“Rufu Rwuchaparadzwa”
“Somuvengi wokupedzisira, rufu rwuchaparadzwa.” —1 VAKORINTE 15:26, NW.
1, 2. (a) Pauro akapa tariroi nokuda kwavakafa? (b) Pauro akakurukura mubvunzoi pamusoro porumuko?
“NDINODAVIRA mu . . . rumuko rwomuviri, uye upenyu husingaperi.” Chinodaro Chitendero Chavaapostora. VaKaturike navaPurotesitendi nenzira yakafanana vanochidzokorora nokutendeka, vasingazivi kuti zvitendero zvavo zvakafanana zvikuru nouzivi hwechiGiriki kupfuura chinhu chipi nechipi icho vaapostora vakambodavira. Zvisinei, muapostora Pauro akaramba ruzivo rwechiGiriki uye haana kudavira kusafa kwomweya. Zvisinei, aidavira zvakasimba upenyu hwomunguva yemberi uye akanyora afuridzirwa kuti: “Somuvengi wokupedzisira, rufu ruchaparadzwa.” (1 VaKorinte 15:26, NW) Izvozvo zvinomborevei nokuda kworudzi rwomunhu rwuri kufa?
2 Kuti tiwane mhinduro, ngatidzokerei kukurikurirano yaPauro yorumuko yakanyorwa muna 1 VaKorinte ganhuro 15. Uchayeuka kuti mundima dzokutanga, Pauro akasimbisa rumuko sorutivi rwunokosha rwedzidziso yechiKristu. Zvino anokurukura mubvunzo wakananga: “Asi mumwe ungati: Vakafa vanogomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita sei?”—1 VaKorinte 15:35.
Muviri Worudzii?
3. Nei vamwe vakaramba rumuko?
3 Mukubvunza mubvunzo uyu, Pauro angava akanga achida kudzivisa pesvedzero youzivi hwaPlato. Plato aidzidzisa kuti munhu ane mweya usingafi uyo unopukunyuka kufa kwomuviri. Kune avo vakarerwa vane pfungwa yakadaro, dzidziso yechiKristu pasina mubvunzo yairatidzika seisiri madikanwa. Kana mweya uchipukunyuka rufu, rumuko rwunogoitirwei? Uyezve, rumuko rwairatidzika sorwusina mufungo. Muviri wangova guruva, panogona sei kuva norumuko? Mutsinhiri weBhaibheri Heinrich Meyer anotaura kuti kushorwa kwaVakorinte sezvinobvira kwakanga kwakavakirwa pa“hwaro hwouzivi hwokuti kudzorerwa kwezvinhu zvomuviri kwakanga kusingabviri.”
4, 5. (a) Nei zvirambidzo zvavasina kutenda zvakanga zvisina mufungo? (b) Tsanangura muenzaniso waPauro we“mbeu.” (c) Mwari anopa miviri yorudzii kuvakazodzwa vanomutswa?
4 Pauro anofumura kusava nomufungo kwokufunga kwavo: “Iwe benzi, icho chaunodyara hachimeri, kana chisingafi. Chaunodyara, haudyari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe; asi Mwari unoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo.” (1 VaKorinte 15:36-38) Mwari akanga asiri kuzomutsa miviri iyo vanhu vakanga vanayo pavakanga vari pasi pano. Panzvimbo pezvo, paizova nokushanduka.
5 Pauro anoenzanisa rumuko nokumera kwembeu. Kambeu kegorosi hakana kufanana nemuti unozomera uchibva makari. The World Book Encyclopedia inoti: “Apo mbeu inovamba kumera, inonwa mvura yakawanda kwazvo. Mvura inoparira chinjo dzakawanda dzamakemikoro mukati membeu. Inoparirawo masero omukati membeu kuti azvimbe ndokubvarura chakafukidza mbeu yacho. Chaizvoizvo, mbeu inofa sembeu ndokuva chinomera chinokura. “Mwari unoipa muviri” mukuti akatanga mitemo yesayenzi inodzora kukura kwayo, uye mbeu imwe neimwe inogamuchira muviri maererano norudzi rwayo. (Genesi 1:11) Nenzira yakafanana, vaKristu vakazodzwa vanotanga kufa savanhu. Ipapo, panguva yaMwari yakagadzwa, anovadzorera kuupenyu mumiviri mitsva chose chose. Sokuudza kwakaita Pauro VaFiripi, “Jesu Kristu . . . uchavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake.” (VaFiripi 3:20, 21; 2 VaKorinte 5:1, 2) Vanomutswa mumiviri yomudzimu ndokugara munyika yemidzimu.—1 Johane 3:2.
6. Nei zvine mufungo kudavira kuti Mwari anogona kugovera vanomutswa miviri yomudzimu yakafanira?
6 Izvi zvakanyanyooma kudavira here? Aiwa. Pauro anorangarira kuti mhuka dzine marudzi akasiyana-siyana emiviri. Mukuwedzera, anosiyanisa ngirozi dzokudenga navanhu vane nyama neropa, achiti: “Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika.” Kunewo mhatsa huru muchisiko chisina upenyu. “Nyeredzi imwe haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya,” akadaro Pauro, kare sayenzi isati yamboziva miviri yokudenga yakadai mablue star, mared giant, uye mawhite dwarf. Nemhaka yeizvi, hazvina mufungo here kuti Mwari anogona kugovera miviri yomudzimu yakafanira nokuda kwavakazodzwa vanomutswa?—1 VaKorinte 15:39-41.
7. Chii chinorehwa nokusaora? kusafa?
7 Ipapo Pauro anoti: “Ndizvo zvakaitawo kumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa pakuora; unomutswa pakubwinya.” (1 VaKorinte 15:42) Muviri womunhu, kunyange paunenge wakwana, unoora. Unogona kuurawa. Somuenzaniso, Pauro akataura kuti Jesu akamutswa “kuti arege kuzodzokerazve kukuora.” (Mabasa 13:34) Aisazombodzokera kuupenyu nomuviri womunhu unoora, kunyange zvazvo wakakwana. Miviri inopiwa naMwari vanomutswa haina kushata—haifi kana kuti kuora. Pauro anopfuurira kuti: “Unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodyarwa pautera, unomutswa pasimba. Unodyarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya.” (1 VaKorinte 15:43, 44) Uyezve, Pauro anoti: “Ichi chinoora chinofanira kufuka kusaora.” Kusafa kunoreva upenyu husingagumi, husingaparadzwi. (1 VaKorinte 15:53; VaHebheru 7:16) Nenzira iyi, vanomutswa vanova “mufananidzo waiye wokudenga,” Jesu, uyo akaita kuti kumutswa kwavo kubvire.—1 VaKorinte 15:45-49.
8. (a) Tinoziva sei kuti vanomutswa ndivo vanhu vamwe chetevo vavakanga vari pavakanga vari pasi pano? (b) Uporofitai hunozadzikwa apo rumuko rwunoitika?
8 Pasinei zvapo nouku kushanduka, vanomutswa vachiri vanhu vamwe chetevo vavakanga vari vasati vafa. Vachamutswa vane yeuko dzimwe chetedzo uye mavara akaisvonaka echiKristu mamwe chetewo. (Maraki 3:3; Zvakazarurwa 21:10, 18) Murutivi urwu vanofanana naJesu Kristu. Akachinja kubva muchimiro chomudzimu kuva chomunhu. Ipapo akafa uye akamutswa somudzimu. Asi, “Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.” (VaHebheru 13:8) Vakazodzwa vane ropafadzo ine mbiri zvakadini! Pauro anoti: “Zvino kana ichi chinoora chafuka kusaora; nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa nokukunda. Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako rwuripiko?—1 VaKorinte 15:54, 55; Isaya 25:8; Hosea 13:14.
Rumuko Rwapasi Here?
9, 10. (a) Mumashoko akapoteredza 1 VaKorinte 15:24, “kuguma” chii, uye zviitikoi zvinoitika maererano nako? (b) Chii chinofanira kuitika kuti rufu ruparadzwe?
9 Pane nguva yemberi ipi neipi nokuda kwamamiriyoni asina tariro youpenyu hwomudzimu husingafi mudenga here? Zvirokwazvo iripo! Pashure pokutsanangura kuti rumuko rwokudenga rwunoitika mukuvapo kwaKristu, Pauro anoronga zviitiko zvinotevera, achiti: “Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, ushe, panguva yaachaparadza kubata kwose, noushe hwose, nesimba.”—1 VaKorinte 15:23, 24.
10 “Kuguma” ndiko kuguma kwoKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu, apo Jesu nenzira yokuzvininipisa nokuvimbika anogamuchidza Umambo kuna Mwari wake naBaba. (Zvakazarurwa 20:4) Chinangwa chaMwari cho“kuunganidz[a] muna Kristu” chichava chaitika. (VaEfeso 1:9, 10) Kutanga, kunyange zvakadaro, Kristu achava aparadza “kubata kwose, noushe hwose, nesimba” zvinoshora kuda Kukuru kwaMwari. Izvi zvinobatanidza zvinopfuura kuparadza kunoitwa paArmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:16; 19:11-21) Pauro anoti: “[Kristu] unofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirwo rufu.” (1 VaKorinte 15:25, 26) Hungu, zviratidzo zvose zvechivi chaAdhama zvichava zvabviswa. Ipapo, nenzira isingadzivisiki, Mwari uchava aita kuti “mahwiro” asava nechinhu kupfurikidza nokudzorera vakafa kuupenyu.—Johane 5:28.
11. (a) Tinoziva sei kuti Mwari anogona kusikazve mweya yakafa? (b) Avo vanomutsirwa pasi pano vachagoverwa miviri yorudzii?
11 Izvi zvinoreva kusikazve mweya yavanhu. Hazvibviri here? Aiwa, nokuti Pisarema 104:29, 30 rinotivimbisa kuti Mwari anogona kuita kudaro: “Munozvitorera mweya wazvo, izvo ndokufa, zvichidzokera kuguruva razvo. Munotuma mweya wenyu, izvo ndokusikwa.” Nepo vanomutswa vachava vanhu vamwe chete sezvavakanga vakaita vasati vafa, havazofaniri kuva nemiviri mimwe cheteyo. Kufanana naavo vanomutsirwa kudenga, Mwari achavapa muviri waanoda. Pasina mubvunzo miviri yavo mitsva ichava yakasimba munyama uye yakafanana zvine mufungo nomuviri wavo wokutanga kuitira kuti vagozivikanwa navadiwa vavo.
12. Rumuko rwapasi rwunoitika rini?
12 Rumuko rwapasi rwuchaitika riini? Marta akati nezvehanzvadzi yake yakafa, Razaro: “Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” (Johane 11:24) Aiziva sei izvozvo? Rumuko inhau yaikakavadziranwa muzuva rake, sezvo vaFarise vairudavira asi vaSadhuse vaisarudavira. (Mabasa 23:8) Zvisinei, Marta anofanira kuva aiziva nezvezvapupu zvakatangira chiKristu izvo zvakadavira rumuko. (VaHebheru 11:35) Uyewo, aigona kuva akaziva kubva muna Dhanieri 12:13 kuti rumuko rwuchaitika pazuva rokupedzisira. Angatova akadzidza izvi kuna Jesu pachake. (Johane 6:39) “Zuva rokupedzisira” iroro rinowirirana noKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu. (Zvakazarurwa 20:6) Fungidzira kufara mu“zuva” iroro apo ichi chiitiko chakaisvonaka chinovamba!—Enzanisa naRuka 24:41.
Ndiani Ari Kudzoka?
13. Ndechipi chiono chorumuko chakanyorwa pana Zvakazarurwa 20:12-14?
13 Pana Zvakazarurwa 20:12-14 pakanyorwa chiono chaJohane chorumuko rwapasi: “Ndakaona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro choushe; bhuku dzikazarurwa, neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa; vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata. Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romoto. Ndirwo rufu rwechipiri, ndiro dziva romoto.”
14. Ndivanaani vachava pakati paavo vanomutswa?
14 Rumuko rwuchabatanidza “vaduku navakuru,” vose vari vaviri vanhu vakakurumbira uye vasingacherekedzwi avo vakararama ndokufa. Chokwadi, kunyange vacheche vachava pakati penhamba iyoyo! (Jeremia 31:15, 16) Pana Mabasa 24:15, mamwe mashoko anokosha anoziviswa: “Kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” Vakatanhamara pakati pa“vakarurama” vachava varume navakadzi vakatendeka vakare, vakadai saAbheri, Enoki, Noa, Abrahama, Sara, uye Rakabhi. (VaHebheru 11:1-40) Fungidzira uchikwanisa kukurukura navakadaro ndokuwana mashoko ezvapupu zvakaona zviitiko zveBhaibheri zvenguva yakapfuura! “Vakarurama” vachabatanidzawo zviuru zvavanhu vanotya Mwari vakafa munguva dzazvino zvikuru uye vakanga vasina tariro yokudenga. Une mutezo wemhuri kana kuti mudiwa angava pakati paava here? Zvinonyaradza sei kuziva kuti unogona kuvaona zvakare! Kunyange zvakadaro, ndivanaani vari “vasakarurama” vachadzokawo? Vanobatanidza mamiriyoni, zvichida mabhiriyoni, akafa asina kuva nomukana wokusvika pakudzidza ndokushandisa chokwadi cheBhaibheri.
15. Zvinorevei kuti vanodzoka vacha“tongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku”?
15 Vachadzoka vacha“tongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata” sei? Mabhuku aya haasi chinyorwa chavo chezviito zvomunguva yakapfuura; pavakafa, vakabvisirwa zvivi zvavakanga vaita munguva yavo yavakararama. (VaRoma 6:7, 23) Zvisinei, vanhu vanomutswa vachava vachine chivi chaAdhama. Ipapo, zvinofanira kuva kuti aya mabhuku achazivisa mirayiridzo iyo vose vanofanira kutevera kuitira kuti vabetserwe zvizere nechibayiro chaJesu Kristu. Sezvo chiratidzo chokupedzisira chechivi chaAdhama chinobviswa, ‘rufu rwuchaparadzwa’ mupfungwa yakazara. Panozosvika mugumo wamakore ane chiuru, Mwari achava “zvose kuna vose.” (1 VaKorinte 15:28) Munhu haazodizve kupindira kwoMupristi Mukuru kana kuti Mudzikinuri. Rudzi rwose rwomunhu rwuchadzorerwa kumugariro wakakwana uyo Adhama aifarikanya pakuvamba.
Rumuko Rwakarongeka
16. (a) Nei zvine mufungo kudavira kuti rumuko ruchava muitiro wakarongeka? (b) Ndiani angangova pakati pevokutanga kudzoka kubva kuvakafa?
16 Sezvo rumuko rwokudenga rwakarongeka, “mumwe nomumwe padzoro rake,” zviri pachena kuti rumuko rwapasi haruzopariri vanhu vakanyongana vakawanda. (1 VaKorinte 15:23) Nenzira inonzwisisika, vachangomutswa vachada kutarisirwa. (Enzanisa naRuka 8:55.) Vachada zvokudya zvokunyama uye—zvinokosha zvikuru—kubatsirwa mumudzimu mukuwana zivo inopa upenyu yaJehovha Mwari naJesu Kristu. (Johane 17:3) Kana vose vakadzokera kuupenyu panguva imwe chete, zvingava zvisingabviri kuvatarisira zvakakwana. Zvine mufungo kufunga kuti rumuko rwuchaitika nenzira inofambira mberi. VaKristu vakatendeka vakafa chinguvana mugumo wetsika ino yaSatani usati waitika vangangova pakati pevanotanga kumutswa. Tinogonawo kukarira rumuko rwapakuvamba nokuda kwavarume vakatendeka vakare avo vachashanda sa“machinda.”—Pisarema 45:16.
17. Ndedzipi dzimwe nhau dzisakafanira pamusoro porumuko idzo Bhaibheri risingajekesi, uye nei vaKristu vasingafaniri kuva nehanya pamusoro penhau dzakadaro?
17 Kunyange zvakadaro, hatifaniri kuva vanoomerera panhau dzakadaro. Panhau dzakawanda Bhaibheri harigoveri mhinduro. Harijekesi mashoko okuti rumuko rwavanhu rwuchaitika sei, rini, kana kuti panzvimbo dzipi. Haritiudzi kuti avo vanodzoka vachagara sei, kudya, uye kupfeka. Uyewo hatigoni kutaura zvechokwadi kuti Jehovha achaita sei nhau dzakadai sokurera nokutarisira vana vanomutswa kana kuti achatarisira sei mamiriro ezvinhu akati ayo angabatanidza shamwari dzedu navadiwa. Chokwadi, ndezvomuzvarirwo kushamisika pamusoro pezvinhu zvakadaro; asi kungasava kuchenjera kupedza nguva tichiedza kupindura mibvunzo iyo panguva ino isingapinduriki. Ngwariro yedu inofanira kuva pakubatira Jehovha nenzira yokutendeka uye kuwana upenyu husingaperi. VaKristu vakazodzwa vanoisa tariro yavo murumuko rwokudenga rwune mbiri. (2 Petro 1:10, 11) “Mamwe makwai” ane tariro yenhaka isingaperi munzvimbo yapasi yoUmambo hwaMwari. (Johane 10:16; Mateo 25:33, 34) Kana ari mashoko akawanda pamusoro porumuko asingazivikanwi, tinongovimba bedzi naJehovha. Mufaro wedu womunguva yemberi uri wakachengeteka mumaoko oUyo anogona ‘kugutsa chishuvo chezvinhu zvose zvipenyu.’—Pisarema 145:16; Jeremia 17:7.
18. (a) Pauro anosimbisa rukundoi? (b) Nei tichivimba tariro yorumuko nechivimbo?
18 Pauro anogumisa kutaura kwake kupfurikidza nokuti: “Mwari ngaaongwe, uyo unotipa kukunda naShe wedu, Jesu Kristu!” (1 VaKorinte 15:57) Hungu, rukundo rwunowanwa parufu rwaAdhama kupfurikidza nechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, uye vose vari vaviri vakazodzwa na“mamwe makwai” vanogoverana murukundo irworwo. Chokwadika, “mamwe makwai” ari mapenyu nhasi ane tariro yechienzi kuchizvarwa chino. Sorutivi rwa“vazhinji-zhinji” vanoramba vachiwedzera, vangapukunyuka “kutambudzika kukuru” kuri kuuya uye havazombofi vakafa mumuviri! (Zvakazarurwa 7:9, 14) Zvisinei, kunyange avo vanofa nemhaka ye“nguva nezvinoitika” kana kuti nemhaka yamasangano aSatani vanogona kuisa chivimbo chavo mutariro yorumuko.—Muparidzi 9:11.
19. VaKristu vose nhasi vanofanira kuteerera zanoi?
19 Naizvozvo, tinomirira nokudisa zuva iroro rine mbiri apo rufu rwuchaparadzwa. Chivimbo chedu chisingazununguki muchipikirwa chaJehovha chorumuko chinotipa murangariro chaiwoiwo wenhau. Chipi kana chipi chinoitika kwatiri muupenyu huno—kunyange kana tikafanira kufa—hapana chinhu chinogona kutitorera mubayiro uyo Jehovha akapikira. Nokudaro, zano rokupedzisira raPauro kuvaKorinte rakafanira nhasi sezvarakanga rakaita zviuru zvamakore zviviri zvapfuura: “Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.”—1 VaKorinte 15:58.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Pauro akapindura sei mubvunzo pamusoro pokuti vakazodzwa vaizova nemiviri ipi pakumutswa?
◻ Rufu pakupedzisira rwuchaparadzwa sei uye rini?
◻ Ndivanaani achabatanidzwa murumuko rwapasi?
◻ Chii chinofanira kuva chimiro chedu pamusoro penhau idzo Bhaibheri risingajekesi?
[Mufananidzo uri papeji 20]
Mbeu “inofa” kupfurikidza nokuchinja kunoshamisa
[Mifananidzo iri papeji 23]
Varume navakadzi vakatendeka vakare, vakadai saNoa, Abrahama, Sara, uye Rakabhi, vachava pakati paavo vanomutswa
[Mufananidzo uri papeji 24]
Rumuko ichava nguva yomufaro mukuru!