-
Tingaramba Sei Takaparadzana Nenyika?“Rambai Muri Murudo rwaMwari”
-
-
3. (a) Paaiva pasi pano Jesu aiona sei zvematongerwo enyika? (b) Nei zvichigona kunzi vateveri vaJesu vakazodzwa vanoshanda sevamiririri? (Taurawo zviri mumashoko omuzasi.)
3 Panzvimbo pokuita zvematongerwo enyika zvemazuva iwayo, Jesu akaisa pfungwa dzake pakuparidza Umambo hwaMwari, hurumende yokudenga yaaizova Mambo wayo. (Dhanieri 7:13, 14; Ruka 4:43; 17:20, 21) Ndokusaka akazotaura ari pamberi paGavhuna weRoma Pondiyo Pirato achiti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Johani 18:36) Vateveri vake vakatendeka vanotevedzera muenzaniso wake nokuva vakavimbika kuna Kristu noUmambo hwake uye nokuzivisa nyika nezvahwo. (Mateu 24:14) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Tiri nhume dzinomiririra Kristu . . . Sevamiririri vaKristu tinokumbira kuti: ‘Yananiswai naMwari.’”a—2 VaKorinde 5:20.
4. VaKristu vose vechokwadi vanoratidza sei kuti vakavimbika kuUmambo hwaMwari? (Ona bhokisi rakanzi “VaKristu Vokutanga Vainge Vasina Kwavanotsigira.”)
4 Sezvo vamiririri vedzimwe nyika vachimiririra nyika dzavo dzinozvitonga, havapindiri munyaya dzomunyika dzavanenge vari; vanoramba vasina kwavanotsigira. Asi vanongotsigira hurumende yenyika yavo. Ndizvo zvinoitawo vateveri vaKristu vakazodzwa, avo vari “vagari vokumatenga.” (VaFiripi 3:20) Kushingaira kwavo kuparidza Umambo, kwatobatsira mamiriyoni ‘emamwe makwai’ kuti ‘ayananiswe naMwari.’ (Johani 10:16; Mateu 25:31-40) Ava vemamwe makwai vanoshanda sevatevedzeri vevamiririri vaKristu vachitsigira hama dzaJesu dzakazodzwa. Semakwai akabatana anotsigira Umambo hwaMesiya, mapoka acho ose ari maviri anoramba asina kwaanotsigira mune zvematongerwo enyika.—Verenga Isaya 2:2-4.
-
-
Tingaramba Sei Takaparadzana Nenyika?“Rambai Muri Murudo rwaMwari”
-
-
a Kubvira paPendekosti ya33 C.E., Kristu ndiMambo weungano yepasi pano yevateveri vake vakazodzwa. (VaKorose 1:13) Muna 1914, Kristu akazopiwa simba rokuva mambo ‘woumambo hwenyika.’ Nokudaro vaKristu vakazodzwa iye zvino vanoshanda sevamiririri voUmambo hwaMesiya.—Zvakazarurwa 11:15.
-