RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Ngaadane Varume Vakuru”
    Nharireyomurindi—1993 | May 15
    • 18, 19. Ibasai rinoita vakuru vechiKristu mukuwirirana naVaGaratia 6:2, 5?

      18 Vakuru vechiKristu vanofanira kutakura mutoro wavo kuboka raMwari. Vanofanira kuva vanotsigira. Somuenzaniso, Pauro akati: “Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa pano kumwe kudarika, imi [mune zvikwaniriso zvomudzimu, NW] mudzose wakadai nomwoyo wounyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuidzwawo. Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saizvozvo.” Muapostora Pauro akanyorawo, kuti: “Nokuti munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.”—VaGaratia 6:1, 2, 5.

      19 Tinogona sei kutakurirana mitoro bva tichitakura mutwaro wedu timene? Musiano murevo yamashoko echiGiriki anoshandurwa kuti “mitoro” na“mutwaro” unogovera mhinduro. Kana muKristu akapinda muchitambudzo chomudzimu chinorema zvikuru kwaari, vakuru navamwe vatendi biyake vaizomuyamura, nokudaro vachimubetsera kutakura “mitoro” yake. Zvisinei, munhu wacho amene anokarirwa kutakura “mutwaro” wake amene womutoro kuna Mwari.a Vakuru nenzira yomufaro vanotakura “mitoro” yehama dzavo kupfurikidza nekurudziro, zano rapaMagwaro, uye munyengetero. Bva, vakuru havatori “mutwaro” wedu womunhu oga womutoro womudzimu.—VaRoma 15:1.

  • “Ngaadane Varume Vakuru”
    Nharireyomurindi—1993 | May 15
    • a A Linguistic Key to the Greek New Testament, rakanyorwa naFritz Rienecker, rinorondedzera phor·tiʹon so“mutwaro uyo munhu anokarirwa kutakura” uye rinowedzera, kuti: “Raishandiswa seshoko rehondo nokuda kwebutwa romunhu kana kuti bhegi romurwi.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe