“Basa Rinoyera Nesimba Renyu Rokurangarira”
“Ipai miviri yenyu chibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, basa rinoyera nesimba renyu rokurangarira.”—VAROMA 12:1, NW.
1, 2. Kudzidza kushandisa nheyo dzeBhaibheri kwakafanana sei nokuziva mutauro mutsva?
WATI wamboedza kudzidza mutauro mutsva here? Kana zvakadaro, pasina kupokana uchabvuma kuti ibasa rakaoma. Pashure pokurangarira zvose, zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura kungodzidza mashoko matsva. Kushandisa mutauro kwounyanzvi kunodawo kuziva girama yawo. Unofanira kunzwisisa kuti mashoko anowirirana sei nerimwe nerimwe uye kuti anobatana sei kuti aumbe mifungo yakakwana.
2 Zvakafanana nokupinza kwedu zivo yeShoko raMwari. Zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura kungodzidza Magwaro akasarudzwa. Tinofanirawo kudzidza girama yeBhaibheri, sokunge zvakadaro. Tinofanira kunzwisisa kuti magwaro anowirirana sei nerimwe nerimwe uye kuti anobatira sei senheyo dzinogona kushandiswa muupenyu hwezuva nezuva. Nokudaro tinogona kuva vaka“kwan[a v]agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.”—2 Timotio 3:17.
3. Pamusoro pebasa kuna Mwari, ichinjoi yakaitika muna 33 C.E.?
3 Mugadziriro yebumbiro roMutemo waMosesi, kutendeka kwaigona kuratidzirwa, kumwero mukuru, kupfurikidza nokusanoomerera kumitemo yakasanojekeswa. Muna 33 C.E., zvisinei, Jehovha akadzima Mutemo, chaizvoizvo achi“uroverera pamuchinjikwa” pakanga paurayirwa Mwanakomana wake. (VaKorose 2:13, 14) Pashure paikoko, vanhu vaMwari havana kupiwa ndaza huru yezvibayiro zvokupa nemitemo yokutevera. Panzvimbo pezvo, vakaudzwa, kuti: “Ipai miviri yenyu chibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, basa rinoyera nesimba renyu rokurangarira.” (VaRoma 12:1) Hungu, vaKristu vaifanira kuzvishandisa vamene, nemwoyo wavo wose, mweya, ndangariro, uye simba mubasa raMwari. (Marko 12:30; enzanisa nePisarema 110:3.) Asi kunorevei kupa “basa rinoyera nesimba renyu rokurangarira”?
4, 5. Chii chinobatanidzwa mukubatira Jehovha nesimba redu rokurangarira?
4 Chitsama chamashoko chokuti “simba rokurangarira” chinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rokuti lo·gi·kosʹ, iro rinoreva kuti “kunzwisisa” kana kuti “uchenjeri.” Vabatiri vaMwari vanorayirwa kuti vashandise hana yavo yakarovedzwa neBhaibheri. Panzvimbo pokuvakira zvisarudzo zvavo pamitemo yakawanda yakafanogadzwa, vaKristu vanofanira kusanoyera nheyo dzeBhaibheri. Vanofanira kunzwisisa “girama” yeBhaibheri, kana kuti nheyo dzaro dzakasiyana-siyana dzinowirirana sei. Nokudaro, vanogona kuita zvisarudzo zvakadzikama nesimba ravo rokurangarira.
5 Ikoku kunoreva here kuti vaKristu havana mutemo? Zvirokwazvo kwete. Magwaro echiKristu echiGiriki anorambidza zvakajeka kunamata zvidhori, unzenza hwevatano, kuponda, kureva nhema, kudavira midzimu, kushandiswa zvisina kufanira kweropa, uye zvimwe zvivi zvakasiyana-siyana. (Mabasa 15:28, 29; 1 VaKorinte 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:8) Bva, kusvikira kumwero mukuru zvikuru kupfuura waidikanwa kuvaIsraeri, tinofanira kushandisa simba redu rokurangarira kudzidza ndokushandisa nheyo dzeBhaibheri. Kufanana zvikuru nokunzwisisa mutauro mutsva, ikoku kunoda nguva nenhamburiko. Simba redu rokurangarira ringasakurirwa sei?
Kusakurira Simba Renyu Rokurangarira
6. Kufunda Bhaibheri kunobatanidzei?
6 Kutanga, tinofanira kuva vadzidzi vanoshingaira veBhaibheri. Shoko raMwari rakafuridzirwa ri“nobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama.” (2 Timotio 3:16) Nguva dzose hatifaniri kukarira mhinduro yechinetso kuva inowanikwa mundima imwe chete yeBhaibheri. Panzvimbo pezvo, tingafanira kurangarira pamagwaro anoverengeka anojekesa mamiriro ezvinhu akati kana kuti chinetso. Tichafanira kutsvaka nokushingaira kufunga kwaMwari pamusoro penhau yacho. (Zvirevo 2:3-5) Tinodawo nzwisiso, nokuti “munhu wenjere [anowana] mano akanaka.” (Zvirevo 1:5) Munhu anonzwisisa anogona kuparadzanisa zvinhu zvimwe nezvimwe zvenhau ipapo ndokunzwisisa ukama hwazvo nechimwe nechimwe. Kungofanana nepuzzle, iye anobatanidza zvidimbu pamwe chete kuti agone kuona mufananidzo wacho wose.
7. Vabereki vanogona sei kurangarira pamusoro penheyo dzeBhaibheri pamusoro pechirango?
7 Somuenzaniso, rangarirai nhau youbereki. Zvirevo 13:24 inotaura kuti baba anoda mwanakomana wake “unomuranga zvakanaka.” Ruchirangarirwa rwuri rwoga, urwu rugwaro rungagona kushandiswa zvisina kufanira kururamisa chirango chehasha, chakaoma. Bva, VaKorose 3:21 inogovera zano rinodzikamisa: “Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” Vabereki vanoshandisa simba ravo rokurangarira ndokutsinhiranisa idzi nheyo havasati vachizotendeukira kuchirango chingagona kunzi “chisina kufanira.” Vachabata vana vavo noushamwari, kunzwisisa, uye ruremekedzo. (VaEfeso 6:4) Nokudaro, mukurera kana kuti neimwe nhau ipi neipi inobatanidza nheyo dzeBhaibheri, tinogona kukudziridza simba redu rokurangarira kupfurikidza nokuyera zvinhu zvose zvinobatanidzwa. Neiyi nzira, tinogona kunzwisisa “girama” yenheyo dzeBhaibheri, chaiva chinangwa chaMwari uye nzira yokuchiita nayo.
8. Tinogona sei kudzivisa kugamuchira mirangariro isingachinjiki, yakasimba pakunouya kuvaraidzo?
8 Nzira yechipiri mairi tinogona kusakurira mairi simba redu rokurangarira kudzivisa kugamuchira mirangariro isingachinjiki, yakasimba. Murangariro usingachinjiki unopinganidza kukura kwesimba redu rokurangarira. Rangarira nhau yevaraidzo. Bhaibheri rinoti: “Nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Ikoku kunoreva here kuti bhuku riri rose, bhaisikopo, kana kuti purogiramu yeterevhizheni inogadzirwa nenyika yakashata uye ndeyeusatani? Murangariro wakadaro hausati waizotongova une mufungo. Chokwadika, vamwe vangasarudza kudzivisa terevhizheni, mabhaisikopo, kana kuti mabhuku ekunyika chose chose. Iyoyo ikodzero yavo, uye havafaniri kutsoropodzwa nokuda kwayo. Asi havafaniriwo kupesvedzera vamwe kuva nechimiro chorumano chakafanana. Sosaiti yakabudisa nyaya dzinogadza nheyo dzeBhaibheri idzo dzinofanira kutigonesa kuva vanosarudza nokuchenjera mukuzorora kwedu kana kuti varaidzo. Kupfuura idzi nhungamiro nokuzviratidzira timene kukufunga kwounzenza, masimba masimba akashata zvikuru, kana kuti kudavira midzimu kuri muyakawanda yevaraidzo yenyika ino kusachenjera zvikuru. Chaizvoizvo, chisarudzo chokuchenjera chevaraidzo chinorayira kuti tishandise simba redu rokurangarira kuti tishandise nheyo dzeBhaibheri kuitira kuti tive nehana yakachena pamberi paMwari nomunhu.—1 VaKorinte 10:31-33.
9. Chii chinorehwa no“kunzwisisa kwose”?
9 Yakawanda yevaraidzo yanhasi nenzira yakajeka haina kukodzera vaKristu.a Naizvozvo, tinofanira kurovedza mwoyo yedu ku“venga zvakaipa” kuitira kuti tirege kuva vakafanana navamwe muzana rokutanga ramakore vaiva “vasine hanya.” (Pisarema 97:10; VaEfeso 4:17-19) Kuti tirangarire pazvinhu zvakadaro, tinoda “kuziva nokunzwisisa kwose.” (VaFiripi 1:9) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kunzwisisa” rinoratidzira “nzwisiso yetsika inotapura.” Shoko racho rinonongedzera kupfungwa chaidzoidzo dzomunhu, dzakadai sekuona. Pakunouya kunhandaro kana kuti imwe nhau ipi neipi inoda chisarudzo chomunhu oga, pfungwa yedu yetsika inofanira kunangidzirwa kuitira kuti tigonzwisisa kwete bedzi nhau dzakajekeswa zvikuru, dzakasanokamuraniswa asiwo idzo dzisina kujeka. Panguva imwe cheteyo, tinofanira kudzivisa kushandisa nheyo dzeBhaibheri kukunyanyisa kusina mufungo uye kuomerera kuti hama dzedu dzose dziite zvimwe chetezvo.—VaFiripi 4:5.
10. Tinogona sei kusvika pakuziva unhu hwaJehovha sezvinoratidzirwa muPisarema 15?
10 Nzira yechitatu yokusakurira nayo simba redu rokurangarira kuziva kufunga kwaJehovha ndokukudyara mukati-kati memwoyo yedu. MuShoko rake, Jehovha anozivisa unhu hwake nemipimo. MuPisarema 15, somuenzaniso, tinorava pamusoro porudzi rwomunhu uyo Jehovha anokoka kuti ave mueni mutente yake. Munhu akadaro anoita kururama, anotaura zvokwadi mumwoyo make, akatendeka kuzvipikirwa zvake, uye haana udyire. Mukurava iri pisarema, zvibvunze umene kuti, ‘Aya mavara anorondedzera ini here? Jehovha aizondikoka kuti ndive mueni mutende yake here?’ Masimba edu okunzwisisa anosimbiswa sezvatinova vanotsinhirana nenzira dzaJehovha nokufunga.—Zvirevo 3:5, 6; VaHebheru 5:14.
11. VaFarise vaka“rega kururamisira mhaka norudo kuna Mwari” sei?
11 Murutivi irworwu chairwoirwo umo vaFarise vakakundikana zvinosuruvarisa. VaFarise vaiziva gadziriro ine udzame yoMutemo asi vaisagona kunzwisisa “girama” yawo. Vaigona kurondedzera udzame hune mamiriyoni hweMutemo, asi vakakundikana kunzwisisa Munhu akauvamba. Jesu akavaudza kuti: “Munopa chegumi cheminte neruyi nemiriwo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kuna Mwari.” (Ruka 11:42) Nendangariro dzavo dzisingachinjiki uye mwoyo yakaoma, vaFarise vakakundikana kushandisa simba ravo rokurangarira. Kurangarira kwavo kusingawirirani kwakaratidzirwa apo vakatsoropodza vadzidzi vaJesu nokuda kwokutanha hura nokudya tsanga paSabata; bva, gare gare pazuva rimwe chetero, havana kunzwa marwadzo ehana apo vakarangana kuponda Jesu!—Mateo 12:1, 2, 14.
12. Tinogona sei kuva vanotsinhirana zvikuru naJehovha soMunhu?
12 Tinoda kuva vakasiyana navaFarise. Kuziva kwedu Shoko raMwari kunofanira kutibetsera kuva vanotsinhirana zvikuru naJehovha soMunhu. Tinogona sei kuita ikoku? Pashure pokurava chikamu cheBhaibheri kana kuti chebhuku chakavakirwa paBhaibheri, vamwe vakabetserwa kupfurikidza nokufungisisa mibvunzo yakafanana neiyi, ‘Aya mashoko anondidzidzisei pamusoro paJehovha namavara ake? Ndinogona sei kuratidzira mavara aJehovha mukubata kwangu navamwe?’ Kufungisisa mibvunzo yakadaro kunokudziridza simba redu rokurangarira uye kunotigonesa kuva “vateveri vaMwari.”—VaEfeso 5:1.
Varanda vaMwari naKristu, Kwete Vavanhu
13. VaFarise vakaita sei sevarayiri vetsika?
13 Vakuru vanofanira kubvumira avo vavanotarisira kushandisa simba ravo rokurangarira. Mitezo yeungano haisi varanda vavanhu. “Kana ndaifadza vanhu nazvino,” akanyora kudaro Pauro, “handizaiva muranda waKristu.” (VaGaratia 1:10; VaKorose 3:23, 24) Mukupesana, vaFarise vaida kuti vanhu vadavire kuti kwaikosha zvikuru kuwana tendero yavanhu kupfuura iyo yaMwari. (Mateo 23:2-7; Johane 12:42, 43) VaFarise vakazvigadza vamene kuti vave varayiri vetsika avo vaiumba mitemo yavo vamene ipapo ndokutonga vamwe kupfurikidza nokuti vaisanowirirana nayo sei. Avo vakatevera vaFarise vakaneteswa mukushandisa hana yavo yakarovedzwa neBhaibheri, chaizvoizvo vachiva varanda vavanhu.
14, 15. (a) Vakuru vanogona sei kuzviratidza vamene kuva vashandi biyamwe neboka? (b) Vakuru vanofanira kubata sei nhau dzehana?
14 Vakuru vechiKristu nhasi vanoziva kuti boka zvikurukuru harizvidaviriri kwavari. MuKristu mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake amene. (VaRoma 14:4; 2 VaKorinte 1:24; VaGaratia 6:5) Izvi ndizvo zvazvinofanira kuva. Zvirokwazvo, kana mitezo yeboka ikava varanda vavanhu, ichiteerera nemhaka bedzi yokucherekedzwa, yaizoita sei apo varume ivavo vanenge vasipo? Pauro aiva nechikonzero chomufaro pamusoro pavaFiripi: “Sezvamakateerera nguva dzose, ndisati ndiripo bedzi, asi zvikuru zvino kana ndisipo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera.” Vaiva zvirokwazvo varanda vaKristu, uye kwete vaPauro.—VaFiripi 2:12.
15 Munhau dzehana, naizvozvo, vakuru havasarudziri avo vari mutarisiro yavo. Vanotsanangura nheyo dzeBhaibheri dzinobatanidzwa munhau ipapo ndokubvumira vanhu vacho vanobatanidzwa kushandisa masimba avo vamene okurangarira kuita chisarudzo. Iwoyu mutoro wakakomba, bva ndomumwe uyo munhu wacho amene anofanira kutakura.
16. Muitiroi waivapo muna Israeri wokutarisira nawo zvinetso?
16 Rangarira nhambo apo Jehovha akashandisa vatongi kutungamirira Israeri. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati paIsraeri; murume mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.” (Vatongi 21:25) Bva Jehovha akagovera mutoo wokuti vanhu vake vawane nhungamiro. Guta riri rose raiva navarume vakuru avo vaigona kupa betsero yechikuru kumibvunzo nezvinetso. Mukuwedzera, vaprista vouRevhi vakashanda sesundo nokuda kwezvakanaka kupfurikidza nokudzidzisa vanhu mitemo yaMwari. Apo nhau dzakaoma zvikuru dzakamuka, muprista mukuru aigona kubvunza Mwari kupfurikidza neUrimi neTumimi. Insight on the Scriptures rinotsinhira, kuti: “Munhu aizviyamura amene neidzi gadziriro, uyo aiwana zivo yomutemo waMwari ndokuishandisa, aiva nenhungamiro yakanaka nokuda kwehana yake. Kuita kwake ‘chakanga chakarurama mumaziso ake amene’ muchiitiko chakadaro kwaisazoguma nechakashata. Jehovha akatendera vanhu kuratidza chimiro chendangariro uye nzira yokudisa kana kuti yokusadisa.”—Vhoriyamu 2, mapeji 162-3.b
17. Vakuru vanogona sei kuratidza kuti vanopa zano mukuwirirana nemipimo yaMwari panzvimbo peyavo vamene?
17 Savatongi vechiIsraeri navaprista, vakuru veungano vanogovera betsero yakakwana kuzvinetso uye vanopa zano rinoshanda. Padzimwe nguva, vanoto“rayira, [ku]tuka, [ku]ranga nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa.” (2 Timotio 4:2) Vanoita kudaro mukuwirirana nemipimo yaMwari, kwete yavo vamene. Ikoku kunobudirira sei apo vakuru vanogadza muenzaniso ndokuvavarira kusvika mwoyo!
18. Neiko kuchishanda zvikurukuru kuti vakuru vasvike mwoyo?
18 Mwoyo ndiwo “injini” yemubato wedu wechiKristu. Bhaibheri naizvozvo rinoti: “Mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” (Zvirevo 4:23) Vakuru vanonyandura mwoyo vachawana kuti avo vari muungano nenzira iyoyo vanosundwa kuita zvose zvavanogona mubasa raMwari. Vachava vanozvitangira, nguva dzose vasingadi kusundwa navamwe. Jehovha haadi kuteerera kwokumanikidzirwa. Iye ari kutsvaka kuteerera kunobva mumwoyo wakazara norudo. Vakuru vanogona kukurudzira basa rakadaro rinosundwa nemwoyo kupfurikidza nokubetsera avo vari muboka kukudziridza simba ravo rokurangarira.
Kusakurira “Murangariro waShe”
19, 20. Neiko kuchikosha kuti isu tisakurire ndangariro yaKristu?
19 Sezvacherekedzwa, hakuna kukwana kungoziva bedzi mitemo yaMwari. “Ndipei njere,” akateterera kudaro wezvamapisarema, “ndichengete murau wenyu; zvirokwazvo, ndichauchengeta nomwoyo wangu wose.” (Pisarema 119:34) Jehovha akazivisa muShoko rake “murangariro waShe.” (1 VaKorinte 2:16) Somumwe akabatira Jehovha nesimba rake rokurangarira, Jesu akatisiyira muenzaniso wakakwana. Ainzwisisa mitemo yaMwari nenheyo, uye akazvishandisa nenzira isina mhaka. Kupfurikidza nokufunda muenzaniso wake, tichava “nesimba rokunzwisisa . . . kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika kwakadiniko, nokuziva rudo rwaKristu, runopfuura kuziva.” (VaEfeso 3:17-19) Hungu, zvatinodzidza muBhaibheri pamusoro paJesu zvinopfuura zivo yedzidzo yakakwirira yomumusoro; zvinotipa mufananidzo wakajeka wezvakaita Jehovha iye amene.—Johane 14:9, 10.
20 Nokudaro, sezvatinofunda Shoko raMwari, tinogona kunzwisisa kufunga kwaJehovha panhau ndokusvika zvisarudzo zvakadzikama. Ikoku kuchada nhamburiko. Tinofanira kuva vadzidzi vanoshingaira veShoko raMwari, tichizviita timene vanotapurwa nounhu hwaJehovha nemipimo. Tiri kudzidza girama itsva sokunge zvakadaro. Bva, avo vanoita kudaro vachave vachitevera zano raPauro roku“[pa] miviri [yavo] chibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, basa rinoyera nesimba [ravo] rokurangarira.”—VaRoma 12:1, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Ikoku kwaisazobatanidza varaidzo ine zviri mairi zvoudhimoni, zvevatano, kana kuti zvoutsinye, pamwe chete neinonzi varaidzo yemhuri inosimudzira pfungwa dzokusasarura kana kuti dzemadiro idzo vaKristu vasingagoni kutendera.
b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Chii Chawadzidza?
□ Ichinjoi pamusoro pebasa kuna Mwari yakaitika muna 33 C.E.?
□ Tinogona sei kusakurira simba redu rokurangarira?
□ Vakuru vanogona sei kubetsera avo vari muboka kuva varanda vaMwari naKristu?
□ Neiko tichifanira kusakurira “murangariro waShe”?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vakuru vanobetsera vamwe kushandisa simba ravo rokurangarira