Vanhu vaJehovha Vanosimbiswa Mukutenda
“Ungano dzakapfuurira kusimbiswa mukutenda nokuwedzera muchiverengero zuva nezuva.”—MABASA 16:5, “NW.”
1. Mwari akashandisa sei muapostora Pauro?
JEHOVHA MWARI akashandisa Sauro weTarso so“mudziyo wakasanangurwa.” Somuapostora Pauro, iye ‘akatambura zvinhu zvizhinji.’ Asi kupfurikidza nebasa rake neiro ravamwe, sangano raJehovha rakafarikanya chinzwano nefutunuko inoshamisa.—Mabasa 9:15, 16.
2. Neiko kuchava kunobetsera kurangarira Mabasa 13:1–16:5?
2 Vamarudzi vakanga vari kuva maKristu muzviverengero zvinokura, uye musangano unokosha womutumbi unodzora wakaita zvizhinji kusimudzira chinzwano pakati pavanhu vaMwari ndokuvasimbisa mukutenda. Kuchava kunobetsera zvikuru kurangarira izvozvi nezvimwe zvinoitika zvakanyorwa pana Mabasa 13:1–16:5, nokuti Zvapupu zvaJehovha zvino zviri kuwana kukura kwakafanana nezvikomborero zvomudzimu. (Isaya 60:22) (Mufundo yomunhu oga yenyaya pamusoro paMabasa muchinyorwa chino, tinokarakadza kuti urave zvikamu zvomubhuku racho zvakaratidzirwa namabhii matema.)
Vafundisi Vanoita Chiito
3. Ibasai rakaitwa na“vaporofita navadzidzisi” paAntiokia?
3 Varume vakatumwa neungano yomuAntiokia, Siria, vakabetsera vatendi kuva vakasimba mukutenda. (13:1-5) MuAntiokia makanga mune “vaporofita navadzidzisi” Bharnabhasi, Simeoni (Nigeri), Rukio weKurini, Manaeni, uye Sauro weTarso. Vaporofita vakatsanangura Shoko raMwari ndokudeya kutaura zvinoitika, nepo vadzidzisi vakapa muraidzo muMagwaro uye mukurarama kwoumwari. (1 VaKorinte 13:8; 14:4) Bharnabhasi naSauro vakagamuchira mugove chaiwo. Vachienda nehama yokunyama yaBharnabhasi Marko, vakaenda kuKupro. (VaKorose 4:10) Vakaparidzira mumasinagoge muchiteshi chengarava chokumabvazuva cheSarami, asi hapana chinyorwa chokuti vaJudha vakagamuchira zvakanaka. Sezvo vakadaro vakanga vakapfuma mune zvokunyama, vaidirei Mesia?
4. Chii chakaitika sezvo vafundisi vakapfuurira kuparidzira muKupro?
4 Mwari akakomborera rimwe basa rokupupurira muKupro. (13:6-12) PaPafosi, vafundisi vakasangana nen’anga yechiJudha nomuporofita wenhema Bhari-Jesu (Erimasi). Apo akaedza kudzivisa Mubati wenyika Sergio Pauro kunzwa shoko raMwari, Sauro akazadzwa nomudzimu mutsvene ndokutaura, kuti: ‘Haiwa munhu akazara nokunyengera nouipi, iwe mwanakomana waDhiabhorosi, iwe muvengi wechinhu chiri chose chakarurama, hauzoregi here kushatisa nzira dzakarurama dzaJehovha?’ Panguva iyoyo, ruoko rwaMwari rwechirango rwakapofumadza Erimasi kwenguva yakati, uye Sergio Pauro “akava mutendi, sezvo akashamiswa nokudzidzisa kwaJehovha.”—NW.
5, 6. (a) Apo Pauro akataura musinagoge paAntiokia yePisidhia, chii chaakataura pamusoro paJesu? (b) Hurukuro yaPauro yakava nomuuyoi?
5 Richibva paKupro, bato rakaenda nechikepe kuguta rePerga muAsia Minor. Pauro naBharnabhasi ipapo vakaenda vakananga kuchamhembe vachipfuura nomumikana yegomo, sezvingabvira ‘mungozi dzenzizi namakororo,’ vachienda kuAntiokia, Pisidhia. (2 VaKorinte 11:25, 26) Ikoko Pauro akataura musinagoge. (13:13-41) Iye akahwirudzura kubata kwaMwari naIsraeri ndokuziva muzukuru waDhavhidhi Jesu soMuponesi. Kunyange zvazvo vatongi vechiJudha vakanga varaira rufu rwaJesu, chipikirwa chakapiwa madzisekuru avo chakazadzika apo Mwari akamumutsa. (Pisarema 2:7; 16:10; Isaya 55:3) Pauro akanyevera vanzwi vake kuti varege kuzvidza chipo chaMwari choruponeso kupfurikidza naKristu.—Habhakuki 1:5, Septuagint.
6 Kutaura kwaPauro kwakanyandura fariro, sezvinoita hurukuro dzavose dzinopiwa neZvapupu zvaJehovha nhasi. (13:42-52) Sabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raJehovha, uye ikoku kwakazadza vaJudha neshanje. Chokwadi, muvhiki rimwe chete, vafundisi sezviri pachena vakanga vatendeutsa Vamarudzi vazhinji kupfuura avo vaJudha vakanga vadaro upenyu hwavo hwose! Sezvo vaJudha nenzira yokutuka Mwari vakapokanidza Pauro, yakanga yava nguva yokuti chiedza chomudzimu chipenye kune imwe nzvimbo, uye vakaudzwa, kuti: ‘Sezvo muri kusundira shoko raMwari kure uye musingazvirangariri mumene kuva vakafanirwa noupenyu husingaperi, tinotendeukira kumarudzi.’—Isaya 49:6.
7. Pauro naBharnabhasi vakaita sei kuchitambudzo?
7 Zvino Vamarudzi vakatanga kufara, uye avo vose vaida upenyu husingaperi vakava vatendi. Sezvo shoko raJehovha rakaendeswa munyika mose, zvisinei, vaJudha vakanyandura vakadzi vanoremekedzwa (sezvingabvira kudzvinyirira varume vavo kana kuti vamwe) uye varume vakuru kutambudza Pauro naBharnabhasi ndokuvakandira kunze kwemiganhu yavo. Asi ikoko hakuna kumisa vafundisi. Vakango“zunza guruva patsoka dzavo mukupesana navo” ndokuenda kuIkonio (Konya yazvino uno), guta guru muruwa rweRoma rweGaratia. (Ruka 9:5, NW; Ru 10:11) Eya, zvakadiniko nezvavadzidzi vakasiiwa muAntiokia yePisidhia? Vasimbiswa mukutenda, “vakapfuurira kuzadzwa nomufaro nomudzimu mutsvene.” Ikoku kunotibetsera kuona kuti chishoro hachigoni kudzivisa fambiro mberi yomudzimu.
Vakasimba Mukutenda Pasinei Zvapo Nechitambudzo
8. Chii chakaitika somuuyo wokupupurira kunobudirira muIkonio?
8 Pauro naBharnabasi vamene vakabvumikisa kuva vakasimba mukutenda pasinei zvapo nechitambudzo. (14:1-7) Mumhinduro kukupupurira kwavo musinagoge muIkonio, vaJudha vazhinji navaGiriki vakava vatendi. Apo vaJudha vasingatendi vakanyandura Vamarudzi kuti varwisane navatendi vatsva, vashandi vaviri vakataura noushingi kupfurikidza nesimba raMwari, uye akaratidza tendero yake kupfurikidza nokuvapa simba rokuita zviratidzo. Ikoku kwakaparadzanisa boka, vamwe vachiva vavaJudha uye vamwe vavaapostora (vakatumwa). Vaapostora vakanga vasiri mbwende, asi apo vakanzwa nezverangano yokuvataka namabwe, nenzira yokuchenjera vakabva kuti vandoparidzira muRikaonia, ruwa rweAsia Minor muGaratia yokumaodzanyemba. Kupfurikidza nokuva vakangwarira, isuwo tinogona nguva dzose kuramba tichishingaira muushumiri pasinei zvapo nechishoro.—Mateo 10:23.
9, 10. (a) Vagari vomuRistra vakaita sei kukurapwa kwomurume akaremara? (b) Pauro naBharnabhasi vakaita sei paRistra?
9 Guta reRikaonia reRistra rakatevera kuwana uchapupu. (14:8-18) Ikoko Pauro akarapa mumwe murume akaremara kubvira pakuberekwa. Asingazivi kuti Jehovha akanga ane mutoro wenenji racho, mapoka akadanidzira, kuti: “Vamwari vava savanhu uye vaburukira kwatiri!” Sezvo ikoku kwakataurwa mururimi rwechiRikaonia, Bharnabhasi naPauro havana kuziva chakanga chichiitika. Sezvo Pauro akatungamirira mukutaura, vanhu vakamurangarira saHermes (nhume inotaura zvakanaka yavamwari) uye vakafunga kuti Barnabhasi akanga ari Zeus, mwari mukuru wechiGiriki.
10 Muprista waZeus akatounza nzombe namaruva okushonga kuti agopa zvibairo kuna Pauro naBharnabhasi. Sezvingabvira vachitaura chiGiriki chainzwisiswa navose kana kuti vachishandisa muturikiri, vashanyi nokukurumidza vakatsanangura kuti ivowo vakanga vari vanhu vane utera uye kuti vakanga vachizivisa mashoko akanaka kuti vanhu vabve pa“izvi zvinhu zvisina maturo” (vamwari vasina upenyu, kana kuti zvidhori) vachienda kuna Mwari mupenyu. (1 Madzimambo 16:13; Pisarema 115:3-9; 146:6) Hungu, pakuvamba Mwari akabvumira marudzi (asi kwete vaHebheru) kufamba munzira yavo vamene, kunyange zvazvo asina kuzvisiya amene asina uchapupu kukuvapo kwake norunako ‘mukuvapa mvura nemwaka yezvibereko, achizadza mwoyo yavo zvakazara nezvokudya nomufaro.’ (Pisarema 147:8) Pasinei zvapo nokurangarira kwakadaro, Bharnabhasi naPauro vakatadza kudzivisa mapoka pakupa zvibairo kwavari. Bva, vafundisi havana kugamuchira kuremekedzwa savamwari, uyewo havana kushandisa simba rakadaro kutanga chiKristu munharaunda iyoyo. Muenzaniso wakaisvonaka, zvikurukuru kana tichidisa kuwana rumbidzo nokuda kweizvo Jehovha anotibvumira kuita mubasa rake!
11. Chii chatinogona kudzidza mukutaura kwokuti: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari kupfurikidza namatambudziko mazhinji”?
11 Kamwe kamwe, chitambudzo chakavamba. (14:19-28) Seiko? Apesvedzerwa navaJudha vakabva kuAntiokia yePisidhia neIkonio, mapoka akataka Pauro namabwe ndokumukwevera kunze kweguta, achifunga kuti akanga afa. (2 VaKorinte 11:24, 25) Asi apo vadzidzi vakamupoteredza, akasimuka ndokupinda muRistra asingacherekedzwi, sezvinobvira murima. Zuva rakatevera, iye naBharnabhasi vakaenda kuDherbhe, uko vakati kuti vakava vadzidzi. Pakushanyirazve Ristra, Ikonio, uye Antiokia, vafundisi vasimbisa vadzidzi, vakavakurudzira kurambira mukutenda, uye vakati: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari kupfurikidza namatambudziko mazhinji.” SamaKristu, tinokarirawo kutambura matambudziko uye hatifaniri kuedza kuanzvenga kupfurikidza nokubvumiranisa kutenda kwedu pane zvisina kufanira. (2 Timotio 3:12) Panguva iyoyo, vakuru vakagadzwa muungano uko tsamba yaPauro kuvaGaratia yakanyorwa.
12. Apo rwendo rwokutanga rwoufundisi rwaPauro rwakaguma, vafundisi vaviri vakaitei?
12 Vachipfuura nomuPisidhia, Pauro naBharnabhasi vakataura shoko muPerga, guta rakatanhamara rePamfiria. Pashure penguva yakati, vakadzokera kuAntiokia, Siria. Rwendo rwokutanga rwaPauro rwapera zvino, vafundisi vacho vaviri vakazivisa ungano nezve“zvinhu zvizhinji izvo Mwari akanga aita kupfurikidza navo, uye kuti akanga azarurira suo kumarudzi rokutenda.” Nguva yakati yakapedzerwa navadzidzi muAntiokia, uye ikoku pasina panikiro kwakaita zvizhinji kuvasimbisa mukutenda. Shanyo dzinoitwa navatariri vanofambira nhasi dzine miuyo yomudzimu yakafanana.
Mubvunzo Unokosha Unopedzwa
13. Kana chiKristu chaisafanira kukamuraniswa kuva zvikamu zvechiHebheru nezvevasiri vaJudha, chii chaidikanwa?
13 Kusimba mukutenda kwakaraira chinzwano chomufungo. (1 VaKorinte 1:10) Kana chiKristu chaisafanira kukamuraniswa kuva mapato echiHebheru naasiri echiJudha, mutumbi unodzora waifanira kusarudza kana Vamarudzi vaidirana musangano raMwari vaifanira kuchengeta Mutemo waMosesi ndokudzingiswa. (15:1-5) Varume vakati vabva Judhea vakanga vatoenda kuAntiokia yeSiria uye vakanga vatanga kudzidzisa vatendi Vamarudzi ikoko kuti kutoti vakadzingiswa, vaisagona kuponeswa. (Eksodho 12:48) Nokudaro, Pauro, Bharnabhasi, uye vamwe vakatumirwa kuvaapostora navakuru muJerusarema. Kunyange ikoko, vatendi avo vakanga vambova vaFarise vanorangarira zvomutemo vakataura kuti Vamarudzi vaifanira kudzingiswa ndokuchengeta Mutemo.
14. (a) Kunyange zvazvo kuitirana nharo kwakaitika pamusangano muJerusarema, muenzanisoi wakanaka wakagadzwa? (b) Chii chakanga chiri pfundo guru rokurangarira kwaPetro panguva iyoyo?
14 Musangano wakaitwa kuti vawane kuda kwaMwari. (15:6-11) Hungu, kuitirana nharo kwakaitika, asi pakanga pasina gakava sezvo varume vokupwiswa kwakasimba vakataura ivo vamene—muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavakuru nhasi! Pashure penguva yakati Petro akati: ‘Mwari akasarudza kuti kupfurikidza nomuromo wangu Vamarudzi [vakadai saKornerio] vanofanira kunzwa mashoko akanaka ndokutenda. Iye akapupurira kupfurikidza nokuvapa mudzimu mutsvene uye haana kuita musiano upi noupi pakati pedu navo. [Mabasa 10:44-47] Naizvozvo neiko muri kuedza Mwari kupfurikidza nokuisa joko [musengwa wokuchengeta Mutemo] pamitsipa yavo iyo isu kana kuti madzisekuru edu tisingagoni kutakura? Isu [vaJudha mukuwirirana nenyama] tinovimba kuponeswa kupfurikidza nomutsa usakafanirwa waShe Jesu munzira imwe cheteyo sezvakaita vanhu ivavo.’ Kugamuchira kwaMwari Vamarudzi vasina kudzingiswa kwakaratidza kuti kudzingiswa nokuchengeta Mutemo zvakanga zvisingadikanwi nokuda kworuponeso.—VaGaratia 5:1.
15. Mapfundoi makuru akaita Jakobho, uye chii chaakakarakadza kunyorera maKristu aVamarudzi?
15 Ungano yakanyarara apo Petro akapedzisa, asi zvizhinji zvaifanira kutaurwa. (15:12-21) Bharnabhasi naPauro vakataura pamusoro pezviratidzo izvo Mwari akaita kupfurikidza navo pakati paVamarudzi. Ipapo sachigaro, munun’una kuna mai waJesu Jakobho, akati: ‘Simeoni [zita rechiHebheru raPetro] akarondedzera matendeudzire akaita Mwari ngwariro yake kumarudzi kuti atore mavari vanhu vezita rake.’ Jakobho akaratidzira kuti kuvakwazve kwakadeya kutaurwa kwe“tabhernakeri yaDhavhidhi” (kutangwazve kwoumambo mumutsara waDhavhidhi) kwakanga kuri kuzadzikwa mukuunganidzwa kwavadzidzi vaJesu (vagari nhaka voUmambo) kubva pakati pavose vari vaviri vaJudha naVamarudzi. (Amosi 9:11, 12, Septuagint; VaRoma 8:17) Sezvo Mwari akaronga ikoku, vadzidzi vanofanira kukugamuchira. Jakobho akapa zano kunyorera maKristu aVamarudzi kuti varege (1) zvinhu zvakashatiswa nezvidhori, (2) ufeve, uye (3) ropa nezvakadzipwa. Idzi rambidzo dzakanga dziri mumanyoro aMosesi ayo akaraviwa mumasinagoge pazuva riri rose reSabata.—Genesi 9:3, 4; 12:15-17; 35:2, 4.
16. Tsamba yomutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore inopa nhungamiro pamapfundoi matatu kuburukira kuzuva rino?
16 Mutumbi unodzora zvino wakatumira tsamba kumaKristu aVamarudzi muAntiokia, Siria, uye Kirikia. (15:22-35) Mudzimu mutsvene navanyori vetsamba zvakaraira kurega zvinhu zvakabairwa zvidhori; ropa (rainwiwa nguva dzose navamwe vanhu); zvinhu zvakadzipwa pasina kubudisa ropa razvo (vahedheni vazhinji vachirangarira nyama yakadaro sezvokudya zvakanaka); uye ufeve (chiGiriki, por·neiʹa, rinoratidzira vatano isiri yapamutemo iri kunze kweroorano yapaMagwaro). Kupfurikidza nokurega kwakadaro, vaizobudirira mumudzimu, kunyange sezvinoita Zvapupu zvaJehovha zvino nemhaka yokuti zvinowirirana ne“izvi zvinhu zviri madikanwa.” Mashoko okuti “Ugwinyi hwakanaka kwamuri!” akasvika pakutaura kuti “Sarai zvakanaka,” uye hakufaniri kugumiswa kuti izvi zvinodikanwa zvikurukuru zvakanga zvine chokuita nomwero wougwinyi bedzi. Apo tsamba yacho yakaraviwa muAntiokia, ungano yakafara pamusoro pekurudziro yayakagovera. Panguva iyoyo, vanhu vaMwari muAntiokia vakasimbiswawo mukutenda kupfurikidza namashoko anokurudzira aPauro, Sirasi, Bharnabhasi, uye vamwe. Isuwo ngatitsvake nzira dzokukurudzira nokuvaka nadzo vatendi biyedu.
Rwendo Rwechipiri Rwoufundisi Rwunotanga
17. (a) Chinetsoi chakamuka apo rwendo rwechipiri rwoufundisi rwakakarakadzwa? (b) Pauro naBharnabhasi vakabata sei nharo dzavo?
17 Chinetso chakamuka apo rwendo rwechipiri rwoufundisi rwakakarakadzwa. (15:36-41) Pauro akakarakadza kuti iye naBharnabhasi vashanyirezve ungano muKupro neAsia Minor. Bharnabhasi akabvuma asi aida kutora hama yake yokunyama Marko. Pauro akaramba nemhaka yokuti Marko akanga avasiya muPamfiria. Panguva iyeyo, “kutsamwa kukuru” kwakaitika. Asi Pauro kana kuti Bharnabhasi havana kutsvaka kuzvireverera kwomunhu oga kupfurikidza nokuedza kubatanidza vamwe vakuru kana kuti mutumbi unodzora munhau yavo yomunhu oga. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini!
18. Chii chakabva muparadzano yaPauro naBharnabhasi, uye tinogona sei kubetserwa neichi chinoitika?
18 Zvisinei, idzi nharo dzakaparira paradzano. Bharnabhasi akaenda naMarko kuKupro. Pauro, naSirasi somusonganiri wake, “vakapfuura nomuSiria neKirikia, vachisimbisa ungano.” Bharnabhasi angave akapesvedzerwa nezvisungo zvemhuri, asi anofanira kuva akabvuma uapostora hwaPauro nokusarudza so“mudziyo wakasanangurwa.” (Mabasa 9:15) Uye zvakadiniko nesu? Ichi chinoitika chinofanira kutiorora nokudikanwa kwokuziva simba roumwari nokubatira pamwe zvizere no“muranda akatendeka naakachenjera!”—Mateo 24:45-47, NW.
Fambiro Mberi Murugare
19. Muenzanisoi uyo pwere dzomuzuva razvino dzechiKristu dzinawo muna Timotio?
19 Idzi nharo hadzina kubvumirwa kutapura rugare rweungano. Vanhu vaMwari vakapfuurira kusimbiswa mukutenda. (16:1-5) Pauro naSirasi vakaenda kuDherbhe ndokupfuurira kuRistra. Ikoko kwaigara Timotio, mwanakomana womutendi wechiJudha Juniki nomurume wake wechiGiriki asingatendi. Timotio akanga ari muduku, nokuti kunyange makore 18 kana kuti 20 gare gare, akangoudzwa, kuti: “Munhu ngaarege kuvapo unozvidza uduku hwako.” (1 Timotio 4:12) Sezvo iye “akapupurirwa zvakanaka nehama dzapaRistra uye [anenge makiromita 29] paIkonio,” akanga achisanozivikanwa nokuda kwoushumiri hwake hwakaisvonaka namavara oumwari. Pwere dzechiKristu nhasi dzinofanira kutsvaka betsero yaJehovha kuti dzivake mukurumbira wakafanana. Pauro akadzingisa Timotio nemhaka yokuti vaizova vachienda kumisha namasinagoge zvavaJudha avo vakanga vachiziva kuti baba vaTimotio vakanga vari Vamarudzi, uye muapostora akanga asingadi kuti chinhu chidzivise kusvika varume navakadzi vechiJudha avo vaida kudzidza pamusoro paMesia. Pasina kupunza nheyo dzeBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoitawo zvazvinogona kuita kuti mashoko akanaka agamuchirwe kumarudzi ose avanhu.—1 VaKorinte 9:19-23.
20. Batira pamwe netsamba yomutumbi unodzora womuzana ramakore rokutanga yakava nomuuyoi, uye unofunga kuti iyoyi inofanira kutitapura sei?
20 NaTimotio somurindiri, Pauro naSirasi vakapa kuvadzidzi nokuda kwokuchengeta mitemo yomutumbi unodzora. Uye chii chakava muuyo? Sezviri pachena achinongedzera kuSiria, Kirikia, uye Garatia, Ruka akanyora, kuti: “Ungano dzakapfuurira kusimbiswa mukutenda uye kuwedzera muchiverengero zuva nezuva.” Hungu, batira pamwe netsamba yomutumbi unodzora yakaguma nechinzwano nebudiriro yomudzimu. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kwenguva dzedu dzakaoma, apo vanhu vaJehovha vanofanira kuramba vakabatana uye vakasimba mukutenda!
Ungapindura Sei?
◻ Pauro naBharnabhasi vakaita sei kuchitambudzo?
◻ Chii chinogona kudzidzwa mukutaura kwokuti: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari kupfurikidza namatambudziko mazhinji”?
◻ Izanoi ratinowana mumapfundo matatu ari mutsamba yakatumirwa nomutumbi unodzora womuzana ramakore rokutanga?
◻ Mapfundo akasimbisa Zvapupu zvaJehovha zvomuzana ramakore rokutanga mukutenda anoshanda sei kwatiri nhasi?