RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kugoverana Nyaradzo Iyo Jehovha Anogovera
    Nharireyomurindi—1996 | November 1
    • Dambudziko raPauro muAsia

      13, 14. (a) Pauro akarondedzera sei nguva yedambudziko rakakomba raakava naro muAsia? (b) Chiitikoi icho Pauro angave airangarira?

      13 Rudzi rwokutambura urwo ungano yeKorinte yakanga yava narwo kusvikira panguva ino rwaisagona kuenzaniswa nematambudziko mazhinji ayo Pauro aifanira kutsungirira. Nokudaro, aigona kuvayeuchidza, kuti: “Nokuti hatidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvo-kwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasha mwoyo tichiti hatingararami; asi pamwoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari unomutsa vakafa; iye wakatisunungura parufu rukuru rwakadai, uye uchatisunungurazve; iye watinotenda kuti ucharamba achitisunungura.”—2 VaKorinte 1:8-10.

      14 Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinodavira kuti Pauro akanga achinongedzera kuchimurenga chomuEfeso, icho chaigona kunge chakauraya Pauro pamwe chete neshamwari dzake mbiri dzaaifamba nadzo dzeMakedhonia, Gayo naAristarko. VaKristu vaviri ava vakapinzwa nechisimba mune imwe imba yemitambo yakanga yakazadzwa nenyongori iyo ya“kadanidzira, [i]chiti: “Dhiana [mwarikadzi] wavaEfeso mukuru!” Pakupedzisira, mumwe mukuru mukuru weguta akabudirira mukunyaradza boka racho. Iyi tyisidziro kuupenyu hwaGayo naAristarko inofanira kuva yakatambudza Pauro zvikuru. Kutaura idi, aida kupindamo ndokurangarira nenyongori yacho yainyanyisa, asi akadziviswa kuisa upenyu hwake mungozi nenzira iyoyi.—Mabasa 19:26-41.

      15. Mumiriroi wezvinhu wakakomba ungarondedzerwa pana 1 VaKorinte 15:32?

      15 Zvisinei, Pauro angave akanga achirondedzera mumiriro wezvinhu wakakomba zvikuru kupfuura chiitiko chichangobva kududzwa. Mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte, Pauro akabvunza, kuti: “Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko?” (1 VaKorinte 15:32) Ikoku kungareva kuti upenyu hwaPauro hwakatyisidzirwa kwete bedzi nevanhu voumhuka asi nezvikara chaizvoizvo munhandare yeEfeso. Matsotsi padzimwe nguva airangwa kupfurikidza nokumanikidzwa kurwa nezvikara mapoka aidisa kuteurwa kweropa akatarira. Kana Pauro aireva kuti akanga atarisana nezvikara chaizvoizvo, panguva yokupedzisira anofanira kuve akaponeswa zvinoshamisa parufu rwoutsinye, kungofanana naDhanieri akaponeswa mumukanwa weshumba chaidzoidzo.—Dhanieri 6:22.

  • Kugoverana Nyaradzo Iyo Jehovha Anogovera
    Nharireyomurindi—1996 | November 1
    • 16. (a) Nei vazhinji veZvapupu zvaJehovha vachigona kunzwisisa matambudziko mazhinji akatamburwa naPauro? (b) Tinogona kuva nechokwadi chei pamusoro peavo vakafa nemhaka yekutenda kwavo? (c) Itapuroi yakanaka yakavapo apo vaKristu vakapukunyuka rufu nepaburi retsono?

      16 VaKristu vazhinji vomuzuva razvino vanogona kunongedzera kumatambudziko akatamburwa naPauro. (2 VaKorinte 11:23-27) Nhasiwo, vaKristu vave va“karemerwa kwazvo-kwazvo kukunda simba [ravo],” uye vazhinji vakatarisana nemamiriro ezvinhu umo ‘vakanga vasina chokwadi neupenyu hwavo.’ (2 VaKorinte 1:8) Vamwe vakaurawa nemhondi dzinoponda vazhinji nevatambudzi vane utsinye. Tinogona kuva nechokwadi chokuti simba raMwari rinonyaradza rakavagonesa kutsungirira uye kuti vakafa nemwoyo nendangariro zvakanangidzirwa zvakasimba pakuzadzikwa kwetariro yavo, iyoyo ingave tariro yokudenga kana kuti yapasi. (1 VaKorinte 10:13; VaFiripi 4:13; Zvakazarurwa 2:10) Muzvimwe zviitiko, Jehovha akaronga zvinhu, uye hama dzedu dzakanunurwa murufu. Hapana mubvunzo vaya vakanunurwa zvakadaro vakava nechivimbo chakawedzerwa muna “Mwari unomutsa vakafa.” (2 VaKorinte 1:9) Pashure paikoko, vaigona kutaura nekupwiswa kukuru zvikuru sezvavaigoverana shoko raMwari rinonyaradza nevamwe.—Mateo 24:14.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe