Utera Hwemunhu Hunokudza Simba raJehovha
“Munhu wese aifunga kuti ndaive mushumiri wenguva yakazara uya anofara uye akasimba. Nguva dzose ndini ndaibetsera vamwe pazvinetso zvavo. Panguva imwe cheteyo, zvisinei, ndainzwa sokuti ndakanga ndichifira mukati. Mifungo inokangaidza nenhamo zvakanga zvichindikuvadza. Ndakatanga kunzwa ndaparadzaniswa nevanhu. Ndaingoda chete kugara pamusha ndakarara. Kwemwedzi yakawanda, ndakakumbira Jehovha kuti andirege ndichifa.”—Vanessa.
SEZVIRI muchiitiko chakanyorwa pamusoro apa, zvinongofanira bedzi kukarirwa kuti padzimwe nguva vabatiri vaJehovha vachanzwa tapuro dzekurarama mune dzino “nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1) Vamwe vangatoodzwa mwoyo. (VaFiripi 2:25-27) Apo kunorebeswa, kusava netariro kunogona kutibira simba redu, nokuti Bhaibheri rinoti: “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” (Zvirevo 24:10) Hungu, apo tinoodzwa mwoyo, tinoda simba—zvichida kunyange iro muapostora Pauro akadana kuti “simba rinopfuura remuzvarirwo.”—2 VaKorinte 4:7, NW.
Jehovha Mwari ndiye manyuko esimba risina kuganhurirwa. Izvozvi zvinooneka patinonzvera chisiko chake. (VaRoma 1:20) Rangarira zuva, somuenzaniso. Pasi rinowana mwero wenguva dzose wesimba rehorsepower rinenge matiririyoni 240 kubva kuzuva. Bva, nhamba iyoyi inongomirira bedzi chinenge chikamu chiduku zvikuru chesimba rinobva kuzuva. Uye zuva iduku parinoenzaniswa nenyeredzi dzinozivikanwa sehuru zvikuru. Pakati paidzodzi pane Rigel, imwe nyeredzi iri muboka renyeredzi reOrion iyo yakakura kupfuura zuva redu neka50 uye inobudisa simba rakawanda neka150 000!
Musiki wemanyuko esimba akadaro okudenga anofanira kuve ane “ukuru hwesimba” pachake. (Isaya 40:26; Pisarema 8:3, 4) Zvirokwazvo, muporofita Isaya akataura kuti Jehovha “haaziyi, haaneti.” Uye Mwari anodisa kugoverana simba rake nevapi nevapi, nemhaka yeutera hwevanhu, vanonzwa kuti vari kuneta. (Isaya 40:28, 29) Maitire aanoita izvozvi anoenzanisirwa nezvakaitika kumuapostora weChikristu Pauro.
Kugonana Nemiedzo
Pauro akaudza VaKorinte pamusoro pemhinganidzo yaaifanira kutsungirira. Akaidana kuti “munzwa munyama.” (2 VaKorinte 12:7) “Munzwa” iwoyu ungave waiva chinetso choutano, zvichida kusaona zvakanaka. (VaGaratia 4:15; 6:11) Kana kuti Pauro angave akanga achinongedzera kuvaapostora venhema nevamwe vadzongonyedzi avo vakadenha uapostora hwake nebasa. (2 VaKorinte 11:5, 6, 12-15; VaGaratia 1:6-9; 5:12) Chipi nechipi chawaiva, uyu “munzwa munyama” wakatambudza Pauro zvikuru, uye akanyengetera anyengeterazve kuti ubviswe.—2 VaKorinte 12:8.
Zvisinei, Jehovha haana kupa Pauro chikumbiro chake. Panzvimbo pezvo, akaudza Pauro kuti: “Nyasha dzangu dzinokuringana.” (2 VaKorinte 12:9) Jehovha akarevei naizvozvi? Eya, apo tinorangarira mararamire aPauro akapfuura okutambudza Vakristu, kwaiva bedzi kupfurikidza nenyasha dzisakafanirwa zvokuti aigona kuva neukama naMwari—tisingatauri nezvekubatira semuapostora!a (Enzanisa naZekaria 2:8; Zvakazarurwa 16:5, 6.) Jehovha angave aitaurira Pauro kuti ropafadzo yokuita vadzidzi yakanga yakamu“ringana.” Yaisazobatanidzwa nekubviswa kunoshamisa kwezvinetso zvoupenyu zvomunhu oga. Zvirokwazvo, dzimwe nhamo dzingatouya nemhaka yeropafadzo dzakawedzerwa. (2 VaKorinte 11:24-27; 2 Timotio 3:12) Zvisinei, Pauro aingofanira zvake kutsungirira “munzwa [wake] munyama.”
Jehovha, zvisinei, akanga asiri kumboramba Pauro zvisina tsitsi. Panzvimbo pezvo, akati kwaari: “Simba rangu rinozadziswa pautera hwa[ngu.]” (2 VaKorinte 12:9) Hungu, Jehovha aizogovera Pauro nenzira yorudo simba rokugonana nemumiriro wake wezvinhu. Nokudaro, “munzwa munyama” waPauro wakava muenzaniso unoshanda. Wakamudzidzisa kuvimba nesimba raJehovha panzvimbo pesimba rake. Pauro sezviri pachena akadzidza ichi chidzidzo zvakanaka, nokuti makore akati gare gare akanyorera vaFiripi kuti: “Ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo. Ndingaita zvose naiye unondipa simba.”—VaFiripi 4:11, 13.
Zvakadini newe? Uri kutsungirira rudzi rwakati rwe“munzwa munyama” here, zvichida chirwere kana kuti mumiriro wezvinhu muupenyu unokuita kuti ufunganye zvikuru? Kana zvakadaro, gamuchira nyaradzo. Nepo Jehovha angasabvisa mhinganidzo yacho nenzira inoshamisa, anogona kukupa uchenjeri hwokugonana nayo sezvaunopfuurira kuisa fariro dzoUmambo pakutanga muupenyu.—Mateo 6:33.
Kana chirwere kana kuti kukwegura zvichikupinganidza kuita zvakawanda sezvaungada kuita mumubato weChikristu, usaore mwoyo. Panzvimbo pokurangarira muedzo wako seunoganhurira basa rako kuna Jehovha, uone semukana wekuwedzera kuvimba kwako naye. Yeukawo, kuti ukoshi hweMukristu hunoyerwa, kwete noukuru hwemubato wake, asi nokutenda kwake nokukura kworudo. (Enzanisa naMarko 12:41-44.) Kuda Jehovha nemweya wako wose kunoreva kuti unomubatira nepaunogona napo pose—kwete nokuda kwemumwe munhuwo zvake.—Mateo 22:37; VaGaratia 6:4, 5.
Kana “munzwa [wako] munyama” uchibatanidza mumiriro wezvinhu unotambudza muupenyu, wakadai sekufirwa nemudiwa, tevera zano reBhaibheri rinoti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Mumwe mukadzi weChikristu anonzi Sylvia akaita izvozvi. Munhambo yemakore mashomanene chete, akafirwa nemurume wake pashure pemakore 50 eroorano uyewo mimwe mitezo yemhuri mipfumbamwe—kubatanidza vazukuru vaviri vaduku. “Kudai akanga asiri Jehovha,” Sylvia anodaro, “ndaizotambudzika zvisingadzoreki. Asi ndinowana nyaradzo huru mumunyengetero. Ndinopfuuridzira kurukurirano inokosha naJehovha. Ndinoziva kuti anondipa simba rekukunda.”
Zvinokurudzira sei kuziva kuti “Mwari wokunyaradza kwose” anogona kupa avo vari kutambudzika simba rokutsungirira! (2 VaKorinte 1:3; 1 VaTesaronika 4:13) Tichinzwisisa izvozvi, tinogona kunzwisisa mhedziso yaPauro pamusoro penhau yacho. Akanyora kuti: “Ndinofara noutera, nokuzvidzwa, nokushayiwa, nokutambudzika nenhamo nokuda kwaKristu; nokuti kana ndinoutera, ipapo ndine simba.”—2 VaKorinte 12:10.
Kugonana Nekusakwana
Tose zvedu takagara nhaka kusakwana kubva kuvabereki vedu vokutanga. (VaRoma 5:12) Somugumisiro, tiri kurwisana nezvishuvo zvenyama inotadza. Zvinogona kuva zvinoodza mwoyo sei kuziva kuti zvisaririra zve“munhu mutsva” zvakatibata zvikuru kupfuura zvatakanga tafunga! (VaEfeso 4:22-24) Panguva dzakadaro tinganzwa sezvakaita muapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Nokuti ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu.”—VaRoma 7:22, 23.
Panowo, tinogona kuzviyamura nesimba rinobva kuna Jehovha. Pakurwisana neutera hwemunhu oga, usatomborege kutendeukira kwaari mumunyengetero, uchitsvaka nemwoyo wose kukanganwira kwake pasinei zvapo nokuti unofanira kumusvika kangani pamusoro pechinetso chimwe chetecho. Nemhaka yenyasha dzake dzisina kufanirwa, Jehovha, uyo “anoyera mwoyo” uye anogona kuona kukomba kweuchokwadi hwako, achakupa hana yakacheneswa. (Zvirevo 21:2) Kupfurikidza nemudzimu mutsvene wake, Jehovha anogona kukupa simba rokumutsidzira kurwisana neutera hwenyama.—Ruka 11:13.
Tinodawo simba rinobva kuna Jehovha pakubata nekusakwana kwevamwe. Somuenzaniso, Mukristu biyedu angataura nesu “nokusarangarira zvinobaya somunondo.” (Zvirevo 12:18) Izvozvi zvingagona kutikuvadza zvikuru, zvikurukuru kana zvichibva kune mumwe munhu watinorangarira kuti tinofanira kuziva zviri nani. Tingakangaidzwa zvikuru. Vamwe vakatoshandisa kukanganisa kwakadaro sechikonzero chokusiya Jehovha—mhosho hurusa yedzose!
Zvisinei, chimiro chendangariro chakadzikama chichatibetsera kurangarira utera hwavamwe nomurangariro wakarurama. Hatigoni kukarira kukwana kubva kuvanhu vasina kukwana. “Hakuna munhu usingatadzi,” murume akachenjera Soromoni anotiyeuchidza kudaro. (1 Madzimambo 8:46) Arthur, mumwe Mukristu akazodzwa uyo akabatira Jehovha nokuvimbika kwemakumi manomwe amakore, akati: “Utera huri muvaranda biyedu hunotipa mukana wokuratidza perero, huchiedza Ukristu hwedu. Kana tikabvumira izvo vanhu vanotaura kana kuti kuita kudzongonyedza kubatira kwedu Jehovha, tiri kubatira vanhu. Kunze kwezvo, hama dzedu dzinofanira kudawo Jehovha. Kana tikatsvaka zvakanaka mavari, tichakurumidza kuona kuti havana kuipa pasinei naizvozvo.”
Simba Rokuparidza
Asati akwira kudenga, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene wauya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.”—Mabasa 1:8.
Mukuwirirana nemashoko aJesu, basa irori zvino riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha munyika 233 kupota pasi. Pamwe chete, vanopedzera maawa anopfuura bhiriyoni gore rimwe nerimwe vachibetsera vamwe kusvika pakuziva Jehovha. Kuita basa irori hakusi nyore nguva dzose. Mune dzimwe nyika basa rokuparidza Umambo rakarambidzwa kana kuti rakaganhurirwa. Rangarirawo, ari kuita basa racho—vanhu vasina simba, vasina kukwana, mumwe nomumwe ane zvinetso zvake nefunganyo. Bva basa racho rinopfuurira, uye somugumisiro, mumakore matatu apfuura, vanhu vanopfuura miriyoni vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha ndokuratidzira tsauriro yavo kupfurikidza nerubhabhatidzo rwomumvura. (Mateo 28:18-20) Zvirokwazvo, basa irori riri kuitwa bedzi nesimba raMwari. Jehovha akati kupfurikidza nemuporofita Zekaria: “Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu.”—Zekaria 4:6.
Kana uri muparidzi wemashoko akanaka, uri kugoverana—pasinei zvapo nekuti ingaratidzika kuva duku sei—mukuzadzika ikoko kukuru. Pasinei zvapo ne‘minzwa’ iyo unofanira kutsungirira, unogona kuvimbiswa kuti Jehovha haasati achizokanganwa ‘basa rako norudo zvawakaratidza nokuda kwezita rake.’ (VaHebheru 6:10) Naizvozvo pfuurira kuvimba neManyuko esimba rose guru nokuda kwetsigiro. Yeuka, tinogona kutsungirira bedzi musimba raJehovha; simba rake rinokwaniswa muutera hwedu.
[Mashoko Omuzasi]
a Chokwadika, sezvo “vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari,” zvinoratidza ngoni dzaMwari kuti hakuna munhu upi noupi anogona kuva neukama hwakanaka naye.—VaRoma 3:23.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Basa rokuparidza rinoitwa bedzi nesimba raJehovha