-
Zvinorevei Kuva Munhu Ane Mafungiro aMwari?Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2018 | February
-
-
MUNHU ANE MAFUNGIRO AMWARI AKAITA SEI?
3. Bhaibheri rinosiyanisa sei munhu wenyama nemunhu ane mafungiro aMwari?
3 Muapostora Pauro anotibatsira kunzwisisa munhu ane mafungiro aMwari kuburikidza nekuratidza musiyano uri pakati pemunhu ane mafungiro aMwari kana kuti ‘munhu wemweya’ ‘nemunhu wenyama.’ (Verenga 1 VaKorinde 2:14-16.) Vakasiyana papi? “Munhu wenyama” anorondedzerwa semunhu asingagamuchiri “zvinhu [zvemweya] waMwari, nokuti upenzi kwaari; uye haagoni kusvika pakuzviziva.” Asi munhu ane mafungiro aMwari ndeuya “anoongorora zvinhu zvose” uye ane “pfungwa dzaKristu.” Pauro anotikurudzira kuti tive vanhu vane mafungiro aMwari. Ndezvipi zvimwe zvinosiyanisa vanhu venyama nevanhu vane mafungiro aMwari?
-
-
Zvinorevei Kuva Munhu Ane Mafungiro aMwari?Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2018 | February
-
-
6. Munhu ane mafungiro aMwari anoita zvinhu zvipi?
6 Saka zvinorevei kuva munhu ane mafungiro aMwari? Munhu ane mafungiro aMwari anofunga nezveushamwari hwake naMwari, kusiyana nemunhu wenyama. Vanhu vane mafungiro aMwari vanoedza chaizvo kuva “vatevedzeri vaMwari.” (VaEf. 5:1) Izvi zvinoreva kuti vanoshanda nesimba kuti vazive mafungiro aJehovha uye kuti vaone zvinhu semaonero aanoita. Mwari munhu chaiye kwavari. Kusiyana nezvinoitwa nevanhu vane mafungiro enyama, ivo vanoedza kuita kuti nzira dzavo dzese dzienderane nemitemo yaJehovha. (Pis. 119:33; 143:10) Panzvimbo pekuisa pfungwa pamabasa enyama, munhu ane mafungiro aMwari anoedza chaizvo kuratidza “chibereko [chemweya].” (VaG. 5:22, 23) Kuti tiwedzere kujekesa zvinorehwa nemashoko ekuti ‘kuva nemafungiro aMwari,’ funga nezvemuenzaniso uyu: Munhu anogona zvekutengeserana anonzi ane pfungwa dzebhizinesi. Saizvozvowo, munhu anokoshesa chaizvo zvinhu zvine chekuita nekunamata ane mafungiro aMwari.
7. Bhaibheri rinotii nezvevanhu vane mafungiro aMwari?
7 Jesu akati vanhu vane mafungiro aMwari vanofara. Mateu 5:3 inoti: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo [zvemweya], nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” VaRoma 8:6 inoratidza zvakanakira kuva nemafungiro aMwari, ichiti: “Nokuti kufunga kwenyama kunoreva rufu, asi kufunga [kwemweya] kunoreva upenyu norugare.” Patinoisa pfungwa pazvinhu zvekunamata, tinova nerugare naMwari uye rugare mupfungwa iye zvino uye tariro yekurarama upenyu husingaperi mune ramangwana.
-