Tevera Nzira Yakaisvonaka Yorudo
JEHOVHA MWARI rudo runotaurwa somunhu. (1 Johane 4:8) Mwanakomana wake, Jesu Kristu, akataura kuti tinofanira kuda Mwari nomuvakidzani wedu. (Mateo 22:37-40) Chokwadi, Mwari anoshandisa chisiko chose pahwaro hweiri vara! Naizvozvo nokuda kwoupenyu husingagumi munzvimbo ipi neipi, tinofanira kutevera nzira yorudo.
Mwari akaratidza rudo nokuda kworudzi rwaIsraeri asi gare gare akaramba sangano iroro nokuda kwokusatendeka. Iye ipapo akazivisa ungano yavadzidzi vaJesu sesangano Rake idzva. Seiko? Kupfurikidza neratidzirwo chaidzo dzomudzimu mutsvene uchivasimbisa kutaura nendimi nokuporofita. Nokudaro, paPentekosta 33 N.V., vaJudha navapuroserite vane 3 000 vakava vatendi uye vakabuda musangano rekare nokuda kweidzva raMwari. (Mabasa 2:1-41) Sezvo zvipo zvomudzimu pashure paizvozvo zvakapiwa kupfurikidza navaapostora vaJesu, ratidziro dzakadaro dzakaguma parufu rwavo. (Mabasa 8:5-18; 19:1-6) Asi panguva iyeyo zvipo zvakanga zvabvumikisa kuti nyasha dzaMwari dzakanga dziri pana Israeri womudzimu.—VaGaratia 6:16.
Manenji akabva muzvipo zvomudzimu aibetsera. Zvisinei, kuratidzira rudo kana kuti itiro hanya isina udyire nokuda kwavamwe kunokosha zvikuru kupfuura kuva nezvipo zvomudzimu. Muapostora Pauro akaratidza ikoku mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte (c. 55 N.V.). Mairi akataura nezvorudo se“nzira yakaisvonaka.” (1 VaKorinte 12:31, NW) Nzira iyoyo inokurukurwa muna 1 VaKorinte ganhuro 13.
Tisina Rudo, Hatizi Chinhu
Pauro akarangarira, achiti: “Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisina rudo ndava sendarira dzinorira, nedare rinoti: Ngwerengwere!” (1 VaKorinte 13:1) Pasina rudo, hakwaizoreva chinhu kutaura mutauro wavanhu unopiwa nomudzimu kana kuti rurimi rwengirozi dzokudenga. Pauro akada zvake kutaura mashoko mashanu anosimbaradza panzvimbo pezviuru zvine gumi mururimi urwo vanhu vasina kunzwisisa. (1 VaKorinte 14:19) Munhu asina rudo aizova akafanana ne“dare”—kurira kunonyaudza, kunoshatirisa—kana kuti dare rinongoti “ngwerengwere” risinganakidzi. Kutaura nendimi pasina rudo kwakanga kusati kuri nzira inonyaradza, inovaka mumudzimu kurumbidza Mwari nokubetsera vanhu vake. Nhasi, tinoratidza rudo kupfurikidza nokushandisa mutauro unonzwisisika muushumiri hwechiKristu.
Muapostora akatevera, kuti: “Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndine kutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo handisi chinhu.” (1 VaKorinte 13:2) Kuporofita kwenenji, kunzwisiswa chaiko kwezvakavanzika zvinoyera, uye zivo inopiwa nomudzimu zvingabetsera vamwe asi kwete avo vane zvipo zvakadaro kana vanazvo vasina rudo. Pauro akashandisa nzwisiso chaiyo yezvakavanzika zvinoyera kubetsera vamwe, uye chipo chezivo chakamugonesa kudeya kutaura kupona kwavanyajambwa vechikepe chakapunzika. (Mabasa 27:20-44; 1 VaKorinte 4:1, 2) Bva, kudai iye aiva ne‘zivo yose nokutenda kwose’ asi asina rudo, aizova asiri chinhu mumeso aJehovha.
Nhasi, mudzimu waJehovha unogonesa Zvapupu zvake kunzwisisa mauporofita eBhaibheri nezvakavanzika zvinoyera uye unovatungamirira mukupa zivo yakadaro kuvamwe. (Joere 2:28, 29) Mudzimu unoparirawo kutenda kunodikanwa kukurira zvinetso zvikuru. (Mateo 17:20) Sezvo mudzimu uchiita zvinhu izvozvi, hakuna kururama kutsvaka mbiri yomunhu oga inobva mazviri. Tinova tisiri chinhu kutoti tichiita zvinhu nokuda kwembiri yaMwari uye norudo nokuda kwake navanhu biyedu.—VaGaratia 5:6.
Kusabetserwa Nechibairo Chisina Rudo
Pauro akati: “Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsirwi chinhu.” (1 VaKorinte 13:3) Pasina rudo, Pauro haasati aizobetserwa kudai akapa chinhu chiri chose chaaiva nacho kuti ape vamwe zvokudya. Mwari anotitusa nokuda kworudo runotsigira zvipo zvedu, kwete nokuda kwoukoshi hwazvo hwokunyama kana kuti nemhaka yokuti tinotsvaka mbiri savapi, kufanana naAnaniasi naSafira vanoreva nhema. (Mabasa 5:1-11) Pauro akagadza muenzaniso wakaisvonaka kupfurikidza nokuzvipa amene norudo pamusoro poushumiri hwebetsero nokuda kwavatendi vaiva muJudhea.—1 VaKorinte 16:1-4; 2 VaKorinte 8:1-24; 9:7.
Kunyange kufira kutendeka kusina rudo sechapupu kuzvokwadi hakurevi chinhu kuna Mwari. (Zvirevo 25:27) Jesu akataura nezvechibairo chake asi haana kuganza pamusoro pacho. Panzvimbo pokuganza akazvipa amene nokudisa nokuda kworudo. (Marko 10:45; VaEfeso 5:2; VaHebheru 10:5-10) Hama dzake dzomudzimu ‘dzinopa miviri yadzo sechibairo chipenyu’ mubasa raMwari kwete mukufira kutendeka kwokuzvirumbidza asi munzira dzechienzi dzinokudza Jehovha ndokuratidzira rudo rwavo nokuda kwake.—VaRoma 12:1, 2.
Nzira Idzo Rudo Ruchatiita Kuti Tiite Chimwe Chinhu
Pauro akanyora, kuti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa.” (1 VaKorinte 13:4a, “NW”) Nokuda kwavazhinji, mwoyo murefu waMwari chifo chechivi chaAdhama wakareva rupfidzo runotungamirira kuruponeso. (2 Petro 3:9, 15) Kana tine rudo, tichadzidzisa vamwe zvokwadi nokushivirira. Tichadzivisa kutsamwa kunotungamirirwa nemirangariro uye tichava vanorangarira navanokanganwira. (Mateo 18:21, 22) Rudo rune mutsawo, uye tinokweverwa kuna Mwari nemhaka yomutsa wake. Chibereko chomudzimu wake chomutsa chinotidzivisa kuva vanoraira zvikuru vamwe kupfuura zvaakaita kwatiri. (VaEfeso 4:32) Rudo runototiita vane mutsa kuvanhu vasingaongi.—Ruka 6:35.
Pauro akawedzera, kuti: “Rudo haruna godo; rudo haruna manyawi, haruzvikudzi.” (1 VaKorinte 13:4b) Godo ibasa renyama iro richabvisa munhu muUmambo hwaMwari. (VaGaratia 5:19-21) Rudo runotidzivisa kuva vane godo rezvinhu zvomumwe munhu kana kuti migariro yakanaka. Kana iye akagamuchira ropafadzo yebasa yataishuva, rudo ruchatiita tifare naye, kumupa tsigiro yedu, uye kuonga Mwari kuti iye anogona kushandiswa kubetsera ungano.
Sezvo rudo rusi“na manyawi,” harutisundi kuganza pamusoro peizvo Mwari anoita kuti tiite mubasa rake. Vamwe vaKorinte vakaganza sokunge vaivamba zvipo zvomudzimu, asi izvozvi zvaibva kuna Mwari, sezvakaita maropafadzo musangano rake romuzuva razvino uno. Panzvimbo pokuganza pamusoro penzvimbo yedu musangano raMwari, ipapo, ngatingwarire kuti hatiwi. (1 VaKorinte 1:31; 4:7; 10:12) Rudo “haruzvikudzi,” asi ndangariro yomunhu asina rudo ingazadzwa nokuzvikoshesa. Vanhu vane rudo havanzwi vari vakuru kune vamwe.—1 VaKorinte 4:18, 19; VaGaratia 6:3.
Haruiti Zvisakafanira, Haruna Udyire, Harutsamwi
Rudo “haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura.” (1 VaKorinte 13:5a) Runosimudzira tsika dzakanaka, mufambiro woumwari, ruremekedzo nokuda kwechiremera, uye mufambiro wakanaka pamisangano yechiKristu. (VaEfeso 5:3-5; 1 VaKorinte 11:17-34; 14:40; enzanisa naJudhasi 4, 8-10.) Sezvo rudo ruchiita kuti munhu ari ose anzwe achidikanwa, kufanana namativi ose omuviri womunhu, ungano ine rudo inzvimbo yorugare noutiziro. (1 VaKorinte 12:22-25) Panzvimbo po‘kutsvaka fariro dzarwo rumene’ nenzira youdyire, rudo runotiparira kurega maruramiro edu padzimwe nguva ndokuratidza fariro muvamwe nomugarikano yavo. (VaFiripi 2:1-4) Rudo runotiita ‘tive zvinhu zvose kumarudzi ose avanhu, kuti tigoponesa vamwe’ noushumiri hwedu.—1 VaKorinte 9:22, 23.
Rudo “harutsamwi.” Kufufutirwa nehasha mabasa enyama inotadza, asi rudo runotiita “anononoka kutsamwa.” (Jakobho 1:19; VaGaratia 5:19, 20) Kunyange kana tikatsamwa nenzira inoruramiswa, rudo harutiiti kuti tirambe takatsamwa, nokudaro tichipa nzvimbo kuna Dhiabhorosi. (VaEfeso 4:26, 27) Zvikurukuru vakuru vanofanira kudzivisa kutsamwa kana vatendi biyavo vakakundikana mukuita chikarakadzo chakati.
Pauro akatiwo nezvorudo: “Harurangariri kuvadziko.” (1 VaKorinte 13:5b, “NW”) Rudo haruchengeti ndaza yezvakaipa, kufanana nezvinonyorwa mubhuku ramaakaundi. Runoona zvakanaka muvatendi biyedu, uye harutsivi nokuda kwezvakaipa chaizvoizvo kana kuti zvinofungidzirwa. (Zvirevo 20:22; 24:29; 25:21, 22) Rudo runotibetsera ku“ronda zvinhu zvinoparira rugare.” (VaRoma 14:19, NW) Pauro naBharnabhasi vakava nekakavadzano ndokufamba munzira dzakaparadzana mubasa raMwari, asi rudo rwakarapa kupesana kwacho ndokuvadzivisa kuva namafi.—Revhitiko 19:17, 18; Mabasa 15:36-41.
Kuda Kururama Nezvokwadi
Pamusoro porudo, Pauro akapfuurira, kuti: “Harufariri zvisakarurama, asi runofarira zvokwadi.” (1 VaKorinte 13:6) Vamwe vanowana mufaro wakadaro mukusarurama zvokuti “havavati kana vasingaiti zvakashata.” (Zvirevo 4:16) Asi musangano raMwari hatirwisani kana kuti kufara kana munhu akasungwa nechivi. (Zvirevo 17:5; 24:17, 18) Kudai makanga mune rudo rwakakwana nokuda kwaMwari nokururama muungano yeKorinte, utere hungadai husina kushivirirwa imomo. (1 VaKorinte 5:1-13) Pakati pezvimwe zvinhu, rudo nokuda kwokururama runotidzivisa kufarikanya terevhizheni, mufananidzo webhaisikopo, kana kuti zvinoratidzirwa pachikuva zvokusarurama.
Rudo “runofarira zvokwadi.” Pano zvokwadi inosianiswa nokusarurama. Ikoku sezviri pachena kunoreva kuti rudo runotiparira kufara pamusoro pepesvedzero nokuda kwokururama iyo zvokwadi inayo pavanhu. Tinowana mufaro muzvinhu zvinovaka vanhu uye izvo zvinofambisira mberi donzo rezvokwadi nokururama. Rudo runotidzivisa kutaura nhema, runotipa mufaro apo vakarurama vanobvumikiswa kuva vasina mhaka, uye runotiparira kufarira rukundo rwezvokwadi yaMwari.—Pisarema 45:4.
Kubata Kunoita Rudo Nezvinhu Zvose
Achipfuuridzira rondedzero yake yorudo, Pauro akanyora, kuti: “Runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose.” (1 VaKorinte 13:7) ‘Ruchifukidza zvinhu zvose,’ rudo runochengeta pfundepfunde iri kunze sezvinoita denga rakanaka mvura. Kana munhu upi noupi akatigumbura asi ipapo achikumbira kanganwiro, rudo runotiita kuti tifukidze kuvadziko, tichikanganwira mutadzi panzvimbo pokuita guhwa pamusoro penhau. Murudo tinoedza ku‘wana hama yedu.’—Mateo 18:15-17; VaKorose 3:13.
Rudo “runotenda zvose” zviri muShoko raMwari uye runotiita vanofarira zvokudya zvomudzimu zvinogoverwa kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Kunyange zvazvo tisiri vasingatani kunyengerwa, rudo runotidzivisa kuva nomwoyo usingatendi uye runotidzivisa kupa vavariro dzakashata kuvatendi biyedu. (Muparidzi 7:21, 22) Rudo “rune tariro pazvose”wo zvakanyorwa muMagwaro, zvakadai sezvokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari. Tichisundwa norudo, tinokarira uye tinonyengeterera muuyo wakanakisisa mumigariro inotambudza. Rudo runotisundawo kuudza vamwe chikonzero chetariro yedu. (1 Petro 3:15) Mukuwedzera, rudo “runotsungirira zvose,” kubatanidza zvivi zvatinoitirwa. (Zvirevo 10:12) Rudo nokuda kwaMwari runotibetserawo kutsungirira chitambudzo nemimwe miedzo.
Pauro akawedzera, kuti: “Rudo harutongokundikani.” (1 VaKorinte 13:8a, “NW”) Harugoni kuguma kana kuti kukundikana sezvisingagoni kuita Jehovha. Sezvo Mwari wedu asingagumi ari rudo runotaurwa somunhu, iri vara harisati richizotongoguma. (1 Timotio 1:17; 1 Johane 4:16) Chisiko chapose pose nguva dzose chichadzorwa norudo. Naizvozvo ngatinyengetere kuti Mwari achatibetsera kukurira mavara oudyire ndokuratidzira ichi chibereko chisingakundikani chomudzimu wake.—Ruka 11:13.
Zvinhu Zvaizoguma
Achinongedzera mberi, Pauro akanyora, kuti: “Zvino kana kuri kuporofita, kuchabviswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa.” (1 VaKorinte 13:8b) ‘Zvipo zvokuporofita’ zvakagonesa vaiva nazvo kutaura mauporofita matsva. Kunyange zvazvo zvipo zvakadaro zvakapfuura pashure pokunge ungano yechiKristu yatangwa sesangano raMwari, simba rake rouporofita haritongopfuuri, uye Shoko rake rine uporofita hwose hwatinoda zvino. Mano akapiwa nomudzimu okutaura nendimi akagumawo, uye zivo chaiyo yaka“bviswa,” sezvakadeya kutaurwa. Asi Shoko rakakwana raJehovha rinogovera chatinoda kuziva nokuda kworuponeso. (VaRoma 10:8-10) Uyezve, vanhu vaMwari vanozadzwa nomudzimu wake uye vanobereka chibereko chawo.
Pauro akapfuurira, kuti: “Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana; asi kana zvakakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabviswa.” (1 VaKorinte 13:9, 10) Zvipo zvezivo nouporofita zvakanga zvisina kukwana. Sezviri pachena, uporofita hwakadaro hahuna kupinda muudzame, uye muporofita mumwe nomumwe akanga asina kukwana mukuwadzanyura nguva yemberi, achishaiwa zivo yakakwana pamusoro peizvo akadeya kutaura. Zvino, zvisinei, kunzwisiswa kwouporofita kuri kuva kwakakwana zvishoma nezvishoma. Somuenzaniso, maidi anozadzika uporofita hweBhaibheri anosimbisa kuti Jesu akagamuchira simba roumambo parudzi rwomunhu muna 1914. Chifo chenguva iyeyo, tave tiri mu“nguva yomugumo” uye tiri kufarikanya kukura kunopfuurira muzivo yomudzimu nokunzwisiswa kwouporofita hweBhaibheri. (Dhanieri 12:4, NW) Nokudaro, tiri kusvika pazivo yakakwana uye “zvakakwana” zvinofanira kuva zvava pedyo.
Vara Gurusa Rinogara
Achinongedzera kufambiro mberi yeungano, Pauro akanyora, kuti: “Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana.” (1 VaKorinte 13:11) Sezvo mwana achiita pahwaro hwezivo yakaganhurirwa nokukura kwomuviri, anogona kuvheyeswa, sokunge ari kuvheyeswa mumbereko. Asi murume akura zvikuru kwazvo mumuviri, ane zivo huru zvikuru, uye kazhinji kazhinji haasati achivheyeswa nyore nyore. Iye akaparadza mifungo, zvimiro zvendangariro, uye mitoo zvoumwana. Nenzira yakafanana, pashure pokunge sangano rapasi raMwari rakura richibva muucheche hwaro, Iye akasarudza kuti rakanga risingadi zvipo zvomudzimu zvouporofita, ndimi, uye zivo. Kunyange zvazvo mitezo yomuzuva razvino yeungano, zvino muukuru hwayo, isichanzwiwo dikanwo yezvipo zvakadaro, iyo inofara kubatira Mwari munhungamiro yomudzimu wake.
Pauro akawedzera, kuti: “Nokuti zvino tinoona pachionioni, tisingaoni kwazvo; asi nenguva iyo tichaona nezviso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neniwo.” (1 VaKorinte 13:12) Mukati moucheche hweungano, yakanga isiri nguva yaMwari yokuzivisa zvinhu zvakati. Nokudaro, zvakaonwa muchimiro chisina kujeka, sokunge maKristu aitarira muchionioni chisingaonesi zvakanaka. (Mabasa 1:6, 7) Asi tapfuura chiono chisina kujeka. Zadziko zvino yakajeka, nokuti iyi inguva yaMwari yechizaruro. (Pisarema 97:11; Dhanieri 2:28) Kunyange zvazvo Pauro amene aiziva Mwari, zivo hurusa yaJehovha noukama hwapedyo zvikurusa Naye zvaizouya apo muapostora aizomutsirwa kuupenyu hwokudenga, nokudaro achigamuchira tuso huru yenzira yake yechiKristu.
Achigumisa kupeta kwake rudo, Pauro akanyora, kuti: “Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.” (1 VaKorinte 13:13) Pasinei zvapo nokusavapo kwezvipo zvamanenji zvomudzimu, ungano zvino ine zivo yakakwana zvikuru nechikonzero chokutenda, tariro, uye rudo zvakapfuma zvikuru. Ine kutenda kwokuti chinhu chiri chose Mwari akapikira chakaita sechakazadzikwa. (VaHebheru 11:1) Mativi okutenda achaguma sezvo zvinhu zvakadeya kutaurwa muShoko raMwari zvinozadzikwa. Mativi etariro achaguma apo tinoona zvinhu zvakakarirwa. Asi rudo ruchagara nokusingaperi. Nokudaro, vose veZvapupu zvaJehovha ngavapfuurire kutevera nzira yakaisvonaka yorudo.