-
Jehovha Akaverenga “Bvudzi Romusoro Wenyu Chairo”Nharireyomurindi—2005 | August 1
-
-
4. Pauro aifanira kutsungirira mamiriro ezvinhu api aienderera, uye zvinhu zvakadaro zvingava nechokuita nesu sei?
4 Chimbofunga zvakaitika kumuapostora Pauro. “Ndakapiwa munzwa munyama, ngirozi yaSatani, kuti irambe ichindirova,” akanyora kudaro, achiwedzera kuti: “Ndakateterera Ishe katatu kuti ubve.” Jehovha akanzwa kuteterera kwake. Zvisinei, akaudza Pauro kuti aisazopindira oita chishamiso kuti agadzirise chinetso chacho. Pane kudaro, Pauro aizofanira kuvimba nesimba raMwari kuti rimubatsire kutsungirira ‘munzwa wake munyama.’b (2 VaKorinde 12:7-9) SaPauro, ungave uri kutambura nomuedzo unoramba uchienderera. Zvichida unoshamisika kuti, ‘Zvazvinoita sokuti Jehovha haana zvaakaita nezvomuedzo wangu, zvinoreva here kuti haazivi mamiriro akaita zvinhu zvangu kana kuti haana hanya neni?’ Mhinduro ndeyokuti aiwa! Kuva nehanya kwaJehovha nomushumiri wake akatendeka mumwe nomumwe kunosimbiswa neizvo Jesu akaudza vaapostora vake achangopedza kuvasarudza. Ngationei kuti mashoko ake angatikurudzira sei nhasi.
-
-
Jehovha Akaverenga “Bvudzi Romusoro Wenyu Chairo”Nharireyomurindi—2005 | August 1
-
-
b Bhaibheri harinyatsotauri kuti “munzwa munyama” waPauro waiva chii chaicho. Ungave waiva chirwere chakadai sechokusaona zvakanaka. Kana kuti mashoko okuti “munzwa munyama” angareva vaapostora venhema nevamwe vairamba kuti Pauro aiva muapostora uye vaisafarira ushumiri hwake.—2 VaKorinde 11:6, 13-15; VaGaratiya 4:15; 6:11.
-