Rudzidziso Runogona Kugovera Zvinodikanwa Zvedu Here?
TICHADYEI? Tichanwei? Tichapfekei? Pane kukosha pamsoro peiyi mibvunzo, zvikurukuru apo kunenge kwakaoma kuwana zvinodikanwa zvikuru zvoupenyu. Bva, cherechedza izvo Jesu Kristu akataura: “Regai kufunganya pamsoro poupenyu hwenyu, muchiti, ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamsoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichafukeiko.” (Mateo 6:25) Ikoko kunoratidzika kuva kwechienzi here? Pashure pokurangarira zvose, kana mumwe munhu achishaiwa zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara, chaanoda ibetsero inoshanda, kwete icho vamwe vangarangarira sokutaura kworudzidziso.
Jesu akanga asiri asinganzwiri tsitsi, uyewo akanga asiri kuedza kunzvenga nhau. Iye aisanoziva zvinodikanwa zvavanhu. Kunyanguvezvo, iye aizivawo nezvengozi chaiyoiyo zvikuru. Apo kunouya kukugovera zvinodikanwa zvedu, kuri nyore kwazvo kunangidzira upenyu hwedu pazvinhu zvokunyama nokurangarira kuti Mwari haakoshi. Naizvozvo, tinofanira kuisa zvinhu zvedu munzvimbo yazvo.
Tichava tichiisa zvinhu zvedu munzvimbo yazvo kana tikatevera pangiro yaJesu, inoti: “Naizvozvo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama [kwaMwari], ipapo izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33, NW) Kana tikatevera iyi pangiro, rudzidziso—rudzidziso rwechokwadi rwakavakirwa pazvokwadi dzeBhaibheri—runogona kugovera zvinodikanwa zvedu.
Jesu akanga asati asiri wapachokwadi kwazvo zvokukarakadza, zvisinei, kuti kungova chete mumwe wavadzidzi vake nokutevera dzidziso dzake dzorudzidziso zvaizokurumidza kupedza zvinetso zvedu zvose; uyewo haana kureva kuti vadzidzi vake vanofanira kungoti dedede zvavo ndokumirira kuti Mwari avagovere nenzira yenenji. Chokwadi, munhu ari wose angava muKristu kudai ikoko kwakareva rusununguko rwokukurumidza muzvitambudzo zvose zvoupenyu! Icho Jesu akareva chaiva chokuti Baba vake, Jehovha Mwari, vanogovera chinhu chiri chose chiri madikanwa kuti vagovere zvinodikanwa zvedu zvose. Ndokusaka Jesu akatiwo: “Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvozvi.”—Mateo 6:32, NW.
Jehovha anogoverawo zvinodikanwa zvedu zvomudzimu zvinokosha zvikuru. Kupfurikidza naMagwaro Matsvene, iye akatipa nhungamiro yakafuridzirwa yokutungamirira upenyu hwedu mumutoo wakanakisisa unobvira. (Isaya 48:17) Mwari akatanga sangano ravanamati vanopa tsigiro painodikanwa. (Mabasa 4:34) Iye anopindirawo kuti abetsere vabatiri vake kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake, kana kuti simba rinobata basa. (Ruka 11:13; VaGaratia 5:22-25) Uyezve, Mwari akaita gadziriro yokudzorera Paradhiso kupasi.—Ruka 23:43; Zvakazarurwa 21:1-4.
Kugovera Zvinodikanwa Zvedu Zvokunyama
Rangarira zvino dzimwe nheyo dzeBhaibheri idzo dzakabetsera vanhu kugovera zvinodikanwa zvavo zvokunyama. Muapostora wechiKristu Pauro akanyora, kuti:
“Ngatizvichenesei timene pasvibiswo iri yose yenyama nomudzimu.” (2 VaKorinte 7:1, “NW”)
Funga nezvezvinetso zvose zvatinogona kunzvenga kana tikadzivisa svibiso inoitwa nefodya, mirimo isiri yapamutemo, uye zvimwe zvinhu zvinoshatisa muviri. Uye tiri nani zvikuru kwazvo sei kana tikasapambadzira mari, nguva, uye mufungo pamabhuku outere nevaraidzo izvo zvinogona kusvibisa mudzimu wedu!
Magwaro anotiwo:
“Usava pakati pavanokarira waini, pakati pavanokarira nyama. Nokuti munwi nouna madyo vachava varombo; hope dzichapfekedza munhu mamvemve.” (Zvirevo 23:20, 21)
Cherechedza muuyo wokupedzisira woudhakwa namakaro—urombo namamvemve. Vazhinji nhasi—kunyange vanhu vorudzidziso zvikuru—vanoramba vari muurombo nemhaka yokuti vanonyanyisa muzvinwiwa zvinodhaka kana kuti vakapindwa muropa nezvinhu zvinosvibisa nyama. Kudzivisa zvinhu zvakadaro kuti tigowirirana nemipimo yeBhaibheri kunogona kuita zvakawanda kutibetsera kugovera zvinodikanwa zvedu zvezvokudya, zvokupfeka, uye pokugara.
Imwe nheyo yakabetsera maKristu kugovera zvinodikanwa zvavo inoonwa mumashoko omuapostora Pauro:
“Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, sezvatinoda kuzvibata timene nokutendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18, “NW”)
Kutendeseka mukubata kwawo kwose kwakabetsera maKristu akawanda kugovera zvakanaka nokuda kwawo amene nemhuri dzawo. Kwakaawanira mukurumbira wakanaka, uye vamwe ipapo sezvingabvira zvikuru vachaita bhizimisi nawo. Munhu akatendeseka angasava nguva dzose nezvakawanda zvikurusa mune zvokunyama, asi iye kazhinji kazhinji ane zvinodikanwa zvikuru zvoupenyu uye anochengeta kuzviremekedza kwake.
Rakasanobatana naikoku izano, rinoti:
“Wakaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike, abate namaoko ake basa rakanaka.” (VaEfeso 4:28)
Kushandisa iyi nheyo kwakabatsira vazhinji kuwana ndokubatirira kubasa nemhaka yokuti vakavimbika. Somuuyo, ivo vanokwanisa kuzvigovera vamene nemhuri dzavo. Panzvimbo pokutapurwa nomudzimu wenyika ino, uyo usingaoni miitiro yakawanda yokusatendeseka, maKristu akatendeseka, uye ikoku kunounza miuyo yakanaka.
Kuenzanisira: Mumwe weZvapupu zvaJehovha muJapan aida kushanda maawa mashomanene vhiki rimwe nerimwe kuti agova nenguva yakawanda yezvinhu zvomudzimu. Apo iye akaita ichi chikumbiro, zvisinei, mushandirwi wake akamudzinga pabasa rake. Pana ikoko, amai vomushandirwi vakabvunza, kuti: “Ko iwe wakadzinga murume akavimbika zvikurusa here?” Zvinhu zvakaipa zvikuru nokuda kweChapupu apo chakakuvadza musana wacho chichiita rimwe basa. Nokukurumidza pashure paikoko, iye akasangana neaichimbova mushandirwi wake, uyo akanga akashatirwa nemhaka yokuti akanga achangobva kunzwa kuti mumwe wavashandi vake akanga ave achiba ndarama, platinum, uye mbatamunwe mukambani yake yamabwe anokosha. Mushandirwi akakurumidza kukumbira Chapupu kudzokera kubasa, panguva ino pamigariro yake amene. Murume wacho aida mushandi akatendeseka.
Mukuwirirana nomuapostora Pauro, muKristu anofanira “kuita basa rakaoma” kwete bedzi kuti azvigovere amene asiwo “kuva nechimwe chinhu chokugovera mumwe munhu anoshaiwa.” (VaEfeso 4:28) Munguva dzokushaiwa, maKristu echokwadi anodisa nguva dzose kubetsera vamwe. Imwe mhuri muFiji yakawana ikoku apo musha wavo wakakuvadzwa zvakakomba namadutu pavakanga vari kukokorodzano yechiKristu. Pakudzokera kumusha, ivo vakawana chiono chamatongo. Asi ivo vakawanawo vatendi biyavo avo vakashandisa nomufaro pfuma yavo kugovera mhuri yacho pokugara norubatsiro rwokuvakazve musha wavo. “Kunonyaradza,” akadaro baba, “paunoziva kuti kune maKristu anokuitira hanya chaizvoizvo.”
Jesu Kristu akanzwira tsitsi zvikuru vanoshaiwa. Panhambo dzakawanda, iye somunhu oga akabatsira varombo munzira yakati. Chokwadika, Jesu aiziva kuti chero bedzi tsika ino yakaipa yezvinhu ichibvumidzwa kuvapo, urombo nezvimwe zvinetso zvomunzanga zvicharamba zviripo. (Johane 12:8) Naizvozvo, kunyange zvazvo akaita zvakawanda kubetsera vanhu mune zvokunyama, simba chairoiro roushumiri hwake raiva kugovera zvinodikanwa zvavo zvomudzimu.
Apo boka rine nzara yakanga yapedzwa rakatevera Jesu kuKapernaume, iye akaita iyi tsinhiro inokosha: “Hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musabatira zvokudya zvinopera, asi zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa noMwanakomana womunhu.” (Johane 6:26, 27) Jesu akarevei?
Jesu akareva kuti kwaiva nengozi yokuti vanhu vaizomubatanidza navadzidzi vake nokuda bedzi bedzi kwebetsero yokunyama. Asi iye aiziva kuti ikoku hakusati kwaizounza betsero dzisingagumi. Naizvozvo iye akati: “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu, sezvo umambo hwamatenga huri hwavo. Vanofara avo vane nzara nenyota zvokururama, sezvo vachagutiswa.”—Mateo 5:3, 6, NW.
Kunze kwenzara yezvokudya zvokunyama, kune nzara yezvokwadi nokuguta kwomudzimu. Mufarwa wechokwadi unovapo apo iyi nzara yomudzimu inopedzwa. ChiKristudhomu chakaparira chaunga chinofunga zvokunyama. Marudzidziso okuMabvazuva akasiya vanhu vari murima romudzimu. Asi namato yechokwadi—rudzidziso rwaJesu Kristu—rwakagovera zvinodikanwa zvomudzimu zvavanhu. Runogona kuita zvimwe chetezvo nokuda kwako. Idzi gadziriro dzinogona kuva dzako kana ukazviyamura umene nadzo.
Somuenzaniso, kumuKristu ari kupupurira mumugwagwa, rimwe jaya muMauritius rakagamuchira makopi eNharireyomurindi namagazini biyayo Mukai! Vhiki rakatevera racho, iro rakadzokera nokuda kwamamwe magazini. Iro rakatsanangura kuti rakanga rave richirangarira kuzviuraya nemhaka yezvinetso zvaro zvemari, asi magazini akanga aribetsera kuziva kuti kuna Mwari anotiitira hanya. Nzara yomudzimu yejaya racho yakanga ichivamba kupedzwa.
Tichazomboona here nguva apo zvinodikanwa zvedu zvose zvinogoverwa zvizere? Bhaibheri rinopikira kuti tichadaro. Chokwadi, vanhu vaneta nokunzwa chipikirwa pashure pechipikirwa chezvinhu zviri nani zvichauya. Ivo vakaodzwa mwoyo kazhinji kazhinji kwazvo. Asi tinogona kuva nechivimbo muzvipikirwa zveBhaibheri. Munyori waro, Jehovha Mwari, anozadzika chipikirwa chiri chose chaanoita. Joshua akataura ikoku zvakanaka paakayeuchidza vaIsraeri biyake kuti: “Zvino imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamsoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.”—Joshua 23:14.
Mushonga chaiwoiwo wezvinetso zvedu zvose uri muzadziko yezvipikirwa zvinoshamisa zvaMwari zvokuchenesa pasi rose. (Zvakazarurwa 11:18) Zvinodikanwa zvedu zvose zvichagoverwa apo Umambo hwake hunodzorera Paradhiso pasi pano, kuzadzika donzo rake rapakuvamba nokuda kworudzi rwomunhu. (Mateo 6:9, 10) Ipapo hatisati tichizonzwa ‘inzwi rokuchema kana kuti inzwi rokurira’ rinobva kuvanhu vane zvinodikanwa zvisingagoni kugoverwa. Kupfurikidza nebasa rokutendeseka uye kupfurikidza nokushandisa nheyo dzoumwari, ivo vachafarikanya upenyu hwakazara, hunogutsa.—Isaya 65:17-25.
Maria, aichimbova munani weKaturike adudzwa pakuvamba, akawana ichi chivimbo. Iye akaziva kuti akanga ararama murima romudzimu kwamakore, atambudzwa norutyo pamsoro penguva yemberi uye asingakwanisi kuona revo chaiyoiyo muupenyu. Asi kudzidza zvokwadi yeBhaibheri kwakachinja zvose izvozvo. “Ndakabva murima ndokupinda muchiedza chinopenya zvikuru nguva dzose,” iye akadaro. (Pisarema 43:3; Zvirevo 4:18) Ikoku hakuna bedzi kumubetsera kuwana zvinodikanwa zvake zvapedyo zvokunyama asiwo kwakapedza nzara yake yomudzimu nenyota. Hungu, rudzidziso—rudzidziso rwechokwadi—runogona kugovera zvinodikanwa zvedu zvose.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Rudzidziso rwechokwadi ruchagovera zvinodikanwa zvedu zvose