RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Uri Kushanda Nesimba Kuti Utevedzere Kukura kwaKristu Here?
    Nharireyomurindi—2015 | September 15
    • 2 Kana munhu achinge afambira mberi zvokusvika pakuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa, ukama hwake naMwari hunoramba huchisimba. Chinangwa chake ndechekuva muKristu akakura kungofanana nemuchero unenge wanyatsosvika. Kukura kwatiri kutaura nezvako hakusi kukura muzera, asi kukura pakunamata. Muapostora Pauro aida kuti vaKristu vomuEfeso vakure pakunamata. Akavakurudzira kuti vashande nesimba kuti vasvike ‘pakubatana mukutenda nomuzivo yakarurama pamusoro poMwanakomana waMwari, vova munhu akura zvakakwana, ane mwero wokukura kwakazara kwaKristu.’—VaEf. 4:13.

      3. Ungano yaiva muEfeso yakafanana papi neungano dzeZvapupu zvaJehovha mazuva ano?

      3 Pauro paakanyora tsamba yake, ungano yokuEfeso yakanga yatova nemakore yaumbwa. VaKristu vakawanda vaiva muungano iyi vakanga vakura pakunamata. Asi kwakanga kuchinewo vamwe vaifanira kushanda nesimba kuti vakure pakunamata. Mazuva ano, muungano dzeZvapupu zvaJehovha munewo vanhu vakaita sevaiva muungano yeEfeso. Kune hama nehanzvadzi dzakawanda dzava nemakore dzichishumira Mwari uye iye zvino dzakura pakunamata. Asi kunewo vamwe vasati vasvika pachidanho ichocho. Somuenzaniso, gore negore kune vanhu vakawanda chaizvo vari kubhabhatidzwa. Izvi zvinoratidza kuti kune vamwe vachiri kufanira kushanda nesimba kuti vakure pakunamata. Ko iwe uri papi?—VaK. 2:6, 7.

  • Uri Kushanda Nesimba Kuti Utevedzere Kukura kwaKristu Here?
    Nharireyomurindi—2015 | September 15
    • 5 Mushumiri waJehovha akakura pakunamata anorarama achitevedzera Jesu uyo ‘akatisiyira muenzaniso kuti tinyatsotevera tsoka dzake.’ (1 Pet. 2:21) Ndechipi chinhu chakanzi naJesu ndicho chinonyanya kukosha? Akati munhu anofanira kuda Jehovha nomwoyo wake wose nomweya wake wose nepfungwa dzake dzose uyewo anofanira kuda muvakidzani wake sezvaanozviita. (Mat. 22:37-39) MuKristu akakura pakunamata anoedza kurarama achitevedzera zano iroro. Upenyu hwake hunoratidza kuti anonyanya kukoshesa ushamwari hwake naJehovha uye anoda vamwe chaizvo.

  • Uri Kushanda Nesimba Kuti Utevedzere Kukura kwaKristu Here?
    Nharireyomurindi—2015 | September 15
    • 8. Jesu aiziva Magwaro uye aianzwisisa zvakadii?

      8 Jesu Kristu ainyatsonzwisisa Shoko raMwari. Kunyange paaiva nemakore 12, akatokurukura nyaya dzomuMagwaro nevadzidzisi mutemberi. “Vose vaya vakanga vachimuteerera vakaramba vachishamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” (Ruka 2:46, 47) Paakanga ava kuita ushumiri hwake, Jesu aipindura vanhu vaimushora achishandisa Shoko raMwari zvokuti vaishaya romuromo.—Mat. 22:41-46.

      9. (a) Munhu anoda kukura pakunamata anofanira kuva nepurogiramu yakaita sei yokudzidza Bhaibheri? (b) Chinangwa chokudzidza Bhaibheri ndechei?

      9 MuKristu anoda kukura pakunamata anotevedzera Jesu nokuita zvose zvaanogona kuti anzwisise Bhaibheri. Anogara achiongorora chokwadi chakadzama chiri muBhaibheri nokuti anoziva kuti “zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru.” (VaH. 5:14) Saka zviri pachena kuti muKristu akakura pakunamata anoda kuva nezivo “yakarurama pamusoro poMwanakomana waMwari.” (VaEf. 4:13) Wakaronga kuverenga Bhaibheri zuva nezuva here? Une purogiramu yokudzidza uri woga here uye unoita zvose zvaunogona here kuti uite kunamata kwemhuri vhiki yoga yoga? Paunenge uchidzidza Shoko raMwari, tsvaka mazano ari mariri achakubatsira kuti unyatsonzwisisa mafungiro aJehovha uye manzwiro ake. Zvadaro, edza kushandisa mazano acho pane zvaunosarudza muupenyu. Izvozvo zvichaita kuti ushamwari hwako naJehovha huwedzere kusimba.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe