Ganhuro 2
Jesu Kristu, Chapupu Chakatendeka
KWAMAKORE anenge 4 000, mutsetse murefu wezvapupu zvakatangira chiKristu wakanga wagovera chipupuriro chawo. Asi nhau dzaibatanidza uchangamire hwaMwari neperero yavabatiri vake dzakanga dzisina kutongopedzwa. Nguva zvino yakasvika yokuti “mbeu” yakavimbika yakapikirwa, Mesiya, ioneke pasi pano.—Gen. 3:15, NW.
Pamamiriyoni ake ose avanakomana vomudzimu, Jehovha akasarudza aniko nokuda kwouyu mugove? Vose vakanga vapupurira chakaitika muEdheni uye pasina panikiro vaiziva nhau dzomuchisiko chose dzakamutswa. Asi ndianiko akanga achidisa zvikurusa kubatira mukuchenesa zita raJehovha nokureverera uchangamire hwake? Ndianiko aigona kugovera mhinduro inopedza nharo zvikurusa kudenho yaSatani yokuti hakuna munhu aigona kuiswa pasi pano aizochengeta perero kuuchangamire hwaMwari achiedzwa? Uyo Jehovha akasarudza rakanga riri Dangwe rake, Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu.—Joh. 3:16; VaK. 1:15.
Jesu akagamuchira nokudisa uye nokuzvininipisa uyu mugove, kunyange zvazvo kwakareva kusiya musha wokudenga waakanga agoverana naBaba vake nguva refu kupinda ani naani zvake. (Joh. 8:23, 58; VaF. 2:5-8) Chii chaiva vavariro yake? Kuda Jehovha kukuru uye chishuvo chokushingaira chokuona zita Rake richibvisirwa ruzvidzo rwose. (Joh. 14:31) Jesu akaitawo nemhaka yokuda rudzi rwomunhu. (Zvir. 8:30, 31; enzanisa naJohane 15:13.) Kuberekwa kwake pasi pano, mukuvamba kwamatsutso kwegore ra2 B.C.E., kwakabviriswa nomudzimu mutsvene—uyo kupfurikidza nawo Jehovha akatamisira upenyu hwaJesu mumimba yemhandara yechiJudha Maria huchibva kudenga. (Mat. 1:18; Ruka 1:26-38) Nokudaro Jesu akaberekerwa murudzi rwaIsraeri.—VaG. 4:4.
Kupfuura mumwe muIsraeri upi noupi, Jesu aiziva kuti aifanira kuva chapupu chaJehovha. Neiko? Akanga ari mutezo worudzi urwo Jehovha akanga ataura kwarwuri kupfurikidza nomuporofita Isaya, kuti: “Imi muri zvapupu zvangu.” (Isa. 43:10, NW) Mukuwedzera kuna ikoko, parubhapatidzo rwaJesu muRwizi rwaJoridhani muna 29 C.E., Jehovha akamuzodza nomudzimu mutsvene. (Mat. 3:16) Nokudaro Jesu akapiwa simba, seizvo iye akapupura gare gare, kuti a“zivise gore rokufarira kwaJehovha.”—Isa. 61:1, 2, NW; Ruka 4:16-19.
Jesu akaita nokutendeka mugove wake uye akava chapupu chikurusa chaJehovha chati chambova pasi pano. Aina maruramiro ari ose, ipapo, muapostora Johane, uyo akamira pedyo naJesu panguva yorufu rwake, anoidza Jesu kuti “Chapupu Chakatendeka.” (Zvak. 1:5, NW) Uye pana Zvakazarurwa 3:14 (NW), Jesu akapiwa mbiri anozviidza amene kuti “Ameni” uye “chapupu chakatendeka nechechokwadi.” Ichi “Chapupu Chakatendeka” chakapa chipupuriroi?
‘Kupupura Zvokwadi’
Paaiveri achitongwa pamberi pomutongi weRoma Pirato, Jesu akati: “Nokuti ndakaberekerwa izvozvi, uye ndakauyira izvozvi munyika, kuti ndifanire kupupura zvokwadi. Munhu ari wose ari kurutivi rwezvokwadi unoteerera inzwi rangu.” (Joh. 18:37, NW) Jesu akapupura zvokwadii? Yakanga iri zvokwadi yaMwari, kuwadzanyurwa kwezvinangwa zvisingagumi zvaJehovha.—Joh. 18:33-36.
Kunyange zvazvo zvakadaro, Jesu akapupura sei iyi zvokwadi? Chiito chechiGiriki cho“kupupurira” chinorevawo “kuzivisa, kusimbisa, kufakaza zvakanaka, kutaura zvakanaka (nezve), kutendera.” Mupapyri yekare yechiGiriki, kuoneka kunozivikanwa kwechimwe chimiro chechiito (mar·ty·roʹ) kwakanga kuri pashure pesiginicha, zvakadai somunhau dzebhizimisi. Kupfurikidza noushumiri hwake, ipapoka, Jesu aifanira kusimbisa zvokwadi yaMwari. Zvirokwazvo ikoku kwakada kuti azivise, kana kuti aparidze, zvokwadi iyeyo kuna vamwe. Zvisinei, zvakawanda zvikuru kupfuura kutaura zvakanga zvichidikanwa.
“Ndini . . . zvokwadi,” Jesu akadaro. (Joh. 14:6, NW) Hungu, akararama munzira yakadaro kuti azadzike zvokwadi yaMwari. Chinangwa chaMwari pamusoro poUmambo noMutongi wahwo Mesiya zvakanga zvajekeswa muuporofita. Jesu, kupfurikidza neupenyu hwake hwapasi, uhwo hwakaguma norufu rwake rwechibayiro, akazadzika zvinhu zvose zvakaporofitwa pamusoro pake. Nokudaro akabvumikisa uye akasimbisa zvokwadi yeshoko rouporofita raJehovha. Nokuda kweichi chikonzero muapostora Pauro aigona kuti: “Pasinei hapo nokuti zvipikirwa zvaMwari zvizhinji sei, zvakava Hungu kupfurikidza naye. Naizvozvowo kupfurikidza naye ndi‘Ameni’ [kureva kuti, “ngazvive zvakadaro,” kana kuti “zvirokwazvo”] anotaurwa kuna Mwari nokuda kwembiri kupfurikidza nesu.” (2 VaK. 1:20, NW) Hungu, Jesu ndiye uyo zvipikirwa zvaMwari zvinozadzikwa kupfurikidza naye.—Zvak. 3:14.
Kupupura Zita raMwari
Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera, kuti: “Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe [kana kuti, “ngariyereswe; ngarive dzvene”].” (Mat. 6:9, NW, mashoko omuzasi) Pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwapasi, mumunyengetero kuna Baba vake vokudenga, Jesu akatiwo: “Ndakaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa vakabva munyika. Vaiva venyu, uye imi makavapa kwandiri, uye ivo vakachengeta shoko renyu. Uye ini ndakazivisa zita renyu kwavari uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo rwugova mavari uye ini muhumwe navo.” (Joh. 17:6, 26, NW) Ichochi, kutaura idi, chakanga chiri chinangwa chikuru chaJesu mukuuya kupasi. Chii chakanga chichibatanidzwa mukuzivisa kwake zita raMwari?
Vateveri vaJesu vaitoziva uye vaishandisa zita raMwari. Vakariona uye vakarirava mumipumburu yamanyoro eBhaibheri echiHebheru aiwanika mumasinagoge avo. Vakarionawo uye vakarirava muSeptuagint—shanduro yechiGiriki yaMagwaro echiHebheru, iyo vaishandisa mukudzidzisa nomukunyora. Kana ivo vaiziva zita roumwari, Jesu akariratidza, kana kuti kurizivisa, kwavari mupfungwai?
Munguva dzeBhaibheri, mazita akanga asati achingova hawo zviratidzowo zvazvo. A Greek-English Lexicon of the New Testament yakanyorwa naJ. H. Thayer inoti: “Zita raMwari muT[estamente] I[tsva] rinoshandiswa nokuda kwamavara ose aye ayo kuvanamati vake anobatanidzwa muzita irero, uye ayo Mwari anozvizivisa amene nawo kuvanhu.” Jesu akazivisa zita raMwari kwete chete kupfurikidza nokurishandisa asi kupfurikidza nokuzivisa Munhu ari seri kwezita racho—zvinangwa zvake, mibato, uye mavara. Somunhu ‘uyo akanga ave ari panzvimbo yapachifuva naBaba,’ Jesu aigona kutsanangura Baba munzira iyo isina mumwe munhuwo zvake aigona. (Joh. 1:18) Uyezve, Jesu akaratidzira Baba vake nomutoo wakakwana kwazvo zvokuti vadzidzi vaJesu vaigona ‘kuona’ Baba muMwanakomana. (Joh. 14:9) Kupfurikidza nezvaakataura nezvaakaita, Jesu akapupura zita raMwari.
Akapupura Pamusoro poUmambo hwaMwari
Se“Chapupu Chakatendeka,” Jesu akanga ari muzivisi woUmambo hwaMwari nomutoo wakatanhamara. Iye nenzira yokusimbisa akati: “Ini ndinofanira kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari, nemhaka yokuti ndakatumirwa izvozvo.” (Ruka 4:43, NW) Akazivisa Umambo ihwohwo hwokudenga muPalestine mose, achifukidza mazana amakiromita netsoka. Akaparidza pari pose paiva navanhu vaizoteerera: pamahombekombe enyanza, pamajinga egomo, mumaguta nomumisha, mumasinagoge uye mutembere, mumisika, uye pamisha yavanhu. Asi Jesu aiziva kuti pakanga pane muganhu kunharaunda yaaigona kufukidza uye vanhu vakati vaaigona kupupurira. (Enzanisa naJohane 14:12.) Naizvozvo aine vavariro yokufukidza munda wenyika, Jesu akarovedza ndokutuma vadzidzi vake kuti vave vazivisi voUmambo.—Mat. 10:5-7; 13:38; Ruka 10:1, 8, 9.
Jesu akanga ari chapupu chinoshanda nesimba, chinoshingaira, uye haana kuzvibvumira amene kuva anotsauswa. Kunyange zvazvo akaratidza kuitira hanya kwomunhu oga zvinodikanwa zvavanhu, haana kubatikana kwazvo mukuita zvinhu zvaizounza ruyamuro rwenguva pfupi zvokuti akaregeredza mugove wake wakapiwa naMwari wokuratidzira vanhu mhinduro isingaperi yezvinetso zvavo—Umambo hwaMwari. Pane imwe nhambo, pashure pokunge iye nomutoo unoshamisa adyisa varume vanenge 5 000 (zvichida vanopfuura zvikuru vanhu vane 10 000 kuverengawo vakadzi navana), boka ravaJudha rakada kumubata ndokumuita mambo wapasi. Chii chakaita Jesu? “Akabvazve akakwira mugomo ari oga zvake.” (Joh. 6:1-15, NW; enzanisa naRuka 19:11, 12; Mabasa 1:6-9.) Kunyange zvazvo akaita zvishamiso zvizhinji zvokuporesa, Jesu akanga asati achizivikanwa zvikurukuru soMuiti Wezvishamiso, asi, panzvimbo pako, aizivikanwa navose vari vaviri vatendi navasingatendi so“Mudzidzisi.”—Mat. 8:19; 9:11; 12:38; 19:16; 22:16, 24, 36; Joh. 3:2.
Nomutoo wakajeka, kupupura Umambo hwaMwari kwakanga kuri basa rinokosha zvikurusa iro Jesu aigona kuita. Kuda kwaJehovha kuti munhu ari wose azive chiri Umambo Hwake uye kuzadzika kwahuchaita zvinangwa Zvake. Hunodiwa zvikuru nomwoyo Wake, nokuti ndiwo mutoo uyo Iye achatsvenesa nawo zita Rake, achiribvisira ruzvidzo rwose. Jesu aiziva izvozvo, uye naizvozvo akaita Umambo ihwohwo musoro wokuparidza kwake. (Mat. 4:17) Kupfurikidza nokugoverana nomwoyo wose mukuhuzivisa, Jesu akatsigira uchangamire hune maruramiro hwaJehovha.
Chapupu Chakatendeka Kunyange Kusvikira Kurufu
Hakuna munhu angagona kuda Jehovha nouchangamire Hwake kupfuura zvinoita Jesu. Se“dangwe rechisiko chose,” Jesu ‘aiziva zvizere’ Baba musonganirano yake yapedyo navo sechisikwa chomudzimu mumatenga. (VaK. 1:15, NW; Mat. 11:27) Iye nomutoo wokudisa akanga azviisa amene pasi pouchangamire hwaMwari munguva dzisingaverengeki murume wokutanga uye mukadzi vasati vasikwa. (Enzanisa naJohane 8:29, 58.) Anofanira kuva akarwadziwa zvikuru sei apo Adhama naEvha vakaramba uchangamire hwaMwari! Bva, nomutoo wokushivirira akamirira mumatenga kwamakore 4 000, uye ipapo, pakupedzisira, nguva yakasvika yokuti iye abatire sechapupu chikurusa chaJehovha chati chambova pasi pano!
Jesu aiziva zvizere kuti nhau dzomuchisiko chose dzaimubatanidza nomutoo wakananga. Kungave kwakaoneka kuti Jehovha akanga amukomberedza norumhanda. (Enzanisa naJobho 1:9-11.) Chokwadi, akanga aratidzira kutendeka kwake nokuzvipira mumatenga, asi aizochengeta perero somunhu pasi pano murudzi rwupi norwupi rwomuedzo here? Aigona kudzivisa Satani mumamiriro ezvinhu umo muvengi wake sezvinooneka akanga ane simba zvikuru kwazvo here?
Muvengi akafanana nenyoka haana kunonoka. Nokukurumidza pashure porubhapatidzo nokuzodzwa kwaJesu, Satani akamuedza kuratidzira udyire, kuzvisimudzira amene, uye, pakupedzisira, kuramba uchangamire hwaBaba vake. Asi kutaura kwaJesu kwakajeka kuna Satani, kwokuti: “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa rinoyera,” kwakaratidza apo akanga amire panhau dzacho. Akanga akasiyana sei naAdhama!—Mat. 4:1-10, NW.
Nzira yakagadzirwa Jesu yakareva kutambura uye rufu, uye Jesu aisanoziva ikoku. (Ruka 12:50; VaH. 5:7-9) Kunyange zvazvo zvakadaro, “apo iye akazviwana amene ari muchimiro chakafanana nechomunhu, akazvininipisa amene uye akateerera kusvikira kurufu, hungu, rufu padanda rokutambudzira.” (VaF. 2:7, 8, NW) Kupfurikidza naikoku Jesu akabvumikisa Satani kuva murevi wenhema mukuru, achipedza chose chose nhau inoti, Munhu upi noupi achachengeta perero kuuchangamire hwaMwari kana Satani akabvumirwa kumuedza here? Asi rufu rwaJesu rwakaita zvakawanda zvikuru.
Kupfurikidza norufu rwake padanda rokutambudzira, Jesu akapawo “mweya wake sorudzikinuro mutsinhanho navazhinji.” (Mat. 20:28, NW; Marko 10:45) Upenyu hwake hwakakwana hwounhu hwakanga hune ukoshi hwechibayiro. Kubayira kwaJesu upenyu hwake hakuiti kuti zvibvire kuti tiwane kanganwirwo yezvivi bedzi asiwo kunotizarurira mukana woupenyu husingagumi muparadhiso yapasi, mutsinhirano nechinangwa chapakuvamba chaMwari.—Ruka 23:43; Mabasa 13:38, 39; VaH. 9:13, 14; Zvak. 21:3, 4.
Jehovha akasimbisa kuda kwake uye kutendera kwake Jesu se“Chapupu Chakatendeka” kupfurikidza nokumumutsa muna vakafa pazuva rechitatu. Ikoku kwakasimbisa kuti uchapupu uhwo Jesu akanga apa pamusoro poUmambo hwakanga huri hwechokwadi. (Mabasa 2:31-36; 4:10; 10:36-43; 17:31) Pashure pokugara munharaunda yepasi kwamazuva 40, muri mukati menguva umo akaoneka kuna vaapostora vake panhambo zhinji, Jesu akakwira kudenga.—Mabasa 1:1-3, 9.
Jesu akanga aratidzira kuti kugadzwa kwoUmambo hwouMesiya hwaMwari kwaizova mune ramangwana riri kure zvikuru. (Ruka 19:11-27) Chiitiko ichecho chaizoratidzirawo kutanga kwo“kuvapo [kwaJesu] nokwemhedziso yetsika yezvinhu.” (Mat. 24:3, NW) Asika vateveri vake vaigona sei pasi pano kuziva apo zvinhu izvozvi zvaizoitika? Jesu akavapa “chiratidzo”—chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chakaumbwa noufakazi huzhinji, kubatanidza hondo, kudengenyeka kwapasi, kuperevedza kwezvokudya, nhenda, uye kuwedzera kwokusateerera mutemo. Rutivi runokosha rwechiratidzo ichecho rwaizovawo rwokuti mashoko akanaka oUmambo aizoparidzwa mupasi rose rinogarwa souchapupu kumarudzi ose. Mativi ose echiratidzo ichecho chakatanhamara anogona kucherekedzwa muzuva redu, kuratidzira kuti tiri kurarama munguva yokuvapo kwaJesu saMambo wokudenga uye yemhedziso yetsika yezvinhu.a—Mat. 24:3-14.
Kunyange zvazvo zvakadaro, zvakadiniko navateveri vaJesu? Mukati meiyi nguva yokuvapo kwaJesu, vanhu vanonamatira kuchechi zhinji dzakasiyana-siyana vanotaura kuti vanotevera Kristu. (Mat. 7:22) Bva, Bhaibheri rinoti kunongova bedzi “nokutenda kumwe.” (VaEf. 4:5) Naizvozvo unogona sei kuziva ungano yechiKristu yechokwadi, iyo ine tendero yaMwari nenhungamiro? Unogona kuita kudaro kupfurikidza nokunzvera icho Magwaro anotaura pamusoro peungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore dzokonokei woona kuti ndivanaani vanotevera mutoo mumwe chete iwowo.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona ganhuro 10, “Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona Huchizadzika,” mubhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]
‘Akaberekwa kuti apupure zvokwadi’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
Jesu akaita Umambo hwaMwari musoro wokuparidza kwake
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
Jesu Kristu akanga ari chapupu chikurusa chaJehovha chati chambova pasi pano
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 23]