Aporo Muzivisi Aitaura Zvakanaka Wezvokwadi Yechikristu
VANGAVE vave vari mitezo yeungano yechiKristu kwemakore akawanda kana kuti kwemashomanene chete, vazivisi vose voUmambo vanofanira kufarira kuita fambiro mberi sevaparidzi vemashoko akanaka. Ikoko kunoreva kuwedzera kuziva kwedu Shoko raMwari uye mano edu okuridzidzisa kuvamwe. Nokuda kwevamwe, kungareva kutarisana nedenho, kukurira zvinetso, kana kuti kuzviita vamene vanowanika nokuda kwemubato wakawedzerwa.
Bhaibheri rine mienzaniso inoverengeka yevarume nevakadzi vakazvipira venguva dzakare avo, munzira dzakasiyana-siyana, vakabudirira mukuita fambiro mberi huru yomudzimu uye vakawana tuso nokuda kwenhamburiko dzavo. Mumwe wavo akanga ari Aporo. Apo Magwaro anotisuma kwaari, munhu ane nzwisiso isina kukwana yedzidziso dzechiKristu; makore mashomanene chete gare gare, zvisinei, ari kubatira semumiririri anofambira weungano yezana ramakore rekutanga. Chii chakamugonesa kuita fambiro mberi yakadaro? Aiva nemavara ayo tose zvedu tingaita zvakanaka kutevedzera.
“Akanga Ane Simba paMagwaro”
Munenge mugore ra52 C.E, maererano nemunyori weBhaibheri Ruka, “mumwe muJudha wainzi Aporo, worudzi rwapaAreksandria, murume wakanga a[chitaura zvakanaka, NW], wakasvika Efeso; wakanga ane simba pamagwaro. Uyu wakanga adzidziswa nzira yaShe, akashingaira nomweya, achitaura nokunatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhapatidzo rwaJohane bedzi. Iye akatanga kutaura musinagoge asingatyi.”—Mabasa 18:24-26.
Areksandria, Egipita, rakanga riri guta gurusa rechipiri munyika pashure peRoma uye rakanga riri rimwe renzvimbo huru dzetsika dzaikosha zvikurusa dzenguva yacho nokuda kwavose vari vaviri vaJudha uye vaGiriki. Sezvingabvira, Aporo akawana zivo yake yakanaka yeMagwaro echiHebheru uye kutaura zvakanaka kwakati somugumisiro wedzidzo munzanga huru yechiJudha yeguta iroro. Uko Aporo akanga adzidza nezvaJesu kwakaoma zvikuru kufungidzira. “Sezviri pachena akanga ari mufambi—zvichida mushambadzi aifamba,” inokarakadza kudaro nyanzvi F. F. Bruce, “uye aigona kuva akasangana nevaparidzi vechiKristu mune ipi neipi yenzvimbo dzakati dzaakashanyira.” Pasinei zvapo naikoko, kunyange zvazvo akataura ndokudzidzisa nekururama pamusoro paJesu, kunoratidzika kuti akanga apupurirwa Pentekosta ya33 C.E. isati yasvika, sezvo akanga “achiziva rubhapatidzo rwaJohane bedzi.”
Semutangiri waJesu, Johane Mubhapatidzi akanga apa uchapupu hwakasimba kurudzi rwose rwaIsraeri, uye vazhinji vakabhapatidzwa naye sechiratidzo cherupfidzo. (Marko 1:5; Ruka 3:15, 16) Maererano nevezvenhau vakati, pakati pevagari vechiJudha veUmambo hweRoma, kuziva Jesu kwavanhu vazhinji kwakanga kwakaganhurirwa kune zvakanga zvaparidzwa mumahombekombe aJoridhani. “ChiKristu chavo chakanga chiri panzvimbo imwe cheteyo yachakanga chiri pakuvamba kweushumiri hwaShe wedu,” anodaro W. J. Conybeare naJ. S. Howson. “Vakanga vasingazivi revo yakazara yerufu rwaKristu; sezvinobvira vaisatomboziva idi rokumutswa Kwake.” Kunoratidzika kuti Aporo akanga asingaziviwo nezvekudururwa kwemudzimu mutsvene paPentekosta 33 C.E. Kunyange zvakadaro, akanga awana mashoko akati akarurama pamusoro paJesu, uye haana kuachengeta kwaari amene. Kutaura idi, akatsvaka noushingi mikana yokutaura pamusoro pezvaaiziva. Zvisinei, kushingaira kwake nembavarira zvakanga zvichigere kuva maererano nezivo yakarurama.
Aishingaira asi Achizvininipisa
Nhoroondo yaRuka inopfuurira, kuti: “Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanatsomududzira nzira yaMwari.” (Mabasa 18:26) Akwira naPrisira vanofanira kuva vakaziva kuti kutenda kwaAporo kwakanga kwakafanana zvikuru nekwavo vamene, asi nokuchenjera havana kuedza kururamisa kunzwisisa kwake kusina kukwana pazere vanhu. Zvichida tinogona kufungidzira kuti vakanga vane kurukurirano dzakati dzomunhu oga naAporo, nevavariro yokumubetsera. Aporo, murume akanga “ane simba . . . muMagwaro,” akaita sei? (Mabasa 18:24, Kingdom Interlinear) Sezvinobvira zvikurusa, Aporo akanga ave achiparidza shoko rake risina kukwana pachena kwenguva yakati asati asangana naAkwira naPrisira. Munhu anodada aigona nenzira iri nyore zvikuru kuva akaramba kugamuchira kururamiswa kupi nekupi, asi Aporo akanga achizvininipisa uye aionga kuva anokwanisa kukwanisa zivo yake.
Chimiro chendangariro chimwe chetecho chisiri chokuzvitutumadza chaAporo chinoonekawo mukudisa kwake kugamuchira tsamba yerumbidzo yaibva kuhama dzeEfeso ichienda kuungano yaiva muKorinte. Nhoroondo yacho inopfuurira ichiti: “Zvino wakati achida kuyambukira Akaya, hama dzikamusimbisa, vakanyorera vadzidzi kuti vamugamuchire.” (Mabasa 18:27; 19:1) Aporo haana kurayira kuti agamuchirwe nokuda kwekukudzwa kwake amene asi nokuzvininipisa akatevera gadziriro yeungano yechiKristu.
MuKorinte
Migumisiro yekutanga yeushumiri hwaAporo muKorinte yakanga yakaisvonaka. Bhuku raMabasa rinoshuma, kuti: “Zvino wakati asvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha. Nokuti wakakunda vaJudha nesimba pachena, achiratidza naMagwaro, kuti Jesu ndiye Kristu.”—Mabasa 18:27, 28.
Aporo akazvishandisa amene mubasa reungano, achikurudzira hama nekugadzirira kwake nekushingaira. Chii chakanga chiri chinokosha kukubudirira kwake? Aporo zvirokwazvo akanga ane mano omuzvarirwo uye akanga ane ushingi mukutsigira kurukurirano yapachena nevaJudha. Asi zvinokosha zvikuru, airangarira achishandisa Magwaro.
Kunyange zvazvo Aporo akanga ane pesvedzero ine simba pakati paVaKorinte, nenzira isingafadzi kuparidza kwake kwakabudisa migumisiro yakaipa yaisakarirwa. Sei? Vose vari vaviri Pauro naAporo vakanga vaita zvakanaka zvikuru mukusima uye kudiridza mbeu yezvokwadi yeUmambo muKorinte. Pauro akanga aparidza imomo munenge muna 50 C.E., makore maviri Aporo asati asvika. Panguva yakazonyora Pauro tsamba yake yokutanga kuvaKorinte, munenge muna 55 C.E., mapoka akanga avamba. Vamwe vakanga vachirangarira Aporo semutungamiriri wavo, nepo vamwe vaida Pauro kana kuti Petro kana kuti vaidavira Kristu bedzi. (1 VaKorinte 1:10-12) Vamwe vakanga vachiti: ‘Ndiri waAporo.’ Nei?
Shoko rakaparidzwa naPauro naAporo rakanga riri rimwe chetero, asi vakanga vane unhu hwakasiyana. Kupfurikidza nekubvuma kwake amene, Pauro akanga asinga“natsi pakutaura”; Aporo, pane rumwe rutivi, “aitaura zvakanaka.” (2 VaKorinte 10:10; 11:6) Akanga ane mano aimugonesa kuti ateererwe nevamwe vaive venzanga yechiJudha muKorinte. Akabudirira muku‘bvumikisa chose chose vaJudha kuva vasina kururama,’ nepo Pauro, isati iri nguva refu ikoko kusati kwaitika, akanga asiya sinagoge.—Mabasa 18:1, 4-6.
Ichochi chaigona here kuva chikonzero chokuti vamwe vade Aporo? Vatsinhiri vakati vanorondedzera kuti kuda kwomuzvarirwo kwakagarwa nhaka kurukurirano yeuzivi pakati pavaGiriki kungava kwakatungamirira vamwe kuda mutoo wainyandura zvikuru waAporo. Giuseppe Ricciotti anokarakadza kuti “kutaura [kwaAporo] kwakaisvonaka uye mifananidzo yake yakaisvonaka zvakamuita kuti afarirwe nevazhinji kupfuura Pauro, mukurukuri aizvininipisa uye akanga asina kunatswa.” Kudai, zvirokwazvo, vakati nenzira isina kururama vaibvumira zvisarudzo zvakadaro zvomunhu oga kuparira mapoka pakati pehama, kuri nyore kunzwisisa chikonzero nei Pauro akatsoropodza zvakakomba kukwidziridzwa kwe“uchenjeri hwavakachenjera.”—1 VaKorinte 1:17-25.
Kutsoropodza kwakadaro hakurevi kurwisana kupi nokupi pakati paPauro naAporo, zvisinei. Kunyange zvazvo vamwe vakada kufungidzira kuti vaparidzi vaviri ava vakanga vari vakwikwidzani vakakasharara vairwira kudiwa navaKorinte, Magwaro haatauri chinhu chakadaro. Panzvimbo pokuedza kuzvigadza amene somutungamiriri weboka, Aporo akanga asiya Korinte, akanga adzokera kuEfeso, uye akanga ana Pauro apo akanyora tsamba yake yekutanga kuungano yacho yakakamuka.
Pakanga pasina kusanzwanana kana kuti makwikwi pakati pavo; panzvimbo pezvo, vaviri vacho sezviri pachena vakanga vachibatira pamwe kuti vapedze zvinetso muKorinte nekuvimbana. Zvichida Pauro akanga achipanikira vamwe vaiva muKorinte asi zvirokwazvo kwete pamusoro paAporo. Basa revarume vaviri vacho rakanga richitsinhirana zvakakwana; dzidziso dzavo dzakanga dzichikwanisana. Kunokora mashoko mashoko aPauro amene: “Ini ndakasima, Aporo wakadiridza,” nokuti vose vari vaviri vakanga vari “vabati pamwe chete naMwari.”—1 VaKorinte 3:6, 9, 21-23.
Kufanana naPauro, vaKorinte vairemekedza Aporo zvikuru, vachishuva kushanyirwazve naye. Asi apo Pauro akakumbira Aporo kudzokera kuKorinte, mugari weAreksandria wacho akaramba. Pauro anoti: “Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti auye kwamuri . . . , asi wakanga asingatongodi kuuya zvino, uchauya hake kana awana nguva yakanaka.” (1 VaKorinte 16:12) Aporo angave aizengurira kudzokera nemhaka yekutya kunyandura kumwe kukamuka, kana kuti nemhaka bedzi yokuti akanga akabatikana kumwewo.
Nguva yokupedzisira iyo Aporo anodudzwa muMagwaro, akanga achienda kuKrete uye zvichida kupfuura. Zvakare Pauro anoratidza kurangarira kwakati shamwari yake nemushandi biyake, achikumbira Tito kugovera Aporo neshamwari yake yaaifamba nayo, Zenasi, chinhu chiri chose chavangave vaida nokuda kwerwendo rwavo. (Tito 3:13) Pakasvika nguva iyi, pashure pemakore anenge gumi erovedzo yechiKristu, Aporo akanga aita fambiro mberi yakakwana yokushanda semumiriri anofambira weungano.
Mavara Oumwari Anoyamura Kukura Mumudzimu
Muparidzi weAreksandria akagadzira muenzaniso wakaisvonaka vaparidzi vose vomuzuva razvino uno vamashoko akanaka uye, zvirokwazvo, vose vanoshuva kuita fambiro mberi yomudzimu. Tingasava vanotaura zvakanaka sezvaaiita, asi tinogona zvirokwazvo kuvavarira kutevedzera zivo yake nemano mukushandiswa kweMagwaro, nokudaro tichibetsera vatsvaki vapachokwadi vezvokwadi. Kupfurikidza nemuenzaniso wake wemubato wekushingaira, Aporo “akabatsira zvikuru ivo vakatenda.” (Mabasa 18:27) Aporo aizvininipisa, airega zvimwe zvinhu, uye aidisa kubatira vamwe. Ainzwisisa zvakanaka kuti hakuna nzvimbo yemakwikwi kana kuti yegwinyiro muungano yechiKristu, nokuti tose tiri “vabati pamwe chete naMwari.”—1 VaKorinte 3:4-9; Ruka 17:10.
Isu, kufanana naAporo, tinogona kuita fambiro mberi yomudzimu. Tinodisa here kunatsa kana kuti kukudza basa redu rinoyera, tichizviisa timene munzvimbo yokushandiswa zvizere zvikuru naJehovha nesangano rake? Muna ikoko tichava vadzidzi uye vazivisi vanoshingaira vezvokwadi yechiKristu.