Zviitiko Zvinokosha Zvemitambo Yenhau yaIsraeri
“Varume venyu vose vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachatsaura, . . . havafaniri kuuya pamberi paJehovha vasine chinhu.”—DHEUTERONOMIO 16:16.
1. Chii chingataurwa pamusoro penhambo dzemitambo dzomunguva dzeBhaibheri?
CHII chaunoyeuka paunofunga nezvomutambo? Mimwe mitambo yomunguva dzakare yakanga ichiratidzirwa nokunyanyisa kuzvigutsa nounzenza. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvemitambo yezuva razvino uno. Asi mitambo inoratidzirwa muMutemo waMwari kuna Israeri yakanga yakasiyana. Nepo dzakanga dziri nhambo dzaifadza, dzaigonawo kurondedzerwa se“ungano tsvene.”—Revhitiko 23:2.
2. (a) Vanhurume vechiIsraeri vaifanira kuitei katatu pagore? (b) Sokushandiswa kunoitwa shoko racho pana Dheuteronomio 16:16, “mutambo” chii?
2 Varume vakatendeka vaIsraeri—vaiwanzoperekedzwa nemhuri dzavo—vaiwana mufaro unozorodza mukuenda kuJerusarema, ‘nzvimbo yakasarudzwa naJehovha,’ uye vaipa zvakawanda kumitambo mikuru mitatu. (Dheuteronomio 16:16) Bhuku rinonzi Old Testament Word Studies rinorondedzera shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “mutambo” pana Dheuteronomio 16:16 se“nhambo yomufaro mukuru . . . apo zviitiko zvinokosha zvenyasha dzaMwari zvakachengetwa nokubayira nokuita mabiko.”a
Kukosha Kwemitambo Mikuru
3. Zvikomborero zvipi izvo mitambo mitatu yegore negore yaiyeuchidza?
3 Sezvo yavo yakanga iri nzanga yezvokurima, vaIsraeri vaitsamira pazvikomborero zvaMwari muchimiro chemvura. Mitambo mitatu mikuru yomuMutemo waMosesi yaiwirirana nokuunganidzwa kwomukohwe wegorosi mukuvamba kwomunakamwe, kukohwewa kwekoroni mukupera kwomunakamwe, uye kumwe kukohwa kwose mukupera kwezhizha. Idzi dzakanga dziri nhambo dzokufara zvikuru nokuonga Mutsigiri wokufamba kwemvura uye Muiti wenyika inobereka zvibereko. Asi mitambo yacho yaibatanidza zvakawanda zvikuru.—Dheuteronomio 11:11-14.
4. Ndechipi chiitiko chinokosha chakachengetwa pamutambo wokutanga?
4 Mutambo wokutanga waitika mumwedzi wokutanga wekarenda yekare yeBhaibheri, kubva pana Nisani 15 kusvikira ku21, zvinowirirana nekupera kwaMarch wedu kana kuti kuvamba kwaApril. Wainzi Mutambo Wezvingwa Zvisina Kuviriswa, uye nemhaka yokuti waitevera nokukurumidza pashure pePaseka yaNisani 14, wainziwo “mutambo wepaseka.” (Ruka 2:41; Revhitiko 23:5, 6) Mutambo uyu waiyeuchidza vaIsraeri nezvokununurwa kwavo mudambudziko muEgipita, zvingwa zvisina kuviriswa zvichinzi “chingwa chokutambudzika.” (Dheuteronomio 16:3) Waivayeuchidza kuti kutiza kwavo muEgipita kwakanga kuri kwokukurumidzira zvikuru zvokuti pakanga pasina nguva yokuwedzera mbiriso kumukanyiwa wavo ndokumirira kuti ututume. (Eksodho 12:34) Mukati momutambo uyu hapana chingwa chakaviriswa chaifanira kuwanika mumusha womuIsraeri. Muchengeti upi noupi, kubatanidza mugari wokuimwe nyika, aidya chingwa chakaviriswa aifanira kurangwa norufu.—Eksodho 12:19.
5. Ndeipi ropafadzo ingava yakayeuchidzwa nomutambo wechipiri, uye ndivanaani vakanga vachifanira kubatanidzwa mukufara kwacho?
5 Mutambo wechipiri waiitika mavhiki manomwe (mazuva 49) pashure paNisani 16 uye waiva pazuva rechitanhatu romwedzi wechitatu, Sivhani, unowirirana nokupera kwaMay wedu. (Revhitiko 23:15, 16) Wainzi Mutambo Wamavhiki (muzuva raJesu, wainziwo Pendekosti, zvichireva kuti “Rechimakumi Mashanu” muchiGiriki), uye waiitika pedyo nenguva imwe cheteyo yegore iro vaIsraeri vakapinda musungano yoMutemo paGomo reSinai. (Eksodho 19:1, 2) Mukati momutambo uyu vaIsraeri vakatendeka vangava vakarangarira ropafadzo yavo yokutsaurwa sorudzi rutsvene rwaMwari. Kuva kwavo vanhu chaivo vaMwari kwaida kuteerera Mutemo waMwari, zvakadai somurayiro wokuratidza kuitira hanya kworudo varombo kuitira kuti avawo vagogona kufarikanya mutambo wacho.—Revhitiko 23:22; Dheuteronomio 16:10-12.
6. Mutambo wechitatu wakayeuchidza vanhu vaMwari nezvechiitiko chipi?
6 Wokupedzisira wemitambo mikuru mitatu yegore negore wainzi Mutambo Wokuunganidza, kana kuti Mutambo Wamatumba. Waiitika mumwedzi wechinomwe, Tishiri, kana kuti Etanimi, kubva pazuva rechi15 kusvika kune rechi21, rinowirirana nokutanga kwaOctober wedu. (Revhitiko 23:34) Mukati menguva ino, vanhu vaMwari vaigara panze pemisha yavo kana kuti pamatenga avo mudzimba dzechinguvana (matumba) dzaivakwa nemapazu nemashizha emiti. Izvi zvaivayeuchidza nezverwendo rwavo rwamakore 40 rwokubva kuEgipita kuenda kuNyika Yakapikirwa, apo rudzi rwacho rwaifanira kudzidza kuvimba naMwari nokuda kwezvinodikanwa zvavo zvezuva nezuva.—Revhitiko 23:42, 43; Dheuteronomio 8:15, 16.
7. Tinobetserwa sei nokuhwirudzura kuchengetwa kwemitambo muna Israeri wakare?
7 Ngatihwirudzurei mimwe mitambo yakabvumikisa kuva zviitiko zvinokosha munhau yavanhu vaMwari vakare. Izvi zvinofanira kuva zvinokurudzira kwatiri nhasi, sezvo isuwo tichikokwa kuti tiungane pamwe chete nguva dzose vhiki imwe neimwe uye katatu pagore mumagungano makuru nekokorodzano.—VaHebheru 10:24, 25.
Munguva Yamadzimambo aDhavhidhi
8. (a) Ndokupi kuchengeta kunokosha kwakaitwa mumazuva aMambo Soromoni? (b) Mugumo upi wakaisvonaka weMutambo Wematumba wakafananidzirwa watinogona kukarira?
8 Kuchengeta kunokosha panguva yoMutambo Wamatumba kwakaitika mukati mokutonga kwakabudirira kwaMambo Soromoni, mwanakomana waDhavhidhi. “Ungano huruhuru” yakaungana kubva kumicheto yeNyika Yakapikirwa nokuda kwoMutambo Wamatumba nokutsaurirwa kwetembere. (2 Makoronike 7:8) Pawakanga wapera, Mambo Soromoni akaendesa vachengeti, avo vakavamba ku“tenda mambo, vakaenda kumatende avo nemwoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakanga zvaitirwa Dhavhidhi muranda wake naIsraeri vanhu vake naJehovha.” (1 Madzimambo 8:66) Ichocho zvechokwadi chakanga chiri chiitiko chinokosha chomutambo. Nhasi, vabatiri vaMwari vanokarira kuguma kune mbiri kweMutambo Wamatumba wakafananidzirwa pakupera kweKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaSoromoni Mukuru, Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 20:3, 7-10, 14, 15) Panguva iyoyo, vanhu vanogara murutivi rwuri rwose rwapasi, kubatanidza vakamutswa uye vanopukunyuka Armagedhoni, vachabatanidzwa mukunamata Jehovha Mwari kunofadza.—Zekaria 14:16.
9-11. (a) Chii chakatungamirira kuchiitiko chinokosha chomutambo mumazuva aMambo Hezekia? (b) Muenzaniso upi wakagadzwa navakawanda vakabva kuumambo hwendudzi gumi dzokuchamhembe, uye unotiyeuchidza nezvechii nhasi?
9 Mutambo waitevera wakatanhamara unoshumwa muBhaibheri wakauya pashure pokutonga kwaMambo Ahazi akaipa, uyo akanga avhara tembere ndokutungamirira umambo hwaJudha kuti hurambe kutenda. Mutsivi waAhazi akanga ari Mambo Hezekia akanaka. Mugore rokutanga rokutonga kwake, pazera ramakore 25, Hezekia akavamba chirongwa chikuru chokudzorera nokuchinja. Akakurumidza kuvhura tembere ndokuronga kuti igadzirwe. Ipapo mambo akatumira tsamba kuvaIsraeri vaigara muumambo hwaiva neutsinye hwendudzi gumi dzaIsraeri kuchamhembe, akavakoka kuti vauye ndokuchengeta Paseka uye Mutambo Wezvingwa Zvisina Kuviriswa. Vakawanda vakauya, pasinei zvapo nokusekwa nevamwe vavo.—2 Makoronike 30:1, 10, 11, 18.
10 Mutambo wacho wakabudirira here? Bhaibheri rinoshuma kuti: “Zvino vana vaIsraeri, vaiva paJerusarema, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navaprista vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure.” (2 Makoronike 30:21) VaIsraeri ivavo vakagadza muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kwavanhu vaMwari nhasi, vakawanda vavo vanotsungirira chishoro uye vanoenda kure kunopinda kokorodzano!
11 Somuenzaniso, rangarira Kokorodzano Dzoruwa nhatu dzo“Kuzvipira Kwoumwari” dzakaitwa muPoland muna 1989. Pakati pevane 166 518 vaivapo pakanga pane mapoka makuru akabva kuyaimbova Soviet Union uye dzimwe nyika dzeEastern Europe uko basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rakarambidzwa panguva yacho. “Nokuda kwavamwe vakapinda kokorodzano idzi,” rinoshuma kudaro bhuku rinonzi Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom,b “yakanga iri nguva yokutanga yavakanga vambova pakuungana kukuru kwavanhu vaJehovha vanopfuura 15 kana kuti 20. Mwoyo yavo yakazadzwa nokuonga sezvavakatarira makumi ezviuru zvaiva munhandare, vakakumbanirana nawo mumunyengetero, uye vakabatanidza manzwi avo munziyo dzokurumbidza Jehovha.”—Peji 279.
12. Chii chakatungamirira kuchiitiko chinokosha chomutambo mukutonga kwaMambo Josia?
12 Pashure pokufa kwaHezekia, vaJudha vakaenda zvakare kukunamata kwenhema vachitungamirirwa naMadzimambo Manase naAmoni. Ipapo kwakauya kutonga kwomumwe mambo akanaka, Josia muduku, uyo akaita nokushinga mukudzorera kunamata kwechokwadi. Pazera ramakore 25, Josia akarayira kuti tembere igadzirwe. (2 Makoronike 34:8) Pavakanga vachigadzira, Mutemo wakanyorwa naMosesi wakawanwa mutembere. Mambo Josia akaororwa zvikuru nezvaakarava muMutemo waMwari uye akaronga kuti uravirwe vanhu vose. (2 Makoronike 34:14, 30) Ipapo, maererano nezvakanga zvakanyorwa, akaronga kuchengetwa kwePaseka. Mambo akagadzawo muenzaniso wakaisvonaka kupfurikidza nokupa zvakawanda kunhambo yacho. Somugumisiro, Bhaibheri rinoshuma kuti: “Paseka yakadai haina kumboitwa pakati paIsraeri kubva pamazuva omuporofita Samueri.”—2 Makoronike 35:7, 17, 18.
13. Kuchengeta mitambo kwaHezekia naJosia kunotiyeuchidza nezvechii nhasi?
13 Kuchinja kwaHezekia naJosia kunofanana nekudzorerwa kunoshamisa kwokunamata kwechokwadi kwakaitika pakati pavaKristu vechokwadi kubvira pakugadzwa kwaJesu Kristu muna 1914. Sezvazvakanga zviri zvechokwadi zvikurukuru nokuchinja kwaJosia, uku kudzorerwa kwezuva razvino kwakavakirwa pane zvakanyorwa muShoko raMwari. Uye, kufanana nemazuva aHezekia naJosia, kudzorerwa kwezuva razvino kwakaratidzirwa nemagungano nekokorodzano uko kutsanangurwa kunofadza kwouporofita hweBhaibheri uye kushandiswa kwakakodzera nguva kwenheyo dzeBhaibheri kwakasimbiswa. Nhamba huru dzinobhabhatidzwa dzinowedzera mufaro kuidzi nhambo dzinorayiridza. Kufanana nevaIsraeri vaipfidza vomumazuva aHezekia naJosia, vachangobva kubhabhatidzwa vakasiya miitiro yakaipa yechiKristudhomu uye nyika yose yaSatani. Muna 1997 vanopfuura 375 000 vakabhabhatidzwa vachiratidzira kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari mutsvene, Jehovha—avhareji yevanopfuura 1 000 pazuva.
Pashure Poutapwa
14. Chii chakatungamirira kuchiitiko chinokosha chomutambo muna 537 B.C.E.?
14 Pashure pokufa kwaJosia, rudzi rwacho rwakatendeukira zvakare kukunamata kwenhema kunonyangadza. Pakupedzisira, muna 607 B.C.E., Jehovha akaranga vanhu vake kupfurikidza nokuunza mauto eBhabhironi kuzorwisana neJerusarema. Guta netembere yaro zvakaparadzwa, uye nyika yakaitwa dongo. Kwakatevera makore 70 outapwa hwavaJudha muBhabhironi. Ipapo Mwari akamutsiridza vakasarira vechiJudha vanopfidza, avo vakadzokera kuNyika Yakapikirwa kunodzorera kunamata kwechokwadi. Vakasvika paguta rakaparadzwa reJerusarema mumwedzi wechinomwe wegore ra537 B.C.E. Chinhu chokutanga chavakaita chakanga chiri chokuvaka atari kuti vape zvibayiro zvezuva nezuva zvenguva dzose sezvakarongwa musungano yoMutemo. Izvozvo zvakaitika panguva chaiyo yekumwe kuchengeta kunokosha. “Vakaitawo mutambo wamatumba, sezvakanga zvakanyorwa.”—Ezra 3:1-4.
15. Ibasa ripi rakanga rakamirira vakasarira vakadzorerwa muna 537 B.C.E., uye mamiriro ezvinhu akafanana akavapo sei muna 1919?
15 Basa guru rakanga rakamirira idzi nhapwa dzakadzoka—kuvakwazve kwetembere yaMwari uye kweJerusarema nemasvingo aro. Kwakanga kune chishoro chikuru chaibva kuvavakidzani vane godo. Tembere payakanga ichivakwa, rakanga riri “zuva rezvinhu zviduku.” (Zekaria 4:10) Mamiriro ezvinhu zvacho akafanana nemamiriro ezvinhu evaKristu vakazodzwa vakatendeka muna 1919. Mugore iroro risingakanganwiki, vakasunungurwa muutapwa hwomudzimu kuBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Vakanga vachingova zviuru zvishomanene bedzi uye vakatarisana nenyika ine utsinye. Vavengi vaMwari vaizokwanisa kumisa kufambira mberi kwokunamata kwechokwadi here? Mhinduro yomubvunzo iwoyo inoyeuchidza kuchengetwa kwemitambo kuviri kwokupedzisira kwakanyorwa muMagwaro echiHebheru.
16. Chii chakanga chichikosha pamusoro pomutambo womuna 515 B.C.E.?
16 Pakupedzisira tembere yakavakwazve mumwedzi waAdar 515 B.C.E., panguva chaiyo yomutambo wemunakamwe waNisani. Bhaibheri rinoshuma kuti: “Vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe; nokuti Jehovha akanga avafadza, akarereudzira mwoyo wamambo weAsiria kwavari, kuti asimbise maoko avo pabasa reimba yaMwari waIsraeri.”—Ezra 6:22.
17, 18. (a) Chinhu chipi chinokosha chakasvikwa muna 455 B.C.E.? (b) Tiri mumamiriro ezvinhu akafanana sei nhasi?
17 Makore makumi matanhatu gare gare, muna 455 B.C.E., chimwe chiitiko chinokosha chakasvikwa. Mutambo Wamatumba gore iroro wakaratidzira kupedzwa kwokuvakwazve kwemasvingo eJerusarema. Bhaibheri rinoshuma kuti: “Ungano yose yavakanga vakadzoka pakutapwa vakaita matumba, vakagara pamatumba; nokuti kubva pamazuva aJoshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iro, vana vaIsraeri vakanga vasina kuita izvozvo. Pakava nomufaro mukuru.”—Nehemia 8:17.
18 Kudzorerwa kusingakanganwiki kwakadini kwokunamatwa kwaMwari kwechokwadi pasinei zvapo nechishoro chinotyisa! Mamiriro ezvinhu nhasi akafanana. Pasinei zvapo nechitambudzo nechishoro, basa guru rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari rakasvika kumigumo yapasi, uye mashoko orutongeso rwaMwari akaziviswa kunzvimbo dzose. (Mateo 24:14) Kuiswa chisimbiso kwokupedzisira kwavakasarira vakazodzwa vane 144 000 kunoswedera pedyo. Anopfuura mamiriyoni mashanu eshamwari dzavo dze“mamwe makwai” akaunganidzwa achibva kumarudzi ose kuva “boka rimwe” nevakasarira vakazodzwa. (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:3, 9, 10) Kuzadzikwa kwakaisvonaka zvakadini kwomufananidzo wouporofita weMutambo Wamatumba! Uye iri basa rakaisvonaka rokuunganidza richapfuurira ndokupinda munyika itsva apo mabhiriyoni evanomutswa achakumbirwa kukumbanirana mukuchengeta Mutambo Wamatumba wokufananidzirwa.—Zekaria 14:16-19.
Muzana Rokutanga Ramakore C.E.
19. Chii chakaita kuti Mutambo Wamatumba muna 32 C.E. uve wakatanhamara?
19 Kwaiva pakati pokuchengetwa kwemitambo kwakatanhamara zvikurusa kwakanyorwa muBhaibheri pasina mubvunzo kwakanga kuri uko kwakapindwa noMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. Somuenzaniso, rangarira kuva kwaJesu paMutambo Wamatumba (kana kuti, Tabhernakeri) mugore ra32 C.E. Akashandisa nhambo iyoyo kudzidzisa zvokwadi dzinokosha ndokutsigira kudzidzisa kwake kupfurikidza nokunokora mashoko muMagwaro echiHebheru. (Johane 7:2, 14, 37-39) Rutivi rwenguva dzose rwemutambo uyu yakanga iri tsika yokubatidza mwenje mina mikuru muvazhe yomukati yetembere. Izvi zvakawedzera kufarikanywa kwemibato yemitambo yaipfuurira kusvikira usiku. Sezviri pachena, Jesu akanongedzera kuiyi mwenje mikuru paakati: “Ndini chiedza chenyika; unonditevera haangafambi murima, asi uchava nechiedza choupenyu.”—Johane 8:12.
20. Nei Paseka muna 33 C.E. yakanga yakatanhamara?
20 Ipapo kwakauya Paseka uye Mutambo Wezvingwa Zvisina Kuviriswa zvegore rinokosha ra33 C.E. PaZuva iroro rePaseka, Jesu akaurawa navavengi vake uye akava Gwayana rePaseka rakafananidzirwa, uyo akafa kuti abvise “zvivi zvenyika.” (Johane 1:29; 1 VaKorinte 5:7) Mazuva matatu gare gare, pana Nisani 16, Mwari akamutsa Jesu ane muviri usingafi womudzimu. Izvi zvakawirirana nechipiriso chezvibereko zvokutanga zvokukohwiwa kwegorosi sezvakarayirwa noMutemo. Nokudaro, Ishe Jesu Kristu akamutswa akava “chibereko chokutanga chavavata.”—1 VaKorinte 15:20.
21. Chii chakaitika paPendekosti muna 33 C.E.?
21 Mutambo wakatanhamara zvirokwazvo wakanga uri Pendekosti muna 33 C.E. Pazuva iri vaJudha vakawanda navapuroserite vakaungana muJerusarema, kubatanidza vanenge 120 vevadzidzi vaJesu. Mutambo pawakanga uchipfuurira, Ishe Jesu Kristu akamutswa akadurura mudzimu mutsvene waMwari pavane 120. (Mabasa 1:15; 2:1-4, 33) Nenzira iyoyo vakazodzwa ndokuva rudzi rutsva rwaMwari rwakasarudzwa kupfurikidza nesungano itsva inorevererwa naJesu Kristu. Mukati momutambo iwoyo muprista mukuru wechiJudha aipa Mwari zvingwa zviviri zvakaviriswa zvaibikwa nezvibereko zvokutanga zvokukohwiwa kwekoroni. (Revhitiko 23:15-17) Izvi zvingwa zvakaviriswa zvinofananidzira vanhu vasina kukwana vane 144 000 avo Jesu aka‘tengera Mwari’ kuti vabatire se“ushe navaprista, vabate ushe panyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3) Idi rokuti ava vatongi vokudenga vanobva kumativi maviri orudzi rwomunhu rwunotadza, vaJudha naMamwe Marudzi, ringafananidzirwawo nezvingwa zviviri zvakaviriswa.
22. (a) Nei vaKristu vasingachengeti mitambo yesungano yoMutemo? (b) Ticharangarirei munyaya inotevera?
22 Sungano itsva payakashanda paPendekosti ya33 C.E., zvaireva kuti sungano yoMutemo yakare yakanga isingachakoshi mumeso aMwari. (2 VaKorinte 3:14; VaHebheru 9:15; 10:16) Izvozvo hazvirevi kuti vaKristu vakazodzwa havana mutemo. Vanopinda mumutemo waMwari unodzidziswa naJesu Kristu uye wakanyorwa pamwoyo yavo. (VaGaratia 6:2) Nokudaro, mitambo mitatu yegore negore, ichiva rutivi rwesungano yekare yoMutemo, haichengetwi navaKristu. (VaKorose 2:16, 17) Kunyange zvakadaro, tinogona kudzidza zvakawanda mumurangariro wavabatiri vaMwari vakatangira chiKristu kumitambo yavo uye mimwe misangano yokunamata. Munyaya yedu inotevera, ticharangarira mienzaniso iyo pasina mubvunzo ichasunda vose kuonga kudikanwa kwokuva venguva dzose mukupinda kuungana kwechiKristu.
[Mashoko Omuzasi]
a Onawo Insight on the Scriptures, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., Vhoriyamu 1, peji 820, chikamu 1, ndima 1 ne3, pasi pa“Festival.”
b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Mitambo mikuru mitatu yaIsraeri yakabatira chinangwai?
◻ Chii chakaratidzira mitambo yezuva raHezekia naJosia?
◻ Chiitiko chipi chinokosha chakachengetwa muna 455 B.C.E., uye nei chichikurudzira kwatiri?
◻ Chii chakanga chichikosha pamusoro pePaseka nePendekosti muna 33 C.E.?
[Bhokisi riri papeji 12]
CHIDZIDZO CHOMUTAMBO NOKUDA KWEDU NHASI
Vose vangabetserwa nokusingaperi nechibayiro chaJesu chinobvisa zvivi vanofanira kurarama mutsinhirano nezvinofananidzirwa neMutambo Wezvingwa Zvisina Kuviriswa. Uyu mutambo wakafananidzirwa kuchengeta kunofadza kwevaKristu vakazodzwa kununurwa kwavo munyika ino yakaipa uye kusunungurwa kwavo mukupiwa mhosva yechivi kupfurikidza nechibayiro chaJesu. (VaGaratia 1:4; VaKorose 1:13, 14) Mutambo chaiwoiwo waitora mazuva manomwe—nhamba inoshandiswa muBhaibheri kufananidzira kukwana kwomudzimu. Mutambo wakafananidzirwa unotora nguva yakakwana yeungano yevaKristu vakazodzwa pasi pano uye unofanira kuchengetwa “nomwoyo wose nechokwadi.” Izvozvo zvinoreva kuramba uchingwarira mbiriso yokufananidzira. Mbiriso inoshandiswa muBhaibheri kufananidzira dzidziso dzakashata, unyengeri, uye ushati. Vanamati vechokwadi vaJehovha vanofanira kuratidza kuvenga mbiriso yakadaro, vasingaibvumiri kuti ishatise upenyu hwavo pachavo uye vasingaibvumiri kuti ishatise kuchena kweungano yechiKristu.—1 VaKorinte 5:6-8; Mateo 16:6, 12.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Chisote chokukohwiwa kwegorosi idzva chaipiwa makore ose pana Nisani 16, zuva rakamutswa Jesu
[Mufananidzo uri papeji 10]
Jesu angava akanongedzera kumwenje yemitambo paakazvidana kuti “chiedza chenyika”