-
“Ndine Tariro Kuna Mwari”Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | December
-
-
15. Nei Jesu achinzi “chibereko chokutanga”?
15 Rumuko rwaJesu ndirwo rwekutanga rwakadaro, uye hapana mubvunzo kuti ndirwo runonyanya kukosha. (Mab. 26:23) Asi haasi iye ega akavimbiswa kumutswa kuti aende kudenga sechisikwa chemweya. Jesu akavimbisa vaapostora vake vakatendeka kuti vaizotonga naye kudenga. (Ruka 22:28-30) Saka kuti vawane mubayiro iwoyo, vaifanira kutanga vafa, vozomutswa vaine muviri wemweya sezvakaitwa Kristu. Pauro akanyora kuti “Kristu akamutswa kuvakafa, icho chibereko chokutanga pane vaya vakarara murufu.” Pauro akaratidza kuti pane vamwe vaizomutswa kuti vararame kudenga, achiti: “Mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga, kwozotevera vaya vari vaKristu, munguva yokuvapo kwake.”—1 VaK. 15:20, 23.
16. Chii chinotibatsira kuziva nezvenguva yaizoitika rumuko rwekudenga?
16 Mashoko iwayo anotibatsira kuziva nguva yaizoitika rumuko rwevachaenda kudenga. Rwaizoitika “munguva yokuvapo kwake.” Kwemakore akawanda Zvapupu zvaJehovha zvanga zvichiratidza kubva muBhaibheri kuti “kuvapo” kwaKristu kwakatanga muna 1914. Kuchiri kuenderera mberi, uye kuguma kwenyika ino kwava pedyo chaizvo.
17, 18. Chii chichaitika kune vamwe vakazodzwa munguva yekuvapo kwaKristu?
17 Bhaibheri rinotaura mamwe mashoko nezverumuko rwevachaenda kudenga richiti: “Hatidi kuti musaziva pamusoro pevaya vari kurara murufu . . . Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa akamukazve, saizvozvowo, vaya vakarara murufu . . . Mwari achavaunzawo pamwe chete naye. . . . Isu vapenyu tinenge tichirarama pakuvapo kwaShe hatizombotangiri vakarara murufu; nokuti Ishe achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, . . . uye vaya vakafa vari pamwe naKristu vachatanga kumuka. Pashure paizvozvo isu vapenyu tiri kurarama, tichatorwa mumakore, pamwe chete navo, kuti tisangane naShe mumhepo; uye nokudaro tichava naShe nguva dzose.”—1 VaT. 4:13-17.
18 Rumuko rwekudenga rwaizoitika nguva ‘yekuvapo’ kwaKristu yatanga. Vakazodzwa vanenge vachiri vapenyu pakutambudzika kukuru ‘vachatorwa mumakore.’ (Mat. 24:31) Vaya ‘vachatorwa’ ‘havazorari murufu’ pakuti havazoiti nguva refu vakafa. ‘Vachachinjwa, munguva dukuduku, mukubwaira kweziso, mukurira kwebhosvo rokupedzisira.’—1 VaK. 15:51, 52.
-
-
“Ndine Tariro Kuna Mwari”Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | December
-
-
20. Nei tichigona kuvimba kuti rumuko ruchaitika zvakarongeka?
20 Richitaura nezvevanhu vachamutswa kuti vaende kudenga, Bhaibheri rinoti vachamutswa “mumwe nomumwe padzoro rake.” (1 VaK. 15:23) Tinogona kuvimba kuti rumuko rwepanyika ruchange rwakarongekawo saizvozvo. Iyoyo itariro inofadza chaizvo. Vaya vanenge vachangobva kufa vachamutswa Kutonga kwaKristu Kwemakore 1 000 kuchangobva kutanga here, vobva vagamuchirwa nevanhu vanovaziva? Varume vakatendeka vekare vaigona kutungamirira ndivo here vachatanga kumutswa kuti vabatsire pakuronga vanhu vaMwari munyika itsva? Ko vanhu vasina kumbobvira vakashumira Jehovha? Vachamutswa panguva ipi uye vachamutsirwa kupi? Tinogona kuva nemibvunzo yakawanda. Asi pane chikonzero here chekuti tinyanye kunetseka nenyaya idzi pari zvino? Zviri nani kuti timirire toona zvinoitika. Tinogona kuvimba kuti zvichange zvichifadza kuzvionera tega kuti Jehovha achange achizvifambisa sei.
-