Ganhuro 19
Kukura Pamwe Chete Murudo
PAKUNYORERA vaKristu biyavo, vaapostora vaJesu Kristu vakaonesa kudikanwa kwokuti vanhu vamwe navamwe vakure kwete bedzi muzivo yakarurama asiwo murudo. Hwaro hwaikoku hwakanga huri rudo rwakaratidzwa naMwari amene norudo rwokuzvibayira rwaKristu, ane tsoka dzavaiedza kufamba madziri. (Joh. 13:34, 35; VaEf. 4:15, 16; 5:1, 2; VaF. 1:9; 1 Joh. 4:7-10) Vaiva nouhama, uye apo vaibetserana, zvisungo zvorudo zvaiva zvakatosimba zvikuru.
Apo nzara yakaparira nhamo yezvemari nokuda kwehama muJudhea, vaKristu muSiria nomuGirisi vakagoverana zvinhu zvavo kuti vadzibatsire. (Mabasa 11:27-30; VaR. 15:26) Apo vamwe vaitambudzwa, kutambura kwaiwanwa kwainzwikwa zvikuru nevamwe vaKristu, uye ivava vaitsvaka kupa yamuro.—1 VaK. 12:26; VaH. 13:3.
Chokwadika, vanhu vose vane simba rokuda, uye vamwe kunze kwavaKristu vanoita mabasa omutsa. Asi vanhu munyika yeRoma vaiziva kuti rudo rwairatidzwa navaKristu rwakanga rwakasiyana. Tertullian, uyo akanga ave ari muzivi wemitemo muRoma, akanokora mashoko tsinhiro dzavanhu venyika yeRoma pamusoro pavaKristu, achiti: “‘Tarirai,’ ivo vanodaro, ‘vanodanana sei . . . uye vakagadzirira sei kufirana.’” (Apology, XXXIX, 7) John Hurst, muHistory of the Christian Church yake (Vhoriyamu I, peji 146), anorondedzera kuti vanhu muCarthage yakare neAlexandria, mukati menhambo dzenhenda, vaidzinga pamberi pavo avo vaitambudzwa ndokubvisa pamiviri yevari kufa chinhu chipi nechipi chingave chiri choukoshi. Mukupesana, iye anoshuma kuti, vaKristu muidzi nzvimbo vaigoverana zvinhu zvavo, vaitarisira vanorwara, uye vaiviga vakafa.
Zvapupu zvaJehovha munguva dzazvino zvinoita mabasa anoratidzira kuitira hanya kwakadaro garikano yavamwe here? Kana zvakadaro, iwaya anoitwa navanhu vashomanene vakapararira bedzi, kana kuti sangano rose zvaro rinokurudzira ndokutsigira nhamburiko dzakadaro here?
Betsero Yorudo Muungano Dzomunzvimbomo
Pakati peZvapupu zvaJehovha, kutarisira nherera nechirikadzi muungano, pamwe chete navakatendeka vapi navapi vanotambura nhamo yakakomba, kunorangarirwa sorutivi rwokunamata kwazvo kwakachena. (Jak. 1:27; 2:15-17; 1 Joh. 3:17, 18) Hurumende dzenyika kazhinji kazhinji dzinoita gadziriro yezvipatara, dzimba dzavakweguru, uye gadziriro dzewerofeya yavanhu vasingashandi munzanga yose zvayo, uye Zvapupu zvaJehovha zvinotsigira gadziriro idzodzo kupfurikidza nokuripira mitero yazvo nenzira yokutungamirirwa nehana. Zvisinei, zvichiziva kuti Umambo hwaMwari bedzi hunogona kupedza nokusingaperi zvinetso zvorudzi rwomunhu, Zvapupu zvaJehovha zvinozvipa zvimene nezvinhu zvazvo zvikurukuru kukudzidzisa vamwe pamusoro paikoko. Irori ibasa rinokosha risina hurumende yavanhu inogovera.
Muungano dzinopfuura 69 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose, zvinodikanwa chaizvo zvinomuka nemhaka yokukwegura noundonda zvavanhu zvinowanzotarisirwa pahwaro hwomunhu oga. Sezvinoratidzwa pana 1 Timotio 5:4, 8, mutoro wacho uri zvikurukuru pamuKristu mumwe nomumwe kutarisira mhuri yake amene. Vana, vazukuru, kana kuti dzimwe hama dzokunyama dzapedyo dzinoratidzira rudo rwechiKristu kupfurikidza nokugovera rubatsiro kuvakweguru nendonda maererano nezvinodikanwa zvavo. Ungano dzeZvapupu zvaJehovha hadzinetesi iyi pfungwa yomutoro kupfurikidza nokutora misengwa yemhuri. Zvisinei, kana kusina mitezo yemhuri yapedyo, kana kuti kana avo vane mutoro vasingagoni zvavo kutakura mutoro wacho vari voga, vamwe vari muungano vanovayamura nenzira yorudo. Kwakuri madikanwa, ungano yose zvayo ingaita gadziriro yorubatsiro rwakati kuhama kana kuti hanzvadzi inoshayiwa iyo ine chinyorwa chenguva refu chebasa rokutendeka.—1 Tim. 5:3-10.
Ngwariro kuizvi zvinodikanwa hairegwi kusvikira zvinhu zvaipa. Pamarusando eChikoro Choushumiri hwoUmambo, icho vakuru vakapinda vapindazve kubvira muna 1959, musengwa wavo pamberi paMwari muna ikoku savafudzi veboka wakapiwa rangariro chaiyo kazhinji kazhinji. (VaH. 13:1, 16) Hakusati kuri kuti vakanga vasingazivi ichi chinodikanwa nguva iyoyo isati yasvika. Muna 1911, somuenzaniso, betsero yokunyama yakagoverwa neOldham Ungano iri muLancashire, England, kuavo vaiva pakati pavo vakanga vari kutarisana nezvinetso zvemari zvakakomba. Zvisinei, kubvira panguva iyoyo sangano romunyika yose rakura, nhamba yevari kutambura zvinetso zvakakomba yawedzera, uye Zvapupu zvaJehovha zvazova zvinoziva nenzira inowedzera izvo Bhaibheri rinoratidza kuti zvinofanira kuita mumamirire ezvinhu akadaro. Zvikurukuru mumakore achangobva kupfuura aya, mabasa omuKristu mumwe nomumwe kuavo vari pakati pavo vane zvinodikanwa chaizvo—vakweguru, ndonda, mhuri dzine mubereki mumwe, uye avo vari muchinetso chezvemari—akakurukurwa neungano dzose pamisangano yadzo.a
Itiro hanya iyo Zvapupu zvimwe nezvimwe zvinoratidza nokuda kwavamwe inopfuura zvikuru kutaura kuti, “Mudziyirwe, mugute.” Izvo zvinoratidzira fariro yomunhu oga yorudo. (Jak. 2:15, 16) Rangarira mienzaniso mishomanene.
Apo imwe mhandara yeSweden, mumwe weZvapupu zvaJehovha, yakabatwa nemeningitis apo yakanga ichishanyira Greece muna 1986, yakawanawo chakunoreva kuva nehama dzechiKristu nehanzvadzi munyika dzakawanda. Baba vayo muSweden vakaziviswa. Pakarepo vakakurukura nomukuru womuungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha muSweden uye, kupfurikidza naye, vakakurukura neChapupu muGreece. Kutozosvikira chava kukwanisa kudzokera kuSweden vhiki nhatu gare gare, shamwari itsva dzeChapupu chiduku muGreece hadzina kutongomusiya asingatarisirwi.
Nenzira yakafanana, apo chimwe Chapupu chakwegura, pfunda, muWallaceburg, Ontario, Canada, chaida rubatsiro, imwe mhuri iyo chakanga chayamura mumudzimu yakaratidza kuonga kwayo kupfurikidza nokuchiita rutivi rwemhuri. Makore mashomanene gare gare apo vakatamira kuBarry’s Bay, chakaenda navo. Chakagara navo uye chakatarisirwa nenzira yorudo navo kwamakore 19, kutozosvikira chafa muna 1990.
MuNew York City, vamwe varoorani vari Zvapupu vaitarisira mumwe murume akwegura uyo akanga achipinda misangano paHoro yavo yoUmambo, vachiita saizvozvo kwamakore 15, kutozosvikira afa muna 1986. Apo iye akarohwa nesitiroko, vaienda kundomutengera zvinhu, kuchenesa, kubika, uye kugeza mbatya. Vaimubata sokunge akanga ari baba vavo vamene.
Zvinodikanwa zvamamwe marudzi zvinopiwawo ngwariro yorudo. Varoorani vari Zvapupu muUnited States vakanga vatengesa musha wavo ndokutamira kuMontana kuti vabetsere imwe ungano ikoko. Pashure penguva yakati, zvisinei, zvinetso zvakakomba zvoutano zvakatanga, hama yakabudiswa basa, uye mari yavo yakapera. Vaizorarama sei? Hama yakanyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero. Sezvo yakapedza kunyengetera, Chapupu biyayo chakagogodza pasuo. Pamwe chete vakaenda kundonwa kofi. Apo hama yacho yakadzoka, yakawana tafura yomukicheni yakazara negirosari. Pamwe chete negirosari paiva neemvuropu yaiva nemari netsamba yairava, kuti: “Zvabva kuhama dzenyu nehanzvadzi, dzinokudai zvikuru kwazvo.” Ungano yakanga yaziva kushayiwa kwavo, uye vose vakanga vagoverana mukubetsera. Vaororwa zvikuru norudo rwavo, iye nomudzimai wake vaisagona kurega kuchema nokuonga Jehovha, ane muenzaniso worudo uyo unonyandura vabatiri vake.
Itiro hanya yorupo iyo Zvapupu zvaJehovha zvinoratidzira avo vari pakati pavo vanowira mukushayiwa yazosvika pakuzivikanwa zvikuru. Padzimwe nguva, vanyengeri vakashandisa zvisakafanira. Naizvozvo Zvapupu zvakafanira kudzidza kuva zvakachenjera, nepo zvisingaganhuriri chishuvo chazvo chokubetsera vakafanirwa.
Apo Hondo Inosiya Vanhu Vari Varombo
Mumativi akawanda apasi, vanhu vakasiyiwa vari varombo somugumisiro wehondo. Masangano anobetsera anoedza kugovera betsero, asi uyu muitiro unowanzononoka kushanda. Zvapupu zvaJehovha hazvivi nomurangariro wokuti basa rinoitwa namasangano akadaro rinozvibvisira basa kuhama dzazvo dzechiKristu muidzi nharaunda. Apo zvinoziva kuti hama dzazvo dziri kushayiwa, izvo hazvi‘pfigi masuo etsitsi huru dzazvo’ pavanhu vakadaro asi zvinokurumidza kuita zvazvinogona kudziunzira betsero.—1 Joh. 3:17, 18.
Mukati meHondo Yenyika II, kunyange mukati menyika dzainetswa neperevedzo, Zvapupu zvaiva mumaruwa zvakanga zvichine migove yezvokudya zvakagoverana iyoyi nehama dzaishayiwa dzaiva mumaguta. MuNetherlands ikoku kwakaitwa nengozi huru nemhaka yeganhuriro dzakakasharara dzakaiswa navaNazi. Apo aiva parwendo rwokubetsera rwakadaro pane imwe nhambo, Gerrit Böhmermann akanga achitungamirira boka rehama rakatasva mabhasikoro akanga akatakura zvokudya zvakafukidzwa netende. Kamwe kamwe vakasvika panzvimbo panonzverwa zvinhu muguta reAlkmaar. “Pakanga pasina chisarudzo kunze kwokuvimba zvizere naJehovha,” akadaro Gerrit. Asingaderedzi zvikuru kumhanya, iye akadanidzira nenzwi guru kumukuru mukuru, kuti: “Wo ist Amsterdam?” (Ndeipi nzira inoenda kuAmsterdam?) Mukuru mukuru akasuduruka ndokunongedzera mberi sezvaaidanidzira, kuti: “Geradeaus!” (Rambai muchienda mberi!) “Danke schön!” (Mazvita!) yakanga iri mhinduro yaGerrit sezvo boka rose rakatasva mabhasikoro rakapfuura richimhanya zvikuru apo boka rakakatyamadzwa raitarira. Pane imwe nhambo, Zvapupu zvakabudirira mukuunza mbatatisi dzakazadza igwa rose kuhama dzazvo muAmsterdam.
Mukati chaimo memisasa yevasungwa muEurope, uyu mudzimu wakaratidzwa neZvapupu zvaJehovha. Apo akanga akapfigirwa mumusasa pedyo neAmerfoort, muNetherlands, mumwe aiva nemakore 17 okukura akapera kutozosvikira aonda zvikuru. Asi mumakore apashure, haana kutongokanganwa kuti pashure pokunge vamanikidzwa kurovedza muviri mumvura yainaya kutozosvikira pakati pousiku uye ipapo vakanyimwa zvokudya, chimwe Chapupu chakabva kurumwe rutivi rwomusasa chakakwanisa kusvika kwaari ndokuisa chidimbu chechingwa muruoko rwake. Uye mumusasa wevasungwa weMauthausen muAustria, chimwe Chapupu chaiva nomugove waida kuti chibve kune chimwe chikamu chomusasa kuenda kune chimwe kazhinji kazhinji chakaisa upenyu hwacho mungozi kupfurikidza nokuendesa zvokudya izvo Zvapupu zvakanga zvachengeta mumugove wazvo wezvokudya zvishoma kune zvimwe Zvapupu zvakanga zvichinyimwa zvakakomba zvikuru.
Pashure pehondo Zvapupu zvaJehovha zvakabuda mumatorongo eGermany nemisasa yevasungwa zvakanga zvisina chinhu kunze kwembatya dzokutorongo dzazvakanga zvakapfeka. Zvinhu zvavakawanda vaisava mutorongo zvakanga zvaparadzwa. Zvokudya, zvipfeko, uye mafuta zvakanga zviri zvishoma muzhinji yeEurope yose. Zvapupu zvaJehovha munyika idzodzi zvakakurumidza kuronga misangano yeungano ndokuvamba kubetsera vamwe mumudzimu kupfurikidza nokugoverana navo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Asi izvo zvimene zvaida betsero mune dzimwe nzira. Vakawanda vazvo vakanga vakaneta kwazvo nenzara zvokuti kazhinji kazhinji vaizheuka mukati memisangano.
Heano mamirire ezvinhu ayo Zvapupu zvakanga zvisina kutarisana nawo kare pamwero mukuru wakadaro. Zvisinei, mwedzi umene apo hondo yakaguma pamutemo munharaunda yePacific, Zvapupu zvaJehovha zvakaita kokorodzano chaiyo muCleveland, Ohio, apo zvakakurukura chaifanira kuitwa kugovera betsero hama dzazvo dzechiKristu munyika dzakasakadzwa nehondo uye nzira yokukuita nayo. Hurukuro inofadza inoti “Chipo Chake Chisingatauriki,” yakapiwa naF. W. Franz, yakapa zano rapaMagwaro iro rakagutsa zvizere zvinodikanwa zvemamirire ezvinhu.b
Mukati mevhiki shomanene, nokukurumidza apo kufamba kupi nokupi munharaunda kwakabvumidzwa, N. H. Knorr, purezidhendi weWatch Tower Society, uye M. G. Henschel vakaenda kuEurope kundoona zvakananga mamirire ezvinhu. Kunyange vasati vaenda parwendo irworwo, gadziriro dzokubetsera dzakanga dziri kushandiswa.
Zvinhu zvakatumirwa zvapakuvamba zvakaenda zvichibva kuSwitzerland neSweden. Zvakawanda zvakatevera zvichibva Canada, United States, uye dzimwe nyika. Kunyange zvazvo nhamba yeZvapupu munyika dzakanga dzichikwanisa kugovera betsero yakadaro panguva iyoyo yaisvika vanenge 85 000 bedzi, izvo zvakatanga kutumira zvipfeko nezvokudya kuZvapupu biyazvo muAustria, Belgium, Bulgaria, China, Czechoslovakia, Denmark, England, Finland, France, Germany, Greece, Hungary, Italy, Netherlands, Norway, Philippines, Poland, uye Romania. Iyoyo yakanga isati iri nhamburiko yenguva imwe. Zvinhu zvakatumirwa zvokubetsera zvakapfuurira kwamakore maviri nehafu. Pakati paJanuary 1946 naAugust 1948, zvakatumira makirogiramu 479 114 ezvipfeko, shangu 124 110, uye makirogiramu 326 081 ezvokudya sezvipo kuZvapupu biyazvo. Hakuna nedzimwe dzemari dzacho dzakatorwa nokuda kwendyiko dzokutarisira. Kuronga nokurongedza zvakaitwa navazvipiri vasingabhadharwi. Mari dzose dzakapiwa dzakashandiswa kubetsera avo dzakapiwa nokuda kwavo.
Chokwadika, kudikanwa kwebetsero kuvapoteri nokuvamwe vakasiyiwa vari varombo nehondo hakuna kuguma shure ikoko muma1940. Kwave kune mazana ehondo kubvira muna 1945. Uye itiro hanya yorudo imwe cheteyo yakapfuurira kuratidzwa neZvapupu zvaJehovha. Ikoku kwakaitwa mukati napashure pehondo yeBiafra muNigeria, kubvira muna 1967 kusvikira kuna 1970. Yamuro yakafanana yakagoverwa muMozambique mukati mema1980.
MuLiberiawo, makanga mune nzara somugumisiro wehondo iyo yakavamba muna 1989. Sezvo vanhu vakatiza, komboni yeWatch Tower muMonrovia yakazadzwa nemazana evapoteri. Zvokudya zvipi kana zvipi zvaiwanika imomo, pamwe chete nemvura yomutsime, zvakagoveranwa navose vari vaviri Zvapupu navavakidzani vaisava Zvapupu. Ipapo, nokukurumidza apo mamirire ezvinhu akabvumidza, mimwe migove yokubetsera yakabva kuZvapupu muSierra Leone neCôte d’Ivoire muWest Africa, Netherlands neItaly muEurope, uye United States.
Zvakare, muna 1990, pashure pokunge hondo muLebanon yasiya zvikamu zveBeirut zvichitarisika sokunge kudengenyeka kwapasi kwakanga kwaitika, vakuru pakati peZvapupu zvaJehovha vakaronga dare rokubetsera mumamirire ezvinhu anoda betsero yokukurumidza kuti ripe betsero yaidikanwa kuhama. Vakanga vasingafaniri kukumbira vazvipiri; zuva rimwe nerimwe vakawanda vakabetsera.
Mukati menhambo yevhiringidziko huru yezvamatongerwe enyika neyezvemari muEurope, Zvapupu zvaJehovha muAustria, Czechoslovakia, Hungary, uye Yugoslavia zvakatumira matani anopfuura 70 ezvinhu zvaidikanwa kuhama dzazvo dzechiKristu muRomania muna 1990.
Ikoku kwakateverwa nedzimwe nzendo dzokubetsera muEastern Europe. Mutumbi Unodzora wakakumbira hofisi yebazu yeWatch Tower Society muDenmark kuronga kubetsera Zvapupu zvaishayiwa muUkraine. Ungano dzakaziviswa uye dzakanga dzichidisa kugoverana. Pana December 18, 1991, marori mashanu nevan mbiri dzaichairwa navazvipiri vari Zvapupu dzakasvika kuLviv namatani 22 emigove—ratidzirwo yeitiro hanya yorudo nokuda kwehama dzazvo dzechiKristu. Kupfuurira kupinda muna 1992, zvinhu zvakatumirwa zvakasvikawo zvichibva kuZvapupu muAustria—matani anopfuura 100 ezvokudya nezvokupfeka. Mimwe migove yakatumirwa ichibva kuZvapupu muNetherlands—kutanga matani 26 ezvokudya, tevere mudungwe wamarori 11 aiva nezvipfeko, ipapo zvimwe zvokudya kugonana nokushayiwa kwaipfuurira. Vagamuchiri vakaonga Mwari ndokutarira kwaari nokuda kwouchenjeri mukushandisa zvakanga zvagoverwa. Ivo vakabatana mumunyengetero vasati vaburutsa zvinhu mumarori uye zvakare apo basa racho rakanga rapedzwa. Zvimwe zvinhu zvakawanda zvakatumirwa neZvapupu muItaly, Finland, Sweden, uye Switzerland. Panguva apo kwose ikoku kwakanga kuchiitika, mamirire ezvinhu akavhiringidzika pakati penyika dzine hurumende inosarudzwa nevoruzhinji idzo dzaichimboumba Yugoslavia akaparira kushayiwa ikoko. Migove yezvokudya, zvipfeko, uye mishonga zvakatumirwawo kunharaunda iyoyo. Munguvayo, Zvapupu mumaguta ari ikoko zvakagovera misha yazvo kuti zvitarisire avo vaiva nedzimba dzakanga dzaparadzwa.
Pane dzimwe nguva avo vanoda betsero zvikuru vari munzvimbo dziri kure, uye mamirire ezvinhu zvavo haasati achizivikanwa zvikuru. Ndizvo zvakwakanga kwakaita nemhuri 35 dzeZvapupu zvaJehovha muGuatemala. Misha yadzo yakanga yavhozhokerwa namapato airwa. Apo dzakakwanisa pakupedzisira kudzoka muna 1989, dzaida betsero kuti dzivakezve. Kuwedzera rubatsiro rwaigoverwa nehurumende kune vaidzorerwa kunyika yavo, hofisi yeWatch Tower Society yakaumba dare remamirire ezvinhu anoda betsero yokukurumidza kuti ribatsire idzi mhuri dzaiva Zvapupu, uye zvimwe Zvapupu 500 zvakabva muungano 50 zvakazvipira kubetsera nokuvakazve.
Kune mamwe mamirire ezvinhu anopinzawo vanhu mukushayiwa kwakakomba kupfurikidza neisati iri mhaka yavo vamene. Kudengenyeka kwapasi, madutu, uye mafashamo ndezvinoitika kazhinji kazhinji. Paavhareji, kunotaurwa kuti, nyika inotapurwa nengwavaira huru dzinopfuura 25 gore rimwe nerimwe.
Apo Masimba Omusikirwo Anoparadza
Apo mamirire ezvinhu anoda betsero yokukurumidza anotapura Zvapupu zvaJehovha anomuka nemhaka yengwavaira, nhano dzapakarepo dzinoitwa kugovera rubatsiro runodikanwa. Vakuru vomunzvimbomo vakadzidza kuti pakunangana nemamirire ezvinhu akadaro, vanofanira kushandisa nhamburiko yepachokwadi kuti vaonane nomumwe nomumwe ari muungano. Hofisi yebazu yeWatch Tower Society iyo inotarisira basa roUmambo munharaunda iyoyo inonzvera nokukurumidza mamirire ezvinhu uye ipapo inoshuma kudzimbahwe renyika. Uko betsero huru inodikanwa kupfuura inogona kugoverwa munzvimbomo, gadziriro dzakasanotsinhiraniswa dzinoitwa, padzimwe nguva kunyange pamwero wemarudzi akawanda. Vavariro haisati iri yokuedza kusimudzira mupimo wokurarama waavo vanotapurwa asi kuvabetsera kuva nezviri madikanwa zvoupenyu zvavakanga vakarovedzana nazvo.
Mushumowo zvawo wengwavaira muterevhizheni wakakwana kusunda Zvapupu zvakawanda kuridzira runhare vakuru vane mutoro munharaunda yacho kuti zvigovere betsero dzazvo kana kuti kugovera mari kana kuti zvinhu. Vamwe vangatumira mari kuhofisi yebazu kana kuti kudzimbahwe renyika kuti ishandiswe nokuda kwezvinangwa zvokubetsera. Vanoziva kuti betsero inodikanwa, uye vanoda kugoverana. Uko kunenge kune kushayiwa kukuru zvikuru, Watch Tower Society ingazivisa hama munharaunda yakati kuti dzigone kubetsera sezvadzinokwanisa. Dare rokubetsera rinoumbwa kuti ritsinhiranise kutarisirwa kwezvinhu munharaunda ine ngwavaira.
Nokudaro, apo zhinjisa yeManagua, Nicaragua, yakaparadzwa nokudengenyeka kwapasi kune simba muna December 1972, vatariri veungano dzeZvapupu zvaJehovha munharaunda imomo vakasangana mukati memaawa mashomanene kuti vatsinhiranise nhamburiko dzavo. Kunzvera kwapakarepo kwakaitwa pamusoro pegarikano yeChapupu chimwe nechimwe muguta. Zuva rimwe chetero migove yokubetsera yakavamba kusvika ichibva kuungano dziri pedyo; ipapo iyo yakakurumidza kubva kuCosta Rica, Honduras, uye El Salvador. Nzvimbo gumi neina dzokuparadzira betsero dzakarongwa kunze kweManagua. Mari nemigove zvakabva kuZvapupu mumativi akawanda enyika zvakapinzwa muNicaragua kupfurikidza nedzimbahwe ramarudzi akawanda reWatch Tower Society. Zvokudya nemimwe migove (kubatanidza makenduru, machisi, uye sipo) zvakaparadzirwa mukuwirirana nokukura kwemhuri imwe neimwe, mugove wamazuva manomwe uchipiwa kumhuri imwe neimwe. Pakushanda kukurusa, vanhu 5 000—Zvapupu, mhuri dzazvo, uye hama dzokunyama dzavakanga vachigara nadzo—vakanga vachipiwa zvokudya. Mabasa okubetsera akapfuurira kwemwedzi gumi. Pakuona zvakanga zvichiitwa, masangano ehurumende neRed Cross zvakaitawo kuti zvokudya, tende, uye mimwe migove zviwanike.
Muna 1986, apo kuputika kwegomo kwakamanikidza kubudiswa kwavanhu 10 000 muchitsuwa cheIzu-Oshima, pedyo nemhenderekedzo yegungwa yeJapan, magwa akatakura vapoteri akasanganwa nawo neZvapupu zvaJehovha izvo zvaitsvaka nenzira yokushingaira kuti zviwane hama dzazvo dzomudzimu. Mumwe wavakabudiswa akati: “Apo takabva muOshima, isu timene takanga tisingazivi kwatakanga tichienda.” Chinhu chiri chose chakanga chaitika nokukurumidza kwazvo. “Sezvo takaburuka mungarava, zvisinei, takaona chiratidzo chaiti, ‘Zvapupu zvaJehovha.’ . . . Misodzi yakabuda mumaziso omudzimai wangu sezvo akakurirwa nezororo pakuwana hama dzedu dziri ipapo kuti dzisangane nesu panzvimbo inoburuka vanhu mungarava.” Pashure pokucherekedza kuti Zvapupu zvaibudiswa zvaitarisirwa sei, kwete bedzi pakusvika kwazvo asiwo pashure pacho, kunyange vanhu vakanga vazvidzinga kare vakati: “Makaita chinhu chakanaka mukunamatira kurudzidziso irworwo.”
Nhamburiko iri yose inoitwa neZvapupu kupinza betsero munharaunda dzine ngwavaira nokukurumidza chaizvo sezvinobvira. Muna 1970, apo Peru yakarovanywa nokumwe kwokudengenyeka kwapasi kunoparadza zvikurusa munhau yayo, mari dzokubetsera mumamirire ezvinhu anoda betsero yokukurumidza dzakatumirwa nokukurumidza dzichibva kudzimbahwe renyika muNew York, uye matani 15 ezvipfeko akatevera. Kunyange zvinhu zvakatumirwa izvozvo zvisati zvasvika, zvisinei, Zvapupu zvakanga zvachaira motokari dzaifamba pamwe chete dzaiva nemigove yokubetsera munharaunda umo maguta nemisha zvakanga zvaparadzwa, zvichiita saizvozvo mukati memaawa mashomanene pashure pokunge migwagwa yazarurwa. Nenzira inofambira mberi mumazuva nevhiki zvakatevera, zvakagovera betsero yaidikanwa, zvose zviri zviviri yokunyama neyomudzimu, kumapoka akasiyana-siyana pamusoro peAndes. Uye, muna 1980, apo mativi eItaly akazununguswa nokudengenyeka kwapasi kwakakomba mukati mamanheru aNovember 23, marori okutanga aiva nemigove yakatumirwa neZvapupu zvakasvika munharaunda yakarovanywa zuva rakatevera rimene. Pakarepo vakavaka imba yokubikira yavo vamene, umo maibva zvokudya zvaibikwa nehanzvadzi zvaiparadzirwa zuva rimwe nerimwe. Mumwe mucherekedzi wenhamburiko dzokubetsera pachimwe chitsuwa cheCaribbean akatsinhira, kuti: “Zvapupu zvakashanda nokukurumidza zvikuru kupfuura hurumende.” Zvichida ikoku ndokwechokwadi padzimwe nguva, asi Zvapupu zvaJehovha zvinoonga zvikuru betsero yavakuru vakuru avo vanogonesa nhamburiko dzazvo dzokusvika munharaunda dzine ngwavaira dzakadaro nokukurumidza.
Mukati menhambo yenzara muAngola muna 1990, kwakazivikanwa kuti Zvapupu imomo zvakanga zvichishayiwa zvikuru zvokudya nezvipfeko. Kuzvisvika kwaigona kuva chinetso, zvisinei, nemhaka yokuti kwakanga kwave kune chirambidzo paZvapupu zvaJehovha munyika iyoyo kwamakore akawanda. Kunyange zvakadaro, hama dzazvo dzechiKristu muSouth Africa dzakakwidza murori matani 25 emigove yokubetsera. Dziri munzira, dzakashanyira nzvimbo yomumiriri wenyika yeAngola uye dzakapiwa mvumo yokuyambuka muganhu. Kuti dzisvike hama, dzaifanira kupfuura nzvimbo 30 dzinomiswa motokari nevarwi, uye apo zambuko rakanga raparadzwa, dzaifanira kuyambuka rwizi rwakafashamira pazambuko rechinguvana rakanga ravakwa munzvimbo yaro. Pasinei zvapo naikoku kwose, zvinhu zvakatumirwa zvose zvakasvitswa zvakanaka.
Munguva dzengwavaira, zvakawanda zvinoitwa kupfuura kungotumira migove yokubetsera kunharaunda yacho. Apo kuputika nomwoto zvakaparadza nharaunda iri musabhabhu yeMexico City muna 1984, Zvapupu zvakakurumidza kusvika kuti zvigovere betsero. Asi Zvapupu zvakawanda munharaunda yacho zvaisagona kuzivikanwa kwazvaiva, naizvozvo vakuru vakaronga kutsvaka kune nhevedzano kuti vawane chimwe nechimwe. Zvimwe zvakanga zvapararira zvichienda kudzimwe nzvimbo. Kunyange zvakadaro, vakuru vakapfuurira kutozosvikira vawana vose zvavo. Rubatsiro rwakapiwa maererano nezvakanga zvichidikanwa. Muchinoitika cheimwe hanzvadzi yakanga yarasikirwa nomurume wayo nomwanakomana, ikoko kwakabatanidza kutarisira gadziriro dzamariro uye ipapo kugovera tsigiro yakazara, munyama nomumudzimu, nokuda kwehanzvadzi navana vayo vasara.
Kazhinji kazhinji, zvakawanda zvikuru zvinodikanwa zvinopfuura mishonga, zvokudya zvishomanene, uye zvipfeko. Muna 1989 dutu rakaparadza misha yeZvapupu 117 muGuadeloupe ndokuparadza zvakakomba misha yezvimwe 300. Zvapupu zvaJehovha muMartinique zvakakurumidza kuzviyamura; ipapo Zvapupu muFrance zvakatumira matani anopfuura 100 ezvinhu zvokuvakisa sechipo chokuzvibetsera. Pachitsuwa cheSt. Croix, apo chimwe Chapupu chakanga charasikirwa nomusha wacho chakaudza vashandi biyacho kuti Zvapupu biyacho zvakanga zvichibva kuPuerto Rico kuti zvibetsere, ivo vakati: “Hazvisati zvichizokuitirai chinhu chipi nechipi. Muri munhu mutema, kwete wokuSpain saizvo.” Kukatyamadzwa kwakadini kwevashandi biyacho ivavo apo chakakurumidza kuva neimba itsva chose chose! Pashure pokudengenyeka kwepasi muCosta Rica muna 1991, Zvapupu zvomunzvimbomo navazvipiri vemarudzi akawanda vakashanda pamwe chete kuti vabetsere Zvapupu biyavo munharaunda ine ngwavaira. Vasingakariri kudzorerwa chinhu, vakavakazve misha 31 neHoro dzoUmambo shanu ndokugadzira dzimwe. Vacherekedzi vakati: ‘Mamwe mapoka anotaura rudo; imi munorwuratidza.’
Kusanoitwa kwenhamburiko dzokubetsera dzeZvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji kwakashamisa vacherekedzi. MuCalifornia, U.S.A., muna 1986, chinodzivisa mvura kufashamira paRwizi rwaYuba chakadimbuka uye mafashamo akamanikidza makumi ezviuru evanhu kusiya misha yawo. Vakuru vechiKristu munharaunda macho vakakurukura nedzimbahwe muNew York, uye dare rokubetsera rakaumbwa. Nokukurumidza apo mvura yakavamba kuserera, mazana avazvipiri akanga akagadzirira kushanda. Masangano okubetsera enyika asati akwanisa kutanga, misha yeZvapupu yakanga yave kutonatswa. Neiko vakakwanisa kuita nokukurumidza kwazvo?
Chinhu chikuru kwakanga kuri kudisa kweZvapupu kuzvipira pakarepo pasina muripo, pamwe chete nokupa kwazvo zvinhu zvaidikanwa. Chimwe chinhu chakanga chiri chokuti vakanga vane ruzivo rwokuzviwanira mukuronga nokushanda pamwe chete, sezvo zvichiita ikoku nguva dzose kuti zvitarisire kokorodzano dzazvo nokuvaka Horo dzoUmambo itsva. Bva chimwe chinhu chinokosha ndechokuti zvakafunga zvikuru izvo Bhaibheri rinoreva parinoti, “Dananai zvikuru.”—1 Pet. 4:8, NW.
Mipiro inoitwa kugovera zvinodikanwa zvakadaro kazhinji kazhinji inobva kuvanhu vamwe navamwe vane zvishomanene zvikuru ivo vamene. Tsamba dzavo dzinoperekedza dzinowanzotaura, kuti: ‘Ichi chipo chiduku, asi mwoyo wedu wose unoenda kuhanzvadzi dzedu nehama.’ ‘Ndinoshuva kuti kudai ndaigona kutumira zvakawanda, asi izvo Jehovha akandibvumira kuva nazvo ndinoshuva kugoverana.’ Kufanana navaKristu vomuzana rokutanga ramakore muMakedhonia, vanokumbira zvapachokwadi ropafadzo yokuva negoverano mukugovera zvinokosha zvoupenyu nokuda kwaavo vapinda mukushayiwa. (2 VaK. 8:1-4) Apo vokuKorea vanopfuura 200 000 vakasiyiwa vasina misha semugumisiro wokufashamira muna 1984, Zvapupu zvaJehovha muRepublic of Korea zvakaita chimwe chinhu nenzira yorupo kwazvo zvokuti hofisi yebazu yaifanira kuzivisa kuti kwakanga kuchisina imwezve betsero yaidikanwa.
Vacherekedzi vanogona kuona nenzira iri nyore kuti chimwe chinhu chinopfuura kunzwa kwomutoro kana kuti mutsawo zvawo chinonyandura Zvapupu. Zvinoda zvirokwazvo hama dzazvo nehanzvadzi dzechiKristu.
Mukuwedzera kukutarisira zvinodikanwa zvomuviri, Zvapupu zvaJehovha zvinopa ngwariro chaiyo kuzvinodikanwa zvomudzimu zvehama dzazvo munharaunda dzine ngwavaira. Gadziriro dzinoitwa nokukurumidza sezvinobvira chaizvo kuti misangano yeungano itangezve. MuGreece, muna 1986, ikoku kwaida kumisa tende huru kunze kweguta reKalamata yokushandisa seHoro yoUmambo, uye duku panzvimbo dzakasiyana-siyana nokuda kweFundo Dzebhuku Dzeungano dzapakati pevhiki. Nenzira yakafanana, pashure pokunge zvinodikanwa zvomuviri zvavapukunyuki vokukukurika kwemadhaka kunoparadza kuArmero, Colombia, muna 1985, zvatarisirwa, mari yakasara yakashandiswa kuvaka Horo dzoUmambo itsva dzeungano nhatu munharaunda yacho.
Kunyange apo basa rokuvakazve rinenge richiitwa, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira kunyaradza vamwe nemhinduro dzinogutsa idzo Shoko raMwari rinopa kumibvunzo yavo pamusoro pechinangwa choupenyu, chikonzero chengwavaira norufu, uye tariro yenguva yemberi.
Nhamburiko dzokubetsera dzeZvapupu hadzisi dzokutarisira zvinodikanwa zvokunyama zvomunhu ari wose ari munharaunda yengwavaira. Mukuwirirana naVaGaratia 6:10, idzodzi dzinoitirwa zvikurukuru ‘avo vane ukama nazvo mukutenda.’ Panguva imwe cheteyo, zvinobatsira vamwe nomufaro sezvazvinokwanisa. Zvakaita ikoku, somuenzaniso, pakugovera zvokudya nokuda kwavanyajambwa vokudengenyeka kwapasi muItaly. MuUnited States, pakubetsera vanyajambwa vamafashamo nedutu, zvakachenesawo ndokugadzira misha yavavakidzani vakavhiringidzika veZvapupu. Pakubvunzwa chikonzero nei zvichiita mabasa omutsa akadaro nokuda kwomunhu wazvisingazivi, zvinongopindura kuti zvinoda vavakidzani vazvo. (Mat. 22:39) Pashure pedutu rinoparadza kumaodzanyemba kweFlorida, U.S.A., muna 1992, gadziriro yokubetsera yakasanorongwa yeZvapupu yakasanozivikanwa kwazvo zvokuti masangano ebhizimisi navanhu vamwe navamwe avo vakanga vasiri Zvapupu uye avo vaida kuita mipiro mikuru yemigove yokubetsera vakapa iyoyi kuZvapupu. Vaiziva kuti chipo chavo hachisati chaizongosiyiwa zvacho chiri pamurwi, uyewo chaisazoshandiswa nokuda kwemhindu, asi chaizobetsera zvirokwazvo vanyajambwa vedutu, vose vari vaviri Zvapupu navasati vari Zvapupu. Kudisa kwazvo kubetsera vasati vari Zvapupu munguva yengwavaira kwakaongwa zvikuru kwazvo muDavao del Norte, muPhilippines, zvokuti vakuru vakuru vetaundi vakaita chisarudzo chaitaura kudaro.
Zvisinei, haasati ari munhu ari wose anoda vaKristu vechokwadi. Kazhinji kazhinji, ivo ndivanyajambwa vechitambudzo chinotyisa. Aya mamirire ezvinhu anounza kudururwa kworupo kwetsigiro yorudo nokuda kwavaKristu biyavo.
Mukutarisana Nechitambudzo Chinotyisa
Muapostora Pauro akaenzanisa ungano yechiKristu nomuviri womunhu ndokuti: “Mitezo yawo inofanira kuva nokutarisirana kumwe cheteko. Uye kana mumwe mutezo ukatambura, mimwe mitezo yose inotambura nawo.” (1 VaK. 12:25, 26, NW) Iwayo ndiwo maitire anoita Zvapupu zvaJehovha apo zvinonzwa mishumo pamusoro pokutambudzwa kwehama dzazvo dzechiKristu.
MuGermany mukati menguva yeNazi, hurumende yakaita zviito zvakakasharara zvokudzvinyirira paZvapupu zvaJehovha. Kwaiva neZvapupu 20 000 bedzi muGermany panguva yacho, boka duku zvikuru raizvidzwa naHitler. Chiito chokubatana chaidikanwa. Pana October 7, 1934, ungano iri yose yeZvapupu zvaJehovha muGermany yose yakasangana pachivande, yakanyengetera pamwe chete, uye yakatumira tsamba kuhurumende ichitaura kutsunga kwavo kupfuurira kubatira Jehovha. Ipapo vakawanda vaavo vaiva muvateereri vakabuda vasingatyi kundopupura kuvavakidzani vavo pamusoro pezita raJehovha noUmambo. Pazuva rimwe chetero, Zvapupu zvaJehovha murutivi rwasara rwapasi rose zvakasanganawo muungano dzazvo uye, pashure pomunyengetero wokubatana, zvakatumira tenigiramu kuhurumende yaHitler mukutsigira hama dzazvo dzechiKristu.
Muna 1948, pashure pokunge kutambudzwa kwakanyandurwa navafundisi kweZvapupu zvaJehovha muGreece kwaratidzirwa, purezidhendi weGreece namakurukota akasiyana-siyana ehurumende vakagamuchira zviuru zvetsamba zvakabva kuZvapupu nokuda kwehama dzazvo dzechiKristu. Izvozvi zvakabva kuPhilippines, Australia, North neSouth America, uye dzimwe nharaunda.
Apo magazini yeMukai! yakaratidzira miitiro yekubvunzurudza yaishandiswa paZvapupu zvaJehovha muSpain muna 1961, tsamba dzakawanda dzokunyunyuta dzakagamuchirwa nezviremera imomo. Vakuru vakuru vakakatyamadzwa kuwana kuti vanhu kupota nyika yose vaiziva zvavakanga vari kuita chaizvoizvo, uye somugumisiro, kunyange zvazvo chitambudzo chakapfuurira, mamwe amapurisa akavamba kubata neZvapupu nokuzvidzora kukuru zvikuru. Munyika dzakasiyana-siyana dzeAfricawo, vakuru vakuru vakanzwa kuZvapupu mumamwe mativi akawanda enyika apo zvakaziva nezvokubatwa kwoutsinye kuri kuitwa kuhama dzazvo nehanzvadzi dzechiKristu ikoko.
Kana kusina kuita kwakanaka kunobva kuhurumende, Zvapupu zviri kutambudzwa hazvisati zvichikanganwika. Nemhaka yokupfuurira muchitambudzo chorudzidziso kwamakore akawanda, dzimwe hurumende dzakagamuchira dzagamuchirazve tsamba dzokukumbira nokunyunyuta. Ndizvo zvakwakanga kwakaita neArgentina. Pane imwe nhambo muna 1959, munyori weBazu Rehurumende Rezvinoitika Kunze Kwenyika Netsika akaendesa imwe yehama dzedu kukamuri uko kwaiva namabhukukesi anoverengeka akazadzwa netsamba dzakanga dzapinda dzichibva munyika yose. Akashamiswa kuti mumwe munhu ari kure seFiji ainyora achikumbira rusununguko rwokunamata muArgentina.
Muzviitiko zvakati rusununguko rwakawedzerwa rwakapiwa apo vatongi vakaziva kuti vanhu munyika yose vaiziva zvavakanga vachiita uye kuti kwakanga kune vakawanda vaiitira hanya chaizvoizvo. Ndizvo zvakwakanga kwakaita muLiberia muna 1963. Kubata kunokatyamadza kwakanga kwaitwa navarwi vehurumende kunhume dzekokorodzano kuGbarnga. Purezidhendi weLiberia akagamuchira tsamba dzakawanda dzokunyunyuta dzakabva munyika yose, uye Dhipatimendi reHurumende reUnited States rakapindira nemhaka yokuti mugari weUnited States akanga achibatanidzwa. Pakupedzisira, Purezidhendi Tubman akatumira tenigiramu kudzimbahwe reWatch Tower Society achiratidzira kudisa kugamuchira nhume dzeZvapupu zvaJehovha kuti vakurukure zvinhu. Vaviri venhume dzacho—Milton Henschel naJohn Charuk—vakanga vave vari paGbarnga. VaTubman vakabvuma kuti zvakanga zvaitika hwakanga huri “utsinye” ndokuti: “Ndine urombo kuti ichi chinhu chakaitika.”
Pashure pebvunzurudzo iyoyo, Murayiro wakapiwa uchizivisa “vanhu vose munyika macho mose, kuti Zvapupu zvaJehovha zvichava namaruramiro neropafadzo yokusvika pachena kurutivi rupi norupi rwenyika kuti zvipfuuridzire basa razvo roufundisi nokunamata kworudzidziso pasina kunetsa kunobva kumunhu upi noupi. Zvichava nedziviriro yomutemo yezvose zviri zviviri yazvo pachazvo nezvinhu zvazvo namaruramiro okunamata Mwari nenzira yakasununguka mukuwirirana nokurayira kwehana dzazvo, zvichichengeta munguvayi mitemo yeRepublic kupfurikidza nokuratidza ruremekedzo kumureza wenyika apo unenge uri kukwidzwa kana kuti kudzikiswa pazvinoitika kupfurikidza nokumira zvakatwasuka.” Asi kwakanga kusingadikanwi kuti zvikwazise, mukuputsa hana yazvo yechiKristu.
Zvisinei, muna 1992, hakuna ziviso yehurumende yakadaro yakanga ichikarirwa muMalawi, kunyange zvazvo masimba masimba mukurwisana neZvapupu zvaJehovha imomo akanga aderera kusvikira kutambanuko yakati. Zvapupu zvaJehovha imomo zvave zviri vanyajambwa vokumwe kwokutambudza kworudzidziso kwakaipa zvikurusa munhau yeAfrica. Fungu rimwe rechitambudzo chakadaro rakapararira munyika yacho muna 1967; rimwe rakavamba pakuvamba muma1970. Makumi ezviuru zvetsamba akanyorwa nokuda kwazvo achibva mumativi ose enyika. Nhare dzakaridzwa. Tenigiramu dzakatumirwa. Pazvikonzero zvomutsa vanhu vakawanda vakatanhamara venyika vakasundwa kutaura noushingi.
Utsinye hwacho hwakanga hwakanyanyisa kwazvo zvokuti 19 000 veZvapupu zvaJehovha navana vazvo vakatiza vachiyambuka muganhu vachienda kuZambia muna 1972. Ungano dzapedyo dzeZvapupu muZambia dzakakurumidza kuunganidza zvokudya namagumbeze nokuda kwehama dzazvo. Mari nemigove zvakapiwa neZvapupu zvaJehovha munyika yose zvakadirana muhofisi dzebazu dzeWatch Tower uye zvakaendeswa kuvapoteri kupfurikidza nehofisi yedzimbahwe iri muNew York. Zvinopfuura zvakakwana zvakauya kuti zvitarisire zvinodikanwa zvose zvavapoteri mumusasa kuSinda Misale. Sezvo mashoko akapararira mumusasa wose okusvika kwamarori akatakura zvokudya, zvipfeko, uye tende dzokugovera pokugara, hama dzokuMalawi dzaisagona kurega kubudisa misodzi yomufaro nemhaka youhu ufakazi hworudo rwehama dzadzo dzechiKristu.
Apo vapi navapi vazvo vanosungwa, Zvapupu biyazvo hazvisati zvichizvisiya, kwete kunyange apo ngozi yomunhu oga inenge ichibatanidzwa. Mukati mechirambidzo muArgentina, apo boka reZvapupu rakasungwa kwamaawa 45, zvimwe Zvapupu zvina zvakazviunzira zvokudya nezvipfeko, kuzongosungwa izvo zvimene. Muna 1989 mudzimai womutariri wedunhu muBurundi, pakuziva mamirire ezvinhu ehama dzake dzechiKristu, akaedza kudziendesera zvokudya kutorongo. Asi iye amene akasungwa ndokupfigirwa kwevhiki mbiri, nemhaka yokuti mapurisa akanga ari kuedza kuwana murume wake.
Pamwe chete nechipi nechipi chazvinogona kuita muidzi nzira dzose, kuda hama dzazvo dzechiKristu kunosunda Zvapupu zvaJehovha kusimudza manzwi azvo mumunyengetero kuna Mwari nokuda kwadzo. Hazvinyengeteri kuti Mwari amise pakarepo hondo neperevedzo dzezvokudya, nemhaka yokuti Jesu Kristu akafanotaura zvinhu zvakadaro nokuda kwenguva yedu. (Mat. 24:7) Uyewo hazvinyengeteri kuti Mwari adzivise chitambudzo chose, nemhaka yokuti Bhaibheri rinotaura nenzira yakajeka kuti vaKristu vechokwadi vachatambudzwa. (Joh. 15:20; 2 Tim. 3:12) Asi zvinokumbira zvapachokwadi kuti hama dzazvo nehanzvadzi dzechiKritsu dzisimbiswe kuti dzimire dzakasimba mukutenda mukutarisana nenhamo ipi neipi inodziwira. (Enzanisa naVaKorose 4:12.) Chinyorwa chinopupurira simba radzo romudzimu chinopa ufakazi hukuru hwokuti minyengetero yakadaro yakapindurwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nharireyomurindi, March 15, 1981, mapeji 19-25; October 15, 1986, mapeji 10-21; June 1, 1987, mapeji 4-18; July 15, 1988, mapeji 21-3; March 1, 1990, mapeji 20-2.
b Ona Nharireyomurindi yechiNgezi, December 1, 1945, mapeji 355-63.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 305]
Ngwariro kuzviitiko zvokushayiwa chaiko hairegwi kusvikira zvinhu zvaipa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 307]
Betsero inobva muitiro hanya yomunhu oga yorudo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 308]
Kugovera zvinodikanwa zvakawanda zvokubetsera
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 312]
Kutsvaka kune nhevedzano kuti vawane Chapupu chimwe nechimwe munharaunda ine ngwavaira
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 315]
Kuita zvakanaka kuvasati vari Zvapupuwo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 317]
Misodzi yomufaro nemhaka yorudo rwakaratidzwa nehama dzavo dzechiKristu
[Bhokisi riri papeji 309]
“Munodanana Chaizvoizvo”
Pashure pokuona vazvipiri vaiva Zvapupu muLebanon yasakadzwa nehondo zvichidzorera chose chose musha wakaparadzwa zvikuru weimwe yehanzvadzi yazvo yechiKristu, vavakidzani vayo vakanzwa vachimanikidzwa kubvunza, kuti: “Urwu rudo runobva kupiko? Muri vanhu vorudzii?” Uye mumwe mukadzi wechiMuslim, achitarira sezvo musha weChapupu wakanga uri kucheneswa ndokugadzirwa, akazivisa, kuti: “Munodanana chaizvoizvo. Rwenyu ndirwo rudzidziso rwakarurama.”
[Bhokisi riri papeji 316]
Hama Nehanzvadzi Dzechokwadi
Pamusoro pavapoteri vari Zvapupu vokuCuba muFort Chaffee, Arkansas, “Arkansas Gazette” yakati: “Vakanga vari vokutanga vamene kupinzwa mumisha mitsva nemhaka yokuti ‘hama dzavo [dzokuAmerica] nehanzvadzi’—Zvapupu zvaJehovha biyazvo—dzakazvitsvaka. . . . Apo Zvapupu zvinodana vabiyazvo vomudzimu munyika ipi neipi kuti ‘hama nehanzvadzi,’ zvinorevesa chaizvoizvo.”—Chinyorwa chaApril 19, 1981.
[Mifananidzo iri papeji 306]
Pashure peHondo Yenyika II, vakatumira zvokudya nezvipfeko kuZvapupu biyavo zvaishayiwa munyika 18
United States
Switzerland
[Mifananidzo iri papeji 310]
Muna 1990, Zvapupu munyika dziri pedyo zvakabatanidza nhamburiko dzazvo dzokubetsera vatendi biyazvo muRomania
[Mifananidzo iri papeji 311]
Zvapupu zvakapukunyuka kudengenyeka kwapasi muPeru zvakavaka guta razvo zvimene routiziro ndokubetserana
Migove yokubetsera yakaunzwa nezvimwe Zvapupu (pasi) yakanga iri pakati pezvakatanga kusvika nharaunda yacho
[Mifananidzo iri papeji 313]
Nhamburiko dzokubetsera kazhinji kazhinji dzinobatanidza kugovera zvinhu navazvipiri kubetsera Zvapupu biyazvo kuvakazve misha yazvo
Guatemala
Panama
Mexico
[Mufananidzo uri papeji 314]
Nhamburiko dzokubetsera dzeZvapupu dzinobatanidza kuvaka mumudzimu. Mose muri muviri muKalamata, Greece, uye kunze kweguta, tende dzakakurumidza kumiswa nokuda kwemisangano