Rudo (Agape)—Charwusiri Uye Charwuri
“Wedzerai . . . [kuchidakadaka chenyu chouhama, NW] rudo.”—2 PETRO 1:5, 7.
1. (a) Kuvarai uko Bhaibheri rinopa utanhamari? (b) Mashokoi mana echiGiriki anowanzoshandurwa kuti “rudo,” uye nderipi rinonongedzerwa kwariri pana 1 Johane 4:8?
KANA paine vara rimwe kana kuti runako iro Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotanhamarisa, rudo. MuchiGiriki, mutauro wapakuvamba waMagwaro echiKristu, kune mashoko mana anoshandurwa kazhinji kazhinji kuti “rudo.” Rudo rwatinoitira hanya zvino harwusati rwuri urwo rwaeʹros (shoko risingawanwi muMagwaro echiKristu echiGiriki), urwo rwakavakirwa pakwezvo yevatano; uyewo harusi urwo rwastor·geʹ, kunzwa kwakavakirwa paukama hweropa; uyewo harwusati rwuri phi·liʹa, rudo rwoushamwari rwakasimba, rwakavakirwa pakuremekedzana, rwabatwa narwo munyaya yatanga. Panzvimbo pezvo, ndia·gaʹpe—rudo rwakavakirwa panheyo, runganzi rune revo yakafanana nokusava noudyire, rudo urwo muapostora Johane akanongedzera kwarwuri apo akati: “Mwari rudo.”—1 Johane 4:8.
2. Chii chakasanotaurwa pamusoro porudo (a·gaʹpe)?
2 Nezveurwu rudo (a·gaʹpe), Purofesa William Barclay mune yake New Testament Words anoti: “Agapē ane chokuita nendangariro: hausati uri murangarirowo zvawo unomuka usina kukokwa mumwoyo yedu [sezvakungava naphi·liʹa]; inheyo yatinorarama nayo namaune. Agapē ane chokuita zvikurukuru nechido. Rukundo, hukundi, uye chiitwa. Hapana munhu akamboda vavengi vake nomuzvarirwo. Kuda vavengi vako kukunda kombamiro dzedu dzose dzomuzvarirwo nemirangariro. Uyu agapē . . . kutaura idi isimba rokuda chisingadiwi, kuda vanhu vatisingadi.”
3. Isimbisoi Jesu Kristu naPauro vakaisa parudo?
3 Hungu, pakati pezvinhu zvinosianisa kunamatwa kwakachena kwaJehovha Mwari nezvimwe zvimiro zvose zvokunamata isimbiso yako parudzi urwu rworudo. Nomazvo Jesu Kristu anodudza mirairo mikurusa miviri, inoti: “Wokutanga ndiwoyu: . . . ‘Ida [Jehovha, NW] Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.’ Wechipiri ndiwoyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuno murairo mukuru kuna iyeyo.” (Marko 12:29-31) Muapostora Pauro akaisa simbiso imwe cheteyo parudo muganhuro 13 ra 1 VaKorinte1VaK 13. Pashure pokusimbisa kuti rudo rakanga riri vara guru rinokosha, akagumisa nokuti: “Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.” (1 VaKorinte 13:13) Jesu nomazvo akataura kuti rudo rwaizova chiratidzo chinozivisa chavateveri vake.—Johane 13:35.
Zvinhu Zvisiri Rudo
4. Pauro pana 1 VaKorinte 13:4-8 anodudza mativi mangani akanaka uye mangani akashata orudo?
4 Pfundo rakataurwa rokuti kuri nyore zvikuru kuziva kutaura chisati chiri rudo kupfuura kuziva charwuri. Mune zvokwadi muna ikoko, nokuti muapostora Pauro muganhuro yake parudo, 1 VaKorinte 13, mu1VaK 13 ndima 4 kusvikira ku 8, anodudza zvinhu zvipfumbamwe izvo rudo rwusati rwuri uye zvinhu zvinomwe izvo rwuri.
5. “Godo” rinorondedzerwa sei, uye rinoshandiswa sei mupfungwa yakanaka muMagwaro?
5 Chinhu chokutanga icho Pauro anotaura kuti hachisati chiri rudo ndechokuti “harune godo.” Ikoko kunoda kutsanangura kushomanene nemhaka yokuti pane mativi akanaka neakaipa egodo. Duramashoko rinorondedzera “godo” se“kusashivirira makwikwi” uye se“kuraira kuzvipira kwapoga.” Nokudaro, Mosesi akataura pana Eksodho 34:14, kuti: “Nokuti usapfugamira vamwe vamwari, nokuti Jehovha, une zita rinonzi Une godo, ndiMwari une godo.” Pana Eksodho 20:5, (NW), Jehovha anoti: “Ini Jehovha Mwari wako ndiri Mwari anoraira kuzvipira kwapoga.” Nenzira yakafanana, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Nokuti ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari.”—2 VaKorinte 11:2.
6. Mienzanisoi yapaMagwaro inoratidza chikonzero nei rudo rwusina godo?
6 Zvisinei, zvikurukuru, “godo” rine revo yakaipa, chiri chikonzero rakarongwa namabasa enyama pana VaGaratia 5:20. Hungu, godo rakadaro rine udyire uye rinoparira ruvengo, uye ruvengo musiano worudo. Godo rakaparira Kaini kuvenga Abheri kusvikira papfundo rokumuponda, uye rakaparira vakoma kuna baba vaJosefa vane gumi kumuvenga kusvikira papfundo rokuda kumuuraya. Rudo haruitiri mafi vamwe zvinhu zvavo kana kuti betsero nomutoo wegodo, saMambo Ahabhi nomutoo wegodo akaitira mafi Nabhoti bindu rake remizambiringa.—1 Madzimambo 21:1-19.
7. (a) Ndichinoitikai chinoratidza kuti Jehovha haafadzwi namanyawi? (b) Neiko rudo rusina manyawi kunyange nomutoo usina mufungo?
7 Pauro anotevera kutiudza kuti rudo “haruna manyawi.” Kuita manyawi kunoratidzira kushaikwa kworudo, nokuti kunoparira munhu kuzviisa amene munzvimbo iri pamusoro peiyo yavamwe. Jehovha haafadzwi navanoita manyawi, sezvinogona kuonwa munzira iyo akaninipisa nayo Mambo Nebhukadnezari apo akaita manyawi. (Dhanieri 4:30-35) Kuita manyawi kazhinji kazhinji kunoitwa nenzira isina mufungo nemhaka yokunyanyofadzwa nezvaunoita iwe umene kana kuti zvinhu. Vamwe havatani kuzvikudza pamusoro pokubudirira kwavo muushumiri hwechiKristu. Vamwe vakafanana nomukuru aitofanira kuchayira runhare shamwari dzake kuti adziudze nezvokutenga kwake motokari itsva inokosha anodokusvika Z$310,000. Kwakadaro kwose kusava norudo nemhaka yokuti kunoratidza anoita manyawi somukuru kuvateereri vake.
8. (a) Chii chiri chimiro chendangariro chaJehovha kune avo vanozvitutumadza? (b) Neiko rudo rusingaiti nenzira iyoyo?
8 Ipapo tinoudzwa kuti rudo “haruzvikudzi.” Munhu anozvikudza, kana kuti anozvitutumadza, nomutoo usina rudo anozvikwidza amene pamusoro pavamwe. Chimiro chendangariro chakadaro hachisi chokuchenjera zvikurusa nemhaka yokuti “Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.” (Jakobho 4:6) Rudo runoita nenzira yakapesana chaizvo; runorangarira vamwe kuva vakuru. Pauro akanyora pana VaFiripi 2:2, 3, kuti: “Zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe, musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka.” Chimiro chendangariro chakadaro chinoita kuti vamwe vanzwe zvakanaka, nepo munhu anozvitutumadza nemhaka yekukakavara anoita kuti vamwe vasanzwe zvakanaka.
9. Neiko rudo rusingaiti nomutoo usina kufanira?
9 Pauro anotaurazve kuti rudo “haruiti zvisingafaniri.” Duramashoko rinorondedzera “zvisina kufanira” se“zvisina kufanira nomutoo wakakomba kana kuti zvakashata kumitoo kana kuti tsika.” Munhu anozvibata zvisina kufanira (nomutoo usina rudo) anozvidza mirangariro yavamwe. Shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzinoshandura chiGiriki so“kuvirima.” Munhu akadaro anozvidza chinorangarirwa kuva chakafanira uye chakanaka. Zvamazvirokwazvo, kurangarira vamwe kworudo kungareva kudzivisa zvinhu zvose zvokuvirima kana kuti zvisina kufanira, zvinhu zvinogumbura uye zvingatovhundutsa.
Zvimwe Zvinhu Zvisiri Rudo
10. Rudo harwutsvaki fariro dzarwo rumene munzirai?
10 Tevere tinoudzwa kuti rudo “haruzvitsvakiri zvarwo,” ndiko kuti, apo panenge pane mubvunzo wefariro dzedu dzomunhu oga uye idzo dzavamwe. Muapostora anotaura pane imwe nzvimbo, kuti: “Nokuti hakuno munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta.” (VaEfeso 5:29) Apo, kunyanguvezvo, fariro dzedu dzinokwikwidzana nefariro dzomumwe uye pasina dzimwe nheyo dzeBhaibheri dzinobatanidzwa, tinofanira kuita seizvo Abrahama akaita naRoti, nomutoo worudo rega mumwe munhu atange kusarudza.—Genesi 13:8-11.
11. Kuti rudo harutsamwiswi kunorevei?
11 Rudo harukurumidziwo kugumbuka. Naizvozvo Pauro anotiudza kuti rudo “harutsamwi.” Harwukurumidzi kutsamwiswa. Rwunoshandisa kuzvidzora. Zvikurukuru vakwanyina veroorano vanofanira kurangarira zvakakomba iri zano kupfurikidza nokudzivisa kukwidza manzwi avo nomutoo wokusashivirira kana kuti kupopotedzana. Pane migariro apo kuri nyore kutsamwiswa, kuri nokuda kwechikonzero Pauro akanzwa kudikanwa kwokupa Timotio zano, rokuti: “Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa”—hungu, haatsamwiswi—“unodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa.”—2 Timotio 2:24, 25.
12. (a) Rudo harwurangariri kuvadziko munzirai? (b) Neiko kusiri kuchenjera kurangarira kuvadziko?
12 Achipfuurira nezvinhu izvo rudo rwusiri, Pauro anopa zano, kuti: “Rudo . . . harune zvishura.” Ikoko hakurevi kuti rudo harucherechedzi kuvadziko. Jesu akaratidza nzira yatinofanira kubata nayo nhau apo tinenge takuvadzwa zvakakomba. (Mateo 18:15-17) Asi rudo harwutibvumiri kupfuurira kuva vane pfundepfunde, kuchengeta mafi. Kusarangarira kuvadziko kunoreva kuva anokanganwira uye kukanganwa pamusoro payo apo bedzi nhau yacho inenge yabatwa nenzira yapaMagwaro. Hungu, usazvitambudza umene kana kuti kuzviita umene anosiririsa kupfurikidza nokufunga chakaipa nguva dzose, kurangarira kuvadziko!
13. Kusafarira chisina kururama kunorevei, uye neiko rudo rwusingaiti ikoko?
13 Uyezve, tinoudzwa kuti rudo “harufariri zvisakarurama.” Nyika inofarira zvisakarurama, sezvinogona kuonwa nokukurumbira kwamabhuku amasimba masimba neoutere, mabhaisikopo, uye purogiramu dzeTV. Kufara kwose kwakadaro ndokwoudyire, kusingarangariri mipimo yaMwari yakarurama kana kuti garikano yavamwe. Kufara kwose kwoudyire kwakadaro kudyarira nyama uye munguva yakafanira kuchakohwa kuora kunobva munyama.—VaGaratia 6:8.
14. Neiko kuchigona kutaurwa nechivimbo kuti rudo harwutongokundikani?
14 Zvino chinhu chokupedzisira icho rudo rusingaiti: “Rudo harutongokundikani, (NW).” Kutanga, rudo harutongokundikani kana kuti kuguma nemhaka yokuti Mwari rudo, uye ndiye “Ishe usingaperi.” (1 Timotio 1:17) Pana VaRoma 8:38, 39, tinovimbiswa kuti rudo rwaJehovha nokuda kwedu harwusati rwuchizotongokundikana: “Ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.” Uyewo, rudo harwutongokundikani mukuti harutongowanwi ruchiperevedza. Rudo runogona kubata nezvinodikanwa zvomugariro wenguva ipi neipi, nedenho ipi neipi.
Zvinhu Izvo Rudo Rwuri
15. Neiko Pauro achitanga kuronga kuzvidzora pakati pamativi akanaka orudo?
15 Achiuya zvino kurutivi rwakanaka, zvinhu izvo rudo rwuri, Pauro anovamba nokuti: “Rudo rune mwoyo murefu.” Kwakataurwa kuti hapagoni kuva nechinhu chakadai soruwadzano rwechiKristu pasina mwoyo murefu, ndiko kuti, pasina kutsungirira nomutoo wokushivirirana. Ikoko kwakadaro nemhaka yokuti tose zvedu hatina kukwana, uye kusakwana kwedu nemhosho zvinoedza vamwe. Hakushamisi kuti muapostora Pauro anotanga kuronga rutivi urwu pamusoro pechiri rudo!
16. Mitezo yemhuri inogona kuratidza mutsa kuno mumwe nomumwe munzirai?
16 Pauro anotaura kuti rudo runewo “mutsa.” Ndiko kuti, rudo runobetsera, rune mufungo, runorangarira vamwe. Mutsa unozviratidzira umene muzvinhu zvikuru nezviduku. MuSamaria ane mutsa zvamazvirokwazvo akanga achiratidza mutsa kumurume akahwandirwa namakororo. (Ruka 10:30-37) Rudo runofarira kuti “ndapota.” Kutaura kuti, “Ndipe chingwa” murairo. Kutanga ikoko na“ndapota” kunokuita chikumbiro. Varume vanova nemutsa kuvadzimai vavo apo vanoteerera zano riri pana 1 Petro 3:7, rinoti: “Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” Vadzimai vanova nomutsa kuvarume vavo apo vanovaratidza “ruremekedzo rukuru.” (VaEfeso 5:33, NW) Madzibaba anova nomutsa kuvana vawo apo vanotevera zano riri pana VaEfeso 6:4, rinoti: “Madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwa[Jehovha, NW].”
17. Ndedzipi nzira mbiri umo rudo runofara nezvokwadi?
17 Rudo harufariri chisina kururama asi “runofarira zvokwadi.” Rudo nezvokwadi zvinofambidzana—Mwari rudo, uye panguva imwe cheteyo, iye ndi“Mwari wazvokwadi.” (Pisarema 31:5) Rudo runofarira kuona zvokwadi ichikurira ndokufumura nhema; ikoku kunotsanangura murutivi wedzero huru iri kuitika muchiverengero chavanamati vaJehovha nhasi. Zvisinei, sezvo zvokwadi ichisianiswa nokusarurama, mufungo ungavawo wokuti rudo runofara nokururama. Rudo runofarira kukunda kwokururama, seizvo vanamati vaJehovha vanorairwa kuita pakuwa kweBhabhironi Guru.—Zvakazarurwa 18:20.
18. Rudo runotsungirira zvinhu zvose mupfungwai?
18 Pauro anotiudzawo kuti rudo “runofukidza zvose.” Seizvo Kingdom Interlinear inoratidza, mufungo ndowokuti rudo runofukidza zvinhu zvose. Haruiti “makuhwa” pamusoro pehama, seizvo vakaipa vanoda kuita. (Pisarema 50:20; Zvirevo 10:12; 17:9) Hungu, mufungo uri pano ndimumwe chetewo nouri pana 1 Petro 4:8: “Rudo runofukidza zvivi zvizhinji.” Chokwadika, ruvimbiko rungadzivisa munhu kufukidza zvivi zvakakomba zvinoitirwa Jehovha uye zvinoitirwa ungano yechiKristu.
19. Rudo runodavira zvinhu zvose munzirai?
19 Rudo “runotenda zvose.” Rudo rwakanaka, harwuna kuipa. Ikoku hakurevi kuti rudo rune nhendedzero. Harukurumidzi kudavira kutaura kunonyandura. Asi kuti munhu asvike pakuva nokutenda muna Mwari, anofanira kuva nechido chokudavira. Naizvozvo rudo harupanikiri, harwutsoropodzi nomutoo usakafanira. Harwudzivisi kudavira sezvinoita asingatendi kuvapo kwaMwari, uyo nenzira yechisimbwa anotaura kuti hakuna Mwari, uyewo harwuna kufanana naanoti hapana chinozivikanwa pamusoro paMwari, uyo nenzira yechisimbwa anotaura kuti hakumbobviri kuziva kwatakabva, chikonzero nei tiri pano, uye kuti nguva yemberi ichava yakadini. Shoko raMwari rinotivimbisa pamusoro peizvi zvinhu zvose. Rudo rwakagadzirirawo kudavira nemhaka yokuti runovimba, harwunyumwiri nomutoo usakafanira.
20. Rudo rwakabatanidzwa sei netariro?
20 Muapostora Pauro anotivimbisazve kuti rudo “rune tariro pazvose.” Sezvo rudo rwakanaka, rwusina kuipa, rune tariro yakasimba mune zvose zvinopikirwa muShoko raMwari. Tinoudzwa, kuti: “Unorima unofanira kurima netariro; nounopura, achitarira kuti uchagoverwawo.” (1 VaKorinte 9:10) Kunyange sezvo rudo ruchivimba, rune tarirowo, nguva dzose ruchikarira zvakanakisisa.
21. Ivimbisoi yapaMagwaro iripo yokuti rudo rwunotsungirira?
21 Pakupedzisira, tinovimbiswa kuti rudo “runotsungirira pazvose.” Rwunokwanisa kuita kudaro nemhaka yeizvo muapostora Pauro anotiudza pana 1 VaKorinte 10:13, kuti: “Hakuno muidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.” Rudo rwuchatiparira kutarira kumienzaniso yakawanda iri muMagwaro yavabatiri vaMwari vakatsungirira, mukuru wavo ndiJesu Kristu, sezvatinoyeuchidzwa pana VaHebheru 12:2, 3.
22. Savana vaMwari, ivarai rakatanhamara ratinofanira kuitira hanya nguva dzose kuratidzira?
22 Zvirokwazvo, rudo (a·gaʹpe) ivara rakatanhamara iro isu samaKristu, Zvapupu zvaJehovha, tinofanira kusakurira, zvose zviri zviviri pamusoro pezvarwusiri uye pamusoro pezvarwuri. Savana vaMwari, nguva dzose ngatiitire hanya kuratidzira ichi chibereko chomudzimu waMwari. Kuita kudaro kuva akafanana naMwari, nokuti, yeuka “Mwari rudo.”
Unoyeuka Here?
◻ Jesu Kristu naPauro vanoratidza sei utanhamari hworudo?
◻ Rudo harwuna godo mupfungwai?
◻ Rudo ‘rwunotsungirira zvinhu zvose’ sei?
◻ Neiko kuchigona kutaurwa kuti rudo harwutongokundikani?
◻ Rudo rwunofara nezvokwadi munzirai mbiri?
[Bhokisi riri papeji 21]
RUDO (AGAPE)
Charwusiri Charwuri
1. Rwune godo 1. Mwoyo murefu
2. Harwuna manyawi 2. Mutsa
3. Harwuzvitutumadzi 3. Rwunofarira zvokwadi
4. Rwunoita nomutoo usina kufanira 4. Rwunofukidza zvinhu zvose
5. Rwunotsvaka fariro dzarwo rwumene 5. Rwunodavira zvinhu zvose
6. Rwunotsamwiswa 6. Rwunotarira zvinhu zvose
7. Rwunorangarira kuvadziko 7. Rwunotsungirira zvinhu zvose
8. Rwunofarira chisina kururama
9. Harwutongokundikani
[Mifananidzo iri papeji 18]
Jehovha akaninipisa Nebhukadnezari nokuda kwamanyawi