-
Jesu Akamutswa Zvechokwadi Here?Nharireyomurindi—2013 | March 1
-
-
Vamwe vaKristu vomuKorinde yekare vakanga vakavhiringidzika panyaya yacho uye vamwe vaisatombotenda kuti vakafa vanomutswa. Mutsamba yake yokutanga kuvaKristu ivavo, muapostora wacho akataura zvazvaizoreva dai dzaiva nhema kuti vakafa vanomutswa. Akanyora kuti: “Chokwadi, kana kusina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswawo. Asi kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu chokwadi hakuna zvakunobatsira, uye kutenda kwedu hakuna zvakunobatsira. Zvakare, isu tinganziwo tiri zvapupu zvenhema zvaMwari . . . Kutenda kwenyu hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu. . . . Vaya vakararawo murufu pamwe naKristu vakaparara.”—1 VaKorinde 15:13-18.
“Akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu panguva imwe chete . . . Pashure paizvozvo akazviratidza kuna Jakobho, akazozviratidza kuvaapostora vose; asi pakupedzisira akazviratidzawo kwandiri.”—1 VaKorinde 15:6-8
-
-
Jesu Akamutswa Zvechokwadi Here?Nharireyomurindi—2013 | March 1
-
-
Pane zvimwewo zvaizoitika zvakare. Kudai Kristu asina kumutswa, zvinotendwa nevaKristu zvaizova pasina, zvichingobva panhema. Zvaizorevawo kuti Pauro nevamwe vaitaura manyepo nezvekumutswa kwaJesu uye nezvaJehovha Mwari uyo wavaiti akamutsa Jesu. Mashoko okuti Kristu “akafira zvivi zvedu” aizovawo enhema, nokuti kana Muponesi wacho asina kuponeswa kubva murufu, aisazokwanisa kuponesawo vamwe. (1 VaKorinde 15:3) Zvaizoreva kuti vaKristu vakanga vafa, vamwe vacho vachifira kutenda kwavo vakanga vafa vaine tariro yenhema yokuti vaizomutswa.
-