“Itai Zvinhu Zvose Nokuda Kwembiri yaMwari”
Mapfundo Makuru Omuna VaKorinte Wokutanga
MBIRI yaJehovha Mwari ndeyeitiro hanya inokosha kuna vose vanomunamata “nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24, NW) Nokudaro, muapostora Pauro akaudza maKristu biyake muKorinte yekare, kuti: “Kana muchidya kana kuti kunwa kana kuti kuita chinhu chipi nechipi zvacho, itai zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari.” (1 VaKorinte 10:31, NW) Kuita izvozvi kunoda kuti tigamuchire nzira yaJehovha yokupedza nayo zvinetso zvedu munyika ino inodisa zvenyika, youtere yakanyura murudzidziso rwenhema.
MaKristu eKorinte aida betsero youmwari kuti apedze zvinetso, nokuti aigara muguta rakabudirira, routere rakazara norudzidziso rwenhema. Iri panyika iri pakati penyika yeGirisi nePeloponnisos, Korinte rakanga riri dzimbahwe reruwa rweRoma rweAkaya uye rakanga riine vagari vemo vanofungidzirwa kuva 400 000. Pauro akatanga ungano imomo munenge muna 50 N.V.—Mabasa 18:1-11.
VaKorinte vakanga vanyorera Pauro vachibvunza pamusoro peroorano uye kudyiwa kwenyama yakanga yapiwa kuzvidhori. (7:1) Iye akaodzwa mwoyo nemhaka yokuti mapoka nemhaka youtere hwakakomba zvaivapo pakati pavo. Vaida zano pamusoro penzira yakafanira yokuchengeta nayo Chidyo chaShe Chamadekwana. Maitova netyisidziro yokuwa pakutenda, uye ungano yakanga ichida zano parudo. Nokuda kwezvikonzero zvakadaro, Pauro akanyora tsamba yake yokutanga yakafuridzirwa kuVaKorinte ari muEfeso munenge muna 55 N.V. Asi isuwo tinogona kubetserwa nayo.
Chinzwano Norucheno Rwetsika Zvinokosha
Kana ti“kaita zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari,” hatisati tichizotevera munhu upi noupi ari kutsvaka kuparira boka muungano—chimwe chezvinetso zvakatarisanwa nacho naVaKorinte. (1:1–4:21) Pauro akavapa zano ro‘kutaura nebvumirano ndokubatanidzwa mundangariro imwe cheteyo uye mumurangariro mumwe chetewo womufungo.’ Chinzwano chichavapo kana tikatevera iri zano ndokusakurira mavara omudzimu. Panzvimbo pokuganza nomunhu upi noupi anotadza, tinofanira kuyeuka kuti kunyange zvazvo tichi‘sima nokudiridza, Mwari anokudza’ mumudzimu. Vanoganza muKorinte vakanga vasina chinhu chavasina kugamuchira; naizvozvo tisatongozvirangarira timene kuva vari nani kupfuura vatendi biyedu. Mudzimu wakadaro wokuzvininipisa uchatibetsera kusimudzira chinzwano.
Kana chinzwano chichizopararira, vakuru vakagadzwa vanofanira kuita chiito kuchengeta ungano yakachena mumudzimu. (5:1–6:20) Sezvo “mbiriso shoma ichivirisa bundu rose,” zvifeve zvisingapfidzi, vanhu vana makaro, vanonamata zvifananidzo, vanotuka, zvidhakwa, kana kuti makororo vanofanira kudzingwa. Kusachena kwetsika, uko kunosvibisa tembere yaMwari, hakufaniri kushivirirwa pakati pavanhu vaJehovha. Panzvimbo pezvo, vanofanira kuita zvinhu zvinorumbidza Mwari.
Iva Anorangarira Vamwe
Kuti ti“ite zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari,” tinofanira kushandisa zano raPauro pamusoro peroorano nokusaroora. (7:1-40) Avo vakabatanidzwa muroorano vanofanira kupa chinodikanwa chevatano nerangariro. MuKristu akaroora haafaniri kuparadzana nomukwanyina asingatendi, nokuti kugara pamwe chete kungabetsera iyeyo kuwana ruponeso. Nepo roorano ichiunza funganyo yakawedzerwa, kusaroora kunogona kubetsera munhu anoshuva kubetsera vamwe mumudzimu kupfurikidza nokubatira Ishe pasina kutsauswa.
Kuratidza kurangarira garikano yomudzimu yavamwe mutoro wamaKristu ose, angave asina kuroora kana kuti akaroora. (8:1–10:33) Nokudaro, VaKorinte vakapiwa zano rokuti vasagumbure vamwe kupfurikidza nokudya zvokudya zvakanga zvapiwa kuzvidhori. Kuti adzivise kudzivisa vapi navapi pakugamuchira mashoko akanaka, Pauro haana kunyange kushandisa maruramiro ake okugamuchira betsero yokunyama. Iyewo aka‘rwadzisa muviri wake kuti pashure pokuparidzira kuna vamwe, arege kurambwa.’ Kurangarira zvinoitika zvomurenje zvaIsraeri anotadza kuchatibetsera kudzivisa kunamata zvidhori nokuita zvakaipa. Uyezve, ‘kuita zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari’ kuchatibetsera kudzivisa kugumbura munhu upi noupi.
Ratidza Ruremekedzo Ndokuchengeta Nhevedzano
‘Kuita zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari’ kunoda kuti tiratidze ruremekedzo rwakafanira. (11:1-34) Mukadzi wechiKristu womuzana rokutanga ramakore akaratidza ruremekedzo nokuda kwoumusoro kupfurikidza nokupfeka chifukidziro chomusoro pakunyengetera kana kuti kuporofita muungano. Ruremekedzo rwakafanana rwoumusoro rwunoratidzwa navakadzi voumwari nhasi. Uyezve, kuti tidzivise kuva vakafanana naVaKorinte avo vaida ruramiso, tose zvedu tinofanira kuratidza ruremekedzo nokuda kweChidyo chaShe Chamadekwana.
Kuti ti“ite zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari,” tinofanira kutungamirira misangano munzira ine nhevedzano. (12:1–14:40) Apo maKristu apakuvamba aisangana, zvipo zvomudzimu zvakadai sokutaura nendimi zvaifanira kushandiswa noruremekedzo nokuonga nokuda kwamanyuko azvo nedonzo. Kunyange zvazvo zvino tisina zvipo izvozvi, tinounza mbiri kuna Mwari kupfurikidza nokuratidzira rudo, urwo rwunozvipfuura. Tinorumbidzawo Jehovha nemhaka yokuti misangano yedu yakasanorongwa, uye tinoshandisa nenzira yokuremekedza zano raPauro, rinoti: “Zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira zviine mirairo yazvo.”
‘Kuita zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari’ kunotiraira kuremekedza dzidziso yeBhaibheri ndokumira takatsiga mumudzimu. (15:1–16:24) Sezvinobvira vapesvedzerwa nezivo yechiGiriki, vamwe muungano yeKorinte vakati: “Hakuna rumuko rwavakafa.” (Enzanisa naMabasa 17:18, 32.) Vangave vaiva nomurangariro wavawi pakutenda wokuti kwaisazova norumuko rwomunguva yemberi asi kuti maKristu mapenyu akanga awana rwokufananidzira, rwomudzimu. (2 Timotio 2:16-18) Pauro akatsigira tariro yechokwadi kupfurikidza nokududza rumuko rwaJesu ndokuratidzawo kuti maKristu akazodzwa anofanira kufa kuti amutsirwe kuupenyu husingafi hwokudenga. Mune dzimwe nzirawo, mashoko ake anotibetsera kudzivisa kuwa pakutenda ndo“kumira takatsiga mukutenda.”
Ita Zvinhu Nguva Dzose Nokuda Kwembiri yaMwari
Zano raPauro riri muna VaKorinte Wokutanga nderebetsero nhasi sezvarakanga rakaita muzana rokutanga ramakore N.V. Rinosunda Zvapupu zvomuzuva razvino uno zvaJehovha kubatira Mwari muchinzwano savanhu vakachena. Mashoko omuapostora anofanira kutisunda kuva vanorangarira vamwe ndokuratidza ruremekedzo rwakafanira. Chakataura Pauro chinogonawo kutisimbisawo kudzivisa kuwa pakutenda ndokumira takatsiga nokuda kwokutenda kwechokwadi.
Zvirokwazvo, chishuvo chomwoyo wose chomubatiri ari wose akatendeka waJehovha kumurumbidza, kuzivisa Umambo hwake, uye kurumbidza zita rake dzvene. (Pisarema 145:1, 2, 10-13) Kutaura idi, tsamba yokutanga yaPauro kuVaKorinte inotibetsera ku“ita zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24, 25]
ANE CHOKWADI CHOKUFA: Kanopfuura kamwe mutsamba dzake kuVaKorinte, Pauro akanongedzera kurufu munhandare. Somuenzaniso, iye akanyora, kuti: “Nokuti ndinoti Mwari wakatigadza isu vaapostora pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu, nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa, navanhu.” (1 VaKorinte 4:9) Pauro angave akanga achifunga pamusoro peratidzirwo dzebestiarii (vanhu vairwa nezvikara) navarwi (vanhu vairwa navanhu). Vamwe vairwira mubhadharo, asi matsotsi aimanikidzwa kurwa. Vabvumirwa kushandisa zvombo pakutanga, gare gare ava vasungwa vakabudiswa vasina kupfeka, vasina chokuzvidzivirira nacho, uye vaine chokwadi chokufa.
Vaine “ngirozi” na“varume” (kwete bedzi “nyika” yorudzi rwomunhu) savacherekedzi, vaapostora vakanga vakafanana naavo vakanga vodokufa muchiono chakadaro chine chishava chokupedzisira. Pauro akataura kuti “akarwa nezvikara paEfeso,” asi vamwe vanopanikira kuti mugari weRoma angave akapinzwa imomu ndokutaura kuti iye akanongedzera kuvashori vakafanana nechikara. (1 VaKorinte 15:32, NW) Bva, kutaura kwaPauro kwokuti Mwari akamununura “pachinhu chikuru chakadai sorufu” muruwa rweAsia (uko Efeso yakanga iri) kunokodzera chinoitika chezvikara chaizvoizvo munhandare zviri nani kupfuura kwakunoita chishoro chohunhu.—2 VaKorinte 1:8-10, NW; 11:23; Mabasa 19:23-41.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]
RAMBA UCHIRANGARIRA MUBAIRO: Pauro akashandisa mativi emitambo yekare yechiGiriki kuenzanisira mapfundo anokosha. (1 VaKorinte 9:24-27) Mumakundano akadai seIsthmian Games aiitwa makore maviri ari ose pedyo neKorinte, purogiramu yaiumbwa nokumhanya, tsiva, uye zvimwe zvinoitika. Vachigadzirira aya makundano, vamhanyi navatambi vetsiva vaifanira kushandisa kuzvidzora, kurarama nokuzvinyima zvokudya zvinoondesa zvinovaka muviri, uye kusanwa waini kwemwedzi gumi. Panzvimbo pemisidhari inopera kana kuti maruva zvaipiwa vakundi veIsthmian Games, zvisinei, muKristu akazodzwa anotamburira korona isingaori youpenyu husingafi. Kuti awane mubairo iwoyo, iye anofanira kuchengeta meso ake akatwiriridzirwa pauri ndokushandisa kuzvidzora. Nheyo imwe cheteyo inoshanda kuZvapupu zvaJehovha izvo zvinorangarira upenyu hwapasi husingagumi.