Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Rarama Upenyu Huviri—Kwokona Nei?
“Ndakanga ndichirarama upenyuhuviri—humwe neshamwari dzangu dzechiKristu uye humwe neshamwari dzangu dzokuchikoro.”
MUGARIRO womukadzi muduku anokorwa mashoko pamusoro apa hausati uchitongova wechienzi. Asi chii chinorehwa nokuti “kurarama upenyu huviri”? Ruth Bell, munyori webhuku rinonzi Changing Bodies, Changing Lives, akarondedzera muitiro wacho se“chinhu chipi nechipi chauri kuita chausingaudzi vabereki vako pamusoro pacho.”
Uyu munyori akabvunzurudza vechiduku vakawanda ndokushuma, kuti: “Vachiri kuyaruka vakawanda vakataura kuti vakanga vaine zvinhu zvakanga zviri kuitika muupenyu hwavo izvo vaisatongogona kutaura navabereki vavo pamusoro pazvo. Nharaunda dzinozivikanwa zvikurusa dzokuvanza dzakanga dziri vatano nemirimo uye kunwa, asi vanhu vakadudzawo zvinhu zvakafanana nokunonoka kusvika kumba, kuronga misi yokundobvakacha navavasina kurovedzana navo, kurovha chikoro, kurwa, uye kufambidzana neshamwari idzo vabereki vavo vakanga vasingadi.”
Nenzira inosuruvarisa, kunyange dzimwe pwere dzakarerwa navabereki vechiKristu dzinovanzira vabereki vadzo navamwe zvadziri.a (Enzanisa nePisarema 26:4.) Dziri pana vabereki navadaviri biyadzo, idzi pwere dzinoratidzika kuva dzakarurama nedzinotya Mwari. Asi dzisiri pakunzvereseswa kwakadaro, dzinozvibata sokunge kuti vanhu vakasiana chose chose.
Chii chaizvoizvo chinosunda pwere kupfuurira noupenyu huviri?
Nyengedzo Yorusununguko
Bhaibheri rinoti pakupedzisira “munhu unofanira kusiya baba vake namai vake.” (Genesi 2:24) Ndokwemuzvarirwo bedzi, ipapo, kuti iwe ude kukura, kuzvifungira, kuita zvisarudzo zvako umene. Chinetso ndechokuti, ungave usati wagadzirira nokuda kwoukuru. Uchishaiwa ruzivo rwokuzviwanira rwoupenyu, uchiri anoda tsigiro yavabereki voumwari.—Zvirevo 1:8.
Pwere zhinji dzinoramba kugamuchira iri idi. Mukuwirirana nebhuku rinonzi How to Survive Your Child’s Rebellious Teens, pwere zhinji dzinoda “kuratidzira tsandanyama dzadzo dziri kukura, sokunge zvakadaro, kuedza simba radzo richangobva kutanga, uye kuzivisa rusununguko rwadzo.” Apo vabereki vanoramba kupa mvumo yokuita zvinhu zvavanorangarira kuva zvokusachenjera—kana kuti zvakaipa—dzimwe pwere dzinopanduka. Uye dzingasatonzwa urombo nokuda kwouku kunyengera. Mumwe musikana achiri kuyaruka anoti: “Ndinofara kuita zvinhu [vabereki vangu] vasingazivi kuti ndiri kuita nemhaka yokuti kunondiita ndinzwe ndichikosha. Ndine upenyu hwakasiyana nohwavo uye handifungi kuti vanotongoziva nezvazvo. . . . Havasati vaizodavira hafu yezvandiri kuita.”
‘Vabereki Vangu Vane Rumano Zvikuru’
Neiko, kunyanguvezvo, kunyange dzimwe pwere dziri kuwana kurerwa zvakaisvonaka kwechiKristu dzichipinda mukuita chakaipa chakavanzika? Mukai! yakabvunza uyu mubvunzo kuboka repwere, mumwe musikana achiri kuyaruka akapindura, kuti: “Vanoshatirirwa vabereki vavo. Vanoda kuvatsiva nokuda kwokuvaganhurira.” Hapana panikiro pamusoro pako, chiKristu inzira youpenyu yeganhuriro. Jesu akati: “Suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu.” (Mateo 7:14) Kana uchida kugamuchira chipo chaMwari choupenyu husingaperi, haugoni kungoita zvimwe zvezvinhu zvinodanwa kuti zvinhu zvomufaro izvo dzimwe pwere dzinoita. Somuenzaniso, mapati oupengo, mitambo yokunwa, vatano yapamberi peroorano, mufambiro wokusazvidzora, zvose zvinhu zvinoshurikidzwa muBhaibheri.—VaGaratia 5:19-21.
Ipapo pane idi rokuti vamwe vabereki vangaratidzika kuva vane rumano nenzira isiri yomuzvarirwo. “Hatitongobvumidzwi kuona bhaisikopo ripi neripi,” akanyunyuta kudaro musikana muduku anonzi Kim. “Ndakanga ndaderedza zvikuru nguva yandinopedzera pakuteerera nziyo, uye ndakaedza kuva anosarudza. Asi baba vangu vakatirambidza kuteerera kudzinoda kuva nziyo dzose! Tinogona kuteerera nziyo dzakapomhodzeka namarekodhi ejazz bedzi.” Dzatarisana nezvadzinoona seganhuriro dzisino mufungo, dzimwe pwere dzinovamba kuchiva rusununguko urwo vaenzani vavo vanofarikanya.
Chishuvo Chokuda Kugamuchirwa Navamwe
Mukadzi muduku anonzi Tammy anoyeuka, kuti: “Ndakatanga nokushandisa mutauro wakashata kuchikoro. Kwakandiita ndinzwe kuti ndakanga ndakafanana zvikuru navamwe vana vose. Gare gare ndakaedza kusvuta. Ndaisinwawo chinwiwa chinodhakisa kusvikira ndadhakwa. Ipapo ndakatanga kuva neshamwarikomana—muchivande nemhaka yokuti vabereki vangu vaiva norumano uye vaisandibvumira kuronga misi yokundobvakacha.”
Mumwe mukomana achiri kuyaruka anonzi Pete akava nechinoitika chakafanana: “Ndakarerwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Asi ndaitya zvikuru kusekwa, nokudaro nguva dzose ndaiedza kuva neboka ravakakurumbira. Ndakaedza kuva akakurumbira. Ndaireva nhema nokuita pembedzo pamusoro pechikonzero nei ndisina kugamuchira zvipo zvipi nezvipi mukati memazororo erudzidziso.”b Pane imwe nguva Pete akavamba kubvumirana zvishoma pane zvisina kufanira, yakanga isati iri nguva refu iye asati apinda mumufambiro wakashata wakakomba zvikuru.
“Songaniro Dzakaipa”—Kupi?
Zvinoitika zvakadaro zvinosimbisa uchokwadi hwemashoko omuapostora wechiKristu Pauro, anoti: “Songaniro dzakaipa dzinoodza tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33, NW) Naizvozvo kana ukasonganira nepwere dzisingaremekedzi mipimo netsika dzako zvakavakirwa paBhaibheri, unogona kukweverwa nyore nyore mumutoo wavo woupenyu. Nenzira inofadza, kunyanguvezvo, muapostora akanga asiri kutaura nenzira yakananga pamusoro pokusonganira navasingadaviri apo akapa nyevero iyoyo. Akanga achinyevera pamusoro pokusonganira naavo vari muungano yechiKristu vanokundikana kutsigira dzidziso yechiKristu. (1 VaKorinte 15:12) Nenzira yakafanana nhasi, pangava nepwere dzinosonganira neungano dzisingaomereri kana kuti dzisingarumbidzi kurarama kwakafanira kwechiKristu. Dzinogona kuisa dzvinyiriro yamano mano pauri kuti urarame upenyu huviri.
Rangarira, zvakare, Tammy, uyo anobvuma kuti vabereki vake vano “rudo zvikuru.” Anorondedzera baba vake sa“vanodokupupumira nokushingaira, vachitaura nguva dzose pamusoro pokuti Jehovha anotiitira hanya sei.” Anotobatira muungano somukuru. Ipapo, akanyengerwa sei? “Songaniro yakashata mukati meungano,” iye anodaro. “Vamwe vaisindiudza pamusoro pomufaro wavaiva nawo pamapati akasiana-siana uye pamusoro pokunwa kwavaiita. Kana kuti vaitaura pamusoro peshamwarikomana dzavo uye kuti vaienda sei kundodzana pashure pemisangano yeungano.”
Kudzivisa Ngozi
Usapembedze kusazvibata kwakadaro kwavaduku nokufunga kuti, ‘Runongova rutivi rwokukura’ kana kuti, ‘Vana vose vanovanzira vabereki vavo zvinhu.’ Cherechedza nyevero iyo Mwari anopa vanhu vaduku pana Muparidzi 11:9, 10, kuti: “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva oujaya hwako; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose. Dzinga zvinonetsa pamwoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako.”
Kurarama upenyu huviri kungaratidzika somufaro. Asi pakupedzisira musungo unouraya. (Enzanisa nePisarema 9:16.) Zviito zvokusateerera nenzira isingadzivisiki zvinotungamirira kuzviito zvakakomba zvikuru zvokuita zvakaipa. Pete muduku, somuenzaniso, akanga achitopinda mumufambiro wakashata wevatano apo akabva pamusha pazera ramakore 17. Pakazosvika zera ramakore 18, Pete akanga aiswa mujere nokuda kwokuba achishandisa chombo.
Kazhinji kazhinji pwere dzakawanda dzingaratidzika kupukunyuka chirango nokuda kwemufambiro wadzo wakaipa. Unogona nenzira iri nyore kuvamba kunzwa kwakafanana nomunyori weBhaibheri Asafi, uyo akabvuma, kuti: “Ndakanga ndine godo . . . Ndakaona kuti zvinhu zvinofambira zvakanaka vakaipa. Havatamburi kurwadza; vakasimba uye vakagwinya. Havatamburi sezvinoita vamwe vanhu.” Asi inoratidzika kuva chengeteko yavakaipa yakabvumikisa kuva nyengedzo youtsinye. Asafi akagumisa, kuti: “[Mwari] uchavaisa munzvimbo dzinotsvedza ndokuvaita kuti vawire kuruparadziko!” (Pisarema 73:3-5, 18, Today’s English Version) Nechikonzero chakanaka, ipapo, Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Mwoyo wako ngaurege kugodora vatadzi; asi utye Jehovha mazuva ose.”—Zvirevo 23:17.
Zvakadini nomufungo wokuti kusateerera vabereki kunobetsera pwere kukura ndokuva inozvimirira? Ikoku kunopesana nezano reBhaibheri rokuteerera vabereki vako. (Zvirevo 23:22) Chaizvoizvo, upenzi kana kuti mufambiro wokusava nomutoro ungawanzodzivisa bedzi kudziridziko yomurangariro neyomudzimu yomunhu. Panzvimbo pezvo, kuri kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri kuti mumwe anova “munhu wakura, napachiyero choukuru hwokuzara kwaKristu.”—VaEfeso 4:13.
Chokwadi, vamwe vabereki vangaratidzika kuva norumano nenzira isina mufungo. Asi ikoku hakusati kuri nokuda kworudo rwavo rukuru nokuda kwako uye chishuvo chavo chokuti vakudzivirire here? Naizvozvo kana uchinzwa kuti vabereki vako vanofanira kurerutsa zvishoma, huregererei kutaura pamusoro pako navo—panzvimbo pokupanduka nenzira yechivande?c Kuita kwapashure kungaunza dambudziko guru kwavari, kwauri, uye, kupfuura zvose, kuna Jehovha Mwari amene.—Zvirevo 10:1; 27:11.
Zvakadini, kunyanguvezvo, kana wakatotanga kurarama upenyu huviri? Pane nzira ipi neipi yokusununguka mahuri here? Nyaya dzenguva yemberi dzichakurukura iyi mibvunzo.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Pwere—Dzivisai Kurarama Upenyu Huviri,” muchinyorwa cheNharireyomurindi yaAugust 1, 1988.
b Nokuda kwekurukurirano yechimiro cheZvapupu zvaJehovha pamazororo orudzidziso, ona bhurocha, rinonzi School and Jehovah’s Witnesses, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
c Ona ganhuro 3 yebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Unoraramaupenyu huviri here?