Shandurwa Mundangariro uye Vhenekerwa Mumwoyo
“Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni.”—VAEFESO 4:17.
1. Ndangariro dzedu nomwoyo zvinotiitirei?
NDANGARIRO nomwoyo maviri amasimba anoshamisa zvikurusa ane vanhu. Kunyange zvazvo mabasa azvo asingaverengeki, izvo zvimene zvakasiana nechimwe nechimwe. Hunhu hwedu, kutaura, mufambiro, mirangariro, uye zvinokosha zvose zvinotapurwa zvikuru kupfurikidza nenzira inoshanda nayo ndangariro dzedu nomwoyo.
2, 3. (a) Bhaibheri rinoshandisa sei mashoko okuti “mwoyo” uye “ndangariro”? (b) Nei tichifanira kuitira hanya zvose zviri zviviri mwoyo nendangariro?
2 MuBhaibheri, “mwoyo” kazhinji kazhinji unonongedzera kusundo, mirangariro, uye kunzwa kwomukati, uye “ndangariro” kumasimba ouchenjeri nookufunga. Bva, hazviparadzanisiki. Somuenzaniso, Mosesi akakurudzira vaIsraeri, kuti: “Unofanira kuyeuka mumwoyo mako [mashoko omuzasi, “unofanira kuyeuka mundangariro yako”] kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.” (Dheuteronomio 4:39, NW) Kuvanyori vaironga kurwisana naye, Jesu akati: “Munofungireiko zvakaipa mumwoyo yenyu?”—Mateo 9:4; Marko 2:6, 7.
3 Ikoku kunoratidzira kuti ndangariro nomwoyo zvakasanobatana. Zvinoshandira pamwe, pane dzimwe nguva zvichisimbisana kuti zvishande seboka rakabatana, bva kazhinji kazhinji zvichirwisana murwisano nokuda kwoudzori. (Mateo 22:37; enzanisa naVaRoma 7:23.) Nokuda kwechikonzero ichochi, kuwana nyasha dzaJehovha, hatifaniri bedzi kuva nechokwadi nomugariro wendangariro yedu nomwoyo asi tinofanirawo kuzvirovedza kuti zvishande pamwe nenzira inotsinhirana, kukwevera murutivi rumwe cheterwo. Tinofanira kushandurwa mundangariro uye kuvhenekerwa mumwoyo.—Pisarema 119:34; Zvirevo 3:1.
‘Nzira Iyo Marudzi Anofamba Nayo’
4. Satani akapesvedzera sei ndangariro nomwoyo zvavanhu, uye chii chiri muuyo?
4 Satani inyanzvi yokunyengera neyokupesvedzera. Anoziva kuti kuwana udzori hwavanhu, anofanira kuita chipfuro ndangariro nomwoyo zvavo. Kuvambira pamavambo chaipo enhau yomunhu, ave achishandisa mazano orudzi rwakati kuita izvozvo. Somuuyo, “nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Kutaura idi, Satani akapesvedzera zvinobudirira kwazvo ndangariro nomwoyo zvavanhu venyika zvokuti Bhaibheri rinovarondedzera so“rudzi rwakakombama, rwakatsauka.” (VaFiripi 2:15) Muapostora Pauro anorondedzera zvakajeka mugariro womwoyo nowendangariro wechizvarwa ichocho chakakombama nechakatsauka, uye mashoko ake anobatira senyevero kwatiri tose nhasi. Somuenzaniso, tapota rava VaEfeso 4:17-19, uye ienzanise namashoko aPauro ari pana VaRoma 1:21-24.
5. Neiko Pauro akanyora zano rakasimba kuvaEfeso?
5 Tinogona kunzwisisa chikonzero nei Pauro akanyora mashoko akasimba kudaro kumaKristu muEfeso apo tinoyeuka kuti guta racho raiva nembiri yetsika dzaro dzakaipa uye kunamatwa kwezvidhori zvechihedheni. Kunyange zvazvo vaGiriki vaiva navafungi vavo navazivi vakakurumbira, kunoratidzika kuti dzidzo yechiGiriki yaipa vazhinji vavanhu mwero mukuru zvikuru wouipi, uye tsika dzavo dzaingovaita bedzi kuti vave vakanatswa zvikuru muzvakaipa zvavo. Pauro aiitira hanya zvikuru pamusoro pamaKristu biyake aigara mumhoteredzo yakadaro. Aiziva kuti vazhinji vavo vaimbova vanhu vamarudzi uye vakanga “vafamba mukuwirirana netsika yezvinhu yenyika ino.” (NW) Asi zvino vakanga vagamuchira zvokwadi. Ndangariro dzavo dzakanga dzashandurwa, uye mwoyo yavo yakanga yavhenekerwa. Kupfuura zvimwe zvose, Pauro aida kuti va“fambe zvakafanirwa nokudana.”—VaEfeso 2:2; 4:1, NW.
6. Neiko tichifanira kufarira mashoko aPauro?
6 Mugariro wakafanana nhasi. Tinogarawo munyika ine zvinokosha zvakashatiswa, tsika dzakaparara, uye miitiro yorudzidziso rwenhema. Vazhinji pakati pedu vakamborarama mukuwirirana netsika yezvinhu yenyika ino. Vamwe vedu vanofanira kuva pedyo nesonganiro yapedyo navanhu venyika zuva nezuva. Vamwe vanogara mudzimba umo mudzimu wenyika wakatekeshera. Kuri, naizvozvo, madikanwa kuti tinzwisise revo yamashoko aPauro ndokubetserwa nezano rake.
Ndangariro Dzisingabetseri uye Dzakasvibiswa
7. Pauro akarevei nokutaura kwokuti “kusabetsera kwendangariro dzawo”?
7 Kupa tsigiro yakasimba nokuda kwokuraira kwake kuti maKristu “musaramba muchifamba savahedheni,” Pauro akatanga kududza “kusabetsera kwendangariro dzawo.” (VaEfeso 4:17, NW) Ikoko kunorevei? Shoko rinoshandurwa kuti “kusabetsera,” mukuwirirana neThe Anchor Bible, “rinoreva kusava nechinhu, kusaita basa, kushaya maturo, upenzi, kusava nedonzo, uye kangaidziko.” Nokudaro, Pauro akanga achionesa kuti mukurumbira nembiri zvenyika yeGirisi neRoma zvingave zvakaoneka sezvinoorora asi kuzvironda kwakanga kuri chaizvoizvo kusina chinhu, kwoupenzi, uye kusina donzo. Avo vaishuva zvikuru mukurumbira nembiri pakupedzisira vaisazowana chinhu kunze kwekangaidziko nokuora mwoyo. Nheyo imwe cheteyo ndeyechokwadi nezvenyika nhasi.
8. Munzirai umo kuedza kwenyika kuri kusingabetseri?
8 Nyika ine vakangwara vayo navakaisvonaka vayo uko vanhu vanotarira nokuda kwemhinduro kumibvunzo mikuru yakadai samavambo nedonzo zvoupenyu nomugumo worudzi rwomunhu. Asi uchenjerii nenhungamiro zvavanazvo kuti vagovere? Kusadavira kuvapo kwaMwari, kupanikira kuvapo kwaMwari, mhindumupindu, uye dzimwe pfungwa dzakawanda dzinovhiringidza nedzinorwisana nerondedzero zvisingavhenekeri setsika nokutenda mashura kwomunguva yakapfuura. Zvirondwa zvizhinji zvenyika zvinoratidzikawo kugovera mwero wakati wegutsikano nokunzwa waita chimwe chinhu. Vanhu vanotaura nezvokubudirira nokunzwa vaita chimwe chinhu musayenzi, unyanzvi, nziyo dzamarimba, mitambo, matongerwe enyika, zvichingodaro. Vanofarira nguva dzavo dzinopfuura dzembiri. Kunyanguvezvo, zvinyorwa zvenhau namabhuku ezvinyorwa zvanhasi zvakazara namagamba akakanganwika. Zvose izvozvi hazvisi chinhu asi kusava nechinhu, kusaita basa, kushaya maturo, upenzi, kusava nedonzo, uye kangaidziko.
9. Zvirondwai zvisingabetseri izvo vazhinji vanotendeukira kwazviri?
9 Vachiziva kusabetsera kwokuedza kwakadaro, vazhinji vanotendeukira kuzvirondwa zvezvinhu zvokunyama—vachiunganidza mari nokuwana zvinhu mari inogona kutenga—uye kuita izvi zvirondwa nharidzano yavo muupenyu. Vanopwiswa kuti mufaro unobva mupfuma, zvinhu, uye kutsvaka mufarwa. Havasati vachingoisa bedzi ndangariro yavo kwakuri asi vanodisa kurega chinhu chiri chose—utano, mhuri, kunyange hana. Chii chiri muuyo? Panzvimbo pokuva vanogutswa, vaka“zvibaya neshungu zhinji.” (1 Timotio 6:10) Hakushamisi kuti Pauro akakurudzira maKristu biyake kusafamba sezvinoita marudzi nemhaka yokusabetsera kwokufunga ikoko.
10. Vanhu venyika vari “murima mundangariro” sei?
10 Kuratidza kuti nyika haina chinhu chakafanirwa nokuchiviwa kana kuti kutevedzerwa, Pauro akatevera kutaura kuti “vari murima mundangariro.” (VaEfeso 4:18, NW) Chokwadika, nyika ine vanhu vakangwara navane zivo munenge murutivi rwuri rwose rwokuedza. Bva, Pauro akataura kuti vari murima mundangariro. Nemhaka yei? Mashoko ake haasi pamusoro pounyanzvi hwavo hwendangariro kana kuti mano. Shoko rokuti “ndangariro” rinogonawo kunongedzera pakati pecherechedzo yomunhu, hugaro hwenzwisiso, munhu womukati. Vari murima nemhaka yokuti havana chiedza chinotungamirira kana kuti pfungwa yenhungamiro mukuedza kwavo. Ikoku kunogona kuonwa mupfungwa yavo yakavhiringidzwa yechakarurama nechisakarurama. Vanhu vangafunga kuti murangariro wanhasi wokusatonga, wokuti chinhu chose chinogamuchirwa wakavhenekerwa, asi murangariro wakasvibiswa chaizvoizvo, mukuwirirana naPauro. Mumudzimu, vari kutsvangadzira murima rakati ndo-o.—Jobho 12:25; 17:12; Isaya 5:20; 59:6-10; 60:2; enzanisa naVaEfeso 1:17, 18.
11. Chii chiri chisakiso cherima rendangariro riri munyika?
11 Nemhaka yei kuchidaro kuti vanhu vanogona kuva vakangwara, kunyange vakachenjera, muzvinhu zvizhinji kwazvo bva vachiva murima romudzimu? Pana 2 VaKorinte 4:4 (NW), Pauro akatipa mhinduro, achiti: “Mwari wetsika ino yezvinhu akapofumadza ndangariro dzavasingadaviri, kuti kuvhenekera kwamashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu, uyo ari mufananidzo waMwari, kugorega kupenya.” Chikomborero chinokosha zvakadini kuti avo vanogamuchira mashoko akanaka ane mbiri vakava vanoshandurwa mundangariro uye kuvhenekerwa mumwoyo!
Mwoyo Isingazivi uye Yakaoma
12. Munzirai umo nyika ya“kaparadzaniswa noupenyu hwaMwari”?
12 Kutibetsera kuonazve chikonzero nei tichifanira kushandurwa mundangariro uye kuvhenekerwa mumwoyo, Pauro akanangidzira ngwariro yedu kuidi rokuti nzira yenyika ya“kaparadzaniswa noupenyu hwaMwari.” (VaEfeso 4:18, NW) Hakusati kuri kuti vanhu havachadaviri muna Mwari kana kuti vava vasina umwari chose chose. Mumwe munyori wenhau dzepepanhau akakutaura neiyi nzira: “Panzvimbo pokuva vasina umwari, ngativambei shoko idzva: vana Mwari zvishoma. Vanhu vana Mwari zvishoma vanoda mbiri nokuda kwokudavira muna Mwari apo panguva imwe cheteyo vanoMuchengeta mubhokisi, vachiMuburitsa bedzi mangwanani eSvondo uye vasingatongoMubvumiri kupesvedzera chiono chenyika yavo yezvamatongerwe enyika kana kuti upenyu hwavo hwomunhu oga pakati pamaSvondo. [Ivo] vanotidavirei muna Mwari asi havafungi kuti Ane zvakawanda zvokutaura pamusoro pechaunga chazvino uno.” Pauro akakutaura neiyi nzira mutsamba yake kuvaRoma: “Kunyange zvazvo vaiziva Mwari, havana kumurumbidza saMwari uyewo havana kumutenda.” (VaRoma 1:21, NW) Zuva riri rose tinoona vanhu vanorarama muupenyu vasitongorina mufungo waMwari. Zvamazvirokwazvo, havapi rukudzo kana kuti kuonga kwaari.
13. Chii chiri “upenyu hwaMwari”?
13 Kutaura kwokuti “upenyu hwaMwari” kunokosha. Kunoratidzirazve kuti rima rendangariro neromudzimu rinovhiringidza sei pfungwa yavanhu yezvinokosha. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “upenyu” harisati riri biʹos (munobva mashoko akafanana na“biology,” “biography”), anoreva nzira youpenyu, kana kuti mararamire. Panzvimbo pezvo, ndizo·eʹ (munobva mashoko akafanana na“zoo,” “zoology”). Rinoreva “upenyu senheyo, upenyu mupfungwa yakakwana, upenyu sohuna Mwari. . . . Achibva muupenyu uhwu munhu akava akaparadzaniswa somuuyo woKuwa,” mukuwirirana neVine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words. Nokudaro, Pauro aitiudza kuti rima rendangariro neromudzimu harina bedzi kungotungamirira bedzi vanhu venyika kuuipi munyama asiwo rakavaparadzanisa netariro youpenyu husingaperi uhwo Mwari anogovera. (VaGaratia 6:8) Nemhaka yei kwakadaro? Pauro akapfuurira kutiudza zvikonzero zvacho.
14. Chii chiri chikonzero chimwe nei nyika yakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari?
14 Kutanga kwazvose, akataura kuti kuri “nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo.” (VaEfeso 4:18) Chitsama chamashoko chokuti “kuri mukati mavo” chinosimbisa kuti kusaziva kwacho hakusi nemhaka yokushaiwa banza asi kurambwa kwoune kwezivo yaMwari. Dzimwe shanduro dzeichi chitsama chamashoko ndi: “kuramba kwavo kwomuzvarirwo kuziva Mwari” (The Anchor Bible); “vasina zivo nemhaka yokuti vakapfigira mwoyo yavo kwairi” (Jerusalem Bible). Nemhaka yokuti vanoramba, kana kuti vanozvidza namaune, zivo yakarurama yaMwari, havana hwaro hwokuwana nahwo rudzi rwoupenyu Jehovha anogovera avo vanoshandisa kutenda muMwanakomana wake, uyo akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.”—Johane 17:3; 1 Timotio 6:19.
15. Chii chinoparira kuparadzana kwenyika ino noupenyu hwaMwari?
15 Chimwe chikonzero chokuti nyika yose zvayo yakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari, mukuwirirana naPauro, ndihwo “ukukutu hwemwoyo yavo.” (VaEfeso 4:18) Pano “ukukutu” hunoreva zvikurukuru kuoma, sokunge hwakafukidzwa nokutindivara. Tose zvedu tinoziva kuti kutindivara kunotanga sei. Pakutanga ganda ringava rakapfava uye risina kuomarara, asi kana rikaratidzirwa raratidzirwazve kudzvinyiriro yakati kana kuti kukwiza, rinooma ndokukora, richitindivara. Harichanzwi kuvava. Nenzira yakafanana, vanhu havazvarwi nomwoyo yakaomeswa kana kuti yakatindivara zvokuti vanoerikana vava vasina basa naMwari. Asi nemhaka yokuti tinorarama munyika uye tinoratidzirwa kumudzimu wayo, hakutori nguva refu kuti mwoyo uve wakatindivara kana kuti wakaomeswa kana ukasataviridzwa. Ndicho chikonzero nei Pauro akanyevera, kuti: “Chenjerai . . . kuti kurege kuva nomumwe wenyu unoomeswa nokunyengera kwezvivi.” (VaHebheru 3:7-13; Pisarema 95:8-10) Ndokwokukurumidzira sei, naizvozvo, kuti tirambe takashandurwa mundangariro uye kuvhenekerwa mumwoyo!
“Vasitongorina Pfungwa Yose Yetsika”
16. Chii chiri muuyo werima rendangariro renyika uye kuparadzana noupenyu hwaMwari?
16 Muuyo werima nokuparadzaniswa kwakadaro unopetwa namamwe mashoko aPauro: “Zvavakava vasitongorina pfungwa yose yetsika, vakazvipa vamene kumufambiro wokusazvidzora wokuita kusachena kworudzi rwuri rwose namakaro.” (VaEfeso 4:19, NW) Kutaura kwokuti “zvavakava vasitongorina pfungwa yose yetsika” kunoreva chaizvoizvo “zvavakava vasinganzwi marwadzo,” mwarwadzo etsika. Ndizvo izvo mwoyo wakatindivara unosvika pakuva. Kana ukangorega bedzi kunzwa marwadzo ehana uye pfungwa yokuzvidavirira pamberi paMwari, hapachina chinodzivisa chipi nechipi. Nokudaro, Pauro akataura kuti “vakazvipa vamene” kumufambiro wokusazvidzora nokusachena. Inhano youne, yamambune. “Mufambiro wokusazvidzora,” sokushandisa kwawakaitwa muBhaibheri, unoreva chimiro chendangariro chokuvirima, chokusanyara, chinozvidza mutemo nechiremera. Nenzira yakafanana, “kusachena kworudzi rwuri rwose” kunobatanidza kwete bedzi shatiswo yevatano asiwo zvinhu zvakashata zvinoitwa muzita rorudzidziso, zvakadai semiitiro yoruzvaro nemiitiro yaiitwa patembere yaAtemisi muEfeso, iyo varavi vaPauro vakanga vakasanorovedzana nayo.—Mabasa 19:27, 35.
17. Neiko Pauro akataura kuti vanhu vasitongorina pfungwa yose yetsika vanoita chivi “namakaro”?
17 Sokunge kuti kupinda kusingadzorwi mumufambiro wokusazvidzora nokusachena kworudzi rwuri rwose hakuna kushata zvakakwana, Pauro anowedzera kuti vanhu vakadaro vanoita “namakaro.” Apo vanhu vanenge vachine mwero wakati wepfungwa yetsika vanoita chivi, vanganzwa kunenge kuzvidemba uye kuedza zvakaoma kusachidzokorora. Asi avo vakava “vasitongorina pfungwa yose yetsika” vanoita chivi “namakaro” (“uye vachikumbirazve chimwe,” The Anchor Bible). Mushamarari wenhepfenyuro akambokutaura neiyi nzira: “Kana ukaenda kunhandaro nhasi manheru, mangwana uchada nhandaro inopfuura.” Vanowira zvakakomba nokudisa kutosvikira vanyura kusvika pasi chaipo poushati—uye havafungi chinhu nezvako. Irondedzero yakarurama zvakadini ye“kuda kwavahedheni”!—1 Petro 4:3, 4.
18. Kupeta, rudzii rwomugariro urwo Pauro akapa rwomugariro wendangariro nomudzimu wenyika?
18 Mundima nhatu chete, VaEfeso 4:17-19, Pauro nokudaro anoratidza mugariro wechokwadi wetsika nowomudzimu wenyika. Anoonesa kuti mirangariro nerondedzero zvinosimudzirwa navafungi venyika uye kurondwa kusingaregwi kwepfuma nomufaro hakubetseri chose chose. Anojekesa kuti nemhaka yerima rendangariro neromudzimu, nyika iri mumugariro wetsika wakashata, ichiramba ichinyura. Pakupedzisira, nemhaka yokusaziva kwokuzvipa imene noukukutu, nyika yazova yakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nenzira isina tariro. Zvirokwazvo, tine zvikonzero zvakanaka zvokusaramba tichifamba sokufambawo kunoita marudzi!
19. Mibvunzoi inokosha ichiri kufanira kurangarirwa?
19 Sezvo riri rima riri mundangariro nomwoyo rinoparira nyika kuva yakaparadzaniswa naJehovha Mwari, tinogona sei kubvisa rima rose mundangariro dzedu nomwoyo? Hungu, chii chatinofanira kuita kuti tigogona kuramba tichifamba savana vechiedza ndokuchengeta nyasha dzaMwari? Ikoku kucharangarirwa munyaya inotevera.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Chii chakanyandura zano rakasimba raPauro riri pana VaEfeso 4:17-19?
◻ Neiko nzira dzenyika dzisingabetseri uye iri murima?
◻ Chii chinorehwa nokutaura kwokuti ku“paradzaniswa noupenyu hwaMwari”?
◻ Chii chiri miuyo yendangariro yakasviba nomwoyo mukukutu?
[Mifananidzo iri papeji 9]
Efeso yaiva nomukurumbira wetsika dzayo dzakaora uye kunamatwa kwezvidhori
1. Murwi weRoma paEfeso
2. Matongo etembere yaAtemisi
3. Imba yemitambo paEfeso
4. Atemisi weEfeso, mwarikadzi woruzvaro
[Mufananidzo uri papeji 10]
Uchenjerii uhwo vakaisvonaka venyika vanahwo kuti vape?
Nero
[Kwazvakatorwa]
Musei Capitolini, Roma