Bhuku reBhaibheri Nhamba 47—2 VaKorinte
Munyori: Pauro
Nzvimbo Yakanyorerwa: Makedhonia
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 55 C.E.
1, 2. (a) Chii chakatungamirira kukunyora kwaPauro tsamba yake yechipiri kuvaKorinte? (b) Pauro akanyora ari kupi, uye akanga achiitira hanya pamusoro pechii?
ZVINO zvimwe kwakanga kwave kupera kwezhizha kana kuti kuvamba kwamatsutso a55 C.E. Kwakanga kuchine dzimwe nhau muungano yechiKristu kuKorinte dzakanga dzichinetsa muapostora Pauro. Pakanga pasina kupera mwedzi yakawanda kubvira pakunyorwa kwetsamba yake yokutanga kuvaKorinte. Kubvira panguva iyeyo Tito akanga atumwa kuKorinte kuti abatsire mukuunganidzwa kwemipiro kwaiitwa imomo nokuda kwavatsvene vaiva muJudhea uye sezvinobvira kuti acherekedzewo kuita kwavaKorinte kutsamba yokutanga. (2 VaK. 8:1-6; 2:13) Vakanga vaigamuchira sei? Kwakaunzira Pauro nyaradzo yakadini kuziva kuti yakanga yavasundira kurusuruvaro norupfidzo! Tito akanga adzokera kuna Pauro muMakedhonia nouyu mushumo wakanaka, uye zvino mwoyo womuapostora wakazadzwa kusvikira kukupfachukira norudo nokuda kwavatendi biyake vanodiwa veKorinte.—7:5-7; 6:11.
2 Naizvozvo Pauro akanyorerazve vaKorinte. Iyi tsamba yechipiri inofadza neine simba yakanyorerwa muMakedhonia uye yakaendeswa sezviri pachena naTito. (9:2, 4; 8:16-18, 22-24) Imwe yenhau dzeitiro hanya idzo dzakasunda Pauro kunyora kwakanga kuri kuvapo pakati pavaKorinte kwe“vaapostora vanopfuura vamwe vose,” avo iye akarondedzerawo se“vaapostora venhema, vanobata nokunyengera.” (11:5, 13, 14) Garikano yomudzimu yeungano duku zvikuru yakanga iri mungozi, uye chiremera chaPauro somuapostora chakanga chichidenhwa. Tsamba yake yechipiri kuvaKorinte nokudaro yakaita chinodikanwa chikuru.
3, 4. (a) Pauro amene akaita shanyoi kuKorinte? (b) Tsamba yaVaKorinte Yechipiri inotibetsera sei zvino?
3 Kungacherekedzwa kuti Pauro akati: “Ino ndiyo nguva yechitatu yandakazvigadzira kuuya kwamuri.” (2 VaK. 12:14; 13:1) Iye akanga aronga kuvashanyira kechipiri apo akanyora tsamba yake yokutanga, asi kunyange hake akagadzirira, iyi “nhambo yechipiri yomufaro” haina kuitika. (1 VaK. 16:5; 2 VaK. 1:15, NW) Chaizvoizvo, ipapoka, Pauro akanga amboveko kamwe bedzi, kwemwedzi 18 muna 50-52 C.E., apo ungano yechiKristu yakavambwa muKorinte. (Mabasa 18:1-18) Zvisinei, Pauro gare gare akawana kuitika kwechido chake chokushanyirazve Korinte. Apo akanga ari muGirisi kwemwedzi mitatu, zvimwe muna 56 C.E., akapedza runenge harwo rutivi rwenguva yacho ari muKorinte, uye akanyora tsamba yake kuvaRoma ari imomo.—VaR. 16:1, 23; 1 VaK. 1:14.
4 Tsamba yaVaKorinte Yechipiri nguva dzose yave ichirangarirwa pamwe chete netsamba yaVaKorinte Yokutanga nedzimwe tsamba dzaPauro sorutivi rwechokwadi rwendaza yamanyoro matsvene eBhaibheri. Zvakare tinogoneswa kutarira mukati meungano kuKorinte ndokuwana betsero kubva mumashoko akafuridzirwa aPauro akapiwa kurayira ivo pamwe chete nesu.
ZVIRI MUBHUKU RAVAKORINTE RECHIPIRI
5. (a) Pauro anonyorei pamusoro penyaradzo? (b) Chii chakavapo kupfurikidza naKristu icho chiri cheimwe kurudziro?
5 Betsero inobva kuna “Mwari wokunyaradza kwose” (1:1–2:11). Pauro anobatanidza Timotio mukukwazisa kwokutanga. “Ngaaongwe,” anodaro Pauro, “Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose,” kuti isuwo tigokwanisa kunyaradza vamwe. Kunyange zvazvo Pauro neshamwari dzake vave vari mudzvinyiriro huru uye upenyu hwavo hwakanga huri mungozi, Mwari akavanunura. VaKorinte vanogona kubetserawo neminyengetero nokuda kwavo. Ari kuvanyorera nechivimbo muuchokwadi hwake uye mumutsa usakafanirwa waMwari. Zvipikirwa zvaMwari zvakava “hon’o” kupfurikidza naJesu, uye Iye akazodza avo vari vaKristu ndokuvapa “rubatso rwoMweya” mumwoyo yavo.—1:3, 4, 20, 22.
6. Pauro anopa zano kuti chii chinofanira kuitwa nokuda kwomutadzi akadzingwa uyo zvino anopfidza?
6 Kunoratidzika kuti munhu akatsinhirwa nezvake naPauro muganhuro rechishanu retsamba yake yokutanga akadzingwa muungano. Iye akapfidza uye ari kuratidza rusuruvaro. Pauro naizvozvo anoudza vaKorinte kuti vape kanganwiro yechokwadi nokusimbisa rudo rwavo nokuda kweanopfidza.
7. Pauro anozvipa amene navaKorinte sei, uye anosimbisei?
7 Vakakwaniriswa savashumiri vesungano itsva (2:12–6:10). Pauro anozviratidza amene navaKristu veKorinte sevari mukufora kworukundo naKristu. (VaKorinte vakanga vakarovedzana nohwema hwezvinonhuhwira zvaipiswa munzira yokufora yehondo dzinokunda muzuva iroro.) Pane musiyano wakasimba pakati pe“hwema” hwomuKristu kuavo vachawana upenyu ne“hwema” kuavo vari kuparara. “Hatisati tiri vatengesi veshoko raMwari,” anosimbisa kudaro Pauro.—2:16, 17, NW.
8. (a) Pauro navashandi biyake vakanga vane magwaroi savashumiri? (b) Ushumiri hwesungano itsva hukuru sei?
8 Pauro navashandi biyake havadi magwaro, tsamba dzakanyorwa dzerumbidzo, dzinoenda kana kuti dzinobva kuvaKorinte. Vatendi veKorinte vamene itsamba dzerumbidzo, dzakanyorwa “nesu” uye dzakanyorwa, kwete pamahwendefa amabwe, asi “pamahwendefa enyama omwoyo,” anozivisa kudaro Pauro. Mwari akakwanirisa zvakakwana vashumiri vesungano itsva. Bumbiro remitemo rakanyorwa rakatungamirira kurufu, nembiri inopera, uye rakanga riri rechinguvana. Kutungamirira kwomweya, zvisinei, kunotungamirira kuupenyu, kunogarisa, uye kune mbiri yakawanda. Apo “Mosesi a[no]rahwa,” chifukidziro chiri pamwoyo yavanakomana vaIsraeri, asi apo kunenge kune kutendeukira kuna Jehovha, chifukidziro chinobviswa, uye ivo vano“shandurwa [va]chifanana nomufananidzo iwoyo, [va]chibva pakubwinya kumwe [va]chienda kune kumwe kubwinya.”—3:3, 15, 18.
9. Pauro anorondedzera sei pfuma youshumiri?
9 Ipapo Pauro anopfuurira, kuti: ‘Tine uhwu ushumiri nemhaka yengoni dzakaratidzwa kwatiri. Takaramba zvinhu zvakavanzika uye hatina kushatisa shoko raMwari, asi takazvirumbidza timene kupfurikidza nokuratidzira zvokwadi. Kana shoko ramashoko akanaka rikafukidzwa, imhaka yokuti mwari wenyika ino akapofumadza ndangariro dzavasingatendi. Mwoyo yedu, zvisinei, inovhenekerwa nezivo ine mbiri yaMwari kupfurikidza nechiso chaKristu. Iyi pfuma yatinayo ihuru sei! Iri mumidziyo yevhu kuti simba rinopfuura renguva dzose rigova raMwari. Muchitambudzo nenhamo, hungu, mukutarisana norufu rumene, tinoshandisa kutenda uye hatiregi, nokuti kutambudzika kwechinguvana kunotiparira mbiri youkoshi hukuru zvikuru kwazvo uye haiperi. Naizvozvo tinochengeta meso edu ari pazvinhu zvisingaonekwi.’—4:1-18.
10. (a) Pauro anotaurei nezveavo vari muumwe naKristu? (b) Pauro anozvirumbidza amene sei somushumiri waMwari?
10 ‘Tinoziva,’ anonyora kudaro Pauro, ‘kuti imba yedu yepasi ichapa nzvimbo kuiyo isingaperi mumatenga. Munguvayi tinopfuurira mukutenda uye takashinga. Kunyange zvazvo tisina Kristu, tinotsvaka kuva vanogamuchirika kwaari.’ (5:1, 7-9) Avo vari muumwe naKristu “chisikwa chitsva” uye vane ushumiri hweyananiso. Ivo i“nhume nokuda kwaKristu.” (5:17, 20) Munzira iri yose Pauro anozvirumbidza amene somushumiri waMwari. Seiko? ‘Kupfurikidza nokutsungirira zvakawanda muzvitambudzo, kurohwa, kushanda, usiku hwokusarara; kupfurikidza norucheno, kupfurikidza nezivo, kupfurikidza nomwoyo murefu, kupfurikidza nomutsa, kupfurikidza nomudzimu mutsvene, kupfurikidza norudo rusinganyengeri, kupfurikidza nokutaura kwechokwadi, kupfurikidza nesimba raMwari, somurombo asi achipfumisa vakawanda, seasina chinhu asi ane zvinhu zvose.’—6:4-10.
11. Pauro anopa zanoi nenyeveroi?
11 “Tikwanise utsvene pakutya Mwari” (6:11–7:16). Pauro anoudza vaKorinte, kuti: ‘Mwoyo wedu wakakura kuti ukugamuchirei.’ Ivowo vanofanira kukudza zvidakada-daka zvavo zvinyoro. Asi zvino kunouya nyevero! “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi.” (6:11, 14) Chiedza chinowirirana sei nerima, kana kuti Kristu naBheriari? Setembere yaMwari mupenyu, vanofanira kuzviparadzanisa vamene ndokurega kubata chinhu chisina kuchena. Pauro anoti: “Ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari.”—7:1.
12. Neiko Pauro akafarira mushumo wakabva kuKorinte?
12 Pauro anotizve: “Ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose.” (7:4) Neiko? Kwete bedzi nemhaka yokuvapo kwaTito asiwo nemhaka yomushumo wakanaka wakabva Korinte, uya wokushuva kwavo, kuchemera kwavo, uye kushingairira kwavo Pauro. Iye anoziva kuti tsamba yake yokutanga yakaparira rusuruvaro rwechinguvana, asi anofara kuti vaKorinte vakasuruvariswa nokuda kworupfidzo runotungamirira kuruponeso. Iye anovarumbidza nokuda kwokubatira pamwe naTito.
13. (a) Pauro anodudza mienzanisoi yorupo? (b) Inheyoi idzo Pauro anokurukura pamusoro pokupa?
13 Rupo ruchatuswa (8:1–9:15). Pamusoro pemipiro nokuda kwa“vatsvene” vanoshayiwa, Pauro anodudza muenzaniso wavaMakedhonia, vane rupo pasinei zvapo nourombo hukuru rwaipfuura chaizvoizvo zvavaikwanisa; uye zvino anokarira kuona rudzi rumwe cheterwo rwokupa kuvaKorinte sokuratidzirwa kwouchokwadi hworudo rwavo nokuda kwaShe Jesu Kristu, uyo akava murombo kuti vagova vakapfuma. Uku kupa maererano nezvavanazvo kuchaguma nokuenzana, zvokuti uyo ane zvakawanda haasati achizova nezvakawanda zvikuru, uye uyo ane zvishomanene, kwete zvishomanene zvikuru. Tito navamwe vari kutumirwa kwavari pamusoro peichi chipo chomutsa. Pauro ave achiganza pamusoro porupo nokudisa kwavaKorinte, uye haadi kuti vanyadziswe nokukundikana kupi nokupi kukwanisa chipo chikuru. Hungu, “unodzvara zvizhinji, uchachekawo zvizhinji.” Ngakubve mumwoyo, nokuti “Mwari unoda munhu unopa nomufaro.” Anokwanisawo kuita kuti mutsa wake usakafanirwa uwande kwavari nokuvapfumisa nokuda kworudzi rwuri rwose rworupo. “Mwari ngaaongwe pamusoro pechipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.”—9:1, 6, 7, 15.
14. Pauro anojekesa mapfundoi mukutsigira uapostora hwake?
14 Pauro anobvumikisa uapostora hwake (10:1–13:14). Pauro anobvuma kuti akaderera muchitarisiko. Asi vaKristu havarwi maererano nenyama; zvombo zvavo ndezvemudzimu, “[zvi]ne simba pamberi paMwari” rokuparadza kurangarira kunopesana nokuziva Mwari. (10:4) Vamwe, vachiona zvinhu noukoshi hwazvo hwokunze chete, vanotaura kuti tsamba dzomuapostora dzine simba asi kutaura kwake kunozvidzwa. Ngavazive kuti zviito zvaPauro zvichangova zvimwe chetezvo seshoko rake kupfurikidza netsamba. VaKorinte vanofanira kuziva kuti Pauro haasi kuganza pamusoro pezvakaitwa munharaunda yomumwe munhuwo zvake. Akaendesa pachake mashoko akanaka kwavari. Kupfuurirazve, kana kune kuganza kupi nokupi, ngakuve muna Jehovha.
15. (a) Pauro anotaura zvakasimba pamusoro pavaapostora venhema nemienzanisoi? (b) Ndechipi chiri chinyorwa chaPauro amene?
15 Pauro anonzwa basa rake rokupa ungano yeKorinte kuna Kristu semhandara yakachena. Kungofanana naEvha akanyengerwa namanomano eNyoka, naizvozvo kune ngozi yokuti ndangariro dzavo dzingashatiswa. Nesimba, naizvozvo, Pauro anotaura zvakananga pamusoro pe“vaapostora vanopfuura vamwe vose” veungano yeKorinte. (11:5) Ivo vaapostora venhema. Satani amene anoramba achizvishandura amene kuva ngirozi yechiedza, naizvozvo hakushamisi kuti vashumiri vake vanoita zvimwe chetezvo. Asi pamusoro pokuva vashumiri vaKristu, vanoenzana sei nechinyorwa chaPauro? Akatsungirira zvakawanda: kuiswa mutorongo, kurohwa, kuputsikirwa nechikepe katatu, ngozi dzakawanda, kazhinji kazhinji kusarara kana kuti kusava nezvokudya. Bva makuri kwose haana kutongokanganwa zvinodikanwa zveungano uye nguva dzose ainzwa ashatiriswa apo mumwe munhu aigumburwa.
16. (a) Pauro angaganza nezvechii, asi neiko aizosva hake ataura nezvoutera hwake? (b) Pauro akabudisa sei zvibvumikiso zvouapostora hwake?
16 Naizvozvo kana munhu upi noupi ane chikonzero chokuganza, ndiPauro. Vamwe vanonzi vaapostora kuKorinte vangagona kutaura pamusoro pokuendeswa kuparadhiso here, kuti vanzwe zvinhu zvisingataurwi? Bva Pauro anotaura pamusoro poutera hwake. Kuti agorega kunzwa akanyanyokudzwa, iye akapiwa “munzwa munyama.” Pauro akakumbira kuti ubviswe asi akaudzwa, kuti: “Nyasha dzangu dzinokuringana.” Pauro aizosva hake aganza noutera hwake, kuti “simba raKristu” rigoramba riri pamusoro pake setende. (12:7, 9) Aiwa, Pauro haana kubvumikisa kuva akaderera ku“vaapostora vanopfuura vose,” uye vaKorinte vakaona zvibvumikiso zvokuva muapostora izvo akaita pakati pavo “nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso, namabasa esimba.” Iye haasati ari kutsvaka zvinhu zvavo, sezvo Tito navamwe vashandi biyake avo iye akatuma vasina kuvatorera chinhu.—12:11, 12.
17. Pauro anopa vaKorinte zanoi rokupedzisira?
17 Zvinhu zvose zviri nokuda kwokuvakwa kwavo. Zvisinei, Pauro anoratidzira kutya kuti apo anosvika muKorinte, achawana vamwe vasina kupfidza mabasa enyama. Anonyevera vatadzi pachine nguva mberi kuti achaita chiito chakakodzera ndokusachengeta nomumwe, uye anopa zano vose vari muungano kuramba vachiedza kana vari mukutenda muumwe naJesu Kristu. Pauro naTimotio vachavanyengeterera kuna Mwari. Anovarayira kuti vafare uye kuti vadzorerwe kuchinzwano, kuti Mwari worudo norugare ave navo, uye anogumisa nokutumira kwaziso dzinobva kuvatsvene nezvishuvo zvake amene zvakanakisisa nokuda kwechikomborero chavo chomudzimu.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
18. VaKristu vanofanira kuva nomurangariroi wakarurama woushumiri?
18 Kuonga kwaPauro ushumiri hwechiKristu sezvinoratidzirwa muna VaKorinte Wechipiri kunonyandura uye kunokurudzira sei! Ngatihurangarirei sezvaakaita. Mushumiri wechiKristu uyo akakwaniriswa zvakakwana naMwari haasati ari mutengesi weShoko asi anobatira nouchokwadi. Rinomurumbidza, harisati riri gwaro rakati rakanyorwa, asi zvibereko zvaanobereka muushumiri. Zvisinei, nepo ushumiri huri zvirokwazvo hune mbiri, ichochi hachisati chiri chisakiso chokuva kwake anozvitutumadza. Vabatiri vaMwari savanhu vasina kukwana vane iyi pfuma yebasa mumidziyo yevhu isina kusimba, kuti simba rigoonekwa nenzira yakajeka kuva raMwari. Naizvozvo ikoku kunoda kuzvininipisa mukugamuchira ropafadzo ine mbiri yokuva vashumiri vaMwari, uye mutsa usakafanirwa wakadini unobva kuna Mwari kubatira se“nhume nokuda kwaKristu”! Rakanga rakakodzera sei, ipapoka, zano raPauro rokusa“gamuchira nyasha dzaMwari pasina”!—2:14-17; 3:1-5; 4:7; 5:18-20; 6:1.
19. Pauro akagovera muenzaniso wakatanhamara nokuda kwavashumiri vechiKristu nhasi munzirai dzakasiyana-siyana, zvikurukuru nokuda kwavatariri?
19 Pauro zvirokwazvo akagovera muenzaniso wakaisvonaka wokuti vashumiri vechiKristu vatevedzere. Kutanga, iye aikoshesa nokufunda Magwaro echiHebheru akafuridzirwa, achianokora aanokorazve mashoko, kunongedzera kwaari, uye kuashandisa. (2 VaK. 6:2, 16-18; 7:1; 8:15; 9:9; 13:1; Isa. 49:8; Revh. 26:12; Isa. 52:11; Ezek. 20:41; 2 Sam. 7:14; Hos. 1:10) Uyezve, somutariri, iye akaratidzira itiro hanya huru nokuda kweboka, achiti: “Nokuti ndingafara zvikuru kupedza zvose zvangu, nokupedzwa ini nokuda kwemweya yenyu.” Akazvipa amene chose nokuda kwehama, sekuratidza nenzira yakajeka kunoita chinyorwa. (2 VaK. 12:15; 6:3-10) Akanga asinganeti mumabasa ake sezvo aidzidzisa, kurayira, uye kururamisa zvinhu muungano yeKorinte. Akanyevera nenzira yakajeka pamusoro pokushamwaridzana nerima, achiudza vaKorinte, kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi.” Nemhaka yokuvaitira hanya kwake kworudo, akanga asingadi kuona ndangariro dzavo dzichishatiswa, “senyoka yakanyengera Evha namano ayo,” uye naizvozvo akavarayira nomwoyo wose, kuti: “Zviidzei imi mumene, muone kana muri pakutenda; muzvinzverei imi mumene.” Akavanyandurira kurupo rwechiKristu, achivaratidza kuti “Mwari unoda munhu unopa nomufaro,” uye iye amene akaratidza kutenda kwokuonga kukurusa kuna Mwari nokuda kwechipo Chake chisingarondedzereki. Zvirokwazvo hama dzake kuKorinte dzakanga dzakanyorwa murudo pahwendefa renyama romwoyo waPauro, uye basa rake risina ganhuriro mufariro dzavo rakanga riri chinhu chiri chose chinofanira kuratidzira mutariri anoshingaira, akamuka zvikuru. Muenzaniso wakatanhamara zvakadini nokuda kwedu nhasi!—6:14; 11:3; 13:5; 9:7, 15; 3:2.
20. (a) Pauro anoisa sei ndangariro dzedu murutivi rwakarurama? (b) Bhuku raVaKorinte Rechipiri rinonongedzera kutariroi ine mbiri?
20 Muapostora Pauro anoisa ndangariro dzedu murutivi rwakarurama mukunongedzera kuna “Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose” samanyuko chaiwoiwo esimba munguva yomuedzo. Ndivo vano“tinyaradza pakutambudzika kwedu kwose” kuti tigotsungirira nokuda kwokuponeswa ndokupinda munyika yake itsva. Pauro anonongedzerawo kutariro ine mbiri ye“chakavakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko, isingaperi, iri kudenga,” uye anoti: “Saka kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva; zvinhu zvakare zvapfuura; tarirai, zvose zvava zvitsva.” Bhuku raVaKorinte Rechipiri zvirokwazvo rine mashoko anoshamisa ekurudziro nokuda kwaavo, saPauro, vachagara nhaka Umambo hwokudenga.—1:3, 4; 5:1, 17.