-
Iva Norudo RusingamboperiNharireyomurindi—2009 | December 15
-
-
13. (a) Rugwaro rwegore ra2010 runotii? (b) Sei tichiti rudo haruzomboperi?
13 Pauro anozotitsanangurirawo kuti rudo chii uye anotsanangura zvarwusiri. (Verenga 1 VaKorinde 13:4-8.) Iye zvino chimbozviongorora uone kuti pane zviri kutaurwa nezverudo uri kuita seiwo. Funga nezvemashoko ari mutsetse wokupedzisira mundima 7 uye wokutanga mundima 8, ayo achange ari orugwaro rwegore ra2010, anoti: ‘Rudo runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.’ Cherechedza kuti mundima 8, Pauro akati zvipo zvomudzimu, kusanganisira kuprofita nokutaura nendimi, zvaiitwa ungano yechiKristu ichangotanga, zvaizogumiswa. Zvaizopera. Asi rudo ruchagara ruripo. Jehovha ndiye rudo rwacho, uye anogara nokusingaperi. Saka rudo haruzomboperi, kana kuguma. Rucharamba ruri unhu hwaMwari wedu asingagumi nokusingaperi.—1 Joh. 4:8.
-
-
Iva Norudo RusingamboperiNharireyomurindi—2009 | December 15
-
-
Rudo Harumboperi
20, 21. (a) Nei rudo ruchikosha kupfuura zvimwe zvose? (b) Nei uchida kutevera nzira inopfuura dzose yorudo?
20 Pavanhu vaJehovha mazuva ano tinoona kuti kutevera nzira inopfuura dzose yorudo kuchenjera. Zvechokwadi inopfuura nzira dzose uye inoshanda mumamiriro ose ezvinhu. Cherechedza kusimbisa kwakaita muapostora Pauro pfungwa iyoyo. Chokutanga, akati zvipo zvomudzimu zvaizopera uye kuti ungano yevaKristu yaizokura. Akazopedzisa achiti: “Zvino, zvisinei, kutenda, tariro, rudo, zvitatu izvi, zvinoramba zviripo; asi chikuru pane zvose rudo.”—1 VaK. 13:13.
21 Zvinhu zvatinotenda mazviri zvichapedzisira zvazadzika, zvokuti panenge pasisina hapo chikonzero chokutenda mazviri. Tariro yatiinayo kuti pane zvipikirwa zvichazadzika inenge isisipo nokuti zvinhu zvose zvinenge zvava zvitsva. Ko rudo? Haruzomboperi, kana kuguma. Rucharamba rwuripo. Tichifunga nezvoupenyu husingaperi, zvechokwadi tichaona uye tichanzwisisa zvakawanda nezvorudo rwaMwari. Kana ukaita zvinodiwa naMwari uye ukatevera nzira inopfuura dzose yorudo, ucharamba uripo nokusingaperi.—1 Joh. 2:17.
-