-
“Chikuru Pakati Pazvo Ndirwo Rudo”Nharireyomurindi—1990 | November 15
-
-
“Chikuru Pakati Pazvo Ndirwo Rudo”
“Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.”—1 VAKORINTE 13:13.
1. Chii chakataura imwe nyanzvi yesayenzi yamavambo orudzi rwomunhu pamusoro porudo?
IMWE yenyanzvi hurusa dzenyika dzesayenzi yamavambo orudzi rwomunhu yakamboti: “Tinonzwisisa kwenguva yokutanga munhau yamarudzi edu kuti chinokosha zvikurusa chezvinodikanwa zvikuru zvose zvavanhu zvokushanda kwendangariro ndichinodikanwa chorudo. Runomira pakati pezvinodikanwa zvose zvavanhu kungofanana nezuva redu rinomira pakati pegadziriro yedu yenyika dzomuchadenga dzinopoterera zuva nenyika dzomuchadenga dzinoritenderera. . . . Mwana asina kudiwa akasiana zvikuru mukurarama, mumuviri, uye mundangariro nouyo ave achidiwa. Wokutanga anotokura zvakasiana nowapashure. Chatinoziva zvino ndechokuti munhu anoberekwa kuti ararame sokunge kuti kurarama norudo chinhu chimwe. Chokwadika, ikoku hakuzati kuri kutsva. Ikoku kusimbiswa kweMharidzo yapaGomo.”
2. (a) Muapostora Pauro akaratidza sei ukoshi hworudo? (b) Mibvunzoi zvino yakafanirwa nerangariro?
2 Hungu, sokubvuma kwakaita uyu murume wedzidzo yenyika, iyi zvokwadi pamusoro poukoshi hworudo kugarikano yavanhu haisati iri chimwe chinhu chitsva. Kungangova zvino bedzi kwakasvika pakunzwisiswa navanhu vakadzidza venyika, asi yakaoneka muShoko raMwari anopfuura mazana amakore 19 akapfuura. Ndicho chikonzero nei muapostora Pauro aigona kunyora, kuti: “Zvino, kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.” (1 VaKorinte 13:13) Unoziva here nei rudo rwuri rukuru zvikuru kupfuura kutenda netariro? Neiko kungataurwa kuti rudo ndirwo rukurusa rwamavara aMwari uye rwezvibereko zvomudzimu wake?
-
-
“Chikuru Pakati Pazvo Ndirwo Rudo”Nharireyomurindi—1990 | November 15
-
-
7. Chii chiri chimiro chaa·gaʹpe, uye urwu rudo rwakaratidzwa sei?
7 Ishokoi rechiGiriki iro Pauro akashandisa pana 1 VaKorinte 13:13, apo akadudza kutenda, tariro, uye rudo ndokutaura kuti “chikuru pakati pazvo ndirwo rudo”? Pano shoko racho ndia·gaʹpe, rimwe chetero iro muapostora Johane akashandisa paakati: “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8, 16) Urwu ndirwo rudo runotungamirirwa kana rwunodzorwa nenheyo. Rungabatanidza kana kusabatanidza chidakadaka nokuda, asi murangariro usina udyire kana kunzwa kunoitira hanya kuita zvakanaka kuna vamwe pasinei hapo nefaniro dzomugamuchiri kana betsero dzipi nedzipi dzinouya kumupi. Rudo rwourwu rudzi rwakaparira Mwari kupa pfuma inodikanwa zvikurusa yomwoyo wake, Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu, “kuti ani naani anoshandisa kutenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16, NW) Sezvo Pauro anosanotiyeuchidza kwazvo: “Nokuti zvinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti zvimwe mumwe ungatsunga kufira wakanaka. Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi.” (VaRoma 5:7, 8) Hungu, a·gaʹpe anoita zvakanaka kuna vamwe pasinei hapo nomugariro wavo muupenyu kana ndyiko kunouyo ari kuratidzira rudo rwacho.
Neiko Rwuri Rukuru Kupfuura Kutenda Netariro?
8. Neiko a·gaʹpe ari mukuru zvikuru kupfuura kutenda?
8 Asi neiko Pauro akataura kuti urwu rudzi rworudo (a·gaʹpe) rwakanga rwuri rukuru zvikuru kupfuura kutenda? Iye akanyora pana 1 VaKorinte 13:2 (NW), kuti: “Kana ndine chipo chokuporofita uye ndakarovedzana nezvakavanzika zvose zvinoyera nezivo yose, uye kana ndine kutenda kwose kuti ndibvise makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.” (Enzanisa naMateo 17:20.) Hungu, kana nhamburiko dzedu dzokuwana zivo ndokukura mukutenda dzikaitwa nokuda kwedonzo roudyire, ikoku hakungatiunziri betsero inobva kuna Mwari. Nenzira yakafanana, Jesu akaratidza kuti vamwe vaizo‘porofita muzita rake, kudzinga madhemoni muzita rake, uye kuita mabasa mazhinji esimba muzita rake’ asi vaisazova netendero yake.—Mateo 7:22, 23.
9. Neiko rudo rwuri rukuru zvikuru kupfuura tariro?
9 Neiko chimiro chaa·gaʹpe chorudo chiri chikuruwo zvikuru kupfuura tariro? Nemhaka yokuti tariro ingava youdyire, munhu achiva anoitira hanya zvikuru betsero kwaari amene, nepo rudo “haruzvitsvakiri fariro dzarwo rumene.” (1 VaKorinte 13:4, 5, NW) Uyezve, tariro—yakadai seiya yokurarama tichipfuura no“mudambudziko guru” kupinda munyika itsva—inopera apo chinokarirwa chinowanikwa. (Mateo 24:21, NW) Sokutaura kunoita Pauro: “Takaponeswa muiyi tariro; asi tariro inoonekwa haisati iri tariro, nokuti apo munhu anoona chimwe chinhu, iye anochikarira here? Asi kana tichikarira chatisingaoni, tinoramba tichichimirira netsungiriro.” (VaRoma 8:24, 25, NW) Rudo rumene runotsungirira zvinhu zvose, uye harutongokundikani. (1 VaKorinte 13:7, 8) Nokudaro, rudo rusina udyire (a·gaʹpe) rukuru zvikuru kupfuura kutenda kana zvimwe tariro.
-