Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Mwari Acharamba Ari Shamwari Yangu Here?
MAMBO DHAVHIDHI akanga ari murume aifarikanya ushamwari hwaMwari. Asi pane imwe nguva akati: “Madambudziko omwoyo wangu awanda kwazvo.” Dhavhidhi akanga achitambura kwete bedzi nemhaka yekubatwa zvisina kufanira nevamwe asiwo nemhaka yezvikanganiso zvake amene. Akavamba kunzwa kuti kunyange Mwari akanga amuramba, uye akanyengetera kuti: “Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha; nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.”—Pisarema 25:11, 16-19.
Zvichida iwewo uri kunzwa uchitambudzika. Zvimwe pamusha kana kuti kuchikoro uri mumamiriro ezvinhu akaipa ayo anokangaidza. Ipapo zvakare, ungava nezvinetso zvakakomba zveutano kana kuti unozviwana uchiodzwa mwoyo nemhaka yeutera hwakati hwawakanangana nahwo. Chipi kana chipi chiri chachingava, haufaniri kutambura uri oga; Mwari anokugovera zvikuru ushamwari hwake netsigiro.a Kana wakatovamba kutanga ukama naye, uchanyaradzwa kuziva kuti haasiyi shamwari dzake apo dzinenge dzichiva nenguva yakaoma. Kunyange zvakadaro, apo unodenhwa nezvinetso, ungafunga kuti Mwari ari kure. Kungatoratidzika kwauri kuti haasi kutombokubetsera. Asi izvozvo ndizvo chaizvoizvo here?
“Munzwa Munyama”
Kutanga, tapota rava 2 VaKorinte 12:7-10. Ipapo muapostora Pauro anotaura nzira yaakatambura nayo nechimwe chinhu chinonzi “munzwa munyama.” Sezvingabvira, “munzwa” wacho wakanga uri rudzi rwakati rwechirwere, zvichida chaibatanidza kuona kwake. Chipi kana chipi icho kwaiva, chakaramba chichi[“murova,” NW] mundangariro. Pasinei zvapo nezvichemo zvitatu zvepachokwadi kuti Mwari aubvise, “munzwa” wacho wakaramba uripo.
Jehovha akanga achifuratira minyengetero yaPauro here? Nyangwe napaduku pose! Mwari akati kwaari: “Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pautera hwako.” Kunyange zvazvo Jehovha akasarudza kusabvisa “munzwa” iwoyo, haana kusiya Pauro. Kupfurikidza nemutsa usakafanirwa waMwari, Pauro akafarikanya ushamwari hwepedyo naye. Ihwohwo hwakanga hwaka“ringana” kubetsera Pauro kugonana nechirwere chake. Sezvo Pauro aitamburira kuita saizvozvo, aizosvikawo pakuwana simba rinotsigira raMwari munzira itsva uye yemunhu oga.
Betsero Mukugonana Nezvinetso
SaPauro, ungava ne“munzwa,” kana kuti chinetso chakati, chinokutambudza, chichiparira kusava netariro uye kuodzwa mwoyo. Semuchakaitika chaPauro, Mwari angasanobvumira zvikuru chinetso chacho kupfuurira. Izvozvo hazvirevi kuti haasisiri Shamwari yako. Mwari akaudza muapostora Pauro kuti: “Simba rangu rinozadziswa pautera hwako.” Kana ukavimba nesimba raMwari uye kwete nerako umene, unogona kutsungirira. Ungatowana kuti nebetsero yemudzimu waMwari, unokwanisa kuita zvinhu zvausina kutombofunga kuti zvinobvira. Pauro akati: “Ndinofara noutera . . . nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.”
Mumwe mukadzi muduku anonzi Robinb akawana ikoku kuva kwechokwadi. Pazera remakore 14 akarasikirwa nokuona kwake nemhaka yechirwere cheglaucoma. Gore rimwe chetero amai vake vakafa kamwe kamwe. “Ndaingova naJehovha bedzi zvino,” anodaro Robin pamusoro pekutanga kubata neiyi “minzwa” inorwadza. “Ndakaziva kuti kana ndaizobudirira, ndaifanira kuomerera paari.” Robin akaita izvozvo chaizvo, pakupedzisira achibatira semuevhangeri wenguva yakazara. Anoti: “Ndakakumbira Jehovha kuti andibetsere muchinhu chiri chose. Akadaro chaizvoizvo.”
Pwere dzakawanda dzakawana kuti kutambura miedzo chaizvoizvo kunodzibetsera kuswedera pedyo zvikuru naMwari. Rangarira Jeff. Baba vake vakasiya mhuri yavo, vachisiya amai vaJeff kuti vatarisire vana vanomwe. “Ndakanzwa kushayikwa kwababa zvikuru,” anobvuma kudaro Jeff, uyo akanga ane makore 12 bedzi panguva yacho. “Ndakashuva mumwe munhu wokuzadza nzvimbo isina chinhu yandainzwa zuva riri rose.” Jeff akaitei? “Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibetsere kugovera chinodikanwa ichocho.” Jeff akashanda mutsinhirano neminyengetero yake uye akava akabatikana nemibato yemudzimu. Pashure penguva yakati, akagona kunzwa tsigiro yeruoko rwaJehovha—inogoverwa kupfurikidza nemudzimu wake mutsvene unosimbisa uye kupfurikidza neungano yechiKristu. (Enzanisa nePisarema 27:10.) Zvino pazera remakore 27 Jeff anorangarira kuti: “Ndakanga ndisina munhu wandaigona kutarira kwaari nokuda kwechengeteko, naizvozvo ndakaswedera pedyo zvikuru naJehovha.” Anodana ukama ihwohwo hwepedyo kuti “chikomborero chinokosha chakabva muuyu muedzo.”
Nzira Yekuwana Nayo Betsero yaMwari
Shamwari yako yekudenga nenzira yakafanana ichakubetsera muzvinetso zvako. Asi chii chaunofanira kuita? Eya, kuti ushamwari hupi nohupi hubudirire, panofanira kuva nekurukurirano. Munyengetero inzira yedu yekukurukura naMwari. Kupfurikidza nawo tinomuita kuti azive kuti tinoda betsero yake. Munyengetero ndewebetsero duku, kunyange zvakadaro, kana usina ushamwari kana kuti pasina kufunga. Sepwere dzadudzwa pamusoro apa, unofanira ku“durura mwoyo” wako kuna Mwari! (Pisarema 62:8, NW) Ungatofanira kupa mikumbiro. (VaFiripi 4:6) Mikumbiro minyengetero yakakomba zvikuru uye yepachokwadi.
Ngatiti une chinetso chokudzora mifungo yako kana kuti uri kuva nechinetso chokukurira muitiro wakaipa. Kumbira Jehovha! Kumbira betsero yake munguva dzemuedzo. Ikoku kungasava kuri nyore nguva dzose. “Apo ndinonzwa sundo yakasimba yokuita chimwe chinhu chakaipa, ndinozvimanikidza kunyengetera,” akabvuma kudaro Gary. “Pane dzimwe nguva ndinofunga kuti, ‘Ndinogona sei kusvika Jehovha?’ Bva, ndinongomukumbira betsero. Anondipa simba randinoda kuti ndipfuurire.” Kunyange kana kwakaoma pakutanga, ramba uchizarurira Mwari mwoyo wako.
Asi zvakadini kana kuchiratidzika sokunge minyengetero yako haisi kupindurwa? Lora, somuenzaniso, akanga achitamburira kukurira muitiro wakaipa webonhora. “Ndaitaura kuna Jehovha pamusoro pechinetso chacho nokutendeseka,” anotsanangura kudaro, “asi ndaisambogona kurega.” Pane dzimwe nguva Mwari angatibvumira kuratidzira kuti tinokoshesa sei mikumbiro yedu. (Enzanisa nePisarema 88:13, 14.) Naizvozvo tinofanira kupfuurira mumunyengetero! (Mateo 7:7; VaRoma 12:12) Lora akaita izvozvo chaizvo. Panguva imwe cheteyo, akavamba kushandisa zvikarakadzo zvaioneka mumashoko eWatch Tower Society pamusoro penhau yacho.c Pashure penguva yakati, akavamba kuona migumisiro. Anoyeuka kuti: “Nguva iri yose yandaidzivisa muedzo wacho nokubudirira, ndaionga Jehovha nemhaka yokuti ndaiziva kuti akanga aneni.” Chokwadi, ungatambura kuitazve sezvaunoparapatika kukurira chinetso chako. Asi chero bedzi uchirwisa uye usiri kutera nemaune kuutera hwacho, Mwari achafadzwa ne‘nhamburiko [dzako] dzechokwadi’ uye acharamba ari Shamwari yako.—2 Petro 1:5.
Kushanda naMwari
Imwe nzira yekuzviyamura nayo nebetsero yaMwari kugamuchira kokero yake yekuva mumwe we“vabati pamwe chete” vake. (1 VaKorinte 3:9) Ikoku kunobatanidza kuva negoverano mukubetsera vamwe kudzidza pamusoro paMwari. (Mateo 28:19, 20) Apo unonzwa uchitambudzika kana kuti uchiodzwa mwoyo, pfungwa yekugoverana murudzi rwupi nerwupi rwebasa ingasaratidzika kuva inofadza. Zvisinei, “[kubatira] Ishe zvikuru nguva dzose” kunogona kukubetsera. (1 VaKorinte 15:58) Muchiitiko chipi kana chipi, ucharega kufunga nezvezvinetso zvako umene. (Enzanisa naZvirevo 18:1.) Robin, adudzwa pakuvamba, anoti nezvenguva dzake dzezvinetso: “Chinhu chakandiita kuti ndipfuurire chakanga chiri basa rangu kuna Jehovha!”
Kushanda naMwari kunogona kukubetserawo kukurira kunzwa kunopfuurira kupi nokupi kwekuti Mwari akakusiya. Apo vanhu vaviri vanoshandira pamwe chete seboka nokuda kwevavariro yakafanana, kazhinji kazhinji havaswederi pedyo seshamwari here? Sezvaunogoverana mubasa rekuparidza, nguva nenguva unotarisana nedenho. Unozviwana uchitendeukira kuna Mwari nokuda kwebetsero. Uye sezvo Mwari anokomborera mabasa ako, ushamwari hwake hunova chaihwoihwo zvikuru. Unovamba kuziva chivimbo icho Mwari akaisa mauri semushandi pamwe chete. Ikoku kunogona kuva tsigiro chaiyoiyo kukuzvivimba kwako.
Carol, somuenzaniso, akanga asina kuchengeteka zvikuru. Amai vake vakanga vazvisungirira, uye baba vake vanobata zvisina kufanira vaimuzvidza nguva dzose. Asi pazera remakore 17 akava mumwe weZvapupu zvaJehovha uye akatanga basa rekuparidza. Zvino pashure pemakore gumi semuevhangeri wenguva yakazara, anoti: “Iri basa rakandibetsera zvikuru nemhaka yokuti ndakaona chikomborero chaJehovha pandiri. Ndinozviudza kuti, ‘Kana Mwari achindida, handisi asina maturo.’ Kushandiswa naJehovha mukuzivisa zita rake kwakandiita akachengeteka zvikuru.”
“Ravirai Henyu, Muone Kuti Jehovha Wakanaka”
“[Mwari] akandisunungura pakutya kwangu kwose,” akanyora kudaro Mambo Dhavhidhi pashure pekupona nepaburi retsono mumamiriro ezvinhu aityisidzira upenyu. (Pisarema 34:4, 6, mashoko anorondedzera; 1 Samueri 21:10-12) Nokudaro kubva muruzivo rwekuzviwanira Dhavhidhi aigona kuti: “Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; wakakomborerwa munhu unovimba naye.”—Pisarema 34:8.
Kunyange zvazvo upenyu hwako hungasatongova mungozi sezvakanga zvakaita hwaDhavhidhi, une chokwadi chokuwana, padzimwe nguva, dzvinyiriro dzakati nezvinetso. Apo ‘nhamo dzinowanda mumwoyo wako,’ kumbira Mwari. (Pisarema 25:17) Usatya kuti Mwari achabvisa ushamwari hwake. Sezvaunotsungirira nokushivirira uye kuwana zvakananga tsigiro yaJehovha netarisiro, ucha“ravira ndoku[zvionera] kuti, Jehovha wakanaka, (NW).” Uye acharamba ari Shamwari yako nokusingaperi.—Jakobho 4:8.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndingagona Chaizvoizvo Kuva Shamwari yaMwari Here?” muchinyorwa chedu chaAugust 8, 1995.
b Mamwe emazita akachinjwa.
c Ona maganhuro 25 ne26 ebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mwari anosiya shamwari dzake munguva dzenhamo here?