RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kumutswa kwaJesu Kunoita Kuti Vamwe Vawane Upenyu
    Nharireyomurindi—2013 | March 1
    • KUMUTSWA kwaJesu haisi nyayawo zvayo yakaitika kare isinei nesu. Muapostora Pauro akaratidza kuti kumutswa kwaJesu kunokosha paakati: “Kristu akamutswa kuvakafa, icho chibereko chokutanga pane vaya vakarara murufu. Nokuti rufu zvaruripo nokuda kwomunhu, kumuka kwevakafa kuripowo nokuda kwomunhu. Nokuti vose zvavari kufa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.”—1 VaKorinde 15:20-22.

  • Kumutswa kwaJesu Kunoita Kuti Vamwe Vawane Upenyu
    Nharireyomurindi—2013 | March 1
    • Pauro akabva ataura mashoko anoratidza kubatsira kunoita kumutswa kwaJesu. Akati: “Nokuti rufu zvaruripo nokuda kwomunhu, kumuka kwevakafa kuripowo nokuda kwomunhu.” Takaberekwa tiine chivi chakabva kuna Adhamu ndokusaka tose tichifa. Zvisinei, paakapa muviri wake wakanga usina chivi sechibayiro, Jesu akaita kuti vanhu vakwanise kumutswa, zvichiita kuti vasunungurwe muuranda hwechivi nerufu. Pauro akapedzisa nyaya yacho zvakanaka pana VaRoma 6:23 achiti: “Mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe