Unogona Kuvimba Nehana Yako Here?
KANA pasina chavhiringidzika, compass mudziyo unogona kuvimbwa nawo. Tsono yayo, ichidzorwa nesimba remagineti, inogara yakanongedzera kuchamhembe. Nokudaro vafambi vanogona kuvimba kuti compass ivatungamirire kana pasina zviratidzo zvinooneka zvokuvatungamirira. Asi chii chinoitika apo chinhu chine magineti chinoiswa pedyo necompass? Tsono yacho ichanongedza kune magineti panzvimbo pokunongedza kuchamhembe. Haisisiri nhungamiro ingavimbwa nayo.
Chinhu chakafanana chinogona kuitika kuhana yomunhu. Musiki akaisa simba iri matiri kuti rishande senhungamiro yakavimbika. Sezvatakaitwa nomufananidzo waMwari, nguva dzose hana inofanira kutitungamirira munzira yakarurama patinenge tichifanira kuita zvisarudzo. Inofanira kutisunda kuratidzira mitemo yetsika yaMwari. (Genesi 1:27) Kakawanda, inodaro. Somuenzaniso, muapostora wechiKristu Pauro akanyora kuti kunyange vamwe vasina kuziviswa mutemo waMwari “va[no]ita pachavo zvinhu zvomurayiro.” Nemhaka yei? Nemhaka yokuti “hana yavo i[no]pupura pamwe chete na[vo].”—VaRoma 2:14, 15.
Zvisinei, hana haitauri nguva dzose painenge ichifanira kuita saizvozvo. Nemhaka yokusakwana kwedu, tinowanzoita zvinhu zvatinoziva kuti zvakaipa. “Ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati,” Pauro akabvuma kudaro, “asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu.” (VaRoma 7:22, 23) Kana tikabvuma kuita zvinhu zvakaipa kakawanda, hana yedu ingarega kushanda zvishoma nezvishoma uye pakupedzisira inorega kutiudza kuti mufambiro wakadaro wakaipa.
Zvisinei, pasinei zvapo nokusakwana, tinogona kuwiriranisa hana yedu nemitemo yaMwari. Chokwadi, zvinokosha kuti tidaro. Hana yakachena, yakarovedzwa zvakafanira haingopariri ukama hwoushamwari bedzi, hwomunhu oga naMwari asi inokosha kana tichizoponeswa. (VaHebheru 10:22; 1 Petro 1:15, 16) Uyezve, hana yakanaka ichatibetsera kuita zvisarudzo zvokuchenjera muupenyu, zvichatungamirira kurugare rwedu nomufaro. Wezvamapisarema akati nezvomunhu ane hana yakadaro: “Murayiro waMwari uri mumwoyo make; pakutsika kwake haangatongotedzemuki.”—Pisarema 37:31.
Kurovedza Hana
Kurovedza hana kunobatanidza zvinopfuura kungodzidza nomusoro ndaza yemitemo uye kuomerera zvakasimba pairi. Ndizvo zvakaita vaFarise vomuzuva raJesu. Ava vatungamiriri vorudzidziso vaiziva Mutemo uye vakanga vatanga magamuchidzanwa akawanda, aifungidzirwa kuti aibetsera vanhu kuti vadzivise kuputsa Mutemo. Nokudaro, vakakurumidza kunyunyuta apo vadzidzi vaJesu vakatanha zviyo nomusi weSabata ndokudya hura. Uye vakadenha Jesu paakarapa ruoko rwomunhu rwakaunyana musi weSabata. (Mateo 12:1, 2, 9, 10) Maererano negamuchidzanwa ravaFarise, zviito izvi zvose zvaibatanidza kuputswa kwomutemo wechina.—Eksodho 20:8-11.
Nenzira yakajeka, vaFarise vaifunda Mutemo. Asi hana dzavo dzaiwirirana nemitemo yaMwari here? Kana! Chokwadi, pavakanga vachangobva kutsoropodza zvavaifunga kuti zvaiva kuputswa kunotyisa kwomutemo weSabata, vaFarise vakarangana pamusoro paJesu “kuti vangamuuraya sei.” (Mateo 12:14) Fungidzira—ava vatungamiriri vorudzidziso vaizviti vakarurama vakagumbukira pfungwa yokudya zviyo zvakanga zvichangobva kutanhwa uye yokurapa musi weSabata; asi vakanga vasingavhundutswi nokuronga kuuraya Jesu!
Vapristi vakuru vakaratidza kufunga kwakamonyana kwakafanana. Ava varume vakashata havana kumbonzwa kahana kokuva nemhaka pavakapa Judhasi zvidimbu 30 zvesirivha kubva mumari yetemberi kuti atengese Jesu. Asi Judhasi paakadzosa mari yacho vasingazvikariri, achiikanda mutemberi, hana dzavapristi vakuru dzakanetseka zvikuru. “Hazvina kufanira,” vakadaro, “kuti tiaise (masirivha) muchivigiro chemari, zvauri mutengo weropa.” (Mateo 27:3-6) Sezviri pachena, vapristi vakuru vakanga vava kunetseka kuti mari yaJudhasi yakanga isisina kuchena. (Enzanisa naDheuteronomio 23:18.) Asi, iri boka rimwe chete ravarume harina kuona chakaipa nokushandisa mari kuti ritenge kuparadzwa kweMwanakomana waMwari!
Kuwiriraniswa Nokufunga kwaMwari
Mienzaniso iri pamusoro apa inoratidza kuti kurovedza hana kunoda zvinopfuura kuzadza ndangariro nendaza yemitemo. Sezvinobvumwa, kuziva mitemo yaMwari kunokosha, uye tinofanira kuiteerera kuti tiponeswe. (Pisarema 19:7-11) Zvisinei, mukuwedzera pakudzidza mitemo yaMwari, tinofanira kuva nehana inowiriraniswa nokufunga kwaMwari. Ipapo tinogona kuona kushanda kwouporofita hwaJehovha hwaakataura kupfurikidza naIsaya, hunoti: “Meso enyu achaona vadzidzisi venyu; nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo! kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.”—Isaya 30:20, 21; 48:17.
Chokwadika, izvi hazvirevi kuti patinotarisana nechisarudzo chinokosha, inzwi rinonzwika richatiudza zvokuita. Zvisinei, kufunga kwedu pakunowiriraniswa nokufunga kwaMwari panhau, hana yedu ichava yakagadzirirwa zviri nani kutibetsera kuti tiite zvisarudzo zvichamufadza.—Zvirevo 27:11.
Funga nezvaJosefa, uyo akararama muzana ramakore rechi18 B.C.E. Mudzimai waPotifari paakamukurudzira kuti aite upombwe naye, Josefa akaramba, achiti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” (Genesi 39:9) Muzuva raJosefa, pakanga pasina mutemo wakanyorwa waibva kuna Mwari wairambidza upombwe. Uyezve, Josefa akanga achigara muEgipita, kure nemhuri yaizomuranga kana kuti mitemo yemadzitateguru. Ipapoka, chii chakagonesa Josefa kuti adzivise muedzo? Zvichitaurwa zviri nyore, yakanga iri hana yake yakarovedzwa. Josefa akava nomurangariro waMwari wokuti murume nomudzimai vanofanira kuva “nyama imwe.” (Genesi 2:24) Akaona kuti zvaizova zvisina kunaka kuti atore mudzimai womumwe murume. Kufunga kwaJosefa kwakawiriraniswa nokufunga kwaMwari panhau yacho. Upombwe hwaishatsa tsika dzake.
Nhasi, kune vanhu vashomanene vakafanana naJosefa. Unzenza hwakapararira, uye vakawanda havanzwi vane mutoro wokuramba vakachena mutsika kuMusiki wavo, mumwoyo yavo, kana kuti kunyange kuvavakarorana navo. Mamiriro acho ezvinhu akafanana zvikuru nezvakarondedzerwa mubhuku raJeremia kuti: “Hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti: Ndaiteiko? Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.” (Jeremia 8:6) Nokudaro, pane kudikanwa kukuru kwokuti tiwiriraniswe nokufunga kwaMwari kupfuura nakare kose. Tine gadziriro yakaisvonaka yokutibetsera kuita saizvozvo.
Chinobetsera Kurovedza Hana
Magwaro akafuridzirwa a“nobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.” (2 Timotio 3:16, 17) Kufunda Bhaibheri kuchatibetsera kurovedza anonzi neBhaibheri “masimba . . . okunzwisisa,” kuitira kuti tisiyanise chakanaka nechakaipa. (VaHebheru 5:14, NW) Kuchatigonesa kuva nerudo rwezvinhu zvinodiwa naMwari uye kusema zvinhu zvaanovenga.—Pisarema 97:10; 139:21.
Ipapoka, chinangwa chokufunda Bhaibheri, ndechokuwana revo chaiyoiyo uye kukosha kwechokwadi panzvimbo pokungoziva Bhaibheri. Muchinyorwa chayo chechiNgezi chaSeptember 1, 1976, Nharireyomurindi yakati: “Mukufunda kwedu Magwaro tinofanira kuvavarira kunzwisisa pfungwa yeruramisiro yaMwari, rudo uye kururama ndokuisa izvi mumwoyo yedu kuitira kuti zvigova rutivi rwedu sokudya nokufema. Tinofanira kuedza kushandisa zvakazara pfungwa yokuva nomutoro mutsika kupfurikidza nokusakurira kuziva nomwoyo wose chakanaka nechakaipa. Kupfuura izvi, tinofanira kuita kuti hana yedu inzwe mutoro wayo zvakasimba kuMupi woMutemo akakwana noMutongi. (Isaya 33:22) Naizvozvo patinenge tichidzidza zvinhu pamusoro paMwari, tinofanira kuva tichiedza kumutevedzera mumativi ose oupenyu.”
Kuva ne“Pfungwa dzaKristu”
Kufunda Bhaibheri kuchatibetserawo kuva ne“pfungwa dzaKristu,” murangariro wokuda kuteerera nokuzvininipisa wakaratidzirwa naJesu. (1 VaKorinte 2:16, NW) Kuita kuda kwaBaba vake kwaimufadza, kwaisangova muitiro waingoerekana watevedzerwa, pasina kufunga. Maitiro ake akarondedzerwa nenzira youporofita nowezvamapisarema Dhavhidhi, uyo akanyora kuti: “Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumwoyo mangu.”a—Pisarema 40:8.
Kuwana “pfungwa dzaKristu” kunokosha mukurovedza hana. Paaiva pasi pano somunhu akakwana, Jesu akaratidzira mavara aBaba vake nounhu napaaigona napo pasinei zvapo neganhuriro dzokuva munhu. Nokudaro, aigona kuti: “Wandiona ini, waona Baba.” (Johane 14:9) Mumamiriro ose ezvinhu aakanangana nawo pasi pano, Jesu akaita chaizvo zvaidiwa naBaba vake kuti aite. Nokudaro, patinofunda nezvoupenyu hwaJesu, tiri kujekeserwa kuti Jehovha Mwari akaita sei.
Tinorava kuti Jehovha ane “nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru.” (Eksodho 34:6) Nguva nenguva, Jesu akaratidzira mavara aya paaibata navaapostora vake. Pavaidzokorora kuitirana nharo dzokuti ndiani aiva mukuru, Jesu akavadzidzisa nokushivirira neshoko nomuenzaniso kuti “ani naani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu. Ani naani unoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.” (Mateo 20:26, 27) Uyu unongova muenzaniso mumwe chete wokuratidza kuti tinogona kuwirirana nokufunga kwaMwari kupfurikidza nokurangarira nezvoupenyu hwaJesu.
Kana tikaramba tichidzidza nezvaJesu, tichava vakashongedzerwa zviri nani kuti titevedzere Baba vedu vokudenga, Jehovha. (VaEfeso 5:1, 2) Hana yakawiriraniswa nokufunga kwaMwari ichatitungamirira munzira yakarurama. Jehovha anovimbisa avo vanovimba naye kuti: “Ndichakudzidzisa nokukurayira nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.”—Pisarema 32:8.
Kubetserwa Nehana Yakarovedzwa
Achiziva kusadzoreka kwavanhu vasina kukwana, Mosesi akanyevera vaIsraeri kuti: “Teererai nemwoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti murayire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurayiro uyu.” (Dheuteronomio 32:46) Isuwo tinofanira kunyora mutemo waMwari mumwoyo yedu. Kana tikadaro, sezvingazowanzoitika hana yedu ichatungamirira nhano dzedu ndokutibetsera kuita zvisarudzo zvakarurama.
Chokwadika, tinofanira kungwarira. Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Munhu unoona nzira achiti yakarurama, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.” (Zvirevo 14:12) Nei izvi zvichiwanzoitika? Nemhaka yokuti, sokutaura kunoita Bhaibheri: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?” (Jeremia 17:9) Naizvozvo, tose zvedu tinofanira kutevera zano raZvirevo 3:5, 6: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”
[Mashoko Omuzasi]
a Mutsamba yake yokuvaHebheru, muapostora Pauro akashandisira mashoko ePisarema rechi40 kuna Jesu Kristu.—VaHebheru 10:5-10.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kufanana ne“compass”, hana yakarovedzwa neBhaibheri inogona kutitungamirira munzira yakanaka
[Kwazvakatorwa]
Compass: Courtesy, Peabody Essex Museum, Salem, Mass.