“Vakafa Vachamutswa”
“Nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusaora; nesu tichashandurwa.”—1 VAKORINTE 15:52.
1, 2. (a) Ivimbisoi inonyaradza yakapiwa kupfurikidza nomuporofita Hosea? (b) Tinoziva sei kuti Mwari anoda kudzosa vakafa kuupenyu?
WATI wambofirwa nomumwe munhu waunoda here? Ipapo unoziva marwadzo anogona kuunzwa norufu. Kunyange zvakadaro, vaKristu vanowana nyaradzo muchipikirwa icho Mwari akapa kupfurikidza nomuporofita Hosea: “Ndichavadzikinura pasimba reSheori, ndichavadzikinura parufu. Haiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Haiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi?”—Hosea 13:14.
2 Pfungwa yokuti vakafa vachadzoka kuupenyu inoratidzika seisina mufungo kuvanhu vasina chokwadi pamusoro porudzidziso. Asi Mwari Wamasimba Ose zvechokwadi ane simba rokuita chishamiso chakadaro! Nhau yacho chaiyoiyo ndeyokuti Jehovha anoda here kudzosa vakafa kuupenyu. Murume akarurama Jobho akabvunza kuti: “Kana munhu achinge afa, ungararamazve here?” Ipapo, akapa iyi mhinduro inokurudzira: “Maizodana, ini ndikakupindurai; maishuva basa ramaoko enyu.” (Jobho 14:14, 15) Shoko rokuti “shuva” rinoratidza kupanga kwomwoyo wose kana kuti chishuvo. (Enzanisa nePisarema 84:2.) Hungu, Jehovha anokarira nokudisa rumuko—anoshuva kuona zvakare vanhu vakafa vakatendeka, avo vari vapenyu muyeuko yake.—Mateo 22:31, 32.
Jesu Anojekesa Rumuko
3, 4. (a) Jesu akajekesei pamusoro petariro yorumuko? (b) Nei Jesu akamutswa somudzimu, kwete munyama?
3 Varume vakare vokutenda vakaita saJobho vakanga vachingonzwisisa rumuko zvishomanene bedzi. Jesu Kristu ndiye akajekesa zvakazara iyi tariro yakaisvonaka. Akaratidza basa rinokosha raanoita iye pachake paakati: “Unotenda kuMwanakomana, une upenyu husingaperi.” (Johane 3:36) Upenyu ihwohwo huchafarikanywa kupi? Nokuda kworuzhinji rwaavo vanoshandisa kutenda, huchava pasi pano. (Pisarema 37:11) Zvisinei, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai ushe.” (Ruka 12:32) Umambo hwaMwari ndehwokudenga. Nokudaro, chipikirwa ichi chinoreva kuti “kapoka kaduku” kaizofanira kuva naJesu mudenga sezvisikwa zvomudzimu. (Johane 14:2, 3; 1 Petro 1:3, 4) Ikariro ine mbiri zvakadini! Jesu akazivisazve muapostora Johane kuti aka “kapoka kaduku” kaizova vane 144 000 chete.—Zvakazarurwa 14:1.
4 Kunyange zvakadaro, vane 144 000 vaizopinda sei mumbiri yokudenga? Jesu “akabudisa pachena upenyu nokusaora nenzira yeEvhangeri.” Kupfurikidza neropa rake, akatanga “nzira itsva mhenyu” yokupinda mumatenga. (2 Timotio 1:10; VaHebheru 10:19, 20) Kutanga, akafa, sezvakafanotaura Bhaibheri kuti aizodaro. (Isaya 53:12) Ipapo, sokuzivisa kwakaita muapostora Petro gare gare, “uyu Jesu wakamutswa naMwari.” (Mabasa 2:32) Jesu haana kumutswa somunhu kunyange zvakadaro. Akanga ati: “Chingwa chandichapa, inyama yangu, huve upenyu hwenyika.” (Johane 6:51) Kudzorera nyama yake kwaizoita kuti chibayiro ichocho chisashanda. Naizvozvo Jesu “wakaurawa hake panyama, asi wakararamiswa pamweya.” (1 Petro 3:18) Nokudaro Jesu “akatiwanira rudzikinuro rusingaperi,” kureva “kapoka kaduku.” (VaHebheru 9:12) Akapa kuna Mwari kukosha kwoupenyu hwake hwomunhu hwakakwana sechibayiro nokuda kworudzi rwomunhu rwunotadza, uye vane 144 000 vakanga vari vokutanga kubetserwa neichi.
5. Itariroi yakapiwa vateveri vaJesu vomuzana rokutanga ramakore?
5 Jesu aisazova iye bedzi anomutsirwa kuupenyu hwokudenga. Pauro akaudza vaKristu biyake muRoma kuti vakanga vazodzwa nomudzimu mutsvene kuti vave vanakomana vaMwari uye vadyi venhaka pamwe naKristu kana vakabvumikisa kuzodzwa kwavo kupfurikidza nokutsungirira kusvikira kumugumo. (VaRoma 8:16, 17) Pauro akatsanangurawo kuti: “Kana takava vamwe naye parufu rwake, tichadarowo pakumuka kwake.”—VaRoma 6:5.
Mukudzivirira Tariro Yorumuko
6. Nei kudavira rumuko kwakadenhwa muKorinte, uye muapostora Pauro akaita sei?
6 Rumuko rutivi rwe“dzidziso yokutanga” yechiKristu. (VaHebheru 6:1, 2, NW) Kunyange zvakadaro, dzidziso yacho yakanga ichirwiswa muKorinte. Vamwe muungano yacho, sezviri pachena vapesvedzerwa nouzivi hwechiGiriki, vaiti: “Hakuna kumuka kwavakafa.” (1 VaKorinte 15:12) Apo mishumo yeizvi yakasvika muapostora Pauro, akadzivirira tariro yorumuko, zvikurukuru tariro yavaKristu vakazodzwa. Ngatinzverei mashoko aPauro akanyorwa muna 1 VaKorinte ganhuro 15. Uchawana kuti zvinobetsera kurava ganhuro racho rose zvaro, sezvakarumbidzwa munyaya yapfuura.
7. (a) Pauro akanangidzira ngwariro panhau ipi inokosha? (b) Ndivanaani vakaona Jesu akamutswa?
7 Mundima mbiri dzokutanga dza1 VaKorinte ganhuro 15, Pauro anotaura musoro wehurukuro yake: “Ndinokuzivisai Evhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamuchirawo, neyamunomirawo mairi; iyo yamunoponeswawo nayo, . . . kana musina kutenda pasina.” Kana vaKorinte vakakundikana kumira zvakasimba mumashoko akanaka, vakanga vagamuchira chokwadi pasina. Pauro akapfuurira kuti: “Ndakakupai izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa paMagwaro; uye kuti wakavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa paMagwaro; akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna vane gumi navaviri. Ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe—vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vavata. Ipapo akazviratidza kuna Jakobho; ipapo kuna vaapostora vose; pakupedzisira akazviratidza kwandiriwo, sokunowakazvarwa nguva isati yasvika.”—1 VaKorinte 15:3-8.
8, 9. (a) Kudavira rumuko kunokosha sei? (b) Sezvingabvira Jesu akaoneka panhamboi ku“hama dzinopfuura mazana mashanu”?
8 Nokuda kwaavo vakanga vagamuchira mashoko akanaka, kudavira rumuko kwakanga kusiri nhau yokusarudza. Pakanga pane zvapupu zvakaona zvakawanda zvokusimbisa kuti “Kristu wakafira zvivi zvedu” uye kuti akanga amutswa. Mumwe akanga ari Kefasi, kana kuti Petro, sezvaanozivikanwa zviri nani. Pashure pokuramba Jesu kwaPetro pausiku hwokutengeswa kwaJesu nokusungwa, anofanira kuva akanyaradzwa zvikuru nokuoneka kwaJesu kwaari. “Vane gumi navaviri,” vaapostora seboka, vakashanyirwawo naJesu akamutswa—chiitiko icho pasina mubvunzo chakavabetsera kukurira kutya kwavo ndokuva zvapupu zvakashinga zvokumutswa kwaJesu.—Johane 20:19-23; Mabasa 2:32.
9 Kristu akaonekawo kuboka guru, “hama dzinopfuura mazana mashanu.” Sezvo akanga ane vateveri vaiva mumapoka makuru akadaro muGarirea bedzi, izvi zvingava zvakanga zviri panguva inorondedzerwa pana Mateo 28:16-20, apo Jesu akapa murayiro wokuita vadzidzi. Vanhu ava vaigona kupa uchapupu hwakasimba zvakadini! Vamwe vakanga vachiri vapenyu muna 55 C.E., apo aPauro akanyora tsamba iyi yokutanga kuvaKorinte. Kunyange zvakadaro, cherekedza kuti avo vakanga vafa vakataurwa nezvavo sevakanga “vavat[a].” Vakanga vasati vamutswa kuti vagamuchire mubayiro wavo wokudenga.
10. (a) Musangano wokupedzisira waJesu navadzidzi vake wakava netapuroi? (b) Jesu akaoneka sei kuna Pauro se“akazvarwa nguva isati yasvika”?
10 Chimwe chapupu chakatanhamara chokumuka kwaJesu akanga ari Jakobho, mwanakomana waJosefa namai vaJesu, Maria. Rumuko rusati rwaitika, sezviri pachena Jakobho akanga asina kuva mutendi. (Johane 7:5) Asi pashure pokunge Jesu aoneka kwaari, Jakobho akava mutendi uye zvichida akaita basa rokutendeutsa vamwe vanun’una vake. (Mabasa 1:13, 14) Pamusangano wake wokupedzisira navadzidzi vake, panhambo yaakakwira kudenga, Jesu akavatuma kuti vave “zvapupu . . . kusvikira kumugumo wenyika.” (Mabasa 1:6-11) Gare gare, akaoneka kuna Sauro weTarso, mutambudzi wavaKristu. (Mabasa 22:6-8) Jesu akaoneka kuna Sauro “[so]wakazvarwa nguva isati yasvika.” Zvakanga zvakaita sokuti Sauro akanga atomutsirwa kuupenyu hwomudzimu uye aikwanisa kuona Ishe akapiwa mbiri mazana amakore rumuko irworwo rwusati rwaitika. Chiitiko ichi kamwe kamwe chakamisa Sauro munzira yake yechishoro chokuda kuponda kuungano yechiKristu uye chakaparira chinjo inoshamisa. (Mabasa 9:3-9, 17-19) Sauro akava muapostora Pauro, mumwe wavadziviriri vokutanga vokutenda kwechiKristu.—1 VaKorinte 15:9, 10.
Kutenda Murumuko Kunokosha
11. Pauro akafumura sei kusava nomufungo kwokutaura kuti, “Hakuna kumuka”?
11 Kumuka kwaJesu nokudaro kwakanga kuri idi rakabvumikiswa. “Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti wakamutswa kuvakafa,” anodaro Pauro, “vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa?” (1 VaKorinte 15:12) Vakadaro vakanga vasiri kungova nokupokana kwomunhu oga bedzi kana kuti mibvunzo pamusoro porumuko asi vakanga vari kutaura kusadavira marwuri pachena. Naizvozvo Pauro anofumura kusava nomufungo kwokurangarira kwavo. Anotaura kuti kana Kristu akanga asina kumutswa, shoko rechiKristu rakanga riri nhema, uye avo vakapupurira kumuka kwaKristu vakanga vari “zvapupu zvaMwari zvenhema.” Kudai Kristu akanga asina kumutswa, hapana rudzikinuro rwakanaka rwabhadharwa kuna Mwari; vaKristu vakanga ‘vachiri muzvivi zvavo.’ (1 VaKorinte 15:13-19; VaRoma 3:23, 24; VaHebheru 9:11-14) Uye vaKristu vakanga “vavata,” mune zvimwe zviitiko savakafira kutenda, vakanga vafa vasina tariro yechokwadi. Mugariro unosuruvarisa zvakadini uyo vaKristu vaizova mauri kudai upenyu huno hurihwo bedzi hwavaigona kukarira! Kutambura kwavo kwaizova kusingarevi chinhu.
12. (a) Chii chinorehwa nokudana Kristu kuti “chibereko chokutanga chavavata”? (b) Kristu akaita sei kuti rumuko rubvire?
12 Zvisinei, zvakanga zvisina kudaro. Pauro anopfuurira kuti: “Kristu wakamutswa kuvakafa.” Uyezve, ndiye “chibereko chokutanga chavavata.” (1 VaKorinte 15:20) VaIsraeri pavakateerera vakapa Jehovha zvibereko zvokutanga zvomukoho wavo, Jehovha akavakomborera nomukoho mukuru. (Eksodho 22:29, 30; 23:19; Zvirevo 3:9, 10) Kupfurikidza nokudana Kristu kuti “chibereko chokutanga,” Pauro anoreva kuti kumwe kukohwa kwavanhu vaizomutswa murufu kuupenyu hwokudenga. “Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu,” anodaro Pauro, “kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo. Nokuti vose sezvavanofa muna Adhama, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu.” (1 VaKorinte 15:21, 22) Jesu akaita kuti rumuko rubvire kupfurikidza nokupa upenyu hwake hwakakwana hwomunhu sorudzikinuro, achizarura nzira yokuti rudzi rwomunhu rwusunungurwe muuranda kuchivi norufu.—VaGaratia 1:4; 1 Petro 1:18, 19.a
13. (a) Rumuko rwokudenga rwunoitika rini? (b) Vamwe vakazodzwa hava“vati” sei?
13 Pauro anopfuurira kuti: “Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu—chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuuya kwake.” (1 VaKorinte 15:23) Kristu akamutswa muna 33 C.E. Zvisinei, vateveri vake vakazodzwa—“avo vari vaKristu”—vaizofanira kumirira kusvikira nokukurumidza pashure pokunge Jesu avamba kuvapo kwake kwoumambo, uko uporofita hweBhaibheri hunoratidza kuti kwakaitika muna 1914. (1 VaTesaronika 4:14-16; Zvakazarurwa 11:18) Zvakadini naavo vaizova vapenyu mukati mokuvapo ikoko? Pauro anoti: “Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; pakarepo, nokubwayira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusaora; nesu tichashandurwa.” (1 VaKorinte 15:51, 52) Nenzira yakajeka, havasi vose vakazodzwa vanovata muguva vachimirira rumuko. Avo vanofa mukuvapo kwaKristu vanoshandurwa pakarepo.—Zvakazarurwa 14:13.
14. Vakazodzwa “vanobhabhatidzirwa vakafa” sei?
14 “Kana zvisina kudaro,” Pauro anobvunza kudaro, “ko avo vanobhabhatidzirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingamutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa? Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko?” (1 VaKorinte 15:29, 30) Pauro haana kureva kuti vanhu vapenyu vaibhabhatidzirwa vakafa, sezvo dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoita kuti zviratidzike. Pashure pezvose, kubhabhatidzwa kune chokuita nokuva mudzidzi wechiKristu, uye mweya yakafa haigoni kuva vadzidzi. (Johane 4:1) Panzvimbo pezvo, Pauro akanga ari kutaura vaKristu vapenyu, vakawanda vavo, kufanana naPauro pachake, vakanga vari “panjodzi nguva dzose.” VaKristu vakazodzwa vaka‘bhabhatidzirwa murufu rwaKristu.’ (VaRoma 6:3) Kubvira pakuzodzwa kwavo, vakanga vari ku“bhabhatidzwa,” sokunge zvakadaro, munzira yaizotungamirira kurufu rwakafanana norwaKristu. (Marko 10:35-40) Vaizofa vane tariro yorumuko rwune mbiri rwokudenga.—1 VaKorinte 6:14; VaFiripi 3:10, 11.
15. Pauro angava akatambura nenjodzi dzipi, uye kutenda rumuko kwakashanda sei mukudzitsungirira?
15 Pauro zvino anotsanangura kuti iye pachake akatarisana nenjodzi kusvika kumwero wokuti aigona kutaura kuti: “Ndinofa zuva rimwe nerimwe.” Achityira kuti vamwe vanomupomera kuwedzera, Pauro anowedzera kuti: “Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu muna Kristu Jesu, Ishe wedu.” The Jerusalem Bible rinoshandura ndima iyi kuti: “Ndinotarisana norufu mazuva ose, hama, uye ndinogona kupika norudado rwandinarwo mamuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.” Somuenzaniso wengozi dzaakatarisana nadzo, mundima 32, Pauro anotaura nezvo‘kurwisa zvikara paEfeso.’ VaRoma vaiwanzouraya matsotsi kupfurikidza nokuakandira kuzvikara zvaiva munhandare. Kana Pauro akatsungirira hondo nezvikara chaizvoizvo, aigona kuve akapukunyuka bedzi nebetsero yaJehovha. Pasina tariro yorumuko, kusarudza mararamiro aimuratidzira kunjodzi yakadaro kungadai kwakava upenzi zvechokwadi. Asina tariro youpenyu hwomunguva yemberi, kutsungirira nhamo uye kurega zvimwe zvinhu kwaiuya nokubatira Mwari kungadai kusina kureva chinhu. “Kana vakafa vasingamutswi,” anodaro Pauro, “ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.”—1 VaKorinte 15:31, 32; ona 2 VaKorinte 1:8, 9; 11:23-27.
16. (a) Kutaura kwokuti “ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa” kungava kwakavamba kupi? (b) Ndedzipi dzakanga dziri ngozi dzokugamuchira murangariro uyu?
16 Pauro angava akanokora mashoko Isaya 22:13, iyo inorondedzera murangariro wokufanorongerwa wavagari vomuJerusarema vaisateerera. Kana kuti angava airangarira zvitendero zvavaEpikuro, avo vakashora tariro ipi neipi youpenyu pashure porufu ndokudavira kuti mufarwa wokunyama wakanga uri chinhu chikuru muupenyu. Chipi kana chipi chingava chiitiko chacho, ruzivo rwoku“dya nokunwa” rwakanga rwusiri rwaMwari. Nokudaro, Pauro anonyevera kuti: “Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33) Kusonganirana naavo vairamba rumuko kwaigona kuva kune ngozi. Kusonganirana kwakadaro kungava kwakava nechokuita nezvinetso izvo Pauro aifanira kubata nazvo muungano yeKorinte, zvakadai sounzenza hwevatano, mapoka, kuendesana kumatare, uye kusaremekedza Chirayiro chaShe.—1 VaKorinte 1:11; 5:1; 6:1; 11:20-22.
17. (a) Pauro akapa zanoi kuvaKorinte? (b) Mibvunzoi yasara kuti ipindurwe?
17 Nokudaro Pauro anopa vaKorinte iri zano rakanaka: “Pengenukai zvakarurama, murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.” (1 VaKorinte 15:34) Murangariro usina kunaka worumuko wakatungamirira vamwe kuva mukusaziva kwomudzimu, sokunge kuti vakadhakwa. Vaifanira kumuka, kuramba vane mufungo. VaKristu vakazodzwa nhasi nenzira yakafanana vanofanira kuramba vakamuka mumudzimu, vasingapesvedzerwi nemirangariro yenyika yokusava netariro. Vanofanira kuomerera kutariro yavo yorumuko rwokudenga. Asi mibvunzo yakanga ichiripo—nokuda kwavaKorinte uye nokuda kwedu zvino. Somuenzaniso, vane 144 000 vanomutsirwa kudenga vane chimiroi? Uye zvakadini namamiriyoni avamwe vachiri muguva uye vasina tariro yokudenga? Rumuko rwucharevei nokuda kwavakadaro? Munyaya yedu inotevera, tichanzvera kurukurirano yaPauro yasara yorumuko.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona chinyorwa cheNharireyomurindi chaFebruary 15, 1991, nokuda kwekurukurirano yorudzikinuro.
Unoyeuka Here?
◻ Jesu akajekesei pamusoro porumuko?
◻ Ndivanaani vakanga vari zvimwe zvapupu zvakaona rumuko rwaKristu?
◻ Nei dzidziso yorumuko yakadenhwa, uye Pauro akaita sei?
◻ Nei kutenda rumuko kwakanga kuchikosha nokuda kwavaKristu vakazodzwa?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mwanasikana Jairosi akava chibvumikiso chokuti rumuko rwaibvira
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Pasina tariro yorumuko, kuurayirwa kutenda kwavaKristu vakatendeka kwaizova pasina