-
Kusvika Pakuziva “Pfungwa dzaKristu”Nharireyomurindi—2000 | February 15
-
-
Kusvika Pakuziva “Pfungwa dzaKristu”
“‘Ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha, kuti amudzidzise?’ Asi isu tine pfungwa dzaKristu.”—1 VAKORINDE 2:16.
1, 2. MuShoko rake, Jehovha akaona zvakakodzera kuzivisei nezvaJesu?
JESU aiva akaita sei? Vhudzi rake raiva noruvara rworudzii? ganda rake? maziso ake? Aiva akareba sei? Airema zvakadini? Kwemazana emakore, mifananidzo yaJesu yakaitwa nounyanzvi yakava yakasiyana-siyana kubva kune iri nani kusvikira kune isingabviri. Vamwe vakamurondedzera somurume uye ane simba, nepo vamwe vakamuratidza sendonda uye asina kuchangamuka.
2 Zvisinei, Bhaibheri haritauri nezvechitarisiko chaJesu. Panzvimbo pezvo, Jehovha akaona zvakakodzera kuzivisa chimwe chinhu chinonyanya kukosha: rudzi rwomunhu rwaiva Jesu. Nhoroondo dzeEvhangeri hadzingoshumi zvakataurwa naJesu uye zvaakaita, asiwo dzinozivisa makurire akanga akaita kunzwa kwake kwomukati uye rudzi rwokufunga rwairatidzwa nemashoko uye zviito zvake. Idzi nhoroondo ina dzakafuridzirwa dzinoita kuti tikwanise kutarira zvakanzi nomuapostora Pauro “pfungwa dzaKristu.” (1 VaKorinde 2:16) Zvinokosha kuti tizive pfungwa, kunzwa kwomukati, uye unhu zvaJesu. Nei? Nokuda kwezvikonzero zvinenge zviviri.
3. Kuziva pfungwa dzaKristu kungatipa nzwisisoi?
3 Chokutanga, pfungwa dzaKristu dzinoita kuti tione zvishoma pfungwa dzaJehovha Mwari. Jesu ainyatsozivana zviri nani zvikuru naBaba vake zvokuti aigona kuti: “Kuti Mwanakomana ndiani hapana anoziva kunze kwaBaba; uye kuti Baba ndiani, hapana anoziva kunze kwoMwanakomana, uye munhu uyo Mwanakomana anenge ada kuzarurira.” (Ruka 10:22) Zvinoita sokuti Jesu akanga achiti, ‘Kana uchida kuziva zvakaita Jehovha, nditarire.’ (Johani 14:9) Saka, patinodzidza zvinoziviswa neEvhangeri pamusoro pemafungire uye manzwire aiita Jesu, chaizvoizvo,tiri kudzidza mafungire nemanzwire anoita Jehovha. Zivo yakadaro inoita kuti tikwanise kuswedera pedyo naMwari wedu.—Jakobho 4:8.
4. Kana tichizoita saJesu zvechokwadi, chii chatinofanira kutanga tadzidza, uye nei?
4 Chechipiri, kuziva kwedu pfungwa dzaKristu kunotibetsera ku“nyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Kutevera Jesu haisi nhau yokungodzokorora mashoko ake nokukopa zviito zvake. Sezvo kutaura uye zviito zvichipesvedzerwa nepfungwa uye kunzwa kwomukati, kutevera Kristu kunoda kuti tive “nemafungire” aaiva nawo. (VaFiripi 2:5) Namamwe mashoko, kana tichizofanira kuita saKristu zvechokwadi, tinofanira kutanga tadzidza kufunga nokunzwa saiye, ndiko kuti, maererano nezvatinokwanisa sevanhu vasina kukwana. Saka, ngatitarire pfungwa dzaKristu, tichibetserwa nevanyori veEvhangeri. Tichatanga kukurukura zvinhu zvaipesvedzera mafungire nemanzwire aiita Jesu.
Kuvapo Kwake Asati ava Munhu
5, 6. (a) Shamwari dzedu dzinogona kuva nechii chadzingaita patiri? (b) Mwanakomana waMwari wedangwe aiva noushamwarii mudenga asati auya pasi pano, uye hwakava nomugumisiroi paari?
5 Shamwari dzedu dzapedyo dzinogona kuva nezvadzingaita patiri, dzichipesvedzera pfungwa dzedu, manzwire atinoita, uye zviito zvakanaka kana kuti zvakaipa.a (Zvirevo 13:20) Funga ushamwari hwaiva naJesu mumatenga asati auya pasi pano. Evhangeri yaJohani inotaura nezvokuvapo kwaJesu asati ava munhu ari “Shoko,” kana kuti Mutauriri, waMwari. Johani anoti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga rina Mwari, uye Shoko rakanga riri mwari. Iyeyu pakutanga akanga ana Mwari.” (Johani 1:1, 2) Sezvo Jehovha akanga asina mavambo, kuva kweShoko naMwari kubvira “pakutanga” kunofanira kureva kutanga kwemabasa aMwari okusika. (Pisarema 90:2) Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvose.” Nokudaro, akavapo zvimwe zvisikwa zvomudzimu zvisati zvavapo uye zvose zvakasikwa zvinoonekwa zvisati zvasikwa.—VaKorose 1:15; Zvakazarurwa 3:14.
6 Maererano nokumwe kufungidzira kwesayenzi, zvose zvakasikwa zvinoonekwa zvave zviripo kwemakore anenge mabhiriyoni 12. Kana kufungidzira ikoko kungava kwakarurama, Mwanakomana waMwari wedangwe akanyatsoshamwaridzana naBaba vake kwenguva yakareba zvisingazivikanwi Adhama asati asikwa. (Enzanisa naMika 5:2.) Chisungo chorudo chakadzama chakatanga pakati pavo vari vaviri. Souchenjeri hunotaurwa somunhu, Mwanakomana uyu wedangwe mukuvapo kwake asati ava munhu anomiririrwa seaiti: “Ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, ndichitamba pamberi pake nguva dzose.” (Zvirevo 8:30) Chokwadi kupedza makore nemakore achinyatsoshamwaridzana muushamwari neTsime rorudo kwakava nomugumisiro mukuru paMwanakomana waMwari! (1 Johani 4:8) Mwanakomana uyu akasvika pakuziva uye kuratidza pfungwa dzaBaba vake, manzwire avanoita, uye nzira dzavo sezvaisagona kuitwa nomumwe munhu.—Mateu 11:27.
Upenyu Hwepasi uye Zvinhu Zvaipesvedzera
7. Ndechipi chimwe chezvikonzero nei zvakanga zvichikosha kuti Mwanakomana waMwari wedangwe auye pasi pano?
7 Mwanakomana waMwari aiva nezvakawanda zvokudzidza, nokuti chinangwa chaJehovha chaiva chokushongedzera Mwanakomana wake kuva Mupristi Mukuru ane tsitsi, anokwanisa “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu.” (VaHebheru 4:15) Kuita zvinodiwa nebasa iri chaiva chimwe chezvikonzero zvakauyira Mwanakomana pasi pano somunhu. Pano, somunhu wenyama neropa, Jesu akasangana nemamiriro ezvinhu uye zvinhu zvaipesvedzera zvaakanga angocherechedza bedzi ari kudenga. Zvino akanga ava kukwanisa kuva nemanzwire uye mafungire evanhu iye pachake. Imwe nguva ainzwa kuneta, nyota, uye nzara. (Mateu 4:2; Johani 4:6, 7) Zvinotopfuura izvi, akatsungirira rudzi rwose rwenhamo nokutambura. Saka “akadzidza kuteerera” ndokuva akanyatsokodzera basa rake soMupristi Mukuru.—VaHebheru 5:8-10.
8. Tinozivei nezvoupenyu hwaJesu hwapakuvamba pasi pano?
8 Zvakadini nezvaiitika muupenyu hwaJesu hwokutanga pasi pano? Chinyorwa chouduku hwake chipfupi zvikuru. Chokwadi, Mateu naRuka bedzi ndivo vakarondedzera zviitiko zvakaitika pakuzvarwa kwake. Vanyori veEvhangeri vaiziva kuti Jesu akanga ararama mudenga asati auya pasi pano. Kuvapo asati ava munhu ikoko, kupfuura chinhu chipi nechipi, kunotsanangura kuti akava munhu worudzii. Kunyange zvakadaro, Jesu aiva munhu chaiyeiye. Kunyange zvazvo akanga akakwana, aingofanira kukura kubva paucheche kusvika ava mwana ati kurei uye kubva pamunhu ari kuyaruka kusvika pakuva munhu mukuru, nguva yose iyoyo achingodzidza. (Ruka 2:51, 52) Bhaibheri rinozivisa zvimwe zvinhu pamusoro poupenyu hwaJesu hwapakuvamba zvatisina mubvunzo kuti zvakamutapura.
9. (a) Chii chinoratidza kuti Jesu akazvarirwa mumhuri yaiva nourombo? (b) Jesu angangova akakurira mumamiriroi ezvinhu?
9 Sezviri pachena, Jesu akazvarirwa mumhuri yaiva nourombo. Izvi zvinoratidzwa nechibayiro chakaunzwa kutemberi naJosefa naMariya mazuva anenge 40 azvarwa. Panzvimbo pokuuyisa gwayana sechibayiro chinopiswa uye hangaiwa duku kana kuti gukutiwa sechibayiro chezvivi, vakaunza “magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa mbiri duku.” (Ruka 2:24) Maererano noMutemo waMosesi, chibayiro ichi chaiva gadziriro yevarombo. (Revhitiko 12:6-8) Pashure penguva yakati, mhuri yaizvininipisa iyi yakakura. Josefa naMariya vakava nevamwe vana vanenge vatanhatu nenzira inoberekwa nayo vanhu vose pashure pokuzvarwa kunoshamisa kwaJesu. (Mateu 13:55, 56) Saka Jesu akakurira mumhuri yakakura, zvimwe mumamiriro ezvinhu asingashamisiri.
10. Chii chinoratidza kuti Mariya naJosefa vaiva vanhu vanotya Mwari?
10 Jesu akarerwa nevabereki vaitya Mwari vaimutarisira. Mai vake, Mariya, vaiva mudzimai akanaka kwazvo. Yeuka kuti payakamukwazisa, ngirozi Gabrieri yakati: “Kwaziwa, iwe akanzwirwa nyasha zvikuru, Jehovha anewe.” (Ruka 1:28) Josefa aivawo murume akazvipira. Nokutendeka gore rimwe nerimwe aienda rwendo rwemakiromita 150 kuJerusarema kuPaseka. Mariya aipindawo, kunyange zvazvo varume bedzi vaifanirwa kuita izvozvo. (Eksodho 23:17; Ruka 2:41) Pane chimwe chiitiko chakadaro, pashure pokutsvaka nokushingaira, Josefa naMariya vakawana Jesu aiva nemakore 12 ari mutemberi pakati pevadzidzisi. Kuvabereki vake vainetseka, Jesu akati: “Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?” (Ruka 2:49) “Baba”—shoko iroro rinofanira kuva raireva zvinodikanwa uye zvakanaka kuna Jesu muduku. Kutanga, zviri pachena kuti akanga audzwa kuti Jehovha aiva Baba vake chaivoivo. Uyezve, Josefa anofanira kuva aiva baba vokurera vakanaka kuna Jesu. Chokwadi Jehovha aizodai asina kusarudza munhu ane hasha kana kuti ane utsinye kuti arere Mwanakomana Wake anodiwa!
11. Jesu akadzidza basai, uye munguva inotaurwa muBhaibheri, kushanda basa iri kwaibatanidzei?
11 Mumakore ake ari muNazareta, Jesu akadzidza basa rokuveza, zvimwe kuna baba vake vokurera, Josefa. Jesu akakwanisa basa racho zvokuti iye pachake akanzi “muvezi.” (Mako 6:3) Munguva inotaurwa muBhaibheri, vavezi vaipiwa basa rokuvaka dzimba, kugadzira fanicha (kusanganisira matafura, zvituru, uye mabhenji), uye kugadzira zvokushandisa kurimisa. MuDialogue With Trypho, Justin Martyr, wezana ramakore rechipiri C.E., akanyora nezvaJesu kuti: “Aiva nemaitiro okushanda somuvezi paaiva pane vanhu, achigadzira magejo nemajoko.” Basa rakadaro rakanga risiri nyore, nokuti zvimwe muvezi wekare aisagona kutenga matanda ake. Zvimwe, aienda onosarudza muti, outema, uye otakura danda racho achienda naro kumba. Saka Jesu angangova aiziva nzira yokuzviraramisa, kubata nevatengi, uye kuwana chokurarama nacho.
12. Chii chinoratidza kuti Josefa zvimwe akafa Jesu asati, uye izvi zvingava zvakarevei nokuda kwaJesu?
12 Semwanakomana mukuru, zvimwe Jesu aibetsera kutarisira mhuri, zvikurukuru sezvo zvichiratidza sokuti Josefa akafa Jesu asati.b Zion’s Watch Tower yaJanuary 1, 1900, yakati: “Magamuchidzanwa anozivisa kuti Josefa akafa Jesu achiri muduku, uye kuti Jesu akatora basa romuvezi ndokuva mutsigiri wemhuri. Izvi zvinotsigirwa nouchapupu hweMagwaro apo Jesu pachake anonzi muvezi, uye mai vake nehama dzake vanodudzwa, asi Josefa asingadudzwi. (Mako 6:3) . . . Ipapo, zvinobvira chaizvo kuti nguva yakareba yemakore gumi nemasere oupenyu hwaIshe wedu, kubva panguva yechiitiko [chakanyorwa pana Ruka 2:41-49] kusvika panguva yokubhabhatidzwa kwake, yakapedzwa mukuitwa kwemabasa enguva dzose.” Mariya nevana vake, kusanganisira Jesu, zvimwe vaiziva kurwadziwa kunoitika panofa murume uye baba anodiwa.
13. Jesu paakatanga ushumiri hwake, nei akazviita nezivo, kunzwisisa, uye kunzwa kwomukati kwakadzama zvisina mumwe munhu angadai akava nazvo?
13 Zvakajeka kuti Jesu haana kuzvarirwa muupenyu huri nyore. Panzvimbo pezvo, akazvionera zvakananga upenyu hwevanhuwo zvavo. Ipapo, muna 29 C.E., nguva yakasvika yokuti Jesu aite basa raMwari rakanga rakamumirira. Mumatsutso egore iroro, akabhabhatidzwa mumvura uye akaberekwa soMwanakomana womudzimu waMwari. ‘Denga rakamuzarukira,’ sezviri pachena zvichiratidza kuti zvino aigona kuyeuka upenyu hwake mudenga asati ava munhu, kusanganisira pfungwa nokunzwa kwomukati kwaaiva nakwo kare. (Ruka 3:21, 22) Saka Jesu paakatanga ushumiri hwake, akazviita nezivo, kunzwisisa, uye kunzwa kwomukati kwakadzama zvisina mumwe munhu angadai akava nazvo. Vane chikonzero chakanaka, vanyori veEvhangeri vakanyora zvakawanda nezvezviitiko zvoushumiri hwaJesu. Kunyange zvakadaro, vaisagona kunyora zvose zvaakataura nezvaakaita. (Johani 21:25) Asi zvavakanga vakafuridzirwa kunyora zvinoita kuti tikwanise kutarira pfungwa dzomunhu mukuru zvikuru ati amborarama.
Zvakanga Zvakaita Jesu Somunhu
14. Evhangeri dzinoratidza sei Jesu somunhu aiva netsiye nyoro nokunzwa kwomukati kwakadzama?
14 Unhu hwaJesu hunoonekwa muEvhangeri ndehwomurume wetsiye nyoro nokunzwa kwomukati kwakadzama. Akaratidza zvakawanda zvezvinoita pfungwa zvinoti: kunzwira tsitsi aiva nemaperembudzi (Mako 1:40, 41); kurwadziwa nokuda kwevanhu vasingachinji (Ruka 19:41, 42); kutsamwira zvakarurama vachinji vemari vaiva nemakaro (Johani 2:13-17). Murume ainzwira urombo, Jesu aigona kusvimha misodzi, uye haana kuviga manzwire aaiita. Shamwari yake yaaida Razaro payakanga yafa, kuona Mariya hanzvadzi yaRazaro achichema, kwakarwadza Jesu zvakanyanya zvokuti akasvimha misodzi, akachema achinyatsoonekwa navamwe.—Johani 11:32-36.
15. Kunzwa kwomukati kwounyoro kwaJesu kwakava sei pachena munzira yaaiona neyaaibata nayo vamwe?
15 Tsitsi dzaJesu dzainyanya kuva pachena munzira yaaiona uye yaaibata nayo vamwe. Akasvika kune varombo nevaidzvinyirirwa, achivabetsera ku‘wana zororo remweya yavo.’ (Mateu 11:4, 5, 28-30) Akanga asina kunyanya kubatikana zvokusagona kuita zvaidiwa nevaitambudzika, kunyange mukadzi aibuda ropa akabata nguo yake chinyararire kana kuti bofu raipemha raisagona kunyaradzwa. (Mateu 9:20-22; Mako 10:46-52) Jesu aitarira zvakanaka mune vamwe uye aivarumbidza; asi, aidawo kutsiura pazvakanga zvakafanira. (Mateu 16:23; Johani 1:47; 8:44) Panguva apo vakadzi vaiva nekodzero shomanana, Jesu akava nechiremera noruremekedzo zvakaenzana. (Johani 4:9, 27) Nenzira inonzwisisika, boka ravakadzi rakamushumira nezvinhu zvaro richida.—Ruka 8:3.
16. Chii chinoratidza kuti Jesu aiona upenyu uye zvinhu zvokunyama zviri pakati nepakati?
16 Jesu aiona upenyu zviri pakati nepakati. Zvinhu zvokunyama zvakanga zvisinganyanyi kukosha kwaari. Kunenge kuti mune zvokunyama, aiva nezvishomanana. Akati akanga asi“na pokuisa musoro wake.” (Mateu 8:20) Panguva imwe chete, Jesu akawedzera mufaro kuti vamwe vafare. Paakapinda mumwe mutambo womuchato—chaizvoizvo chiitiko chinozivikanwa nemimhanzi, kuimba, uye kufara—zviri pachena kuti akanga asingadi kukanganisa mufaro waivapo. Zvechokwadi, Jesu akaita chishamiso chake chokutanga ipapo. Waini payakapera, akachinja mvura kuva waini yakaisvonaka, chokunwa ch“inofadza mwoyo womunhu.” (Pisarema 104:15; Johani 2:1-11) Saka mutambo waigona kupfuurira, uye mwenga nechikomba pasina mubvunzo havana kunyara. Kuva pakati nepakati kwake kunoratidzwazve mukuti kune zviitiko zvakawanda zvinodudzwa Jesu paaishanda nguva refu uye zvakaoma muushumiri hwake.—Johani 4:34.
17. Nei zvisingashamisi kuti Jesu aiva Mudzidzisi Mukuru, uye kudzidzisa kwake kwakaratidza chii?
17 Jesu aiva Mudzidzisi Mukuru. Kudzidzisa kwake kwakawanda kwakaratidza chokwadi choupenyu hwemazuva ose, hwaakanga achinyatsoziva. (Mateu 13:33; Ruka 15:8) Madzidzisire ake akanga asingaenzaniswi—akajeka nguva dzose, aiva nyore, uye aishanda. Chinotokosha zvikuru ndezvaakadzidzisa. Kudzidzisa kwake kwakaratidza chido chake chomwoyo wose chokuita kuti vateereri vake vazive pfungwa, kunzwa kwomukati, uye nzira dzaJehovha.—Johani 17:6-8.
18, 19. (a) Jesu akarondedzera Baba vake nemienzanisoi yakajeka? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
18 Achiwanzoshandisa mienzaniso, Jesu akazivisa Baba vake nemienzaniso yakajeka yakanga isingagoni kukanganwika nyore. Kungotaurawo nezvetsitsi dzaMwari kwakasiyana nokufananidza Jehovha nababa vanokanganwira, vanonyatsosiririswa pavanoona mwanakomana wavo ari kudzoka zvokuti ‘vanomhanya ndokuwira pamutsipa wake ndokumutsvoda zvinyoronyoro.’ (Ruka 15:11-24) Achiramba tsika yakanga isingachinji umo vatungamiriri vezvitendero vaitarisira pasi vanhuwo zvavo, Jesu akatsanangura kuti Baba vake vaiva Mwari anobvira kutaura naye akasarudza zvikumbiro zvomuteresi aizvininipisa pane munyengetero wokuonererwa womuFarise aiganza. (Ruka 18:9-14) Jesu akaratidza Jehovha saMwari ane hanya anoziva apo shiri duku inodonhera pasi. “Musatya,” akavimbisa vadzidzi vake, “munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” (Mateu 10:29, 31) Nenzira inonzwisisika, vanhu vakashamiswa “nemadzidzisire” aJesu uye vakaswededzwa pedyo naye. (Mateu 7:28, 29) Chokwadi, pane imwe nguva “boka guru revanhu” rakaramba riri pedyo naye kwemazuva matutu, kunyange kurarama risina chokudya!—Mako 8:1, 2.
19 Tinogona kuonga kuti Jehovha akazivisa pfungwa dzaKristu muShoko rake! Kunyange zvakadaro, tingaita sei kuti tive nepfungwa dzaKristu uye tingadziratidzira sei mukubata kwedu navamwe? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti zvisikwa zvomudzimu zvingapesvedzerwa nokushamwaridzana kwazvo kunoratidzwa pana Zvakazarurwa 12:3, 4. Satani anorondedzerwa ipapo se“dhiragoni” yakakwanisa kushandisa simba rayo kuti iite kuti dzimwe “nyeredzi,” kana kuti vanakomana vomudzimu, vabatane nayo munzira yokupandukira.—Enzanisa naJobho 38:7.
b Kududzwa zvakananga kwaJosefa kwokupedzisira kwaiva apo Jesu aiva namakore 12 akawanikwa mutemberi. Hapana panotaurwa nezvokuvapo kwaJosefa pamabiko omuchato muKana, pamavambo oushumiri hwaJesu. (Johani 2:1-3) Muna 33 C.E., Jesu akanga arovererwa akati Mariya atarisirwe nomuapostora aidiwa Johani. Ndicho chimwe chinhu chingadai chisina kuitwa naJesu dai Josefa akanga achiri kurarama.—Johani 19:26, 27.
-
-
Une “Pfungwa dzaKristu” Here?Nharireyomurindi—2000 | February 15
-
-
Une “Pfungwa dzaKristu” Here?
“Mwari anogovera kutsungirira nenyaradzo ngaakubvumirei kuti . . . muve nemafungire akafanana neaiva naKristu Jesu.”—VAROMA 15:5.
1. Jesu anorondedzerwa sei mumifananidzo yakawanda yechiKristudhomu, uye nei uku kusiri kuratidzwa kwakanaka kwaJesu?
“HAANA kumboonekwa achiseka.” Ndiwo matsanangurirwe anoitwa Jesu mune rimwe gwaro rinotaura zvenhema kuti rakanyorwa nomumwe mukuru mukuru wekare weRoma. Gwaro iri, rave richizivikanwa riri zvariri panguva ino kubvira munenge muzana ramakore rechi11, rinonzi rakapesvedzera vanyori vemifananidzo vakawanda.a Mumifananidzo yakawanda, Jesu anooneka somunhu akasuwa akanga asinganyemwereri nhando nhando, ndokunge aitombonyemwerera. Asi ikoko hakusi kurondedzerwa kwakanaka kwaJesu, uyo anoratidzwa neEvhangeri somurume ane kunzwa kwakadzama ane ushamwari, ane mwoyo une mutsa.
2. Tingaita sei kuti tive ne“mafungire akafanana neaiva naKristu Jesu,” uye izvi zvichatishongedzera kuita chii?
2 Nenzira yakajeka, kuti tizive Jesu chaiyeiye, tinofanira kuzadza pfungwa nemwoyo zvedu nenzwisiso yakarurama yokuti Jesu ainyatsova munhu worudzii paaiva pasi pano. Naizvozvo ngationgororei dzimwe nhoroondo dzeEvhangeri dzinoita kuti tinzwisise “pfungwa dzaKristu”—ndiko kuti, manzwire aaiita, manzwisisire aaiita, pfungwa dzake, uye kufunga kwake. (1 VaKorinde 2:16) Patinenge tichidaro, ngatifungei kuti tingaita sei kuti tive ne“mafungire akafanana neaiva naKristu Jesu.” (VaRoma 15:5) Saka, tingave takashongedzerwa zviri nani muupenyu hwedu uye mukubata kwedu nevamwe kutevedzera muenzaniso waakatigadzira.—Johani 13:15.
Aiva Nyore Kutaura Naye
3, 4. (a) Chii chaiitika munhoroondo yakanyorwa pana Mako 10:13-16? (b) Jesu akaita sei vadzidzi vake pavakaedza kudzivisa vana vaduku kuti vauye kwaari?
3 Vanhu vainzwa vachiswededzwa pedyo naJesu. Panguva dzakasiyana-siyana, vanhu vamazera akasiyana-siyana uye vomugariro wakasiyana-siyana vakataura naye vakasununguka. Funga chiitiko chakanyorwa pana Mako 10:13-16. Chakaitika nechokumapeto kwoushumiri hwake paakanga achinanga kuJerusarema kokupedzisira, kunotarisana norufu runorwadza.—Mako 10:32-34.
4 Fungidzira mugariro wacho. Vanhu vanotanga kuunza vana, kusanganisira vacheche, kuti Jesu agovakomborera.b Zvisinei, vadzidzi vanoedza kudzivisa vana kuuya kuna Jesu. Zvichida vadzidzi vacho vanofunga kuti Jesu haasi kutomboda kunetswa nevana mumavhiki aya anokosha. Asi havana kururama. Jesu paanoziva zviri kuitwa nevadzidzi, haafadzwi. Jesu anodana vana vacho, achiti: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedze kuvadzivisa.” (Mako 10:14) Ipapo anoita chimwe chinhu chinozivisa maitiro ounyoro uye orudo rwechokwadi. Nhoroondo yacho inoti: “Akafungatira vana mumaoko ake akatanga kuvakomborera.” (Mako 10:16) Zviri pachena kuti vana vacho vanonzwa vakasununguka sezvo Jesu anovafungatira mumaoko ake ane hanya.
5. Nhoroondo iri pana Mako 10:13-16 inotiudzei nezvorudzi rwomunhu rwaiva Jesu?
5 Nhoroondo pfupi iyoyo inotiudza zvakawanda nezvokuti Jesu aiva rudzii rwomunhu. Cherechedza kuti akanga achibvira kutaura naye. Kunyange zvazvo akanga ambova nenzvimbo yakakwirira mudenga, akanga asingatyisi kana kuti asingazvidzi vanhu vasina kukwana. (Johani 17:5) Hazvikoshiwo here kuti kunyange vana vainzwa vakasununguka kwaari? Zvechokwadi vangadai vasina kunzwa vachiswededzwa pedyo nomunhu asina ushamwari, akanga asingafari aisambonyemwerera kana kuseka! Vanhu vamazera ose vaiuya kuna Jesu nokuti vaiona kuti aiva munhu ane ushamwari, ane hanya, uye vaiva nechivimbo chokuti haaizovadzosa.
6. Vakuru vangazviita sei vanotaurika navo zvikuru?
6 Tichifunga nezvenhoroondo iyi, tingazvibvunza kuti, ‘Ndine pfungwa dzaKristu here? Ndiri munhu anobvira kutaura naye here?’ Munguva ino inonetsa, makwai aMwari anoda vafudzi vanotaurika navo, varume vakaita so“utiziro pamhepo.” (Isaya 32:1, 2; 2 Timoti 3:1) Vakuru, kana mukafarira hama dzenyu zvechokwadi, zvinobva pamwoyo uye muchida kuzvipa kwadziri, dzichaona kuva nehanya kwenyu. Dzichazviona nechitarisiko chechiso chenyu, dzichazvinzwa mumataurire enyu, uye dzichazvicherechedza mumaitire enyu omutsa. Ushamwari uye kuva nehanya zvechokwadi kwakadaro kungakonzera kuvimbana kunogona kuita kuti zvive nyore kune vamwe, kusanganisira vana, kuti vataure nemi. Mumwe mukadzi wechiKristu anotsanangura kuti nei akakwanisa kutaura nomumwe mukuru achiti: “Akataura neni nounyoro netsitsi. Kudai zvanga zvisina kudaro, zvichida ndingadai ndisina kumbotaura shoko rimwe. Akaita kuti ndinzwe ndakachengeteka.”
Kufunga Vamwe
7. (a) Jesu akaratidza sei kuti aifunga vamwe? (b) Nei Jesu angave akaita kuti mumwe murume aiva bofu aonezve zvishoma nezvishoma?
7 Jesu aifunga vamwe. Ainzwa manzwire aiita vamwe. Kungoratidzika kwaiita vaitambudzika kwaimurwadza zvakanyanya zvokuti aida kubvisa kutambura kwavo. (Mateu 14:14) Aifungawo zvaiva zvisingagoni kuitwa nevamwe uye zvavaishayiwa. (Johani 16:12) Imwe nguva, vanhu vakamuunzira murume aiva bofu ndokukumbira Jesu kuti amurape. Jesu akaita kuti murume wacho aonezve, asi akazviita zvishoma nezvishoma. Pakutanga, murume wacho akaona vanhu mumadzerere bedzi—“zvinoratidzika semiti, asi vari kufamba-famba.” Ipapo, Jesu akaita kuti anyatsoona zvakakwana. Nei akaita kuti murume wacho aonezve zvishoma nezvishoma? Izvi zvingave zvakaitirwa kuti munhu akanga ajaira zvikuru kuva murima asavhunduka nokungoerekana aona chiedza chezuva uye nyika ine zvinhu zvakawanda.—Mako 8:22-26.
8, 9. (a) Chii chakaitika nokukurumidza Jesu nevadzidzi vake vachangopinda munharaunda yeDhekaporisi? (b) Rondedzera kuporesa kwakaita Jesu mumwe murume aiva matsi.
8 Fungawo chimwe chiitiko chakaitika Paseka ya32 C.E. yapera. Jesu nevadzidzi vake vakanga vapinda munharaunda yeDhekaporisi, kumabvazuva kweGungwa reGarireya. Ikoko, mapoka makuru akakurumidza kuvaona ndokuuya nevakawanda vairwara nevakaremara kuna Jesu, uye akavaporesa vose. (Mateu 15:29, 30) Zvinofadza kuti, Jesu akasarudza murume mumwe wokunyatsoporesa. Munyori weEvhangeri Mako, munhu mumwe bedzi akanyora chiitiko ichi, anoshuma zvakaitika.—Mako 7:31-35.
9 Murume wacho aiva matsi uye asingatombokwanisi kutaura. Jesu angave akaona kutya kana kuti kunyara kwainyanyoita murume uyu. Ipapo Jesu akaita chimwe chinhu chisina kunyatsojairika. Akasuduruka nomurume wacho kubva muboka ravanhu, achienda kunzvimbo yakanga isina vanhu. Zvadaro Jesu akashandisa zviratidzo kuzivisa murume wacho zvaakanga ava kuda kuita. “Akaisa minwe yake munzeve dzomurume wacho uye, akati apfira mate, akabata rurimi rwake.” (Mako 7:33) Apedza, Jesu akatarira kudenga ndokutura befu mumunyengetero. Izvi zviito zvomuenzaniso zvaizoti kumurume wacho, ‘Zvandava kuda kukuitira zvinoitwa nesimba raMwari.’ Pakupedzisira, Jesu akati: “Dziuka.” (Mako 7:34) Ipapo, kunzwa kwomurume wacho kwakadzorerwa, uye akanga ava kukwanisa kutaura zvakanaka.
10, 11. Tingaratidza sei kufunga manzwire anoita vamwe muungano? mumhuri?
10 Jesu airatidza kufunga vamwe zvakadini! Ainzwa manzwire avaiita, uye kuita kwokunzwira tsitsi uku kwakamuitawo kuti ashandise nzira dzisina kukuvadza kunzwa kwavo kwomukati. SevaKristu, tinoita zvakanaka kushandira kuva nepfungwa dzaKristu nokudziratidza munhau iyi. Bhaibheri rinotirayira kuti: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi zvikuru, muchizvininipisa.” (1 Petro 3:8) Zvechokwadi izvi zvinoita kuti titaure nokushanda munzira dzinoratidza kufunga manzwire anoita vamwe.
11 Muungano, tinogona kuratidza kufunga manzwire anoita vamwe nokuvaremekedza, kuvabata sezvataizoda kubatwawo. (Mateu 7:12) Izvozvo zvingasanganisira kungwarira zvatinotaura uyewo mataurire atinozviita. (VaKorose 4:6) Yeuka kuti ‘mashoko anoratidza kusafunga angabaya somunondo.’ (Zvirevo 12:18) Zvakadini nomumhuri? Murume nomukadzi vanodanana zvechokwadi vanonzwa manzwire anoita mumwe nomumwe wavo. (VaEfeso 5:33) Vanodzivisa mashoko ehasha, kutsoropodza kunopfuurira, uye kutaura kwokutuka kunokuvadza—zvose zvinogona kukonzera kunzwa kurwadziwa kusingarapiki nyore. Vana vanewo kunzwa kwomukati, uye vabereki vane rudo vanofunga nezvakwo. Kururamisa pakunodiwa, vabereki vakadaro vanokuita munzira yokuremekedza chiremera chevana vavo ndokuita kuti vasanyara zvisingadikanwi.c (VaKorose 3:21) Saka patinoratidza kufunga vamwe, tinoratidza kuti tine pfungwa dzaKristu.
Kuda Kuvimba Vamwe
12. Jesu aiona sei vadzidzi vake zviri pakati nepakati?
12 Jesu aiona vadzidzi vake chaizvoizvo, zviri pakati nepakati. Ainyatsoziva kuti vaiva vasina kukwana. Pashure pezvose, aigona kuziva zviri mumwoyo yavanhu. (Johani 2:24, 25) Kunyange zvakadaro, haana kungovaona mukusakwana kwavo asi muunhu hwavo hwakanaka. Akaonawo zvaikwanisa kuitwa nevarume ivavo vakanga vakwehwa naJehovha. (Johani 6:44) Maonere akanaka aiita Jesu vadzidzi vake aiva pachena munzira yaaivabata nayo. Kutanga, airatidza kuda kuvavimba.
13. Jesu akaratidza sei kuti aivimba nevadzidzi vake?
13 Jesu akaratidza sei kuvimba ikoko? Paakabva panyika, akapa vadzidzi vake vakazodzwa basa rinokosha. Akavapa basa rokutarisira kufarira kwenyika yose Umambo hwake. (Mateu 25:14, 15; Ruka 12:42-44) Muushumiri hwake, akaratidza kunyange munzira duku, dzisina kunanga kuti aivimba navo. Paakaita kuti zvokudya zviwande nenzira inoshamisa kuti adyise mapoka, akapa vadzidzi vake basa rokugovera zvokudya.—Mateu 14:15-21; 15:32-37.
14. Ungapfupisa sei nhoroondo yakanyorwa pana Mako 4:35-41?
14 Fungawo nezvenhoroondo yakanyorwa pana Mako 4:35-41. Panguva iyi Jesu nevadzidzi vake vakakwira igwa ndokuenda kumabvazuva mhiri kweGungwa reGarireya. Nokukurumidza pashure pokunge vabva, Jesu akarara shure kweigwa ndokukotsira. Zvisinei, nokukurumidza “dutu rine simba kwazvo rakamuka.” Madutu akadaro aizivikanwa paGungwa reGarireya. Nemhaka yokuderera kwaro (anenge mamita 200 pasi pemwero wegungwa), mhepo inodziya zvikuru imomo kupfuura munzvimbo dzakapoteredza, uye izvi zvinoita kuti mhepo yakapoteredza ikanganiswe. Kuwedzera kune izvi, mhepo ine simba inomhanya ichidzika nomuMupata weJodhani kubva kuGomo reHermoni, riri kuchamhembe. Kuterama kwenguva imwe kungaerekana kwachinja kuva dutu rine hasha. Funga nezveizvi: Hapana mubvunzo kuti Jesu aiziva nezvemadutu aizivikanwa, nokuti akarererwa muGarireya. Asi, akarara murugare, achivimba nounyanzvi hwevadzidzi vake, vamwe vavo vaiva varedzi.—Mateu 4:18, 19.
15. Tingatevedzera sei kuda kwaiita Jesu kuvimba nevadzidzi vake?
15 Tingatevedzera kuda kwaJesu kuvimba nevadzidzi vake here? Vamwe vanozviona zvakaoma kupa mabasa kune vamwe. Zvinoita sokuti vanofanira kugara vachitungamirira. Vangafunga kuti, ‘Kana ndichida kuti chimwe chinhu chiitwe zvakanaka, ndini ndinofanira kuchiita!’ Asi kana tichifanira kuita zvinhu zvose pachedu, tiri pangozi yokuneta uye zvichida tichitorera mhuri yedu nguva yataisafanira kuitorera. Kunze kwezvo, kana tisingapi vamwe mabasa nemitoro zvakakodzera, tingava tichivanyima unyanzvi nokurovedza kunodiwa. Kungava kuchenjera kudzidza kuvimba nevamwe, tichivapa zvokuita. Tinoita zvakanaka kuzvibvunza nokutendeka kuti, ‘Ndine pfungwa dzaKristu panhau iyi here? Ndinoda kupa mamwe mabasa kune vamwe here, ndichivimba kuti vachaita zvakanakisisa?’
Airatidza Kuvimba Nevadzidzi Vake
16, 17. Pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwapasi, Jesu akavimbisei vaapostora vake, kunyange zvazvo aiziva kuti vaizomusiya?
16 Jesu akaratidza kuona vadzidzi vake zvakanaka mune imwe nzira inokosha. Akavaita kuti vazive kuti aivimba navo. Izvi zvaiva pachena mumashoko ake okuvimbisa aakataurira vaapostora vake usiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwapasi. Cherechedza zvakaitika.
17 Hwaiva usiku hwakazara kuna Jesu. Akapa vaapostora vake chidzidzo chokuzvininipisa chinoratidzwa nokugeza tsoka dzavo. Pashure paizvozvo, akatanga kudya kwamanheru kwaizova chirangaridzo chorufu rwake. Zvadaro, vaapostora vakabatanidzwazve munharo huru dzokuti ndiani pakati pavo airatidzika kuva mukuru. Achingoshivirira, Jesu haana kuvatuka asi akakurukura navo. Akavaudza zviri mberi achiti: “Imi mose muchagumburwa pamusoro pangu usiku huno, nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Ndicharova mufudzi, uye boka remakwai richapararira kwose.’” (Mateu 26:31; Zekaria 13:7) Aiziva kuti shamwari dzake dzapedyo dzaizomusiya panguva yaaidzida. Kunyange zvakadaro, haana kuvapa mhosva. Zvakatopesana, akavaudza kuti: “Asi kana ndamutswa, ndichafanoenda Garireya.” (Mateu 26:32) Hungu, akavavimbisa kuti kunyange zvazvo vaizomusiya, iye aisazovasiya. Kana kutambudzika uku kwaityisa kwapera, aizosanganazve navo.
18. MuGarireya, Jesu akapa vadzidzi vake basai rinokosha, uye vaapostora vacho vakariita sei?
18 Jesu akachengeta shoko rake. Gare gare, muGarireya, Jesu akanga amutswa akaonekwa nevaapostora vake vakatendeka 11, sezviri pachena avo vakanga vaungana nevamwe vakawanda. (Mateu 28:16, 17; 1 VaKorinde 15:6) Ikoko, Jesu akavapa basa rinokosha achiti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Bhuku raMabasa rinotipa uchapupu hwakajeka hwokuti vaapostora vakaita basa iroro. Vakatungamirira nokutendeka basa rokuparidza mashoko akanaka muzana ramakore rokutanga.—Mabasa 2:41, 42; 4:33; 5:27-32.
19. Zvakaitwa naJesu amutswa zvinotidzidzisa chii nezvepfungwa dzaKristu?
19 Nhoroondo iyi inoita kuti tinzwisise chimwe chinhu inotidzidzisei nezvepfungwa dzaKristu? Jesu aiva aona vaapostora vake pavaiita zvakaipisisa, asi “akavada kusvika kumugumo.” (Johani 13:1) Pasinei zvapo nezvikanganiso zvavo, akavaudza kuti aivimba navo. Cherechedza kuti chivimbo chaJesu chaiva chisina kuitwa zvisina kufanira. Kuvimba uye kutenda zvaakanga avaratidza pasina mubvunzo zvakavasimbisa kuti vatsunge mumwoyo yavo kuita basa raakanga avarayira.
20, 21. Tingaratidzira sei kuti tinoona zvakanaka vatinonamata navo?
20 Tingaratidza sei pfungwa dzaKristu munhau iyi? Usava asina tariro pamusoro pevaunotenda navo. Kana uchifunga zvakaipisisa, mashoko nezviito zvako zvingangozvizivisa. (Ruka 6:45) Zvisinei, Bhaibheri rinotiudza kuti rudo “runotenda zvinhu zvose.” (1 VaKorinde 13:7) Rudo rwune tariro, harushayi tariro. Runovaka panzvimbo pokuputsa. Vanhu vanokurumidza kudavidza kurudo nokukurudzira pane kutyisidzira. Tinogona kuvaka uye kukurudzira vamwe nokuratidza kuvimba navo. (1 VaTesaronika 5:11) Kana tichiona hama dzedu zvakanaka, kufanana naKristu, tichadzibata nenzira dzinodzivaka uye dzinoita kuti dziite zvakanakisisa.
21 Kushandira kuva nepfungwa dzaKristu uye kukuratidza kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura kungotevedzera zvimwe zvinhu zvakaitwa naJesu. Sezvakataurwa munyaya yakatangira ino, kana tichizoita saJesu zvechokwadi, tinofanira kutanga kudzidza kuona zvinhu sezvaaiita. Evhangeri dzinoita kuti tikwanise kuona chimwe chinhu chounhu hwake, pfungwa dzake uye manzwire aanoita pamusoro pebasa rake raakapiwa, sezvichakurukurwa nenyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mugwaro racho, munyengeri wacho anorondedzera chitarisiko chinofungidzirwa chomuviri waJesu, kusanganisira ruvara rwevhudzi rake, ndebvu, uye maziso. Mushanduri weBhaibheri Edgar J. Goodspeed anotsanangura kuti kunyengera uku kwa“kaitwa kuti rondedzero iri mumabhuku evapendi yechitarisiko chomunhu oga chaJesu ibvumwe.”
b Sezviri pachena, vana vacho vaiva vamazera akasiyana-siyana. Shoko rinoshandurwa pano kuti “vana vaduku” rinoshandiswawo kumwanasikana waJairosi aiva nemakore 12. (Mako 5:39, 42; 10:13) Zvisinei, munhoroondo yakafanana, Ruka anoshandisa shoko rinoshandiswawo nokuda kwevacheche.—Ruka 1:41; 2:12; 18:15.
c Ona nyaya inoti “Unoremekedza Chiremera Chavo Here?” iri mumagazini yeNharireyomurindi yaApril 1, 1998.
-
-
Unonzwa Uchida Kuita Sezvaiita Jesu Here?Nharireyomurindi—2000 | February 15
-
-
Unonzwa Uchida Kuita Sezvaiita Jesu Here?
“Akaona boka guru revanhu, asi akasiririswa navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi. Zvino akatanga kuvadzidzisa.”—MAKO 6:34.
1. Nei zvichinzwisisika kuti vanhu vanoratidza unhu hunoyemurika?
MUNHAU yose vanhu vakawanda vakaratidza unhu hunoyemurika. Unogona kunzwisisa kuti nei. Jehovha Mwari anoratidza uye ane rudo, mutsa, rupo, nohumwe unhu hwatinokoshesa. Vanhu vakasikwa mumufananidzo waMwari. Saka tinogona kunzwisisa kuti nei vakawanda vangaratidza mwero wakati worudo, mutsa, tsitsi, uye humwe unhu hwaMwari, kunyange sezvo vakawanda vachiratidza kuti vane hana. (Genesi 1:26; VaRoma 2:14, 15) Kunyange zvakadaro, ungaziva kuti vamwe vanoratidza unhu uhwu zviri nyore zvikuru kupfuura vamwe.
2. Ndeapi ari mamwe mabasa akanaka angaitwa nevanhu, zvichida vachifunga kuti vari kutevedzera Kristu?
2 Zvimwe wakarovedzana nevarume nevakadzi vanowanzoshanyira kana kuti kubetsera vanorwara, vanoratidza tsitsi kune vakaremara, kana kuti vanopa nomutsa kune varombo. Fungawo nezvevanhu vane tsitsi dzinovaita kuti vashandise upenyu hwavo vachishanda munzvimbo dzinochengeterwa vane maperembudzi, kana misha inochengetwa nherera, vaya vanoita basa rokuzvidira muzvipatara kana munzvimbo dzinotarisirwa vanhu varwarisa, kana vanhu vanoedza kubetsera vasina dzimba kana vapoteri. Zvimwe, vamwe vavo vanofunga kuti vari kutevedzera Jesu, uyo akagadzira vaKristu muenzaniso. Tinorava muEvhangeri kuti Kristu akaporesa vairwara uye akapa vaiva nenzara zvokudya. (Mako 1:34; 8:1-9; Ruka 4:40) Kuratidza kwaJesu rudo, unyoro, uye tsitsi zviratidzo zve“pfungwa dzaKristu,” uyowo aitevedzera Baba vake vokudenga.—1 VaKorinde 2:16.
3. Kuti tive nemaonere ari pakati nepakati emabasa akanaka aJesu, tinofanira kufungei?
3 Kunyange zvakadaro, wakacherechedza here kuti nhasi vakawanda vevaya vanofadzwa norudo uye tsitsi dzaJesu vanorega chinhu chinokosha chepfungwa dzaKristu? Tinogona kuzvinzwisisa nokunyatsorava Mako chitsauko 6. Imomo tinorava kuti vanhu vakaunza vairwara kuna Jesu kuti vaporeswe. Mumashoko akapoteredza, tinodzidzawo kuti paakaona kuti zviuru zvakanga zvauya kwaari zvakanga zvava nenzara, Jesu akazvipa zvokudya nenzira inoshamisa. (Mako 6:35-44, 54-56) Kuporesa vairwara uye kupa vaiva nenzara zvokudya kwaiva kuratidzwa kwetsitsi kwakatanhamara, asi ndiko kwaiva nzira dzinokosha here idzo Jesu akabetsera nadzo vamwe? Uye tingatevedzera sei zvakanakisisa muenzaniso wake wakakwana worudo, mutsa, uye tsitsi, kunyange sezvo aitevedzera Jehovha?
Kuitwa Kuti Vabvume Zvinodiwa Mumudzimu
4. Chii chaiitika munhoroondo iri pana Mako 6:30-34?
4 Jesu akanzwira tsitsi vaya vaiva naye zvikurukuru pamusana pezvavaida mumudzimu. Zvavaida izvozvo zvaikosha zvikuru, kupfuura zvokunyama. Funga nezvenhoroondo iri pana Mako 6:30-34. Chiitiko chakanyorwa ipapo chakaitika pamhenderekedzo dzeGungwa reGarireya, nguva yePaseka ya32 C.E. yava kuda kusvika. Vaapostora vakanga vachifara, uye nokuda kwechikonzero chakanaka. Zvavakanga vachangobva kupedza rwendo rwakareba, vakauya kuna Jesu, pasina mubvunzo vachida kumuudza zviitiko zvavo. Zvisinei, boka ravanhu rakaungana. Rakanga rakakura zvikuru zvokuti Jesu nevaapostora vake vaisagona kudya kana kuzorora. Jesu akaudza vaapostora kuti: “Uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu muzorore zvishoma.” (Mako 6:31) Vachikwira igwa, zvimwe pedyo neKapenaume, vakaenda mhiri kweGungwa reGarireya kunzvimbo yakanyarara. Asi boka racho rakamhanya nomumhenderekedzo ndokutangira igwa racho kusvika. Jesu aizoita sei? Akagumbuka here kuti kuva kwake oga kwakanga kwavhiringidzwa? Kwete!
5. Jesu akanzwa sei nokuda kwemapoka evanhu akauya kwaari, uye akaita sei?
5 Mwoyo waJesu wakarwadziwa nokuona iri boka rezviuru zvavanhu, kusanganisira vairwara, vakanga vakamumirira nokudisisa. (Mateu 14:14; Mako 6:44) Achitaura nezvezvakakonzera tsitsi dzaJesu uye zvaAkaita, Mako akanyora kuti: “Akaona boka guru revanhu, asi akasiririswa navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi. Zvino akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.” (Mako 6:34) Jesu akaona zvinopfuura boka guru revanhu. Akaona vanhu vaiva nezvavaida mumudzimu. Vaiva vakaita semakwai akarasika asina zvaanogona kuita, asina mufudzi wokuatungamirira kumafuro manyoro kana kuti kuadzivirira. Jesu aiziva kuti vatungamiriri vezvitendero vakanga vasinganzwiri tsitsi, vaifanira kuva vafudzi vane hanya, chaizvoizvo vakazvidza vanhuwo zvavo ndokushaya hanya nezvavaida mumudzimu. (Ezekieri 34:2-4; Johani 7:47-49) Jesu aida kuvabata zvakasiyana, achivaitira zvinhu zvakanakisisa zvaibvira. Akatanga kuvadzidzisa nezvoUmambo hwaMwari.
6, 7. (a) Evhangeri dzinozivisa chinhui chokutanga pane zvakaitwa naJesu kune zvaidiwa nevanhu? (b) Jesu akaparidza nokudzidzisa ane pfungwai?
6 Cherechedza nhevedzano yezvinhu uye zvakatanga kuitwa zvinooneka munhoroondo yakafanana. Iyi yakanyorwa naRuka, aiva chiremba uye ainyatsofarira kugara zvakanaka kwevamwe. “Mapoka . . . akatevera [Jesu]. Akavagamuchira nomutsa akatanga kutaura kwavari nezvoumambo hwaMwari, uye akaporesa avo vaida kurapwa.” (Ruka 9:11; VaKorose 4:14) Kunyange nhoroondo dzose dzechishamiso dzisina kudai, muchiitiko ichi, nhoroondo yaRuka yakafuridzirwa inoratidzei pakutanga? Chaiva chokwadi chokuti Jesu akadzidzisa vanhu.
7 Izvi zvinowirirana nokusimbisa kwatinowana pana Mako 6:34. Rugwaro irworwo rwunonyatsoratidza nzira iyo Jesu akanyanyoitwa nayo kuti ade kuratidza tsitsi dzake. Akadzidzisa vanhu, achiita chimwe chinhu pane zvavaida mumudzimu. Pamavambo oushumiri hwake, Jesu akanga ati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43) Zvisinei, tingava vasina kururama kana tikafunga kuti Jesu akazivisa shoko roUmambo sebasawo zvaro, sokuti aiita basa rokuparidza raaifanira kuita zvokungoita masiya ndaita. Kwete, tsitsi dzake nokuda kwevanhu ndidzo dzakamuita kuti agovane mashoko akanaka navo. Chinhu chokupedzisira chakanaka chaigona kuitwa naJesu—kunyange kune vairwara, vaitambudzwa nemadhimoni, varombo, kana kuti vaiva nenzara—chaiva chokuvabetsera kuziva, kubvuma, uye kuda chokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari. Chokwadi ichocho chaikosha zvikuru nemhaka yebasa roUmambo mukureverera uchangamire hwaJehovha uye kugovera zvikomborero zvechigarire nokuda kwevanhu.
8. Jesu ainzwa sei nezvokuparidza kwake nokudzidzisa?
8 Kuparidza kwaJesu kwokushingaira nezvoUmambo ndicho chaiva chikonzero chikuru nei akauya pasi pano. Ushumiri hwake hwapasi hwava kuda kupera, Jesu akaudza Pirato kuti: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi. Munhu wose ari kurutivi rwechokwadi anoteerera inzwi rangu.” (Johani 18:37) Takacherechedza munyaya mbiri dzakatangira ino kuti Jesu aiva munhu munyoro—aiva nehanya, aibvira kutaura naye, aifunga vamwe, aivimba vamwe, uye kupfuura zvose, aiva norudo. Tinofanira kunzwisisa zvinhu izvozvo zvounhu hwake kana tichida zvechokwadi kunzwisisa pfungwa dzaKristu. Zvinokosha zvakaenzana kuziva kuti pfungwa dzaKristu dzinobatanidza kuisa kwaaiita basa rake rokuparidza nokudzidzisa pakutanga.
Akakurudzira Vamwe Kupupurira
9. Kuparidza nokudzidzisa kwaifanira kuva pakutanga kuna ani?
9 Kuiswa pakutanga kwaiitwa kuparidza nokudzidzisa—sechiratidzo chorudo netsitsi—kwaisava kwaJesu bedzi. Akakurudzira vateveri vake kutevedzera vavariro dzake, zvaaiisa pakutanga, uye zviito. Somuenzaniso, Jesu asarudza vaapostora vake 12, vaifanira kuitei? Mako 3:14, 15 inotiudza kuti: “Akaumba boka revane gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti ‘vaapostora,’ kuti varambe vanaye uye kuti avatume kunoparidza uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.” Unoona chinhu chokutanga chipi nechipi here nokuda kwevaapostora?
10, 11. (a) Pakutuma vaapostora, Jesu akavaudza kuti vaitei? (b) Maererano nokutuma vaapostora, chii chaifungwa nezvacho?
10 Pashure penguva yakati, Jesu akaita kuti 12 vaya vakwanise kuporesa vamwe uye kuti vadzinge madhimoni. (Mateu 10:1; Ruka 9:1) Ipapo akavatuma parwendo rwoku“enda kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.” Kunoitei? Jesu akavarayiridza achiti: “Zvamunoenda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’ Rapai vanhu vanorwara, mutsai vanhu vakafa, chenesai vane maperembudzi, dzingai madhimoni.” (Mateu 10:5-8; Ruka 9:2) Chaizvoizvo, chii chavakaita? “Nokudaro vakaenda [1] vakaparidza kuti vanhu vapfidze; [uye] [2] vaidzinga madhimoni akawanda nokuzora mafuta vanhu vanorwara vakawanda nokuvarapa.”—Mako 6:12, 13.
11 Sezvo kudzidzisa kusingatangi kududzwa muzviitiko zvose, kutaura nezvenhevedzano iri pamusoro apa kunyanyokoshesa nhau yezvinhu zvokutanga kana kuti vavariro dzinobatanidzwa here? (Ruka 10:1-9) Zvisinei, hatifaniri kurerutsa kuti kudzidzisa kunotangira kuporesa kunodudzwa kakawanda sei. Funga nezvemashoko akapoteredza muchiitiko ichi. Asati atumira vaapostora 12, Jesu akanga asiririswa nomugariro weboka. Tinorava kuti: “Jesu akatanga kushanyira maguta ose nemisha achidzidzisa mumasinagogi avo nokuparidza mashoko akanaka oumambo achirapa hosha dzorudzi rwose noundonda hworudzi rwose. Achiona mapoka evanhu akasiririswa navo, nokuti aibatwa zvisina kufanira uye akanga akapararira kufanana nemakwai asina mufudzi. Ipapo akati kuvadzidzi vake: ‘Hungu, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.’”—Mateu 9:35-38.
12. Mabasa anoshamisa aJesu nevaapostora aigona kushanda chimwezve chinangwai?
12 Nokuva naye, vaapostora vaigona kubata dzimwe dzepfungwa dzaKristu. Vaigona kuona kuti kuva kwavo norudo netsitsi zvechokwadi kune vanhu kwaisanganisira kuparidza nokudzidzisa nezvoUmambo—chaizova chinhu chinokosha chemabasa avo akanaka. Maererano naizvozvo, mabasa akanaka omuzvarirwo, akadai sokuporesa vanorwara, akaita zvakawanda pane kungobetsera vaishayiwa. Sezvaungafungidzira, vamwe vanhu vangave vakakwezvwa nokurapa uye zvokudya zvakagoverwa nenzira inoshamisa. (Mateu 4:24, 25; 8:16; 9:32, 33; 14:35, 36; Johani 6:26) Zvisinei, kunze kwokuva aibetsera muviri, mabasa iwayo chaizvoizvo akaita kuti vacherechedzi vazive kuti Jesu aiva Mwanakomana waMwari uye “muprofita” akanga afanotaurwa naMosesi.—Johani 6:14; Dheuteronomio 18:15.
13. Uprofita huri pana Dheuteronomio 18:18 hwakasimbisa basai nokuda kwo“muprofita” aizouya?
13 Nei zvakanga zvichikosha kuti Jesu aiva “muprofita”? Zvakanaka, ibasai rinokosha rakafanotaurwa nokuda kwaiyeye? “Muprofita” wacho aifanira kukurumbira nokuita kuporesa kwezvishamiso kana kuti kugadzirira vaiva nenzara zvokudya nenzira yetsitsi here? Dheuteronomio 18:18 yakafanotaura kuti: “Ndichavamutsira muprofita, unobva pakati pehama dzavo, wakafanana newe [Mosesi]; ndichaisa mashoko angu mumuromo make, iye uchavaudza zvose zvandinomurayira.” Saka vaapostora pavaidzidza kuva vanyoro uye kuhuratidza, vaigona kugumisa kuti pfungwa dzaKristu dzaifanira kuonekwawo mubasa ravo rokuparidza nokudzidzisa. Izvozvo ndizvo zvaizova zvakanakisisa zvavaigona kuitira vanhu. Nomutoo iwoyo, vairwara nevarombo vaigona kubetserwa zvechigarire, kwete zviya zvaizongoitwa muupenyu hwavanhu hupfupi kana kuti kubetserwa nezvokudya zvishomanana.—Johani 6:26-30.
Iva nePfungwa dzaKristu Nhasi
14. Kuva nepfungwa dzaKristu kunobatanidzwa sei mukuparidza kwedu?
14 Hapana mumwe wedu angaona pfungwa dzaKristu sedzakasiyana kune dzezana ramakore rokutanga—kuna Jesu nevadzidzi vokutanga avo muapostora Pauro akanyora nezvavo kuti: “Isu tine pfungwa dzaKristu.” (1 VaKorinde 2:16) Uye tingabvuma zviri nyore kuti tinosungirwa kuparidza mashoko akanaka uye kuita vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Asi, zvinobetsera kufunga nezvevavariro dzedu pachedu pakuita basa iroro. Harifaniri kuitwa zviya zvokuti chero ndaita. Kuda Mwari chikonzero chikuru nei tichiitawo ushumiri, uye zvechokwadi kuva saJesu kunosanganisira kuparidza nokudzidzisa nemhaka yokunzwa tsitsi.—Mateu 22:37-39.
15. Nei tsitsi dziri chinhu chakakodzera choushumiri hwedu hwapachena?
15 Chokwadi, hazvisi nyore nguva dzose kunzwira tsitsi vaya vasingatendiwo zvatinotenda, zvikurukuru patinosangana nokusakendenga, kurambwa, kana kuti kushorwa. Asi, kana taizorega kuda vanhu uye kuvanzwira tsitsi, taisazova nevavariro inokosha yokuitawo ushumiri hwechiKristu. Saka, tingaita sei kuti tive netsitsi? Tinogona kuedza kuona vanhu sokuonwa kwavaiitwa naJesu, sevai‘batwa zvisina kufanira uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.’ (Mateu 9:36) Izvozvo hazvitsananguri zvakaita vakawanda here nhasi? Vakangosiiwa uye vakaitwa mapofu mumudzimu nevafudzi vezvitendero zvenhema. Somugumisiro, havazivi nezvenhungamiro yakanaka inowanikwa muBhaibheri kana kuti nezvemigariro yeParadhiso ichakurumidza kuunzwa noUmambo hwaMwari kupasi redu. Vanotarisana nezvinetso zvoupenyu hwezuva nezuva—kusanganisira urombo, kusawirirana kwemhuri, kurwara, uye rufu—vasina tariro yoUmambo. Tine zvavanoda: mashoko akanaka anoponesa upenyu oUmambo hwaMwari zvino hwakagadzwa mudenga!
16. Nei tichifanira kuda kugovana nevamwe mashoko akanaka?
16 Saka paunofungisisa zvinodiwa mumudzimu neavo vakakupoteredza, mwoyo wako haukuiti kuti ude kuita zvose zvaungagona kuti uvataurire nezvechinangwa chaMwari chorudo here? Hungu, redu ibasa retsitsi. Patinonzwira vanhu urombo sezvaiita Jesu, zvichaoneka mumataurire edu, chitarisiko chechiso chedu, uye madzidzisire edu. Zvose izvozvo zvichaita kuti shoko redu rifadze zvakanyanya avo vano“da upenyu husingaperi.”—Mabasa 13:48.
17. (a) Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo vamwe rudo rwedu netsitsi? (b) Nei isiri nhau yokuita mabasa akanaka kana kuti kuitawo ushumiri hwapachena?
17 Chokwadi, rudo rwedu netsitsi zvinofanira kuratidzwa muupenyu hwedu hwose. Izvi zvinosanganisira kuva kwedu vane mutsa kune vanotambudzika, vanorwara, uye varombo—kuita zvose zvatinogona kuvabetsera pakutambudzika kwavo. Zvinobatanidza kuedza kwedu mushoko nomuchiito kubvisa nhamo yevaya vakarasikirwa nevadiwa murufu. (Ruka 7:11-15; Johani 11:33-35) Asi, kuratidzirwa kwakadaro kworudo, mutsa, uye tsitsi hakufaniri kuva chinhu chikuru chemabasa edu akanaka, sezvakwakaita nevamwe vanhu vane mutsa. Zvinokosha zvikuru zvinogara kwenguva yakareba kuedza kunokonzerwa nounhu hwaMwari hwambodudzwa kare asi hunoratidzwa mukuita basa rokuparidza nokudzidzisa kwechiKristu. Yeuka zvakataurwa naJesu nezvevatungamiriri vechitendero chechiJudha kuti: “Munopa chegumi chemindi nedhiri nekumini, asi makarega nhau dzakakomba zvikuru dzoMutemo, dzinoti, kururamisira nengoni nokutendeka. Maisungirwa kuita zvinhu izvi, asi kwete kurega zvimwe zvinhu zvacho.” (Mateu 23:23) Kuna Jesu yakanga isiri nhau yokusarudza ichi kana icho—kubetsera vanhu nezvavaida kunyama kana kuti kuvadzidzisa nhau dzomudzimu dzinopa upenyu. Jesu akaita zvose. Zvisinei, zviri pachena kuti basa rake rokudzidzisa raiva rokutanga nokuti zvakanaka zvaakaita zvaizobetsera nokusingaperi.—Johani 20:16.
18. Kufunga nezvepfungwa dzaKristu kunofanira kutiita sei?
18 Tinogona sei kuva vanoonga kuti Jehovha akatizivisa pfungwa dzaKristu! Tichishandisa Evhangeri, tinogona kusvika pakuziva zviri nani pfungwa, kunzwa kwomukati, unhu, mabasa, uye zvaiiswa pakutanga nomunhu mukuru zvikuru ati amborarama. Zviri kwatiri kurava, kufungisisa, uye kushandisa zvinoziviswa neBhaibheri nezvaJesu. Yeuka, kana tichizonyatsoita saJesu, tinofanira kutanga tadzidza kufunga, kunzwa, uye kuyera nhau sezvaaiita, kusvika patinogona sevanhu vasina kukwana. Ipapo, ngative vakatsunga kuva nepfungwa dzaKristu nokudziratidza. Hapana nzira iri nani yokurarama, nzira iri nani yokubata vanhu, uye nzira iri nani kwatiri nokuna vamwe yokuswedera pedyo nouyo waakanyatsoratidza, Mwari wedu munyoro, Jehovha.—2 VaKorinde 1:3; VaHebheru 1:3.
-
-
Unonzwa Uchida Kuita Sezvaiita Jesu Here?Nharireyomurindi—2000 | February 15
-
-
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 23]
-