. Zvakanakirei kuti titevedzere Jehovha pakuratidza rudo?
“KUPA kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Mashoko iwayo akataurwa naJesu anotidzidzisa kuti kuva nerudo rwechokwadi kunounza mubayiro wakakura. Kunyange zvazvo tichifara zvikuru kana tikapiwa chimwe chinhu, mufaro watinowana tikapa vamwe kana kuti tikavaratidza rudo, wakatokura.
2 Hapana munhu anoziva kuti ichi ichokwadi zvakadini kupfuura Baba vedu vekudenga. Sezvatakaona muzvitsauko zvatichangopedza muchikamu chino, pana Jehovha ndipo patinotodzidza chinonzi kuratidza rudo. Hapana munhu akamboratidza rudo nenzira dzakakura kupfuura dzaakaratidza nadzo uye kwenguva yakareba kupfuura yaakaita. Regai Bhaibheri rizomuti “Mwari anofara.”—1 Timoti 1:11.
3 Mwari wedu ane rudo anoda kuti tiedze kufanana naye, kunyanya pakuratidza rudo. VaEfeso 5:1, 2 inotiudza kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa, uye rambai muchifamba murudo.” Patinotevedzera Jehovha pakuratidza rudo, tinowana mufaro mukuru unobva pakupa. Tinobva tawanawo mufaro unobva pakuziva kuti tiri kufadza Jehovha, nekuti Shoko rake rinotikurudzira “kudanana.” (VaRoma 13:8) Asi pane zvimwezve zvakanakira ‘kuramba tichifamba murudo.’
Nei Rudo Ruchikosha?
4, 5. Nei zvichikosha kuti tiratidze rudo kuhama dzedu dzechiKristu?
4 Nei zvichikosha kuti tiratidze rudo kuhama dzedu dzechiKristu? Tingatoti rudo ndirwo rwakabata chiKristu chechokwadi. Pasina rudo hatigoni kubatana zvakasimba nehama dzedu dzechiKristu, uye chinotonyanya kuita kuti nyaya iyi ikoshe ndechekuti kuna Jehovha tinenge tisiri chinhu kana tisina rudo. Ona kuti Shoko raMwari rinosimbisa sei chokwadi ichi.
5 Usiku hwake hwekupedzisira ari pasi pano, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sekukudai kwandakaita, imiwo dananai. Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:34, 35) Mashoko ekuti “sekukudai kwandakaita” anoreva kuti tinofanira kuratidza rudo serwakaratidzwa naJesu. MuChitsauko 29 takadzidza kuti Jesu akaratidza rudo rwekuzvipira achifunga zvakanakira vamwe kupfuura zvakanakira iye. Nesuwo tinofanira kuratidza rudo tichifunga vamwe kupfuura kuzvifunga isu pachedu, uye rudo rwedu runofanira kuonekwa kunyange nevamwe vari kunze kweungano. Rudo rwechokwadi pakati pehama ndirwo runofanira kuratidza kuti tiri vaKristu vechokwadi.
6, 7. (a) Tinoziva sei kuti Shoko raJehovha rinokoshesa kuratidza rudo? (b) Mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinde 13:4-8 anonyanya kutaura nezverudo rwupi?
6 Ko kana tisina rudo? Muapostora Pauro akati: “Kana . . . ndisina rudo, ndinenge ndangova sebhero riri kurira kana kuti sezviridzwa zvesimbi zviri kurovaniswa.” (1 VaKorinde 13:1) Zviridzwa zvese zvataurwa mundima iyi kana zvichingorovaniswa zvinonyaudza. Iyi mienzaniso yakanyatsokodzera. Munhu asina rudo akafanana nechiridzwa chinoita ruzha runonyaudza pane kuita kuti ude kutamba. Vanhu vangade kuva pedyo nemunhu akadaro here? Pauro akatiwo: “Kana ndiine kutenda kwakakura zvekuti ndinofambisa makomo, asi ndisina rudo, hapana zvandiri.” (1 VaKorinde 13:2) Chimbozvifunga, kana munhu asina rudo, kuna Mwari hapana zvaanobatsira. Hazvisi pachena here kuti Shoko raJehovha rinoratidza kuti rudo runokosha?
7 Asi tingaratidza sei rudo pamabatiro atinoita vamwe? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngationgororei mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinde 13:4-8. Ndima idzi hadzisi kutaura nezverudo rwaMwari kwatiri kana kuti kuda kwatinofanira kuita Mwari. Pauro aitaura nezvekuratidzana rudo isu pachedu. Akataura zvimwe zvinoitwa nerudo uye zvarusingaiti.
Zvakaita Rudo
8. Kuva nemwoyo murefu kunotibatsira sei pamabatiro atinoita vamwe?
8 “Rudo rune mwoyo murefu.” Izvi zvinoreva kuti kuratidza munhu rudo kunoreva kumuitira mwoyo murefu. (VaKorose 3:13) Pane asingadi kuitirwa mwoyo murefu here? Sezvo tiri vanhu vakaberekerwa muchivi uye tichishanda pamwe chete, hazvingambotadzi kuitika kuti hama dzedu dzechiKristu dzitigumbure kana kuti isusuwo tivagumbure. Asi kana tiine mwoyo murefu zvichatibatsira kuti tirege kugumburwa netunhu tudiki twatinoitirwa nehama dzedu, tochengeta rugare rweungano.
9. Tingaratidza sei vamwe mutsa?
9 “Rudo . . . rune mutsa.” Mutsa unoratidzwa nekubatsira vamwe uye kutaura navo nekungwarira. Rudo runoita kuti titsvage nzira dzekuratidza nadzo mutsa, kunyanya kune vaya vanenge vachida rubatsiro. Imwe hama yechiKristu yakura inogona kunge ichisurukirwa, ichidawo munhu angaishanyire kuti aikurudzire. Vamwe amai vari kurera mwana vari vega kana kuti hanzvadzi inenge iri yega Chapupu mumhuri mayo inogona kunge ichida kubatsirwa. Munhu ari kurwara kana kuti ari kusangana nerimwe dambudziko anogona kukurudzirwa kana akanzwawo mamwe mashoko anotaurwa neshamwari yakavimbika. (Zvirevo 12:25; 17:17) Kana tikaita zvinhu zvakadaro, tinenge tichiratidza kuti rudo rwedu nderwechokwadi.—2 VaKorinde 8:8.
10. Rudo runotibatsira sei kutsigira uye kutaura chokwadi kunyange pazvinenge zvisiri nyore?
10 “Rudo . . . runofara nechokwadi.” Imwe shanduro yeBhaibheri inoti: “Rudo . . . runofarira chokwadi.” Rudo runoita kuti titsigire chokwadi uye ‘titaurirane chokwadi.’ (Zekariya 8:16) Ngatitii munhu watinoda aita chivi chakakura; kuda Jehovha, uye mutadzi wacho, kuchatibatsira kuti titsigire mitemo yaJehovha pane kuvanza zvaitwa, kana kuona sekuti hazvina kuipa, kana kutonyepa nezvechivi chacho. Zvinogona hazvo kuoma kubvuma kuti ndizvo zvaitika. Asi kana tichida hama yedu zvinobva pamwoyo, tichaita kuti abatsirwe nechirango chaJehovha icho chinoratidza rudo rwake. (Zvirevo 3:11, 12) Sezvo tiri vaKristu vane rudo, tinodawo “kuva vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.”—VaHebheru 13:18.
11. Sezvo rudo ‘ruchishingirira zvinhu zvese,’ chii chatinofanira kuedza kuita pazvinhu zvinokanganiswa nehama dzedu dzechiKristu?
11 “Rudo . . . runoshingirira zvinhu zvese.” Mashoko iwayo pamanyorerwo aakaitwa pachiGiriki anoreva kuti “ruri kufukidza zvinhu zvese.” 1 Petro 4:8 inoti: “Rudo runovhara zvivi zvizhinji.” Kureva kuti muKristu ane rudo haafariri kubudisa pachena twese tunokanganiswa nehama dzake. Kazhinji kacho zvinhu zvinokanganiswa nehama dzedu dzechiKristu zvidikidiki zvekuti zvinogona kungofukidzwa nerudo.—Zvirevo 10:12; 17:9.
12. Muapostora Pauro akaratidza sei kuti aiva nerudo runotenda zvinhu zvese panyaya yaFirimoni, uye tinodzidzei pane zvaakaita?
12 “Rudo . . . runotenda zvinhu zvese.” Rimwe Bhaibheri rinoti “rwakagadzirira kutenda kuti zvinhu zvese zvakanaka.” Hatifungiri hama dzedu zvisina kunaka pasina chikonzero, tichiratidza kusava nechokwadi nezvese zvavanoita. Rudo runotibatsira kuti tifunge kuti hama dzedu dziri kuita zvakanaka uye tivimbe nadzo.a Tinoona muenzaniso wakadaro mutsamba yaPauro yaakanyorera Firimoni. Pauro akanyora achikurudzira Firimoni kugamuchira zvakanaka muranda wake Onisimo akanga ambotiza, asi iye zvino akanga ava muKristu. Panzvimbo pekuita zvekumanikidza Firimoni, Pauro akamukumbira nerudo. Akaratidza kuti aivimba kuti Firimoni achaita zvakarurama achiti: “Ndine chivimbo chekuti uchateerera, saka ndiri kukunyorera ndichiziva kuti uchatoita zvinopfuura zvandiri kutaura.” (Vhesi 21) Rudo parwunoita kuti tiratidze kuti tinovimba nehama dzedu saizvozvo, zvinoita kuti naidzowo dziite zvakanakisisa.
13. Tingaratidza sei kuti tinotarisira kuti hama dzedu dzichaita zvakanaka?
13 “Rudo . . . rune tariro pazvinhu zvese.” Rudo rwunovimba uye rune tariro yekuti zvinhu zvichaita zvakanaka. Rwunoita kuti tive netariro yekuti hama dzedu dzichaita zvakanaka. Kana mumwe watinonamata naye “ava kurasika asingazivi,” tinotarisira kuti achabvuma kubatsirwa kwaanenge achiitwa murudo. (VaGaratiya 6:1) Tinotarisirawo kuti vaya vasina kusimba mukutenda vachasimba. Tinovaitira mwoyo murefu, tichiita zvese zvatinogona kuvabatsira kuti vasimbe mukutenda. (VaRoma 15:1; 1 VaTesaronika 5:14) Kunyange kana hama yedu ikarasika, hatirasi tariro yekuti rimwe zuva ichapengenuka yodzoka kuna Jehovha, sezvakaita mwanakomana akarasika wemumufananidzo waJesu.—Ruka 15:17, 18.
14. Miedzo ipi yatinogona kusangana nayo ingada kuti titsungirire muungano, uye rudo ruchatibatsira sei kuita saizvozvo?
14 “Rudo . . . runotsungirira zvinhu zvese.” Kutsungirira kunoita kuti tikwanise kuramba takasimba patinoomerwa kana kuti patinoodzwa mwoyo. Miedzo inoda kuti titsungirire haingobvi kuvanhu vekunze chete. Dzimwe nguva tinogona kuedzwa muungano chaimo. Sezvo tese tichitadza, dzimwe nguva hama dzedu dzinogona kutigumbura. Mumwe munhu anogona kutaura nesu asina kunyatsofunga, zvotirwadza. (Zvirevo 12:18) Pamwe pane imwe nyaya yakaitika muungano yatinofunga kuti haina kunyatsogadziriswa zvakanaka sezvataifunga. Imwe hama yatinoremekedza inogona kunge iine mamwe maitiro anotigumbura, tichizvibvunza kuti, ‘MuKristu angaita zvinhu zvakadai here?’ Tingaregedza zvinhu zvakadaro zvichiita kuti tisiye ungano, toregedza kushumira Jehovha here? Kana tiine rudo hatidaro! Rudo rwunoita kuti tisarega zvinhu zvinokanganiswa nehama zvichititadzisa kuona zvakanaka zvavanoita kana kuti zvinoitwa neungano yese. Rudo runoita kuti tirambe takatendeka kuna Mwari uye titsigire ungano pasinei nezvinotaurwa kana kuitwa nemumwe munhu anotadza sezvatinongoitawo.—Pisarema 119:165.
Zvarwusingaiti
15. Godo rakaipirei, uye rudo rwuchatibatsira sei kuti tisava naro?
15 “Rudo haruna godo.” Godo rinogona kuita kuti tichive zvinhu zvevamwe, kana kuti makomborero avari kuwana, kana kuti zvimwe zvinhu zvavanokwanisa kuita. Godo rinoparadza zvekuti rikasiyiwa rakadaro rinogona kukanganisa rugare rweungano. Chii chichatibatsira kurwisa mweya weshanje? (Jakobho 4:5) Muchidimbu tingati rudo. Rudo rwunogona kutibatsira kufara nevaya vanenge vaine zvimwe zvinhu zvavawana muupenyu zvatisina. (VaRoma 12:15) Rudo runotibatsira kuti tisarwadziwe kana tikanzwa mumwe munhu achirumbidzwa nekuti ane zvimwe zvaanogona kana kuti ane zvimwe zvinhu zvaakabudirira pazviri.
16. Kana tichinyatsoda hama dzedu, nei tisingafaniri kuzvirumbidza pamusoro pezvatiri kuita mubasa raJehovha?
16 “Rudo . . . haruzvikudzi, haruzvitutumadzi.” Rudo runotidzora kuti tisashamisira nezvatinokwanisa kana kuti nezvatakabudirira pazviri. Kana tichida hama dzedu zvechokwadi, tingagara tichizvirumbidza nezvekubudirira kwatinenge taita muushumiri kana kuti nezvemabasa atinoita muungano here? Kuzvirumbidza kwakadaro kunogona kuita kuti vamwe vaore mwoyo, voona pasina zvavanobatsira kana vachizvienzanisa nesu. Rudo harutibvumiri kuti tizvirumbidze nezvinhu zvatabvumirwa naMwari kuti tiite mubasa rake. (1 VaKorinde 3:5-9) Rudo “haruzvitutumadzi,” kana kuti sezvinotaurwa nerimwe Bhaibheri, “haruzvioni serunokosha kupfuura zvarwuri chaizvo.” Rudo runoita kuti tisazviona setakakwirira kupfuura zvatiri.—VaRoma 12:3.
17. Rudo runoita kuti tizvibate sei tichifunga nezvevamwe?
17 “Rudo . . . haruzvibati zvisina kufanira.” Munhu anozvibata zvisina kufanira anoita zvinhu zvisina unhu kana zvinogumbura vamwe. Kuita zvakadaro kushaya rudo nekuti kusava nehanya nezvakanakira vamwe uye kuti vari kunzwa sei. Asi munhu ane rudo ane nyasha uye anofungawo vamwe. Rudo runoita kuti munhu ave netsika dzakanaka, azvibate nenzira inofarirwa naMwari, uye aremekedze vaanonamata navo. Saka kana tiine rudo ‘hatizvibati zvinonyadzisa,’ kana kuita chero chinhu chinogona kuzovhundutsa kana kugumbura hama dzedu dzechiKristu.—VaEfeso 5:3, 4.
18. Nei munhu ane rudo asingangodi kuti zvinhu zvese zviitwe nenzira yake?
18 “Rudo . . . harutsvagi zvakarunakira.” Dzimwe shanduro dzinopa pfungwa yekuti rudo harungoti zvarwo ndizvo zvoitwa chete. Munhu ane rudo haangodi kuti zvinhu zviitwe nenzira yake chete sekunge kuti mafungiro ake ndiwo ega akarurama. Haaiti kuti vanhu vaite zvaari kuda iye chete achishandisa kugona kwake kutaura. Kuoma musoro kwakadaro kunenge kuchiratidza kuzvikudza, uye Bhaibheri rinoti: “Kuzvikudza kunotangira kuparara.” (Zvirevo 16:18) Kana tichida hama dzedu zvechokwadi, ticharemekedzawo pfungwa dzavo uye kana zvichiita tinogona kuchinja toita zvavanenge vachidawo ivo. Kuchinja zvatanga tichifunga toita zviri kudiwawo nevamwe kunonyatsoenderana nezvakataurwa naPauro paakati: “Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.”—1 VaKorinde 10:24.
19. Rudo runotibatsira kuita sei patinogumburwa nevamwe?
19 “Rudo . . . harutsamwiswi. Haruchengeti chigumbu.” Rudo harukurumidzi kugumburwa nezvinotaurwa nevamwe kana zvavanoita. Zvinongoitika kumunhu wese kuti kana tadenhwa nemunhu tinogumbuka. Asi kunyange kana chikonzero chekugumbuka kwacho chichinzwisisika, rudo runoita kuti tisaramba takagumbuka. (VaEfeso 4:26, 27) Hatiite setiri kunyora pasi zvinhu zvese zvatakatadzirwa kuti tisazozvikanganwa. Rudo rwunoita kuti titevedzere Mwari wedu ane rudo. Sezvatakadzidza muChitsauko 26, Jehovha anokanganwira pese pazvinenge zvakakodzera. Paanotikanganwira anobva akanganwa nyaya yacho, izvo zvinoreva kuti haazotitongi mune ramangwana pamusoro pezvivi zvaakatotiregerera. Handizvo here kuti tese tinoonga kuti Jehovha haachengete zvatinenge tamutadzira?
20. Tinofanira kuita sei kana hama yedu yechiKristu ikapinda muna taisireva pamusana pechivi chayakaita?
20 “Rudo . . . harufariri zvisina kururama.” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinopa pfungwa yekuti rudo harufare kana vamwe vaita zvakaipa. Rudo harufadzwi nezvisina kururama, saka hatiite setisiri kuona kana paine munhu aita zveunzenza. Tinoita sei kana imwe hama yechiKristu ikabatwa nemusungo wechivi yopinda muna taisireva? Kana tiine rudo hatizoita setiri kuti ‘Tsvatu waro! Zvazokuwana!’ (Zvirevo 17:5) Asi tinofara kana hama yakambotadza ikatanga kutora matanho ekuti isimuke zvakare.
“Nzira Inopfuura Dzese”
21-23. (a) Pauro airevei paakati “rudo harumboperi”? (b) Tichakurukurei muchitsauko chekupedzisira?
21 “Rudo harumboperi.” Pauro airevei nemashoko iwayo? Kuri kubva nemashoko acho kuri kuratidza kuti aitaura nezvezvipo zvemweya zvaiva nevaKristu vepakutanga. Zvipo izvozvo zvaishanda kuratidza kuti iye zvino Mwari akanga ava kushandisa ungano yechiKristu yakanga ichangotanga. Asi havasi vaKristu vese vaigona kuporesa, kuprofita, kana kuti kutaura nendimi. Izvozvo zvakanga zvisina basa sezvo zvipo izvozvo zvekuita zvishamiso zvaizopedzisira zvaguma. Asi pane chimwe chinhu chaigona kuva nemuKristu wese uye chakanga chisingazogumi. Chaiva chikuru, uye chichigara kupfuura chero chipo chipi zvacho chekuita zvishamiso. Pauro akatochidana kuti “nzira inopfuura dzese.” (1 VaKorinde 12:31) Ndeipi iyoyo yainzi “nzira inopfuura dzese”? Inzira yerudo.
22 Rudo rwechiKristu rwakatsanangurwa naPauro “harumboperi,” kureva kuti harumbosvika pakuguma. Nanhasi, rudo rwekuda hama tichizvipira runoratidza vateveri vaJesu vechokwadi. Hationi uchapupu hwerudo rwakadaro muungano dzevashumiri vaJehovha pasi rese here? Rudo irworwo ruchagara nekusingaperi, nekuti Jehovha anovimbisa kuti vashumiri vake vakatendeka vachararama nekusingaperi. (Pisarema 37:9-11, 29) Ngatiitei zvese zvatinogona kuti ‘tirambe tichifamba murudo.’ Kana tichidaro, tichava nemufaro mukuru unobva pakupa. Asi chikuru ndechekuti ticharamba tichingoratidza rudo nekusingaperi, tichitevedzera Mwari wedu ane rudo, Jehovha.
Vanhu vaJehovha vanozivikanwa nerudo
23 Muchitsauko chino chiri kupedzisa nyaya yerudo, takurukura kuti tingaratidza sei rudo. Asi patinofunga nezvenzira dzakawanda dzatinobatsirwa nadzo nerudo rwaJehovha, nesimba rake, nekururama kwake, uye neuchenjeri hwake tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndingaratidza sei Jehovha kuti ndinomuda zvechokwadi?’ Mubvunzo iwoyo uchakurukurwa muchitsauko chedu chekupedzisira.
a Asi hazvirevi kuti rudo rwechiKristu rwakapusa. Bhaibheri rinoti: “Ndinokukurudzirai, hama, kuti mucherechedze vaya vanopesanisa vanhu uye vanoisira vamwe zvinogumbura . . . , musiyane navo.”—VaRoma 16:17.