Pauro Anoronga Mipiro Yokuyamura Vatsvene
ZVINHU zvine chokuita nokunamata ndizvo zvinokosha zvikuru kuvaKristu vechokwadi. Zvisinei, vanoonawo zvichikosha kuti vamwe vakagara zvakanaka. Kakawanda vanopa vaya vanotambura. Kudanana sehama kunoita kuti vaKristu vabatsire vavanotenda navo vanoshayiwa.—Johani 13:34, 35.
Kuda hama nehanzvadzi dzake dzomudzimu kwakaita kuti muapostora Pauro aronge kuunganidza zvinhu muungano dzomuAkaya, Garatiya, Makedhoniya, uye ruwa rweAsia. Chii chakaita kuti izvi zvidiwe? Purogiramu yacho yokuyamura yakarongwa sei? Vakaitei? Uye nei tichifanira kuziva zvakaitika?
Mamiriro Ezvinhu Eungano yeJerusarema
Pashure pePendekosti ya33 C.E., vaJudha nevatendeuki vemamwe marudzi vakava vadzidzi paPendekosti vakaramba vari muJerusarema kwenguva yakati kuti vadzidze zvakawanda nezvokutenda kwechokwadi. Pazvaikodzera, vavainamata navo vaibatsira nomufaro kutakura mutoro wokugara ikoko kwakawedzerwa. (Mabasa 2:7-11, 41-44; 4:32-37) Kusagadzikana kwomunyika imomo kungadaro kwakawedzera kushayiwa sezvo vezvourudzi vechiJudha vaikurudzira kupandukira uye mhirizhonga. Zvisinei, kuitira kuti pasava nomuteveri waKristu aizonzwa nzara, chirikadzi dzaishayiwa dzakapiwa zvokudya zvezuva nezuva. (Mabasa 6:1-6) Herodhi akatambudza ungano zvinorwadza, uye pakati pa40 C.E., nzara yakaparadza Judhiya. Kana toreva nezvevateveri vaJesu, zvose izvi zvingadai zvakaguma nekwakanzi naPauro “kutambura,” “kutambudzwa,” uye “kupambwa kwezvinhu [zvavo].”—VaHebheru 10:32-34; Mabasa 11:27–12:1.
Munenge muna 49 C.E., mamiriro acho ezvinhu akanga achakangoipisisa. Saka, vabvuma kuti Pauro aizoisa pfungwa pane Vemarudzi mukuparidzira kwaaiita, Petro, Jakobho, naJohani vakamukurudzira “kurangarira varombo.” Izvozvo ndizvo izvo Pauro akaedza kuita.—VaGaratiya 2:7-10.
Kuronga Kuunganidza Kwacho
Pauro akatarisira mari yevaKristu varombo vaiva muJudhiya. Munenge muna 55 C.E., akaudza vaKorinde kuti: “Pamusoro pokuunganidzira vatsvene, sezvandakarayira ungano dzeGaratiya, imi itaiwo saizvozvo. Zuva rokutanga rose revhiki mumwe nomumwe wenyu ngaatsaure chimwe chinhu achengete kumba kwake sokubudirira kwaangave achiita . . . [Ipapo] vanhu vose vamunotendera netsamba, ndichatuma ivava kuti vaendese chipo chenyu chomutsa kuJerusarema.” (1 VaKorinde 16:1-3) Gore rimwe gare gare Pauro akati Makedhoniya neAkaya dzakanga dzava kuunganidzawo mari. Uye mari yacho payakatumirwa kuJerusarema, kuvapo kwenhume dzokuruwa rweAsia kungangoratidza kuti ungano dzomunzvimbo iyoyo dzakabatsirawo.—Mabasa 20:4; 2 VaKorinde 8:1-4; 9:1, 2.
Hapana munhu aimanikidzwa kupa zvinopfuura zvaaigona kuwana. Asi, yaiva nhau yokuenzanisa kuitira kuti kana paive nezvakawandisa zvimwe zvaizopedza kushayiwa pakati pevatsvene vomuJerusarema neJudhiya. (2 VaKorinde 8:13-15) “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make,” Pauro akadaro, “asingaiti nokunyunyuta kana nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.”—2 VaKorinde 9:7.
Muapostora wacho akapa vaKorinde chikonzero chakanaka chorupo. Jesu ‘akava murombo nokuda kwavo, kuti vave vapfumi’ mumudzimu. (2 VaKorinde 8:9) Chokwadi vaizoda kutevedzera rupo rwake. Uyezve, sezvo Mwari akanga achivapfumisa, “nokuda kworupo rworudzi rwose,” zvakanga zvakakodzera kuti vabatsire kupa vatsvene zvavaishayiwa.—2 VaKorinde 9:10-12.
Mwoyo Yevaipa Vacho
Kana tikafunga nezvomwoyo yevaive mupurogiramu yokuyamura vatsvene muzana remakore rokutanga, tinogona kudzidza zvakawanda nezvokupa kwokuzvidira. Kuunganidza kwacho kwaisangova kwokuva nehanya nevamwe vanamati vaJehovha vaiva varombo chete. Kwaireva kuti paiva nechisungo choukama pakati pevaKristu vechiJudha neveMamwe Marudzi. Kupa nokugamuchira mipiro kwairatidza kubatana noushamwari pakati peveMamwe Marudzi ava nevaJudha. Vaigovana zvinhu zvokunyama uyewo zvomudzimu.—VaRoma 15:26, 27.
Pauro pakutanga angave akanga asina kukumbira vaKristu veMakedhoniya kuti vape—ivowo vaiva varombo zvikuru. Zvisinei, va‘karamba vachikumbira ropafadzo dzokupa.’ Chokwadi, kunyange zvazvo vakanga vari mu“muedzo mukuru vachitambudzika,” vakapa nomufaro “zvaipfuura zvavaikwanisa kuita”! (2 VaKorinde 8:1-4) Zvinoratidzika sokuti muedzo wavo mukuru waisanganisira kupomerwa kuti vaiva chitendero chaisabvumidzwa nomutemo weRoma. Saka zvinonzwisisika kuti vainzwira tsitsi hama dzavo dzokuJudhiya, dzaitambudzika sezvavaiitawo.—Mabasa 16:20, 21; 17:5-9; 1 VaTesaronika 2:14.
Kunyange zvazvo Pauro akanga ashandisa kushingairira kuunganidza kwevaKorinde kwepakutanga kuti akurudzire vaMakedhoniya, muKorinde mufaro wakanga waderera. Zvino muapostora wacho akataura nezvorupo rwevaMakedhoniya kuti akurudzire vaKorinde. Akaona zvakakodzera kuvayeuchidza kuti yaiva nguva yokupedzisa zvavakanga vatanga gore rakanga rapfuura. Chii chaiva chaitika?—2 VaKorinde 8:10, 11; 9:1-5.
Tito aiva atanga kuunganidza muKorinde, asi zvinetso zvakamuka zvingadaro zvakavhiringidza basa rake. Akurukura naPauro muMakedhoniya, Tito akadzoka nevamwe vaviri kuti asimbise ungano yeKorinde ndokupedzisa kuunganidza. Vamwe vangave vakataura zvisiri pachena kuti Pauro akanga aedza kushandisa vaKorinde. Zvimwe ndosaka akatuma varume vatatu kuti vapedzise kuunganidza kwacho achirumbidza mumwe nomumwe wavo. “Tiri kudzivisa kuita kuti munhu upi noupi atiwanire mhaka pamusoro pomupiro uyu worupo unofanira kutarisirwa nesu,” akadaro Pauro. “Nokuti ‘tinogovera zvinhu nokutendeseka, kwete pamberi paJehovha bedzi, asiwo pamberi pevanhu.’”—2 VaKorinde 8:6, 18-23; 12:18.
Kuendesa Mupiro
Muchirimo cha56 C.E., mari yomupiro yakanga yagadzirirwa kuendeswa kuJerusarema. Pauro aizoenda nenhume dzakanga dzasarudzwa nevaipa mipiro. Mabasa 20:4 inoti: “Aiperekedzwa naSopata mwanakomana waPairasi weBheriya, Arisitako naSekundo veTesaronika, naGayo weDhebhe, naTimoti, naTikiko naTrofimo vokuruwa rweAsia.” Zvakajeka kuti pakati pavo paivawo naRuka, uyo angave aimiririra vaKristu veFiripi. Saka, vanenge varume vapfumbamwe vakaenda rwendo urwu.
“Mari yose yakatorwa pakuunganidza kwacho inofanira kuva yaiva yakawanda,” inodaro nyanzvi inonzi Dieter Georgi, “nokuti dai zvakanga zvisina kudaro basa rokupedzisira, raisanganisira Pauro nenhume dzakawanda zvakadaro raizodai risina kukodzerana nenhamo yavakaona uye mari yavakashandisa.” Boka racho rakashanda kwete kuti ringova nechokwadi chokuchengeteka asiwo kuti ridzivirire Pauro pakupomerwa zvenhema kupi nokupi kwokusatendeseka. Vaya vakatumwa vakamiririra ungano dzeveMamwe Marudzi pamberi pevatsvene muJerusarema.
Dzichifamba nechikepe kubva kuKorinde kuenda kuSiriya, nhume dzacho dzingadai dzakasvika Jerusarema paPaseka. Zvisinei, shoko rokuronga kuuraya Pauro rakaita kuti dzichinje zvirongwa. (Mabasa 20:3) Zvichida vavengi vake vaida kumuurayira pagungwa.
Pauro aiva nezvimwe zvaimunetsa. Asati aenda, akanyorera vaKristu veRoma kuti vanyengetere kuti ‘anunurwe pavasingatendi vaiva muJudhiya uye kuti ushumiri hwake hwokuJerusarema huve hunogamuchirika kuvatsvene.’ (VaRoma 15:30, 31) Kunyange zvazvo vatsvene pasina mubvunzo vaizogamuchira mipiro nomufaro mukuru, Pauro angave ainetseka nezvedambudziko raigona kumuka pakati pevaJudha pachavo nemhaka yokusvika kwake.
Zvechokwadi muapostora wacho akaramba achifunga nezvevarombo. Nepo Magwaro asingatauri kuti ndirini apo mupiro wakaendeswa, kupiwa kwawo kwakasimudzira kubatana uye kwakaita kuti vaKristu veMamwe Marudzi varatidze vavaitenda navo vokuJudhiya kufarira zvinhu zvomudzimu zvakabva kwavari. Kuoneka kwaPauro patemberi isiri nguva refu asvika muJerusarema kwakamutsa mhirizhonga uye kwakaita kuti asungwe. Asi izvi zvakazomupa mikana yokupupurira magavhuna nemadzimambo.—Mabasa 9:15; 21:17-36; 23:11; 24:1–26:32.
Mipiro Yedu Nhasi
Kubvira muzana remakore rokutanga, zvakawanda zvachinja—asi kwete nheyo dzinokosha. VaKristu vanonyatsoudzwa nezvokudikanwa kwemari. Mipiro ipi neipi yavanopa vaya vanoshayiwa inofanira kuva yokuzvidira, inopiwa nemhaka yokuda Mwari uye vamwe vanhu.—Mako 12:28-31.
Matanho okuyamura akatorwa nokuda kwevatsvene vomuzana remakore rokutanga anoratidza kuti kutungamirirwa kwemipiro yakadaro kunofanira kunyatsorongwa ndokubatwa nokutendeseka zvikuru. Chokwadi, Jehovha Mwari anoziva zvinodiwa, uye anogovera vashumiri vake kuitira kuti vagone kupfuurira vachiudza vamwe mashoko akanaka oUmambo pasinei nenhamo. (Mateu 6:25-34) Asi, tose zvedu tinogona kuitawo chimwe chinhu, pasinei nemamiriro edu ezvinhu emari. Nenzira iyoyo, ‘munhu ane zvakawanda haachavi nezvakanyanyowanda, uye munhu ane zvishoma haachavi nezvakanyanyoita zvishoma.’—2 VaKorinde 8:15.