Kushongedzerwa Zvizere Sevadzidzisi veShoko raMwari
“Mwari . . . akatiita vanonyatsokwanisa kuti tive vashumiri.”—2 VAKORINDE 3:5, 6.
1, 2. Zvii zvinomboedza kuitwa panyaya yokuparidza, asi nei zvichiwanzokundikana?
WAIZONZWA sei kana ukapiwa basa rausingakwanisi kuita? Imbofungidzira izvi: Zvinhu zvaunoda zvaiswa pamberi pako, uye zvokushandisa zviripo. Asi hautombozivi nepokutangira. Zvinobva zvaita kuti nyaya yacho iome ndezvokuti basa iri rinofanira kukurumidza kuitwa. Vanhu vose vari kuvimba kuti ndiwe uchariita. Zvinoshatirisa sei!
2 Chinetso chakadaro hachisi chokungofungidzira chete. Funga nezvomumwe muenzaniso. Dzimwe nguva imwe yemachechi echiKristudhomu yakaedza kuronga uye kuita ushumiri hwepasuo nesuo. Nguva nenguva izvozvo zvakakundikana, zvichipera muvhiki shomanana kana mwedzi. Nei? ChiKristudhomu hachina kubatsira vateveri vacho kuti vakwanise kuita basa iri. Kunyange vafundisi vacho havakwanisi kuita basa rokuparidza, kazhinji kacho pasinei zvapo nemakore avakapedza vachidzidza muzvikoro zvenyika nezvikoro zvokudzidzira zvechitendero. Tingataura sei zvakadaro?
3. Pana 2 VaKorinde 3:5, 6, ishokoi rinoshandiswa katatu, uye rinorevei?
3 Shoko raMwari rinotsanangura zvinoita kuti muparidzi wechokwadi wemashoko akanaka echiKristu akwanise. Muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Hakusi kuti isu tinonyatsokwanisa kurangarira zvinhu zvose sezvinobva kwatiri, asi kunyatsokwanisa kwedu kunobva kuna Mwari, uyo zvechokwadi akatiita vanonyatsokwanisa kuti tive vashumiri.” (2 VaKorinde 3:5, 6) Ona shoko rashandiswa katatu pano—“nyatsokwanisa.” Rinorevei? Vine’s Expository Dictionary of Biblical Words rinoti: “Kana richitaura zvinhu [shoko rechiGiriki iri] rinoreva ‘zvakakwana’ . . . ; kana richitaura vanhu, rinoreva ‘kugona,’ ‘kukodzera.’” Saka, munhu “anonyatsokwanisa” anogona uye akakodzera kuita basa raanenge apiwa.” Hungu, vashumiri vechokwadi vemashoko akanaka vanogona kuparidza. Vanokwanisa, vakakodzera, kana kuti ndivo vanofanira kuita basa iri.
4. (a) Muenzaniso waPauro unoratidza sei kuti kukwanisa kuita ushumiri hwechiKristu hakusi kwevaya vakakwirira chete? (b) Ndedzipi nzira nhatu idzo Jehovha anoita nadzo kuti tikwanise sevashumiri?
4 Asi kukwanisa ikoko kunobva kupi? Mumano omunhu pachake here? Mupfungwa dzakapinza here? Mudzidzo yepamusoro muzvikoro zvinoshamisira here? Zviri pachena kuti muapostora Pauro aiva nezvose izvozvo. (Mabasa 22:3; VaFiripi 3:4, 5) Asi, akabvuma nokuzvininipisa kuti kukwanisa kwake somushumiri kwaibva, kwete muzvikoro zvedzidzo yepamusoro, asi kuna Jehovha Mwari. Kukwanisa ikoko ndokwevanhu vashoma vepamusoro chete here? Pauro akanyorera ungano yeKorinde nezvo“kunyatsokwanisa kwedu.” Chokwadi, izvozvo zvinopa pfungwa yokuti Jehovha anova nechokwadi chokuti vashumiri vake vose vakatendeka vanokwanisa, vachigona kuita basa raakavaudza kuti vaite. Jehovha anoita sei kuti vaKristu vechokwadi vave vanokwanisa nhasi? Ngatikurukurei nzira nhatu dzaanoshandisa, dzinoti: (1) Shoko rake, (2) mudzimu mutsvene wake, uye (3) sangano rake repasi.
Shoko raJehovha Rinotiita Kuti Tikwanise
5, 6. Magwaro Matsvene ane simba rei pavaKristu vechokwadi?
5 Chokutanga, Shoko raMwari rinoita sei kuti tikwanise kuva vashumiri? Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari ave anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) Saka Magwaro Matsvene anotibatsira kuti ‘tikwanise kwazvo, tishongedzerwe zvakakwana’ kuita ‘basa rakanaka’ rokudzidzisa vanhu nezveShoko raMwari. Zvisinei, zvakadini nevapindi vose vemachechi echiKristudhomu? Vane mukana wokuverenga Bhaibheri. Bhuku rimwe chete irori ringabatsira sei vamwe vanhu kuti vave vashumiri vanokwanisa nepo risingabatsiri vamwe? Mhinduro yacho ine chokuita nemaonero atinoita Bhaibheri.
6 Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vanopinda chechi havagamuchiri shoko reBhaibheri “sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.” (1 VaTesaronika 2:13) ChiKristudhomu chakazviitira mukurumbira unonyadzisa panyaya iyi. Vapedza makore anoverengeka vachidzidza muzvikoro zvechitendero, vafundisi vakashongedzerwa zvakakwana sevadzidzisi veshoko raMwari here? Kana. Inga vamwe vadzidzi vanotanga zvidzidzo zvavo kuzvikoro izvi vachidavira Bhaibheri asi vozopedza kudzidza vasisina chokwadi naro! Kana vadai, panzvimbo pokuparidza Shoko raMwari—iro vakawanda vavo vanenge vasisadaviri nomwoyo wose—vanonangidzira ushumiri hwavo pazvimwe zvinhu, vachibatanidzwa mumagakava ezvematongerwe enyika, vachisimudzira kunonzi kushandisa nheyo dzechiKristu muzvinetso zvevanhu, kana kusimbisa uzivi hwenyika ino mumharidzo dzavo. (2 Timoti 4:3) Kusiyana neizvi, vaKristu vechokwadi vanotevera muenzaniso waJesu Kristu.
7, 8. Maonero aiita Jesu Shoko raMwari aisiyana sei neaya evatungamiriri vechitendero vomuzuva rake?
7 Jesu haana kubvumira vatungamiriri vechitendero vomuzuva rake kuumba mafungiro ake. Angave aidzidzisa boka duku, rakadai sevaapostora vake, kana kuti mapoka makuru evanhu, Jesu aishandisa zvakanaka zvinyorwa zvitsvene. (Mateu 13:10-17; 15:1-11) Muitiro uyu wakamusiyanisa nevatungamiriri vechitendero vomuzuva iroro. Vairambidza zvakasimba kuti vanhuwo zvavo vatarisise muzvinhu zvakadzika zvaMwari. Kutaura zvazviri, zvakanga zvakajairika kuti mudzidzisi wemazuva iwayo ataure kuti dzimwe ndima dzeMagwaro dzakanga dzakaoma zvakanyanya zvokuti dzakanga dzisingaiti kukurukura naani zvake kunze kwomudzidzi waanoda zvikuru—uye kunyange zvikadaro, zvaitozoitwa nenzwi rakaderera uye musoro wakafukidzwa. Vatungamiriri vechitendero ivavo vanenge vainzwa kuti zvinoyera kukurukura dzimwe ndima dzeBhaibheri semanzwiro avaiita pamusoro pokudana zita raMwari!
8 Kristu akanga asina kudaro. Aidavira kuti vanhu vose, kwete vashomanana, vaifanira kudzidza “kutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.” Jesu akanga asingafariri kupa kiyi yezivo kuboka rakakwirira renyanzvi. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Zvandinokuudzai murima, taurai muchiedza; uye zvamunonzwa zvichiitwa zevezeve, paridzai muri pamusoro pedzimba.” (Mateu 4:4; 10:27) Jesu aida kwazvo kupawo vanhu vakawanda sezvaibvira zivo yaMwari.
9. VaKristu vechokwadi vanoshandisa sei Bhaibheri?
9 Shoko raMwari rinofanira kuva chinhu chikuru pakudzidzisa kwedu. Somuenzaniso, pakupa hurukuro muImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, kakawanda hazvina kukwana kungoverenga ndima dzakasarudzwa muBhaibheri. Tingada kutsanangura, kuenzanisira, uye kutaura panoshanda magwaro. Vavariro yedu ndeyokutora shoko reBhaibheri papeji yakadhindwa kwava kuripinza mumwoyo yevateereri vedu. (Nehemia 8:8, 12) Bhaibheri rinofanirawo kushandiswa apo zano rinenge richifanira kupiwa kana kuti chirango chokururamisa chichifanira kupiwa. Kunyange zvazvo vanhu vaJehovha vachitaura mitauro yakasiyana-siyana uye vachibva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, vose vanoremekedza bhuku guru pane ose—Bhaibheri.
10. Shoko rakafuridzirwa reBhaibheri rinogona kuva nesimba rakadini patiri?
10 Parinoshandiswa noruremekedzo rwakadaro, Shoko raMwari rine simba. (VaHebheru 4:12) Rinoita kuti vanhu vachinje muupenyu hwavo, zvakadai sokusiya miitiro isiri yomumagwaro youfeve, upombwe, kunamata zvidhori, kudhakwa, uye umbavha. Rabatsira vakawanda kwazvo kubvisa unhu hwekare uye kupfeka unhu hutsva. (VaEfeso 4:20-24) Hungu, kana tikariremekedza kudarika chero pfungwa kana tsika dzevanhu dzipi zvadzo ndokurishandisa nokutendeka, Bhaibheri rinogona kubatsira kutiita vanokwanisa, vakashongedzerwa zvakakwana sevadzidzisi veShoko raMwari.
Mudzimu waJehovha Unoita Kuti Tikwanise
11. Nei mudzimu mutsvene waJehovha uchinzi nenzira yakakodzera “mubetseri”?
11 Chechipiri, ngatikurukurei basa romudzimu mutsvene waJehovha, kana kuti simba rinoita basa, mukutishongedzera zvakakwana. Hatifaniri kumbokanganwa kuti mudzimu waJehovha ndiro simba guru guru riripo. Jehovha akaita kuti Mwanakomana wake anodiwa akwanise kushandisa simba rinotyisa iroro kuvaKristu vose vechokwadi. Nenzira yakakodzera Jesu akataura nezvomudzimu mutsvene so“mubetseri.” (Johani 16:7) Akakurudzira vateveri vake kukumbira mudzimu iwoyo kuna Jehovha, achivavimbisa kuti Jehovha aizoupa nomutsa.—Ruka 11:10-13; Jakobho 1:17.
12, 13. (a) Nei zvichikosha kuti tinyengeterere mudzimu mutsvene kuti utibatsire muushumiri hwedu? (b) VaFarisi vakaratidza sei kuti mudzimu mutsvene wakanga usingashandi mavari?
12 Tinofanira kunyengeterera mudzimu mutsvene zuva nezuva, zvikurukuru kuti utibatsire muushumiri hwedu. Simba iroro rinoita basa rinotibatsirei? Rinogona kushanda mupfungwa dzedu nomwoyo, richitibatsira kuchinja, kukura, uye kutsiva unhu hwekare nohutsva. (VaKorose 3:9, 10) Rinogona kutibatsira kuvaka unhu hunokosha hwakafanana nohwaKristu. Vakawanda vedu tinogona kudzokorora VaGaratiya 5:22, 23 nomusoro. Ndima idzodzo dzinoronga zvibereko zvomudzimu waMwari. Chokutanga chacho rudo. Rudo runokosha muushumiri hwedu. Nei?
13 Rudo runokurudzira zvikuru. Kuda Jehovha nevamwe vanhu kunokurudzira vaKristu vechokwadi kutaurira vamwe mashoko akanaka. (Mako 12:28-31) Tisina rudo rwakadaro, hataigona zvechokwadi kuva vadzidzisi veShoko raMwari. Ona kusiyana kwaiva kwakaita Jesu nevaFarisi. Mateu 9:36 inoti nezvaJesu: “Achiona mapoka evanhu akasiririswa navo, nokuti aibatwa zvisina kufanira uye akanga akapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” VaFarisi vainzwa sei pamusoro pevanhuwo zvavo? Vaiti: “Boka revanhu iri risingazivi Mutemo vanhu vakatukwa.” (Johani 7:49) VaFarisi ivavo vaisada vanhu, asi vaivasema zvikuru. Zvakajeka kuti mudzimu waJehovha wakanga usingashandi mavari.
14. Muenzaniso waJesu wokuratidza rudo muushumiri hwake unofanira kutikurudzira sei?
14 Jesu ainzwira vanhu tsitsi. Aiziva kurwadziwa kwavo. Aiziva kuti vakanga vachibatwa zvisina kunaka, uye vakanga vakapararira semakwai asina mufudzi. Johani 2:25 inotiudza kuti Jesu “aiziva zvakanga zviri mumunhu.” Nokuti aiva Mhizha yaJehovha pakusika, Jesu ainyatsonzwisisa zvakaita vanhu. (Zvirevo 8:30, 31) Kunzwisisa ikoko kwakadzamisa rudo rwake. Nguva dzose rudo rwakadaro ngarutikurudzire mubasa redu rokuparidza! Kana tichinzwa kuti tinokwanisa kuvandudza pane izvi, ngatinyengeterere mudzimu mutsvene waJehovha toita maererano neminyengetero yedu. Jehovha achatipindura. Achatitumira simba iri risingakundikani kuti atibatsire kuva vakafanana naKristu, uyo akanga achikwanisa kwazvo kuparidza mashoko akanaka.
15. Mashoko aIsaya 61:1-3 aishanda sei kuna Jesu uye panguva imwe cheteyo achifumura vanyori nevaFarisi?
15 Zvaidiwa naJesu kuti akwanise kuita basa iri zvaibva kupi? “Mudzimu waJehovha uri pandiri,” akadaro. (Ruka 4:17-21) Hungu, Jehovha pachake akagadza Jesu achishandisa mudzimu mutsvene. Jesu akanga asingadi zvimwe zvaizomuita kuti akwanise. Vatungamiriri vechitendero vomuzuva rake vakanga vagadzwa nomudzimu mutsvene here? Aiwa. Uye vakanga vasina kushongedzerwa kuzadzika rugwaro rwaIsaya 61:1-3, rwakaverengwa naJesu nenzwi guru akataura kushanda kwarwo kwaari. Tapota verenga ndima idzodzo, wozvionera kuti vanyori nevaFarisi vainyengera ivavo vakanga vasingambozvikwanisi. Vakanga vasina mashoko akanaka okuzivisa kuvarombo. Uye vaizokwanisa sei kuparidza kusunungurwa kune vakatapwa uye kuti mapofu aone? Mupfungwa yomudzimu, ivo pachavo vaiva mapofu, vakasungwa netsika dzevanhu! Kusiyana nevanhu ivavo, tinokwanisa kudzidzisa vanhu here?
16. Vanhu vaJehovha nhasi vanganzwa chivimbo chei maererano nezvinhu zvinodiwa kwavari sevashumiri?
16 Ichokwadi kuti hatina kudzidza muzvikoro zvepamusoro zvechiKristudhomu. Hatina kugadzwa kuva vadzidzisi nechikoro chinodzidzisa zvechitendero. Saka hatina here zvinodiwa kuti tidzidzise? Aiwa! Kugadzwa kwedu seZvapupu zvake kunoitwa naJehovha. (Isaya 43:10-12) Kana tichinyengeterera mudzimu wake toshanda maererano nomunyengetero wedu, tine zvinodiwa zvepamusoro-soro. Chokwadi, hatina kukwana uye hatikwanisi kunyatsotevedzera muenzaniso wakaratidzwa noMudzidzisi Mukuru, Jesu. Kunyange zvakadaro, hationgi here kuti Jehovha anoshandisa mudzimu wake kuita kuti tikwanise uye kutishongedzera sevadzidzisi veShoko rake?
Sangano raJehovha Rinoita Kuti Tikwanise
17-19. Misangano mishanu yevhiki nevhiki inogoverwa nesangano raJehovha inotibatsira sei kukwanisa sevashumiri?
17 Iye zvino ngatikurukurei nzira yechitatu iyo Jehovha anotishongedzera nayo sevadzidzisi veshoko rake—ungano yake yepasi, kana kuti sangano, rinotirovedza kuva vashumiri. Sei? Imbofunga nezvepurogiramu yemirayiridzo yatinova nayo! Pavhiki, tinopinda misangano yechiKristu mishanu. (VaHebheru 10:24, 25) Tinoungana mumapoka maduku paChidzidzo Chebhuku Cheungano kuti tidzidze Bhaibheri zvakadzama tichishandisa bhuku rinowaniswa nesangano raJehovha. Nokuteerera uye kupawo mhinduro, tinodzidzisana uye tinokurudzirana. Mutariri wechidzidzo chebhuku anotipawo murayiridzo nokutibatsira somunhu mumwe nomumwe. PaMusangano Wavose neChidzidzo cheNharireyomurindi, tinowana zvimwe zvokudya zvomudzimu zvinovaka.
18 Chikoro chaMwari Choushumiri chakagadzirirwa kutipa mirayiridzo yokuti tingadzidzisa sei. Nokugadzirira hurukuro dzevadzidzi, tinodzidza nzira yokushandisa nayo Shoko raMwari kudzidzisa panhau dzakasiyana-siyana. (1 Petro 3:15) Wati wambopiwa hurukuro panhau yaiita seyakajairika, ndokuzoona uchidzidza chimwe chinhu chitsva nezvayo here? Izvozvo zvinowanzoitika. Hapana chingavandudza zivo yedu yenhau chinopfuura kuidzidzisa vamwe. Kunyange kana tisina kupiwa hurukuro yokupa isu pachedu, tinogona kungodzidza kuva vadzidzisi vari nani. Mumudzidzi mumwe nomumwe, tinocherechedza zvinhu zvakanaka, uye tinogona kufunga nzira yokutevedzera zvinhu izvozvo.
19 Musangano Webasawo wakagadzirirwa kutishongedzera sevadzidzisi veShoko raMwari. Vhiki nevhiki tinova nehurukuro dzinonakidza, kurukurirano, uye mienzaniso zvine chokuita noushumiri hwedu. Tichashandisa mharidzo ipi? Tingabata sei nezvinetso zvakati zvomundima yedu? Inzira dzipi dzokupupura dzatinogona kushandisa dzatingada kuongororazve? Chii chichaita kuti tive vadzidzisi vanobudirira patinodzokerazve nokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri? (1 VaKorinde 9:19-22) Mibvunzo yakadai nemimwe yakawanda inotaurwa nezvayo uye kukurukurwa zvakadzama paMusangano Webasa. Hurukuro dzakawanda dzepamusangano wacho dzinobva munyaya dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo, chimwe chishandiso chinopiwa kutishongedzera basa redu rinokosha.
20. Tingabatsirwa sei zvizere nemisangano nemagungano?
20 Nokugadzirira uye kupinda misangano yedu tobva tashandisa zvatinenge tadzidza pabasa redu sevadzidzisi, tinowana rovedzo yakakura. Asi pane zvakawanda. Tinewo misangano mikuru—magungano nekokorodzano—yakagadzirirwa kutishongedzera kuva vadzidzisi veshoko raMwari. Uye tinotarisira sei kunyatsoteerera uye kushandisa zano rakadaro!—Ruka 8:18.
21. Uchapupu hupi hunoratidza kuti kurovedzwa kwedu kwave kuchibudirira, uye ndiani anopiwa mbiri?
21 Kurovedza kwave kuchipiwa naJehovha kwave kuchibudirira here? Ngationgorore tione. Gore roga roga, mazana ezviuru zvevanhu ari kubatsirwa kudzidza dzidziso huru dzeBhaibheri uye kurarama maererano neizvo Mwari anoda kwaari. Nhamba yedu iri kuwedzera, asi hapana mumwe wedu anogona kuti ndiye ari kuzvikonzera. Tinofanira kuona zvinhu sezvazviri, sezvakaitwa naJesu. Akati: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.” Kufanana nevaapostora vekare, vakawanda vedu hatina kudzidza uye tiri vanhuwo zvavo. (Johani 6:44; Mabasa 4:13) Kubudirira kwedu kunobva kuna Jehovha, uyo anokwevera vanhu vane mwoyo wakatendeseka kuchokwadi. Pauro akazvitaura zvakanaka paakati: “Ndakadyara, Aporosi akadiridza, asi Mwari akaramba achiita kuti zvikure.”—1 VaKorinde 3:6.
22. Nei tisingambofaniri kuora mwoyo pamusoro pokuita zvizere ushumiri hwechiKristu?
22 Hungu, Jehovha Mwari ane chokuita nebasa redu sevadzidzisi veShoko rake. Tingasanzwa nguva dzose tichikwanisa sevadzidzisi. Asi yeuka, ndiJehovha anokwevera vanhu kwaari noMwanakomana wake. NdiJehovha anoita kuti tikwanise kushumira kuburikidza neShoko rake, mudzimu mutsvene wake, uye sangano rake repasi. Ngatibvume kurovedzwa naJehovha nokushandisa zvinhu zvakanaka zvaari kupa iye zvino kuita kuti tishongedzerwe zvizere sevadzidzisi veShoko raMwari!
Ungapindura Sei?
• Bhaibheri rinotishongedzera sei nokuda kwebasa rokuparidza?
• Mudzimu mutsvene unoita basa rei mukuita kuti tikwanise sevashumiri?
• Sangano raJehovha repasi pano rakubatsira sei kukwanisa kuva muparidzi wemashoko akanaka?
• Nei tingagona kuva nechivimbo patinopinda muushumiri?
[Mufananidzo uri papeji 25]
Somudzidzisi weShoko raMwari, Jesu akaratidza rudo nokuda kwevanhu