Mwari Anokurisa—Unoita Rutivi Rwako Here?
FUNGIDZIRA chiono chacho. Uri mubindu rakaisvonaka, rakakomberedzwa nemiti yakaisvonaka, makwenzi anokura zvakanaka, uye maruva ane mavara akajeka. Tsangadzi dzakasvibira dzinoterukira kumahombekombe anosanotarisirwa orwizi runotutuma mvura yakachena zvikuru. Hapana chinhu chinoshatisa chiono chacho. Waororwa, unobvunza akaita iyi nzvimbo yakaisvonaka. Mumhinduro murimi webindu anotaura nokuzvininipisa kuti Mwari anokudza zvinhu zvose.
Nomuzvarirwo, waiziva izvozvo. Uye unoyeuka mashoko omurimi webindu apo unosvika kumusha ndokuona ruvazhe rwako umene rweseri rwune tsvina, umo musina chinhu chinokura chinofadza, tsvina inoungana, uye mvura yanaya inozadza mwena isingafadzi kuona iri muvhu. Unoshuva zvikuru kuva nebindu rakafanana neiro uchangobva kushanyira. Naizvozvo, uchidavira zvakasimba mashoko omurimi webindu, unopfugama ndokunyengetera nesimba kuna Mwari kuti aite kuti maruva akaisvonaka akure muruvazhe rwako. Chii chinoitika? Hapana, chokwadika.
Zvakadiniko nokukura kwomudzimu? Ungava nechishuvo chikuru chokuona zvinhu zvichikura mumudzimu, zvakadai savadzidzi vatsva vanogamuchira zvokwadi yeShoko raMwari kana kuti mukufambira mberi kwomudzimu kwako umene. Uye unganyengetera nesimba kuna Jehovha kuti aparire kukura kwakadaro, nokupwiswa kukuru kwokuti iye ane simba rokuita saizvozvo. Asi chishuvo chako chikuru, munyengetero wako wakasimba, uye chivimbo musimba raMwari mazviri zvimene zvinoparira kukura here?
Mwari Anokurisa
Zvichida unorangarira kuti rutivi rwako mukuparira kukura kwomudzimu harukoshi, kunyange kusava nerevo. Muapostora Pauro haana here kukaradza ikoku pana 1 VaKorinte 3:5-7? Iye akanyora, kuti: “Zvino Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe. Ini ndakasima, Aporo akadiridza; asi Mwari wakameresa.”
Pauro anobvuma nomazvo kuti apo zvinhu zvinokura, mbiri yose inoenda kuna Mwari. Murimi webindu angagadzirira ivhu rake, kudyara mbeu yake, uye kusanotarisira miti, asi pakupedzisira zvinhu zvinokura nemhaka yesimba rokusika rinoshamisa raMwari. (Genesi 1:11, 12, 29) Chii, kunyanguvezvo, Pauro anoreva apo anoti “naizvozvo unosima haasi chinhu, kana unodiridza”? (“Havasati vari varimi vebindu nokusima nokudiridza kwavo zvinokosha,” The New English Bible.) Ko iye ari kuderedza here rutivi rwomushumiri mumwe nomumwe mukuita vadzidzi vatsva, achikarakadza kuti pakupedzisira kuita kwatinoita ushumiri hwedu kunokosha zvishomanene?
“Unosima Haasi Chinhu”
Rangarira kuti murutivi urwu rwetsamba yake, Pauro haasi kukurukura ushumiri hwechiKristu asi upenzi hwokutevera vanhu panzvimbo paJesu Kristu. Vamwe vomuKorinte vakanga vachipa ukoshi husakafanira kuvabatiri vakatanhamara vaJehovha, vakadai saPauro naAporo. Vamwe vakanga vachisimudzira masekete nokukwidziridza vanhu vaifunga kuti vaiva vakuru kuhama dzavo dzechiKristu.—1 VaKorinte 4:6-8; 2 VaKorinte 11:4, 5, 13.
Kurumbidza vanhu neiyi nzira hakuna kunaka. Kufunga kwenyama, uye kunoparira godo negakava. (1 VaKorinte 3:3, 4) Pauro anoratidza miuyo yokufunga kwakadaro. Iye anoti: “Kune gakava pakati penyu. Zvandinoreva ndizvo kuti ‘ini ndiri waPauro,’ ‘ini waAporo,’ ‘ini waKefasi,’ ‘ini waKristu.’”—1 VaKorinte 1:11, 12.
Nokudaro, apo iye anonyora kuti, “musimi nomudiridzi havasi chinhu” (Phillips), muapostora ari kukurira kufunga kwakadaro kwenyama, achisimbisa kudikanwa kwokutarira kuna Jesu Kristu soMutungamiriri nokubvuma kuti mbiri yose yokukura muungano inoenda kuna Mwari. Vaapostora navamwe vakuru vanongova zvavo vabatiri veungano. Hapana nomumwe aifanira kukwidziridzwa uyewo ivo vamene vaisafanira kutsvaka mukurumbira kana kuti utanhamari. (1 VaKorinte 3:18-23) Naizvozvo mudyari nomusimi nomudiridzi havasi chinhu, anodaro Pauro, “akaenzaniswa naiye anopa upenyu kumbeu.”—1 VaKorinte 3:7, Phillips.
Vashandi Biyake vaMwari
Mukutaura ikoku, naizvozvo, muapostora Pauro akanga asiri kuderedza ukoshi hworutivi rwedu mukusima nokudiridza. Iye haana kureva kuti isu tivambe kufunga kuti, “Mwari achakudza zvinhu munguva yake amene,” uye ipapo kungogara zvedu ndokumumirira kukuita. Iye aiziva kuti chatinoita nenzira yatinochiita nayo zvine pesvedzero pakukura kwezvinhu.
Ndokusaka Pauro akakurudzira nguva dzose maKristu kushanda zvakaoma paushumiri hwawo nokuvandudza unyanzvi hwawo savadzidzisi. Funga nezvezano raanopa kujaya Timotio. “Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.” (1 Timotio 4:16) “Ndinokupupurira kwazvo . . . , paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira . . . , nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa. . . . upedzise basa rako kwazvo.” (2 Timotio 4:1, 2, 5) Kwaizova nomufungo muduku mukushanda zvakaoma kwaTimotio kuti avandudze unyanzvi hwake kana kusima kwake nokudiridza zvaisazova nepesvedzero pakukudza zvinhu.
Kufanana naPauro naAporo, iwewo unogona kuva neropafadzo inokosha yokubatira somumwe wavashandi biyake vaMwari. (1 VaKorinte 3:9; 2 VaKorinte 4:1; 1 Timotio 1:12) Saakadaro, basa rako rinokosha. Murimi webindu haakariri Mwari kuparira nenenji bindu rakaisvonaka pasina nhamburiko yomurimi webindu. Kunofanira kuva kwakasiana here nokukura kwomudzimu? Zvamazvirokwazvo kwete. Kufanana nomurimi uyo nenzira yokushivirira “unomirira chibereko chenyika chinokosha,” tinofanira kutanga kuzvishandisa timene mukusima nokudiridza, tichimirira Mwari achikudza.—Jakobho 1:22; 2:26; 5:7.
Ita Rutivi Rwako
Sezvo, sokutaura kunoita muapostora Pauro, “mumwe nomumwe uchapiwa mubairo, sezvaakabata,” tinoita zvakanaka kubvunza kuti tiri kushanda sei.—1 VaKorinte 3:8.
Nyanzvi yokurima mabindu Geoffrey Smith inoti: “Hapana zvikwaniriso chaizvo zvinodikanwa kuva murimi webindu, kungofarira miti chete.” (Shrubs & Small Trees) Nenzira yakafanana, hapana zvikwaniriso chaizvo zvomuzvarirwo zvinodikanwa kuti tive vashandi biyake vaMwari, fariro yechokwadi chete muvanhu nokudisa kushandiswa naMwari.—2 VaKorinte 2:16, 17; 3:4-6; VaFiripi 2:13.
Rangarira rimwe rezano rakanaka rinopiwa navarimi vebindu vane unyanzvi. Sezvinotaura chimwe chiremera, kana murimi webindu mutsva achidisa kuteerera avo vane ruzivo rwokuzviwanira rukuru zvikuru kupfuura zvaakaita, “mudzidzi anogona kukurumidza kuva nyanzvi.” Uye, chiremera chimwe chetechi chinoti, “nyanzvi nguva dzose inowana chimwe chinhu chitsva chokudzidza.” (The Encyclopedia of Gardening) Unogamuchira here nokudisa betsero nerovedzo izvo Jehovha anogovera zvokuti unogona kusima ndokudiridza nenzira inobudirira? Kana ukadaro, kana uri mutsva pabasa kana kuti une ruzivo rwokuzviwanira mariri, unogona kukudziridza humwe hunyanzvi somushandi biyake waMwari naizvozvo ndokuva “akakwaniriswa zvakakwana kudzidzisa vamwe.”—2 Timotio 2:2, NW.
Kana iye achidisa kuteerera ndokudzidza, anodaro Geoffrey Smith, “muvambi achadzivisa mhinganidzo dzakaipisisa.” Kana tikateerera nhungamiro iyo Jehovha anopa kupfurikidza neShoko rake nesangano rake, tichaita zvinhu nenzira yake. Ipapo tichadzivisa, somuenzaniso, mhinganidzo dzakadai sokuita nharo noupenzi naavo vanongoda bedzi kupopota kana kuti kurwa pamusoro pamashoko.—Zvirevo 17:14; VaKorose 4:6; 2 Timotio 2:23-26.
Chimwe chinhu chezano rakanaka rokurima bindu kufunga zvinhu nokungwarira usati wamhanyira kuchera ivhu. “Usati watanga kuchera,” inodaro The Encyclopedia of Gardening, “pedza nguva chinyararire uchiyera [kariro dzako].” Unowira here mumusungo wokumhanyira muushumiri hwechiKristu usina kutanga kupa murangariro wokungwarira nowokunyengetera kuizvo unoda kupedza uye nzira yakanakisisa yokukuita nayo here? Vavariro dzako ngadzijeke usati watanga. Funga, somuenzaniso, pamusoro porudzi rwavanhu ungasangana narwo zvinetso unganangana nazvo, uye gadzirira kunangana nazvo, uye gadzirira kubata izvozvi. Ikoku kuchakubvumira ku“wana vanhu vazhinjisa [sezvo iwe] unova zvinhu zvose kuvanhu vamarudzi ose.”—1 VaKorinte 9:19-23, NW.
“Usabvisa Ruoko Rwako”
Kana tichionga ropafadzo yokubatira savashandi biyake vaMwari, hatisati tichizoganhurira goverano yedu youkutsirani. “Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.” (Muparidzi 11:6) Miuyo yokupedzisira iri mumaoko aJehovha, asi tichakohwa bedzi kana tikatanga kukusha nenzira yokushingaira.—Muparidzi 11:4.
Hapana bindu rakatomboitwa rakaisvonaka kupfurikidza nokuchera nokuparadzirwa kwembeu kwachero, kwakashata. Nenzira yakafanana, zvakawanda zvinodikanwa muushumiri hwechiKristu kupfuura goveranowo zvayo muparadzirwo yamabhuku eBhaibheri. Savashandi biyake vaMwari, tinoda kuzivisa nokushingaira uye zvakakwana mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari, tichitsvaka avo vane mwoyo wakarurama. (Mabasa 13:48) Yeuka nheyo iri mumashoko omuapostora Pauro ari pana 2 VaKorinte 9:6: “Unodyara zvishoma, uchachekawo zvishoma; unodyara zvizhinji, uchachekawo zvizhinji.”
Kufanana navarimi vose vakanaka vebindu, tinoedza kusima muvhu rakanaka. Apo bedzi chimwe chinhu chinenge chasimwa kunyange muvhu rakanakisisa, zvisinei, iwoyo hausati uri mugumo wenhau. Anodaro Geoffrey Smith: “Ikoku hakusati kuchireva kuti kana kwangosimwa bedzi hapana chimwe chinhu chinodikanwa kumunhu ane mutoro kunze kwokutengwa kwechigaro chokugara wakati dedede mumumvuri.” Aiwa, kuti zvinhu zvikure, nhamburiko inodikanwa mukudiridza nokudzivirira miti.—Enzanisa naZvirevo 6:10, 11.
Ushumiri hwechiKristu, kutaura idi, hungareva nhambo refu dzebasa rakaoma apo panenge pasina chinhu chikuru chinoratidzika kuva chiri kuitika. Asi kamwe kamwe, uye pane dzimwe nguva nenzira isingakarirwi, miuyo inoshamisa ingatevera. Geoffrey Smith anoti: “Kurima bindu kunoumbwa nenhambo refu dzebasa renguva dzose rinoganhurwa nenguva dzorunako rwakadaro zvokuti kuchera kwose, kusakura, uye funganyo chaiyo zvinokanganwika.” Iwewo unogona kuva nenhambo dzegutsikano yakaisvonaka apo mwoyo unogamuchira shoko rezvokwadi—chero bedzi uchidisa kuita kuchera kwokutanga, kusima, kusakura, uye kudiridza.—Enzanisa naZvirevo 20:4.
Pauro naAporo vaiziva kuti basa ravo rokuparidzira Umambo nokuita vadzidzi harina kuvawanira utanhamari chaihwo muungano yechiKristu. Ivo vainzwisisa kuti ndiMwari anokudza zvinhu. Zvisinei, ivo vakasima uye vakadiridza—nokushingaira. Ngatiteverei muenzaniso wavo ndokuzviita timene vanowanika kuna Mwari sa“vashumiri kupfurikidza navo [vamwe vanova] vatendi.”—1 VaKorinte 3:5, 6.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Mwari anokurisa zvinhu zvose—asi murimi webindu anoita rutivi rwake