Uchagamuchira Rudo rwaJesu Here?
“Rudo rwaKristu runotimanikidza.”—2 VAKORINTE 5:14.
1. Rudo rwaJesu rungarondedzerwa sei?
ZVIROKWAZVO, runoshamisa sei rudo rwaJesu! Apo tinorangarira kutambura kwaakaita nenzira isingarondedzereki sezvaakagovera rudzikinuro, urwo kupfurikidza narwo rwoga tingawana upenyu husingaperi, zvirokwazvo mwoyo yedu inosundwa nokumuonga! Jehovha Mwari naJesu amene vakaita nhano yokutanga. Vakatanga kutida, apo takanga tichiri vatadzi. (VaRoma 5:6-8; 1 Johane 4:9-11) Kuziva “rudo rwaKristu,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “kunopfuura zivo.” (VaEfeso 3:19, NW) Zvamazvirokwazvo, rudo rwaJesu runopfuura zvikuru zivo yomumusoro yedzidzo. Runopfuura chinhu chipi nechipiwo zvacho chati chamboonekwa kana kuti kuwanwa navanhu.
2. Chii chisingagoni kudzivisa Jesu pakutida?
2 Achinyorera maKristu omuRoma, Pauro akabvunza, kuti: “Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushaiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here?” Hapana chimwe chezvinhu zvakadaro chinogona kudzivisa Jesu kutida. “Ndinoziva kwazvo,” anopfuurira Pauro, “kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana [ngirozi, NW], kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvigoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.”—VaRoma 8:35-39.
3. Chii bedzi chinogona kuparira Jesu naBaba vake kutisiya?
3 Rudo rwaJehovha Mwari naJesu nokuda kwako rwakasimba kudaro. Pane chinhu chimwe bedzi chinogona kuvadzivisa kukuda, uye ichocho kuramba kwako umene kwamaune rudo rwavo kupfurikidza nokuramba kuita zvavanokumbira. Mumwe muporofita waMwari akambotsanangura kuna mambo weJudhea, kuti: “Jehovha anemi chero bedzi mukabvumikisa kuva naye; uye kana mukamutsvaka, iye achazviita amene anowanikwa nemi, asi kana mukamusiya iye achakusiyai.” (2 Makoronike 15:2, NW) Ndiani wedu aizomboda kuramba shamwari dzinoshamisa dzakadaro, dzinonzwira urombo saJehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu?
KugamuchiraKwakafanira Rudo rwaJesu
4, 5. (a) Rudo rwaJesu nokuda kwedu runofanira kutapura sei ukama hwedu navanhu biyedu? (b) Ndianizve watinofanira kusundwa kuda nemhaka yorudo rwaJesu nokuda kwedu?
4 Unotapurwa sei somunhu oga norudo rusina kuganhurirwa rwaJesu nokuda kwako? Unofanira kuva akaita sei? Eya, Jesu akaratidza kuti kuratidzira kwake rudo kunofanira kutapura sei ukama hwedu navanhu biyedu. Pashure pokubatira nenzira yokuzvininipisa vaapostora vake kupfurikidza nokushambidza tsoka dzavo, Jesu akati: “Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini.” Iye akawedzera, kuti: “Ndinokupai murairo mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo.” (Johane 13:15, 34) Vadzidzi vake vakadzidza, uye vakasundwa kuedza kuita sezvaakaita. “Ndozvatinoziva rudo nazvo,” akanyora kudaro muapostora Johane, “kuti wakatipa upenyu hwake; nesuwo tinofanira kupa hama upenyu hwedu.”—1 Johane 3:16.
5 Zvakare, tingarasikirwa nedonzo roupenyu hwaJesu noushumiri kana tikasundwa nomuenzaniso wake kungoda ndokubatira fariro dzavanhu biyake. Rudo rwaJesu nokuda kwedu harufaniri here kutiparirawo kumuda somuuyo uye zvikurukuru kuda Baba vake, avo vakamudzidzisa chinhu chiri chose chaanoziva? Uchagamuchira here rudo rwaKristu ndokubatira Baba vake sezvaakaita?—VaEfeso 5:1, 2; 1 Petro 1:8, 9.
6. Muapostora Pauro akatapurwa sei norudo rwaJesu nokuda kwake?
6 Rangarira chinoitika chaSauro, uyo gare gare akazivikanwa saPauro. Pane imwe nguva iye akatambudza Jesu, “achingorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi.” (Mabasa 9:1-5; Mateo 25:37-40) Apo Pauro akasvika chaizvoizvo pakuziva Jesu, akaonga kwazvo nokuda kwokugamuchira kanganwiro zvokuti akanga asingadisi bedzi kutambura nokuda kwaJesu asi akanga akagadzirirawo kumufira. “Ndakarovererwa pamwe chete naKristu,” iye akanyora kudaro. “Handichiri ini ndinorarama . . . kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, wakandida, akazvipa nokuda kwangu.”—VaGaratia 2:20.
7. Rudo rwaJesu runofanira kutisunda kuitei?
7 Rudo urwo Jesu anarwo nokuda kwedu runofanira kuva simba rinosunda zvakadini muupenyu hwedu! “Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza,” Pauro akanyorera vaKorinte kudaro, ‘kusachazviraramirazve timene, asi nokuda kwouyo akatifira uye akamutswa.’ (2 VaKorinte 5:14, 15) Zvamazvirokwazvo, kuonga kuna Jesu nokuda kwokupa upenyu hwake nokuda kwedu kunofanira kutisunda kuita chipi nechipi chaanokumbira. Nenzira iyi bedzi tinogona kubvumikisa kuti tinomuda zvirokwazvo. “Kana muchindida, muchachengeta mirairo yangu,” Jesu akadaro. “Une mirairo yangu, akaichengeta, ndiye unondida.”—Johane 14:15, 21; enzanisa na 1 Johane 2:3-5.
8. Rudo rwaJesu rwakatapura sei upenyu hwavatadzi vakawanda?
8 Pakudzidza mirairo yaJesu, zvifeve, mhombwe, vanovatana navane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo, mbavha, zvidhakwa, uye makororo muKorinte yekare vakagamuchira rudo rwaJesu kupfurikidza nokurega miitiro iyoyo. Pauro akanyora nezvavo, kuti: “Makashambidzwa, . . . makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu.” (1 VaKorinte 6:9-11) Nenzira yakafanana, rudo rwaJesu rwakasunda vazhinji nhasi kuita chinjo dzinoshamisa muupenyu hwavo. “Kukunda kwechokwadi kwechiKristu kwakaoneka mukuitwa vanhu vakanaka kwaavo vaitaura dzidziso dzacho,” akanyora kudaro wezvenhau John Lord. “Tinopupurira upenyu hwavo husina chahungapomerwa, tsika dzavo dzisingazvidziki, ugari hwemo hwavo hwakanaka, uye tsika dzavo dzechiKristu.” Dzidziso dzaJesu dzakaita musiano wakadini!
9. Chii chinobatanidzwa mukuteerera Jesu?
9 Zvirokwazvo, hakuna fundo inogona kuitwa nomunhu nhasi iyo iri youkoshi hukuru kupfuura iyo youpenyu noushumiri zvaJesu Kristu. “Sanotarirai pana . . . Jesu,” akakurudzira kudaro muapostora Pauro. “Zvamazvirokwazvo, sanorangarirai [iyeyo].” (VaHebheru 12:2, 3, NW) Mukati mokushanduka chitarisiko kwaJesu, Mwari amene akaraira pamusoro poMwanakomana wake, kuti: “Muteererei.” (Mateo 17:5, NW) Kunofanira kusimbiswa, kunyanguvezvo, kuti kuteerera Jesu kunobatanidza zvinopfuura kungonzwawo zvako zvaanotaura. Kunoreva kuteerera mirairidzo yake, hungu, kumutevedzera kupfurikidza nokuita zvaakaita nenzira yaakazviita nayo. Tinogamuchira rudo rwaJesu kupfurikidza nokumugamuchira somuenzaniso wedu, kupfurikidza nokusanotevera mumakwara ake.
Icho Jesu Anoda Kuti Tiite
10. Ndivanaani avo Jesu akarovedza uye nokuda kwedonzoi?
10 Basa raJesu rakabva kuna Mwari rakanga riri rokuparidzira pamusoro poUmambo hwaBaba vake, uye iye akarovedza vateveri vake kuita basa rimwe chetero. “Ngatiende kumwe kumisha iri pedyo,” akaudza vadzidzi vake vokutanga kudaro, “kuti ndindoparidza ikokowo, nokuti ndizvo zvandakauyira.” (Marko 1:38; Ruka 4:43) Gare gare, pashure pokurovedza zvikuru vaapostora 12, Jesu akavarairidza, kuti: “Sezvamunoenda, paridzirai, muchiti, ‘Umambo hwamatenga hwaswedera pedyo.’” (Mateo 10:7, NW) Mwedzi yakati gare gare, pashure pokurovedza vamwe 70, akavatuma vane murairo wokuti: “Pfuurirai kuvaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera pedyo kwamuri.’” (Ruka 10:9, NW) Nenzira yakajeka, Jesu aida kuti vateveri vake vave vaparidziri navadzidzisi.
11. (a) Vadzidzi vaJesu vaizoita mabasa makuru zvikuru munzirai kupfuura aakaita? (b) Chii chakaitika kuvadzidzi pashure pokunge Jesu aurawa?
11 Jesu akapfuurira kurovedza vadzidzi vake nokuda kweiri basa. Mukati mamadekwana okupedzisira pamberi porufu rwake, akavakurudzira namashoko okuti: “Unotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye uchaaitawo, uchaita makuru kuna iwaya.” (Johane 14:12) Mabasa avateveri vake aizova makuru zvikuru kupfuura ake nemhaka yokuti muushumiri hwavo vaizosvika vanhu vazhinji zvikuru panzvimbo huru zvikuru uye kwourefu hukuru hwenguva. Bva, pashure pokunge Jesu aurawa, vadzidzi vake vakakuvadzwa norutyo. Vakavanda uye havana kupfuudzira basa raakanga avarovedza kuita. Vamwe vakatodzokera kubasa rokuredza. Zvisinei, nenzira isingakanganwiki, iye akaroverera pana ava vanomwe zvaaida kuti ivo, pamwe chete navose vavateveri vake, vaite.
12. (a) Inenjii iro Jesu akaita paGungwa reGarirea? (b) Chii, sezviri pachena, icho Jesu akareva paakabvunza Petro kana aiMuda “kupfuura [idzodzi, NW]”?
12 Jesu akapfeka muviri wohunhu ndokuoneka paGungwa reGarirea. Vaapostora vanomwe vakanga vari mugwa asi vakanga vakundikana kubata hove dzipi nedzipi usiku hwose. Jesu akadanidzira ari pamhenderekedzo yegungwa, kuti: “Kandai rutava kurutivi rworudyi rwegwa mugowana.” Apo rutava rwakazadzwa nenzira yenenji nehove kusvikira kupfundo rokubvaruka, avo vaiva mugwa vakaziva kuti akanga ari Jesu aiva pamhenderekedzo yegungwa, uye vakamhanyira kwaakanga akamirira. Pashure pokuvapa chisvusvuro, Jesu, sezvingabvira achitarira kuhove dzakawanda dzabatwa, akabvunza Petro, kuti: “Simoni mwanakomana waJona, uno rudo neni kupfuura [idzodzi, NW] here?” (Johane 21:1-15) Jesu pasina panikiro akareva kuti, Wakabatanidzwa zvikuru kubasa rokuredza kupfuura kubasa rokuparidzira randakakugadzirira kuita here?
13. Jesu akaroverera zvakasimba sei pavateveri vake nzira yavaifanira kugamuchira nayo rudo rwake?
13 Petro akapindura, kuti: “Hungu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akapindura akati: “Fudza makwaiana angu.” Nguva yechipiri Jesu akabvunza, kuti: “Simoni, mwanakomana waJona, uno rudo neni here?” Zvakare Petro akapindura, pasina panikiro nokupwiswa kwakasimba zvikuru, kuti: “Hungu, Ishe munoziva kuti ndinokudai.” Zvakare Jesu akaraira, kuti: “Chengeta makwai angu.” Nguva yechitatu Jesu akabvunza, kuti: “Simoni mwanakomana waJona, unondida here?” Kusvikira panguva ino Petro akanga atambudzika chaizvoizvo. Mazuva mashomanene bedzi pamberi pezvi, iye akanga aramba katatu kuziva Jesu, naizvozvo angave akashamisika zvikuru kana Jesu akapanikira ruvimbiko rwake. Naizvozvo, kwenguva yechitatu, Petro akapindura, zvimwe nenzwi rokuteterera, achiti: “Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akangopindura hake, kuti: “Fudza makwai angu.” (Johane 21:15-17) Panogona here kuva nepanikiro ipi neipi kuizvo Jesu aida kuti Petro navasonganiri vake vaite? Akaroverera zvakasimba sei pavari—pamwe chete napavapi navapi vaizova vadzidzi vake nhasi—kuti kana vachimuda, vachagoverana mubasa rokuita vadzidzi!
14. Padzimwe nhambo, Jesu akaratidza sei nzira iyo vadzidzi vake vanofanira kugamuchira nayo rudo rwake?
14 Mazuva mashomanene pashure pekurukurirano iyoyo pamhenderekedzo yegungwa, Jesu akaoneka pagomo muGarirea uye akarairidza kokorodzano inofara yavanenge vateveri 500, kuti: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” (Mateo 28:19, 20, NW; 1 VaKorinte 15:6) Funga nezvako! Varume, vakadzi, uye vana vose vakagamuchira basa rimwe cheteri. Gare garezve, pamberi chaipo pokukwira kudenga, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi.” (Mabasa 1:8, NW) Pashure peiyi pangiro yose, hakushamisi kuti Petro, makore akati gare gare, akati: “[Jesu] akatiraira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo.”—Mabasa 10:42.
15. Hapagoni kuva nepanikiro pamusoro pechii?
15 Panogona kusava nepanikiro pamusoro pokuti tinofanira kugamuchira sei rudo rwaJesu. Akaudza vaapostora vake, kuti: “Kana mukachengeta mirairo yangu, mucharambira murudo rwangu . . . Muri shamwari dzangu kana mukaita zvandiri kukurairai.” (Johane 15:10-14, NW) Mubvunzo ndouyu, Ucharatidza kuonga rudo rwaJesu kupfurikidza nokuteerera murairo wake wokugoverana mubasa rokuita vadzidzi here? Chokwadi, ikoku kungasava nyorewo nokuda kwako nokuda kwezvikonzero zvakasiana-siana. Asi kwakanga kusiri nyorewo nokuda kwaJesu. Rangarira chinjo dzaibatanidzwa nokuda kwake.
Tevera Muenzaniso waJesu
16. Muenzanisoi unoshamisa uyo Jesu akagovera?
16 Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari akafarikanya nzvimbo yakatanhamara yembiri yokudenga huru kungirozi dzose. Iye akanga akapfuma zvamazvirokwazvo! Bva akazvidurura amene nokudisa, akaberekwa somutezo wemhuri ine urombo, uye akakura akapoteredzwa navanhu vanorwara, vanofa. Akaita ikoku nokuda kwedu, sokutsanangura kwakaita muapostora Pauro, kuti: “Nokuti munoziva [mutsa usakafanirwa, NW] waShe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akapfuma, wakava murombo nokuda kwenyu, kuti imi nourombo hwake muve vapfumi.” (2 VaKorinte 8:9; VaFiripi 2:5-8) Muenzaniso wakadini! Iratidzirwo yakadini yorudo! Hakuna munhu akarega zvakawanda kana kuti kutambura zvikuru nokuda kwavamwe. Uye hakuna akakuita kuti kubvirire vamwe kufarikanya pfuma huru zvikuru, hungu, upenyu husingaperi mukukwana!
17. Inzirai inoiswa pamberi pedu, uye chii chichava muuyo wokuitevera?
17 Tinogona kutevera muenzaniso waJesu ndokuva vebetsero yakafanana kuna vamwe. Kazhinji kazhinji, Jesu akakurudzira vanhu kuva vateveri vake. (Marko 2:14; Ruka 9:59; 18:22) Kutaura idi, Petro akanyora, kuti: “Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu sezvaakakutambudzikiraiwo, akakusiirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake.” (1 Petro 2:21) Uchagamuchira rudo rwaKristu kusvikira kutambanuko yokutambura kuti ubatire Baba vake sezvaakaita here? Nzira yakadaro inogona kuva inobetsera sei kuna vamwe! Zvamazvirokwazvo, kupfurikidza nokutevera muenzaniso waJesu, kupfurikidza nokushandisa zvizere dzidziso dzaakagamuchira kuna Baba vake, “uchazviponesa iwe navanokunzwa.”—1 Timotio 4:16.
18. (a) Muenzanisoi uyo Jesu akagadza pamusoro pechimiro chake kuvanhu? (b) Vanhu vakagamuchira sei hunhu hwaJesu?
18 Kuti tibetsere vanhu zvikurusa, tinofanirawo kunzwa pamusoro pavo nenzira iyo Jesu akaita nayo. Humwe uporofita hwakati pamusoro pake: “Uchanzwira nyasha murombo nomushaiwi.” (Pisarema 72:13) Vateveri vake vaigona kucherekedza kuti Jesu “aiva norudo” nokuda kwaavo aitaura kwavari uye kuti zvirokwazvo iye aida kuvabetsera. (Marko 1:40-42; 10:21, NW) “Wakati achiona vanhu vazhinji,” rinodaro Bhaibheri, “akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” (Mateo 9:36) Kunyange vatadzi vakakomba vainzwa rudo rwake uye vakakweverwa kwaari. Kupfurikidza nechimiro chake chenzwi, kuzvibata, uye mutoo wokudzidzisa, vakaitwa kuti vanzwe vakasununguka. Somuuyo, kunyange vateresi vaizvidza nemhombwe vakamutsvaka.—Mateo 9:9-13; Ruka 7:36-38; 19:1-10.
19. Pauro akatevedzera sei Jesu, uye chii chichava muuyo wokuita kwedu zvimwe chetezvo?
19 Vadzidzi vaJesu vomuzana rokutanga ramakore vakatevedzera muenzaniso wake worudo. Pauro akanyorera vamwe vaakashumira, kuti: “Takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake . . . Sababa vanoita navana vavo, tichikurairai, tichikusimbisai, tichikupupurirai.” (1 VaTesaronika 2:7-12) Unonzwa itiro hanya yapachokwadi imwe cheteyo nokuda kwaavo vari mundima yenyu seizvo vabereki vano rudo vanoitira vana vavo vanodiwa here? Kuratidzira itiro hanya yakadaro muchimiro chako chenzwi, chitarisiko chako chechiso, uye zviito zvako zvichaita kuti shoko roUmambo rive rinokwezva kuvanhu vakafanana namakwai.
20, 21. Ndezvipi zviri zvinoitika zvomuzuva razvino uno zvavanhu vakatevera muenzaniso waJesu worudo?
20 Rimwe zuva rinotonhora muSpain, Zvapupu zviviri zvakasangana nomumwe mukadzi akwegura aifamba netsvimbo uyo akanga ane imba yakanga ichitonhora zvikuru nemhaka yokuti huni dzakanga dzapera. Akanga achimirira mwanakomana wake kudzoka kubasa kuti ateme dzimwe. Zvapupu zvakatema huni dzacho, uye zvakasiyawo magazini okuti arave. Apo mwanakomana akadzoka, akaororwa kwazvo neitiro hanya yorudo yeZvapupu zvacho nokuda kwamai vake zvokuti akarava mabhuku, akatanga kufunda Bhaibheri, akabhapatidzwa, uye nokukurumidza akapinda muushumiri hwoupiona.
21 MuAustralia mumwe murume nomudzimai wake vakatsanangura kuZvapupu zvaishanya kuti vakanga vasina mari yokudyisa mhuri yavo. Vanyakuroorana Zvapupu vakaenda ndokutenga girosari, kubatanidza masiwiti avana. Vabereki vacho vakawira pasi ndokuchema, vachitaura kuti vakanga vapererwa nezano kwazvo zvokuti vakanga varangarira kuzviuraya. Vose vari vaviri vakatanga kufunda Bhaibheri, uye mudzimai wacho misi ichangobva kupfuura iyi akabhapatidzwa. Mumwe mukadzi muUnited States uyo aifungira mano akaipa Zvapupu zvaJehovha akashuma pashure pokusangana nechimwe, kuti: “Handiyeuki chaizvoizvo chatakataura pamusoro pacho, asi chandinoyeuka ndechokuti akanga ane mutsa sei kwandiri, uye kuti akanga ane ushamwari nokuzvininipisa sei. Chaizvoizvo ndakanzwa ndaswededzwa kwaari somunhu. Ndinofarira ushamwari hwake kusvikira kuzuva rino.”
22. Pashure pokunzvera upenyu hwaJesu, chii chiri mhedziso yedu pamusoro pake?
22 Apo tinogamuchira rudo rwaJesu kupfurikidza nokuita basa raakaita nenzira yaakariita nayo, zvikomborero zvinoshamisa zvakadini zvatinogona kufarikanya! Ukuru hwaJesu huri pachena uye hunokurira. Tinosundwa kudzokorora mashoko agavhuna weRoma Pontio Pirato, anoti: “Tarirai! Munhu!” Hungu, zvamazvirokwazvo, “Munhu,” munhu mukurusa ati amborarama.—Johane 19:5, NW.
Waizopindura Sei?
◻ Rudo rwaJesu rukuru sei?
◻ Rudo rwaJesu runofanira kutiparira kuda ani, uye rudo rwake runofanira kutisunda kuitei?
◻ Jesu anoda kuti tiite basai?
◻ Jesu akanga akapfuma sei, uye neiko akava murombo?
◻ Tinofanira kutevedzera sei Jesu munzira yaakashumira nayo vanhu?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Jesu akagadza muenzaniso wokuratidza rudo
[Mufananidzo uri papeji 17]
Jesu akaenzanisira nesimba kuti vadzidzi vake vanofanira sei kuratidzira rudo nokuda kwake