RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kugoverana Nyaradzo Iyo Jehovha Anogovera
    Nharireyomurindi—1996 | November 1
    • “Mwari Wokunyaradza Kwose”

      5. Pamwe chete nemiedzo mizhinji iyo Pauro akatambura, akavawo nechii?

      5 Munhu aionga zvikuru nyaradzo iyo Mwari anogovera akanga ari muapostora Pauro. Pashure penguva yaitambudza zvikuru muAsia uye Makedhonia, akava nenyaradzo huru pakunzwa kuti ungano yeKorinte yakanga yaita zvakanaka kutsamba yake yetsiuro. Ikoku kwakamusunda kuvanyorera tsamba yechipiri, iyo ine kutaura kunotevera kwokurumbidza: “Mwari ngaaongwe, ivo Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinte 1:3, 4.

      6. Chii chatinodzidza mumashoko aPauro anowanwa pana 2 VaKorinte 1:3, 4?

      6 Aya mashoko akafuridzirwa anotaura zvizhinji. Ngatianzverei. Apo Pauro anotaura kurumbidza kana kuti kutenda Mwari kana kuti kuita chikumbiro kwaari mutsamba dzake, tinowanzowana kuti anobatanidzawo kuonga kukuru Jesu, Musoro weungano yechiKristu. (VaRoma 1:8; 7:25; VaEfeso 1:3; VaHebheru 13:20, 21) Nokudaro, Pauro anonangidzira uku kutaura kwokurumbidza kuna “Baba vaShe wedu Jesu Kristu.” Ipapo, kekutanga mumanyoro ake, anoshandisa zita rechiGiriki rinoshandurwa kuti “ngoni.” Zita iri rinobva mushoko rinoshandiswa kutaura rusuruvaro pakutambura kwemumwe. Nokudaro Pauro anorondedzera mirangariro yaMwari yeunyoro nokuda kweupi neupi wevabatiri Vake vakatendeka avo vaitambura dambudziko—mirangariro minyoro iyo inosunda Mwari kuvaitira chiito nenzira yengoni. Pakupedzisira, Pauro akatarira kuna Jehovha semanyuko eiri vara rinodikanwa kupfurikidza nokumuti “Baba vengoni.”

      7. Nei kuchigona kutaurwa kuti Jehovha ndi“Mwari wekunyaradza kwose”?

      7 “Ngoni” dzaMwari dzinoguma nenyaradzo kune uyo ari kutambura dambudziko. Naizvozvo Pauro anopfuurira kurondedzera Jehovha sa“Mwari wekunyaradza kwose.” Nokudaro, nyaradzo ipi neipi yatingava nayo inobva kumutsa wevatendi biyedu, tinogona kutarira kuna Jehovha semanyuko acho. Hakuna nyaradzo chaiyoiyo, inogara isingabvi kuna Mwari. Uyezve, ndiye akasika munhu mumufananidzo wake, nokudaro achitigonesa kuva vanyaradzi. Uye ndiwo mudzimu mutsvene waMwari unosunda vabatiri vake kuratidza ngoni kuavo vanoda nyaradzo.

  • Kugoverana Nyaradzo Iyo Jehovha Anogovera
    Nharireyomurindi—1996 | November 1
    • 8. Kunyange zvazvo Mwari asiri manyuko emiedzo yedu, itapuroi inobetsera iyo kutsungirira kwedu dambudziko kunogona kuva nayo patiri?

      8 Nepo Jehovha Mwari achibvumidza miedzo yakasiyana-siyana iyo inouya pavabatiri vake vakatendeka, haasitongori manyuko emiedzo yakadaro. (Jakobho 1:13) Zvisinei, nyaradzo yaanogovera apo tinotsungirira dambudziko inogona kutirovedza kuva vanoziva zvikuru zvinodikanwa zvevamwe. Nemugumisiroi? “Kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari.” (2 VaKorinte 1:4) Nokudaro Jehovha anotirovedza kuva vagoverani vanobudirira venyaradzo yake nevatendi biyedu uye nevaya vatinosangana navo muushumiri hwedu sezvatinotevedzera Kristu uye kuti ti“nyaradze vose vanochema.”—Isaya 61:2; Mateo 5:4.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe