“Makatengwa Nomutengo”
“Makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu.”—1 VAKORINTE 6:20.
1, 2. (a) Chii chakazarura “nzira dzokubuda murufu”? (b) Chii chaifanira kuitwa kuita kuti chibairo chaKristu chishande nenzira yapamutemo, sezvakadeya kufananidzirwa nechii?
“MWARI wechokwadi ndiMwari wamabasa anoponesa nokuda kwedu,” akadaro wezvamapisarema, “uye nzira dzinobuda murufu ndedzaJehovha Changamire Ishe.” (Pisarema 68:20, NW) Chibairo chaJesu Kristu chakazarura nzira iyoyo. Asi kuti chibairo ichocho chishande nenzira yapamutemo, Kristu aifanira kuita kuoneka kwomunhu oga pamberi paMwari amene.
2 Ikoku kwakadeya kufananidzirwa paZuva reYananiso apo muprista mukuru aipinda muNzvimbo Tsvene tsvene. (Revhitiko 16:12-15) “Asi,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “Kristu wakati asvika ari muprista mukuru . . . , haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwe chete, zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu.”—VaHebheru 9:11, 12, 24.
Simba Reropa
3. (a) Ropa rinorangarirwa sei navanamati vaJehovha, uye nei? (b) Chii chinoratidza kuti ropa rine simba rapamutemo rokuyananisa zvivi?
3 Ropa raKristu rinoita basai muruponeso rwedu? Chifo chezuva raNoa, vanamati vechokwadi vakarangarira ropa serinoyera. (Genesi 9:4-6) Ropa rinoita rutivi runokosha mukushanda kwoupenyu, nokuti Bhaibheri rinotaura kuti “mweya [kana kuti upenyu] wenyama uri muropa.” (Revhitiko 17:11, NW) Naizvozvo Mutemo waMosesi waida kuti apo mhuka yaibairwa, ropa rayo ridururwe pamberi paJehovha. Padzimwe nguva ropa raiiswawo pamusoro penyanga dzeatari. Nenzira yakajeka, simba rinoyananisa rechibairo rakanga riri muropa racho. (Revhitiko 8:15; 9:9) “Pamurairo zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa; uye kana kusina ropa rinoteurwa, hakuna kanganwiro.”—VaHebheru 9:22.
4. (a) Idonzoi rakabatirwa nokuganhurira kwaMwari kushandiswa kweropa? (b) Chii chakanga chiri chinokosha pamusoro penzira iyo Jesu akaurawa nayo?
4 Hakushamisi, ipapoka, kuti muMutemo, kushandiswa kusina kufanira kupi nokupi kweropa kwairangwa kupfurikidza norufu! (Revhitiko 17:10) Tose zvedu tinoziva kuti apo chinhu chinoitwa chisingawanzowaniki, kana kuti chinoganhurirwa zvakakomba pamusoro pokushandiswa kwacho, ukoshi hwacho hunowedzera. Ganhuriro yaJehovha pakushandiswa kwaro yakava nechokwadi chokuti ropa raizorangarirwa, kwete sechimwe chinhu choukoshiwo zvahwo, asi sechinokosha, chinodikanwa. (Mabasa 15:29; VaHebheru 10:29) Ikoku kwakawirirana nedonzo rakakwirira iro ropa raKristu raizobatira. Nenzira yakakodzera, iye akafa nomutoo wakaparira kuti ropa rake rideurwe. Nokudaro, kwakanga kuri pachena kuti Kristu haana kungobaira bedzi muviri wake wohunhu asi akadurura mweya wake, akabaira upenyu hwake humene somunhu akakwana! (Isaya 53:12) Kristu haana kurasikirwa namaruramiro apamutemo kuupenyu ihwohwo nemhaka yokusakwana, naizvozvo ropa rake rakadururwa rakanga rine ukoshi hukuru uye raigona kupiwa pamberi paMwari nokuda kweyananiswo yezvivi zvorudzi rwomunhu.
5. (a) Chii icho Kristu akapinza mudenga, uye nei? (b) Kwakanga kuri pachena sei kuti Mwari akagamuchira chibairo chaKristu?
5 Kristu aisagona kupinza ropa rake chairoiro mudenga. (1 VaKorinte 15:50) Panzvimbo pezvo, iye akatora chakafananidzirwa neropa iroro: ukoshi hwapamutemo hwoupenyu hwake hwohunhu hwakakwana hwakabairwa. Pamberi paMwari amene, aigona kuita kupiwa chaiko kwoupenyu ihwohwo sorudzikinuro mutsinhano norudzi rwomunhu runotadza. Kugamuchira kwaJehovha chibairo ichocho kwakava pachena paPentekosta 33 N.V., apo mudzimu mutsvene wakauya pavadzidzi 120 muJerusarema. (Mabasa 2:1-4) Kristu, sokunge zvakadaro, zvino akava muridzi worudzi rwomunhu kupfurikidza nokutenga. (VaGaratia 3:13; 4:5; 2 Petro 2:1) Nokudaro, betsero dzorudzikinuro dzaigona kuyerera kurudzi rwomunhu.
Vabetserwi Vokutanga Vorudzikinuro
6. Igadziriroi idzo Mwari akaita dzokushandiswa kwebetsero dzorudzikinuro rwaKristu?
6 Ikoku hakuna kureva, zvisinei, kuti rudzi rwomunhu rwaizopiwa kukwana kwokunyama kwakamwe kamwe, nokuti kutoti mugariro wokutadza womunhu wakakurirwa, kukwana kwokunyama kwaisazobvira. (VaRoma 7:18-24) Kutadza kwaizokurirwa sei uye rini? Mwari akatanga kuronga ‘vaprista [vokudenga vane 144 000] kuna Mwari wedu kuti vatonge samadzimambo pamusoro papasi’ naKristu Jesu. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 7:4; 14:1-3) Kupfurikidza navo betsero dzorudzikinuro dzichashandiswa pashoma napashoma kurudzi rwomunhu munhambo yamakore ane chiuru.—1 VaKorinte 15:24-26; Zvakazarurwa 21:3, 4.
7. (a) Chii chiri sungano itsva, ndivanaani vari mativi kwairi, uye iyo inobatira donzoi? (b) Neiko rufu rwaifanira kuitika kuita kuti sungano itsva ibvire, uye ibasai rinoita ropa raKristu?
7 Kusvikira ikoko, madzimambo vaprista vane 144 000 “anotengwa pakati porudzi rwomunhu.” (Zvakazarurwa 14:4, NW) Ikoku kunoitwa kupfurikidza ne“sungano itsva.” Iyi sungano chibvumirano pakati paJehovha Mwari naIsraeri womudzimu waMwari chokuti mitezo yake ibatire samadzimambo navaprista. (Jeremia 31:31-34; VaGaratia 6:16; VaHebheru 8:6-13; 1 Petro 2:9) Bva, sungano pakati paMwari nomunhu asina kukwana inobvira sei? Pauro anotsanangura, kuti: “Nokuti apo pane [sungano, NW] [pakati paMwari nomunhu asina kukwana], panofanira kuvapowo rufu rwaiye wakaiita. Nokuti [sungano, NW] ine simba kana vanhu vafa; nokuti haitongovi nesimba kana wakaiita achiri mupenyu.”—VaHebheru 9:16, 17.
8, 9. Rudzikinuro rune chokuitai nesungano itsva?
8 Nokudaro, chibairo chorudzikinuro chinokosha kusungano itsva, iyo Jesu ari Murevereri wayo. Pauro akanyora, kuti: “Kuna Mwari mumwe, uye murevereri mumwe pakati paMwari navanhu, munhu, Kristu Jesu, uyo akazvipa amene rudzikinuro runowirirana nokuda kwavose—izvi ndizvo zvinofanira kupupurirwa panguva yazvo imene.” (1 Timotio 2:5, 6, NW) Mashoko iwayo anoshanda zvikurukuru kuvane 144 000, vanoitwa sungano itsva navo.
9 Apo Mwari akaita sungano naIsraeri wokunyama, yakanga isina kunaka nenzira yapamutemo kusvikira ropa remhuka radeurwa muchibairo. (VaHebheru 9:18-21) Nenzira yakafanana, kuti sungano itsva ishande, Kristu aifanira kudeura “ropa resungano.” (Mateo 26:28; Ruka 22:20) Kristu achishanda sezvose zviri zviviri Muprista Mukuru no“murevereri wesungano itsva,” Mwari anoshandisa ukoshi hweropa raJesu kuna avo vanopinzwa musungano itsva, achivapa nenzira yapamutemo kururama kwohunhu. (VaHebheru 9:15; VaRoma 3:24; 8:1, 2) Ipapo Mwari anogona kuvapinza musungano itsva kuti vave madzimambo vaprista vokudenga! SoMurevereri wavo noMuprista Mukuru, Jesu anovabetsera mukuchengeta chimiro chakachena pamberi paMwari.—VaHebheru 2:16; 1 Johane 2:1, 2.
Kuunganidza Zvinhu Pasi Pano
10, 11. (a) Rudzikinuro runotambanuka sei kupfuura maKristu akazodzwa? (b) Ndivanaani vari boka guru, uye vane chimiroi naMwari?
10 MaKristu akazodzwa bedzi ayo anogona kuwana kusunungurwa kupfurikidza norudzikinuro, kukanganwirwa kwezvivi zvavo here? Aiwa, Mwari ari kuyananisa naye amene zvimwe zvinhu zvose kupfurikidza nokuita rugare kupfurikidza neropa rakadeurwa padanda rokutambudzira, sokuratidzira kunoita VaKorose 1:14, 20. Ikoku kunobatanidza zvinhu zviri mumatenga (vane 144 000) pamwe chete nezvinhu zviri pasi pano. Vapashure ndaavo vari mumutsara woupenyu hwapasi, vanhu vachafarikanya upenyu hwakakwana muParadhiso pasi pano. Zvikurukuru chifo cha 1935 kwave kune nhamburiko yakabatanidzwa yokuunganidza vakadaro. Zvakazarurwa 7:9-17 (NW), inovarondedzera se“boka guru” vane ruponeso runobva kuna Mwari nokuGwaiana. Vachiri kuda kupukunyuka “dambudziko guru” ndo‘kutungamirirwa kumatsime emvura dzoupenyu,’ nokuti Zvakazarurwa 20:5 inoratidza kuti vakadaro vachava vapenyu zvizere, vane upenyu hwohunhu hwakakwana, pamugumo woKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu. Avo ipapo vanopfuura muedzo wokupedzisira vari mumugariro wavo wokukwana kwohunhu vacharuramiswa nokuda kwoupenyu husingaperi pasi pano.—Zvakazarurwa 20:7, 8.
11 Kunyanguvezvo, munzira yokutanga, boka guru rakato“suka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana.” (Zvakazarurwa 7:14, NW) Kristu haashandi soMurevereri wesungano itsva kwavari, bva vanobetserwa neiyi sungano kupfurikidza nebasa roUmambo hwaMwari. Kristu achiri kushanda kwavari, zvisinei, soMuprista Mukuru, uyo kupfurikidza naye Jehovha anogona uye anoshandisa rudzikinuro kusvikira kutambanuko yokururamiswa kwavo zvino seshamwari dzaMwari. (Enzanisa naJakobho 2:23.) Mukati meMireniyumu, pashoma napashoma vacha“sunungurwa muuranda kuuipi [kusvikira pakupedzisira] vava norusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.”—VaRoma 8:21, NW.
12. Mwari akabata navanhu vakatendeka munguva dzapamberi pechiKristu pahwaroi?
12 Pamusoro pechimiro chavo naMwari, kungaratidzika kuti avo veboka guru vanosiana zvishomanene navanamati vapamberi pechiKristu. Zvisinei, Mwari akabata navapashure achirangarira gadziriro yomunguva yemberi yorudzikinuro. (VaRoma 3:25, 26) Vakafarikanya kanganwirwo yezvivi zvavo bedzi munzira yechinguvana. (Pisarema 32:1, 2) Panzvimbo pokuvasunungura zvizere pa“kuyeudzwa zvivi,” zvibairo zvemhuka zvakaparira “kuyeudzirwa zvivi.”—VaHebheru 10:1-3.
13. Ibetseroi dzatinadzo kupfuura vabatiri vapamberi pechiKristu vaMwari?
13 Kwakasiana namaKristu echokwadi nhasi. Vanonamata pahwaro hworudzikinuro rwakatobhadharwa! Kupfurikidza noMuprista Mukuru wavo, vano“svika norusununguko rwokutaura chigaro choumambo chomutsa usakafanirwa.” (VaHebheru 4:14-16, NW) Kuyananiswa naMwari hakusati kuri chinoitika chakati chinokarirwa asi chinhu chaichoicho chazvino! (2 VaKorinte 5:20) Pavanotadza, vanogona kugamuchira kanganwiro chaiyoiyo. (VaEfeso 1:7) Vanofarikanya hana yakacheneswa zvirokwazvo. (VaHebheru 9:9; 10:22; 1 Petro 3:21) Izvi zvikomborero kudeya kuravirwa kworusununguko rune mbiri rwavana vaMwari urwo vabatiri vaJehovha vachafarikanya munguva yemberi!
Ukuru Hwouchenjeri hwaMwari Norudo
14, 15. Rudzikinuro runosimbisa sei uchenjeri husingayereki hwaJehovha, pamwe chete nokururama kwake norudo?
14 Rudzikinuro chipo chinoshamisa zvakadini chakabva kuna Jehovha! Runonzwisiswa zviri nyore, bva rwakakura zvakakwana zvokutyisa ungwaru hukurusa. Kuhwirudzura kwedu kushanda kworudzikinuro kuchangotanga. Bva, tinotaura nomuapostora Pauro, kuti: “Haiwa udzame hwakadini hwepfuma nouchenjeri nezivo zvaMwari! Marutongeso ake haanzvereki sei uye nzira dzake hadzitongorondwi!” (VaRoma 11:33, NW) Uchenjeri hwaJehovha hunoratidzwa mukuti akakwanisa zvose zviri zviviri kununura rudzi rwomunhu nokureverera uchangamire hwake. Kupfurikidza norudzikinuro, “kururama kwaMwari kwakaratidzwa . . . Iye [Kristu] wakagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake.”—VaRoma 3:21-26.
15 Hapana kutsoropodza kunogona kuitirwa Mwari nokuda kwokukanganwira zvivi zvakaitwa munguva yakapfuura navanamati vapamberi pechiKristu. Kupfuurirazve, hapana kutsoropodza kunogona kuitirwa Jehovha nokuda kwokururamisa vakazodzwa savanakomana vake kana kuti boka guru seshamwari dzake. (VaRoma 8:33) Pamutengo mukuru kwaari amene, Mwari ave ari wapamutemo nenzira yakakwana, kana kuti akarurama, mukubata kwake, achiramba chose chose kutaura kwenhema kwaSatani kwokuti Jehovha mutongi asina kururama! Rudo rusina udyire rwaMwari nokuda kwezvisikwa zvake nenzira yakafanana rwakaratidzirwa zvisingapanikirwi.—VaRoma 5:8-11.
16. (a) Rudzikinuro rwakagovera nokuda kwokupedza nhau dzeperero yavabatiri vaMwari munzirai? (b) Rudzikinuro runotipa sei hwaro hwokutenda munyika itsva iri kuuya yokururama?
16 Nzira yakagoverwa nayo rudzikinuro yakapedzawo nhau dzaibatanidza perero yavabatiri vaMwari. Teerero yaJesu yoga yakapedza ikoko. (Zvirevo 27:11; VaRoma 5:18, 19) Asi wedzera kuna ikoko nzira youpenyu yamaKristu ane 144 000 ayo, pasinei hapo nechishoro chaSatani, anoramba akatendeka kusvikira kurufu! (Zvakazarurwa 2:10) Rudzikinuro runokuita kuti kubvirire ivava kugamuchira setuso yavo kusafa—upenyu husingaparadzwi! (1 VaKorinte 15:53; VaHebheru 7:16) Ikoku kunoita kuti kutaura kwoupenzi kwaSatani kwokuti vabatiri vaMwari havana kuvimbika kuve kusina kufanira! Rudzikinuro rwakatipawo hwaro hwakasimba hwokutenda muzvipikirwa zvaMwari. Tinogona kuona gadziriro yoruponeso urwo “rwakasimbiswa nenzira yapamutemo” kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro. (VaHebheru 8:6, NW) Nokudaro nyika itsva yokururama inopikirwa!—VaHebheru 6:16-19.
Usapotsa Donzo Rarwo
17. (a) Vamwe vanoratidza sei kuti vakapotsa donzo rorudzikinuro? (b) Chii chinogona kutisunda kuramba takachena mutsika?
17 Kuti abetserwe norudzikinuro, kuri madikanwa kuti munhu awane zivo, ashandise kutenda, uye ararame mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri. (Johane 3:16; 17:3) Vashomanene zvikuru, kunyanguvezvo, vanodisa kuita saizvozvo. (Mateo 7:13, 14) Kunyange pakati pamaKristu echokwadi, vamwe vanga“gamuchira mutsa usakafanirwa waMwari ndokupotsa donzo rawo.” (2 VaKorinte 6:1, NW) Somuenzaniso, mumakore akapfuura zviuru zvakadzingwa nokuda kwomufambiro usina kururama wevatano. Kunonyadzisa sei nemhaka yeizvo Jehovha naKristu vakatiitira! Kuonga rudzikinuro hakufaniri here kusunda munhu kudzivisa kuva “anokanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare”? (2 Petro 1:9) Nenzira yakafanira, ipapoka, Pauro anoyeuchidza maKristu, kuti: “Makatengwa nomutengo. Nomutoo uri wose, rumbidzai Mwari mumuviri wenyu imi vanhu.” (1 VaKorinte 6:20, NW) Kuyeuka ikoku kunotipa sundo ine simba yokuramba takachena mutsika!—1 Petro 1:14-19.
18. MuKristu anowira muchivi chakakomba anongogona sei kuzviyamura amene norudzikinuro?
18 Zvakadiniko kana munhu akatowira muchivi chakakomba? Iye anofanira kushandisa kukanganwirwa uko rudzikinuro runoita kuti kubvire, achigamuchira betsero inobva kuvatariri vane rudo. (Jakobho 5:14, 15) Kunyange kana chirango chakasimba chichidikanwa, muKristu anopfidza haafaniri kuneta mururamiso yakadaro. (VaHebheru 12:5) Tine iyi vimbiso inoshamisa yeBhaibheri, inoti: “Kana tichizvireurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusarurama kwose.”—1 Johane 1:9.
19. Murangariroi uyo muKristu anogona kuva nawo womufambiro wake usina kururama uyo wakaitika pamberi pokudzidza zvokwadi?
19 Pane dzimwe nguva maKristu anoodzwa mwoyo zvisina kufanira nemhaka yomufambiro usina kururama womunguva yakapfuura. “Tisati tapinda muzvokwadi,” yakanyora kudaro imwe hama yakaora mwoyo, “mudzimai wangu neni takava namapundu pamitezo yokubereka nayo. Padzimwe nguva tinonzwa tisina kuchena, sokunge hati‘kodzeri’ musangano rakachena raJehovha.” Sezvinobvumwa, kunyange pashure pokuva maKristu, vamwe vangawana mwero wakati wokutambura muzvikanganiso zvomunguva yakapfuura. (VaGaratia 6:7) Zvisinei, hapana chikonzero chokunzwa asina kuchena mumeso aJehovha kana mumwe akapfidza. “Ropa raKristu,” rinokwanisa “kuchenesa hana dzedu pamabasa akafa.”—VaHebheru 9:14, NW.
20. Kutenda murudzikinuro kunogona sei kusunungura muKristu pamhaka isati iri madikanwa?
20 Hungu, kutenda murudzikinuro kunogona kubetsera kutisunungura pamitoro isati iri madikanwa yokuva nemhaka. Imwe hanzvadzi duku yakabvuma, kuti: “Ndave ndichirwisana netsika isina kuchema yebonhora kwaanopfuura makore 11 zvino. Ndakadokusiya ungano pane imwe nguva, ndichinzwa kuti Jehovha haasati aizotongoda munhu anonyangadza kudaro kusvipisa ungano yake.” Tinofanira kuyeuka, kunyanguvezvo, kuti Jehovha “akanaka uye akagadzirira kukanganwira” chero bedzi tichirwisana nenzira yokutungamirirwa nehana nokusarurama, tisingateri kwairi!—Pisarema 86:5, NW.
21. Rudzikinuro runofanira kutapura sei murangariro wedu waavo vanotitadzira?
21 Rudzikinuro runofanirawo kuva nechokuita pamabatire atinoita navamwe. Somuenzaniso, unoita sei apo muKristu biyako anokutadzira? Unotambanudzira kukanganwira kwakafanana nokwaKristu nenzira iri nyore here? (Ruka 17:3, 4) Mune “mwoyo munyoro, muchikanganwira [vamwe] sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu” here? (VaEfeso 4:32) Kana kuti unokombamira kuchengeta mafi here kana kuti kuchengeta pfundepfunde? Ikoko zvamazvirokwazvo kwaizova kupotsa donzo rorudzikinuro.—Mateo 6:15.
22, 23. (a) Rudzikinuro runofanira kuva nomuuyoi panharidzano dzedu namararamire? (b) Chisarudzoi icho maKristu ose anofanira kuita pamusoro porudzikinuro?
22 Pakupedzisira, kuonga rudzikinuro kunofanira kuva nomuuyo mukuru panharidzano dzedu namararamire. Pauro akati: “Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu.” (1 VaKorinte 7:23) Zvinodikanwa zvemari—musha, basa, zvokudya, zvipfeko—zvichiri musimboti woupenyu hwako here? Kana kuti uri kutsvaka Umambo pakutanga here, uchiisa kutenda muchipikirwa chaMwari chokukugovera? (Mateo 6:25-33) Ungabishairira mushandirwi wako asi uchikundikana kuwana nenzvimbo yakakwana yemibato youbati ushe hwaMwari here? Yeuka, Kristu “wakazvipa nokuda kwedu, kuti . . . azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.”—Tito 2:14; 2 VaKorinte 5:15.
23 “Mwari ngaaongwe kupfurikidza naJesu Kristu” nokuda kweichi chipo chikurusa—rudzikinuro! (VaRoma 7:25, NW) Ngatiregei kutongopotsa donzo rorudzikinuro asi kurubvumira kuva simba chairoiro muupenyu hwedu. Mumufungo, mushoko, uye muchiito, ngatirumbidzei Mwari nguva dzose, tichiyeuka nenzira yokuonga kuti takatengwa nomutengo.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Neiko ropa richirangarirwa serinoyera, uye ropa raKristu rakapiwa sei pamberi paJehovha mudenga?
◻ Ropa raKristu rakaita basai mukusimbisa sungano itsva?
◻ Rudzikinuro runobetsera sei vakazodzwa neboka guru?
◻ Tinogona sei kuratidza kuti hatina kupotsa donzo rorudzikinuro?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Simba rinoyananisa rechibairo riri muropa racho roupenyu
[Mufananidzo uri papeji 17]
Uyo anoonga kukanganwira kwaMwari anodisa kutambanudzira kukanganwira kuna vamwe