Budirira Mukudzivisa Musungo Wamakaro
“Vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo.”—1 TIMOTIO 6:9.
1. Neiko tichifanira kuitira hanya misungo?
SHOKO rokuti “musungo” ringakufungisa muvhimi anoteya chinhu chinoitika chitarisike sezvakapoteredza kuti abate nyajambwa asingakariri. Zvisinei, Mwari anojekesa kuti nokuda kwedu misungo ine ngozi zvikurusa ndizvo, kwete zvinhu chaizvoizvo zvakadaro, asi zvingatisunga mumudzimu kana kuti mutsika. Dhiabhorosi inyanzvi mukuteya misungo yakadaro.—2 VaKorinte 2:11; 2 Timotio 2:24-26.
2. (a) Jehovha anotibetsera sei kudzivisa misungo ine ngozi? (b) Rudzii chairwo rwomusungo rwunonangidzirwa ngwariro parwuri zvino?
2 Jehovha anotibetsera kupfurikidza nokuzivisa mimwe yemisungo yakawanda uye yakasiana-siana yaSatani. Somuenzaniso, Mwari anonyevera kuti miromo yedu, kana kuti muromo, inogona kuva musungo kana tikataura nenzira yokusachenjera, nenzira yokukurumidza, kana kuti pamusoro pezvatisingafaniri. (Zvirevo 18:7; 20:25) Rudado runogona kuva musungo, sezvinogona kuita kufambidzana navanhu vasingatani kutsamwa. (Zvirevo 22:24, 25; 29:25) Asi ngatitendeukirei kune mumwe musungo: “Vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa.” (1 Timotio 6:9) Chiri seri kwomusungo iwoyo kana kuti hwaro hwawo chinogona kupetwa mushoko rokuti “makaro.” Kunyange zvazvo makaro achiwanzoratidzirwa kupfurikidza nokutsunga kuva akapfuma, makaro musungo chaiwoiwo una mativi akawanda.
Jehovha Anotinyevera Nezvengozi
3, 4. Nhau yakare yavanhu ine chidzidzoi pamusoro pamakaro?
3 Zvikurukuru, makaro chishuvo chisina mwero kana kuti chokunyanyisa chokuva nezvakawanda, kana iyoyo ingava mari, pfuma, simba, vatano, kana kuti zvimwe zvinhu. Hatisi vokutanga kupinzwa mungozi nomusungo wamakaro. Kare kare mubindu reEdheni, makaro akasunga Evha uye ipapo Adhama. Mukwanyina waEvha, uyo akanga ane ruzivo rwokuzviwanira rwakawanda muupenyu kupfuura zvaakanga akaita, arairidzwa somunhu oga naJehovha. Mwari akanga avagovera musha weparadhiso. Vaigona kufarikanya zvokudya zvakanaka zvakawanda uye zvakasiana-siana, zvakarimwa papasi risina kusvibiswa. Vaigona kukarira kuva navana vakakwana, vavaigona kugara navo ndokubatira Mwari nokusingagumi. (Genesi 1:27-31; 2:15) Ikoko hakwaizoratidzika kuva kwakakwana kugutsa munhu upi noupi here?
4 Bva, kuva nezvakakwana kwomumwe munhu hakudzivisi makaro kuva musungo. Evha akasungwa nekariro yokuva akafanana naMwari, kuva norusununguko rwakawanda uye kugadza mipimo yake amene. Kunoratidzika kuti Adhama aida ushamwaridzani hunopfuurira nomukwanyina wake akaisvonaka, pasinei zvapo nechaibatanidzwa nako. Sezvo kunyange ava vanhu vakakwana vakasungwa namakaro, unogona kunzwisisa chikonzero nei makaro achigona kuva ngozi nokuda kwedu.
5. Kunokosha sei kuti tidzivise musungo wamakaro?
5 Tinofanira kudzivisa kusungwa namakaro nemhaka yokuti muapostora Pauro anotinyevera, kuti: “Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, kana mbavha, kana [vanhu vana makaro, NW] . . . havangagari nhaka youshe hwaMwari.” (1 VaKorinte 6:9, 10) Pauro akatiudzawo, kuti: “Asi upombwe, netsvina yose, kana [makaro, NW], ngazvirege kurehwa pakati penyu.” (VaEfeso 5:3) Naizvozvo makaro haafaniri kunyange kuva musoro wekurukurirano nokuda kwedonzo rokugutsa nyama yedu isina kukwana.
6, 7. (a) Mienzanisoi yeBhaibheri inosimbisa kuti makaro anogona sei kuva ane simba? (b) Neiko mienzaniso iyoyo ichifanira kuva nyevero kwatiri?
6 Jehovha akanyora mienzaniso yakawanda yokutisvinudzira kungozi yamakaro. Yeuka makaro aAkani. Mwari akataura kuti Jeriko rakanga richifanira kuparadzwa, asi ndarama, sirivha, ndarira, uye simbi zvaro zvaiva zveimba Yake yepfuma. Akani pakutanga angave akarangarira kutevera nhungamiro iyoyo, asi makaro akamusunga. Angosvika bedzi muJeriko, kwakanga kwakaita sokunge akanga ari parwendo rwokutenga kwaakaona zvinhu zvakachipa zvisingadaviriki, kubatanidza nguvo yakaisvonaka yairatidzika kuva yakamunakira. Achinhonga ndarama nesirivha zvaikosha zviuru zvamadhora, aigona kuva akafunga kuti, ‘Imhanza yakadini! Muboo! Kunetenge kuba.’ Zvomenemene! Achichiva zvaifanira kuva zvakaparadzwa kana kuti kupinzwa, akabira Mwari, uye ikoko kwakauraisa Akani. (Joshua 6:17-19; 7:20-26) Rangarirawo mienzaniso waGehazi naJudhasi Iskarioti.—2 Madzimambo 5:8-27; Johane 6:64; 12:2-6.
7 Hatifaniri kufuratira idi rokuti vatatu vadudzwa pamusoro apa vakanga vasiri vahedheni vasingazivi mipimo yaJehovha. Panzvimbo pezvo, vaiva muukama hwakatsaurirwa naMwari. Vose vakanga vapupurira manenji aifanira kuva akaroverera pavari simba raMwari uye ukoshi hwokuchengeta nyasha dzake. Kunyanguvezvo, musungo wamakaro wakanga uri kuwa kwavo. Isuwo tinogona kukuvadza ukama hwedu naMwari kana tikazvirega timene tichisungwa namakaro muchimiro chipi nechipi. Marudzii kana kuti zvimiro zvamakaro zvingava zvine ngozi zvikuru kwatiri?
Kusungwa Namakaro Oupfumi kana kuti Zvinhu
8. Bhaibheri rinopa nyeveroi pamusoro poupfumi?
8 MaKristu mazhinjisa akanzwa nyevero dzakajeka dzinobva muBhaibheri pamusoro pokukudziridza rudo rwepfuma, chishuvo choupfumi. Huregererei kuhwirudzura dzimwe dzaidzodzi, sedzinowanwa pana Mateo 6:24-33; Ruka 12:13-21; uye 1 Timotio 6:9, 10? Nepo unganzwa kuti unogamuchira ndokutevera zano rakadaro, hakungabviri here kuti Akani, Gehazi, uye Judhasi vangadai vakataura kuti vaibvumiranawo naro? Nenzira yakajeka, tinofanira kupfuura bvumiranowo zvayo youngwaru. Tinofanira kungwarira kuti musungo wamakaro oupfumi kana kuti pfuma hautapuri upenyu hwedu hwezuva riri rose.
9. Neiko tichifanira kunzvera chimiro chedu chendangariro kukutenga?
9 Muupenyu hwezuva nezuva, kazhinji kazhinji tinofanira kutenga—zvokudya, zvipfeko, uye zvinhu zvomusha. (Genesi 42:1-3; 2 Madzimambo 12:11, 12; Zvirevo 31:14, 16; Ruka 9:13; 17:28; 22:36) Asi nyika yezvokutengeserana inonyandura chishuvo chezvinhu zvakawanda uye zvitsva zvikuru. Ziviso dzakawanda dzinozadza mapepanhau, magazini, uye TV inhamburiko dzokunyengera dzokunyandura makaro. Nhamburiko dzakadaro dzingavapowo kuzvitoro zvine mareki amabhurauzi, mabhachi, marokwe, uye masuweta, namasherufu eshangu itsva, zvamagetsi, uye makamera. MaKristu angada kuzvibvunza amene kuti, ‘Kutenga kwazova chinhu chikuru kana kuti mufaro mukuru muupenyu hwangu here?’ ‘Ndinoda zvirokwazvo zvinhu zvitsva izvo ndinoona, kana kuti nyika yezvokutengeserana iri kungokudziridza chete mbeu dzamakaro mandiri here?’—1 Johane 2:16.
10. Musungoi wamakaro uri ngozi zvikurukuru nokuda kwavarume?
10 Kana kutenga kuchiratidzika kuva musungo unozivikanwa navose nokuda kwavakadzi, kuwana mari yakawanda ndokwavarume vasingaverengeki. Jesu akaenzanisira uyu musungo nomurume akapfuma aiva nemari yakanaka bva akanga akatsunga ‘kupaza matura ake ndokuvaka makuru zvikuru kuti aunganidziremo zviyo zvake zvose nezvinhu zvakanaka.’ Jesu haana kusiya panikiro nezvengozi yacho: “Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose” kana kuti makaro. (Ruka 12:15-21) Kana takapfuma kana kuti kwete, tinofanira kuteerera zano iroro.
11. MuKristu angasungwa sei namakaro emari yakawanda?
11 Makaro emari yakawanda, kana kuti zvinhu izvo mari inogona kutenga, kazhinji kazhinji anosimudzirwa zvakavanzika. Gadziriro yokukurumidza kupfuma ingapiwa—zvichida banza rimwe munduramo yechengeteko yezvemari kupfurikidza nokuisa mari mune ngozi. Kana kuti mumwe angaedzwa kuita mari kupfurikidza nemiitiro yebhizimisi inopanikirika kana kuti isiri yapamutemo. Ichi chishuvo choruchiva chingava chinokurira, chinosunga. (Pisarema 62:10; Zvirevo 11:1; 20:10) Vamwe vari mukati meungano yechiKristu vakavamba mabhizimisi vane kariro yokuti hama dzavo dzinovimba ndidzo dzaizova vatengi vakuru. Kana vavariro yavo yakanga isiri yokungogovera chete chinhu chinodikanwa kana kuti basa kupfurikidza ne‘basa rakaoma, vachiita namaoko avo basa riri rakanaka,’ asi kuita mari nokukurumidza kukuvadziko yamaKristu biyavo, ipapo vari kuita namakaro. (VaEfeso 4:28; Zvirevo 20:21; 31:17-19, 24; 2 VaTesaronika 3:8-12) Makaro emari akatungamirira vamwe kupinda mukutamba njuga, mabhiza, kana kuti rotari. Vamwe, vachifuratira kunzwira urombo uye kuva nomufungo, vakakurumidza kutanga kuenda kumatare nekariro dzokuwana mubairo mukuru kana kuti kupedzwa kwenhau.
12. Neiko tichiziva kuti makaro epfuma anogona kukurirwa?
12 Dzatanga inharaunda umo kuzvinzvera kwakafanira kuti tigogona kuona nenzira yokutendeseka kana makaro angave achishanda matiri. Kunyange kana ari, tinogona kuchinja. Yeuka kuti Zakeo akachinja. (Ruka 19:1-10) Kana munhu upi noupi achiwana makaro oupfumi kana kuti zvinhu kuva chinetso, anofanira kuva akatsunga sezvakanga zvakaita Zakeo kupukunyuka musungo wacho.—Jeremia 17:9.
Makaro muna Mamwe Mativi Oupenyu
13. Pisarema 10:18 rinodanira kungwariro yedu mumwe musungoi wamakaro?
13 Vamwe vanokuwana kuri nyore zvikuru kuona ngozi yamakaro pamusoro pemari kana kuti zvinhu kupfuura dzimwe nzira umo anooneka. Rimwe duramashoko rechiGiriki rinotaura kuti boka ramashoko anoshandurwa kuti “makaro” kana kuti “ruchiva” rine mufungo “‘wokuda zvakawanda,’ nenongedzero kusimba nezvimwe pamwe chete nepfuma.” Hungu, tingagona kusungwa kupfurikidza nokuda kwamakaro kushandisa simba pavamwe, zvichida kuvaita kuti vadedere nechiremera chedu.—Pisarema 10:18.
14. Chishuvo chesimba chave chichikuvadza munzirai?
14 Chifo chamazuva apakuvamba vanhu vasina kukwana vakafarikanya kuva nesimba pavamwe. Mwari akadeya kuona kuti muuyo unosuruvarisa wechivi chomunhu waizova wokuti varume vakawanda vaizo“tonga” vadzimai vavo. (Genesi 3:16, NW) Ikoku kuchikundikana, zvisinei, kwakapfuura roorano. Zviuru zvamakore gare gare, mumwe munyori weBhaibheri akanyora kuti “munhu akatonga munhu kukuvadziko yake.” (Muparidzi 8:9, NW) Iwe sezvingabvira unoziva kuti ikoko kwave kuri kwechokwadi sei munhau dzezvamatongerwe enyika namauto, asi kungagona kudaro here munzvimbo dzedu timene, tinovavarira nokuda kwesimba rakawanda zvikuru romunhu oga kana kuti udzori?
15, 16. Mumativii umo muKristu angasungwa nechishuvo chesimba rakawanda? (VaFiripi 2:3)
15 Tose zvedu takabatanidzwa navamwe vanhu—mumhuri dzedu dzapedyo kana kuti dzakatambanudzwa, kubasa redu rokunyika kana kuti kuchikoro, pakati peshamwari, uye muungano. Panhambo nenhambo, kana kuti kazhinji kazhinji, tingava norutivi mukusarudza chichaitwa, pamwe chete nokuti sei kana kuti rini. Ikoko makuri kumene hakusi kusakarurama kana kuti kwakaipa. Kunyanguvezvo, tinofarikanya zvakanyanya here kushandisa chiremera chipi nechipi chatingava nacho? Kungagona kuva kwakadaro here kuti tinoda kuva nechisarudzo chokupedzisira uye kuchida zvikuru kwazvo? Vanamanija venyika kana kuti vanabhasi kazhinji kazhinji vanoratidza ichi chimiro chendangariro kupfurikidza nokuzvipoteredza vamene navanhu vanongobvuma zvose, vasingapi mirangariro yakasiana uye vasingadenhi kutsvaka (makaro) esimba kwavakuru vavo venyika.
16 Iwoyu musungo wokudzivisa mukubata namaKristu biyedu. Jesu akati: “Munoziva kuti machinda avahedheni anovaraira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kudaro; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu.” (Mateo 20:25, 26) Kuzvininipisa kwakadaro kunofanira kuva pachena sezvo vakuru vechiKristu vanobata nomumwe nomumwe, navabatiri vanoshumira, uye neboka. Chishuvo chesimba chingaratidzirwa, somuenzaniso, nomutariri anotungamirira anonzvera navakuru biyake bedzi panhau duku asi anoita zvisarudzo zvose zvinokosha ari oga? Anodisa zvirokwazvo kugovera mabasa here? Zvinetso zvingagona kuvapo kana mubatiri anoshumira ari kuitisa musangano webasa romumunda akava anoraira nenzira isina mufungo mugadziriro dzake, kunyange kuita mitemo.—1 VaKorinte 4:21; 9:18; 2 VaKorinte 10:8; 13:10; 1 VaTesaronika 2:6, 7.
17. Nei kwakafanira kurangarira zvokudya pakukurukura musungo wamakaro?
17 Zvokudya ndiimwe nzvimbo umo vakawanda vanosungwa namakaro. Chokwadika, ndokwomuzvarirwo kuwana farikanyo mukudya nokunwa; Bhaibheri rinotaura nenzira yokubvumira nezvaizvozvo. (Muparidzi 5:18) Bva, hakusi kusingazivikanwi navose kuti chishuvo pamusoro paikoku chikure munhambo yakati yenguva, chichipfuurira zvikuru kupfuura chinofarikanywa nenzira ine mufungo uye zvakakwana. Kudai ikoku kwakanga kusiri nharaunda yakafanira yeitiro hanya inoitwa navabatiri vaMwari, neiko Shoko raJehovha raizotaura pana Zvirevo 23:20 kuti: “Usava pakati pavanokarira waini, pakati pavanokarira nyama”? Bva, tinodzivisa sei uyu musungo?
18. Kuzvinzverai pamusoro pezvokudya nezvokunwa kwatingaita?
18 Mwari haasati achikarakadza kuti vanhu vake vapone nezvokudya zvakarongwa zvisinganaki. (Muparidzi 2:24, 25) Asi haatenderiwo kuita kwedu zvokudya nezvokunwa rutivi rukuru runodzora rwekurukurirano yedu nokuronga. Tingazvibvunza timene kuti, ‘Ndinowanzova ane mbavarira zvikuru apo ndinotsanangura zvokudya zvandakava nazvo kana kuti ndinoronga kuva nazvo here?’ ‘Nguva dzose ndinotaura pamusoro pezvokudya nezvokunwa here?’ Chimwe chiratidzo chingava nzira yatinoita nayo apo tinova nezvokudya zvatisina kugadzirira kana kuti kuripira, zvichida apo tinenge tiri vashanyi mumusha momumwe kana kuti apo zvokudya zvinowanika pagungano rechiKristu. Kungagona kuva kwakadaro here panguva iyeyo tinodisa kudya zvikuru kwazvo kupfuura nguva dzose? Tinoyeuka kuti Esau akabvumira zvokudya kuva zvinokosha nenzira isakafanira, kukuvadziko yake isingagumi.—VaHebheru 12:16.
19. Makaro angagona sei kuva chinetso pamusoro pomufaro wevatano?
19 Pauro anotipa nzwisiso mune mumwe musungo: “Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene.” (VaEfeso 4:17-19; 5:3) Zvamazvirokwazvo, makaro omufaro wevatano anogona kutanga. Iyi farikanyo, chokwadika, ine ratidzirwo yakafanira mukati mezvisungo zveroorano. Chidakadaka chapedyo chakabatanidzwa nouyu mufaro chinoita rutivi mukubetsera murume nomudzimai kuramba vakazvipira kuno mumwe nomumwe kwamakore akawanda eroorano. Vanhu vashomanene vangaramba, kunyanguvezvo, kuti nyika yanhasi yakaisa simbiso yakanyanyisa pavatano, ichipa sechomuzvarirwo chiri chaizvoizvo ratidzirwo yamakaro ayo Pauro akadudza. Zvikurukuru murangariro wakadaro usina kururama womufaro wevatano unogamuchirwa nyore nyore naavo vanozviratidzira vamene kuutere nokusapfeka zvinozivikanwa navose nhasi mumafirimu, mavhidhiyo, uye magazini akawanda, pamwe chete nenzvimbo dzenhandaro.
20. MaKristu anogona sei kuzviratidza amene kuva anosvinurira ngozi yamakaro munhau dzevatano?
20 Nhauro yechivi chaDhavhidhi naBhatishebha inoratidza kuti mumwe wavabatiri vaMwari anogona kubatwa nomusungo wamakaro evatano. Kunyange zvazvo akanga akasununguka kufarikanya mufaro mukati meroorano yake amene, Dhavhidhi akarega chishuvo chevatano chakaipa chichikura. Achicherechedza kuti mudzimai waUria akanga achikwezva sei, haana kudzora mufungo wacho—uye chiito—mufaro wakaipa naye. (2 Samueri 11:2-4; Jakobho 1:14, 15) Zvamazvirokwazvo tinofanira kudzivisa ichi chimiro chamakaro. Kunyange mukati meroorano kwakakodzera kudzivisa makaro. Ikoku kwaizobatanidza kurambwa kwemiitiro yokunyanyisa yevatano. Murume akatsunga kudzivisa makaro munharaunda iyoyi aizova anofarira zvapachokwadi mukwanyina wake, kuti chisarudzo chipi nechipi vaviri vavo vakaita pamusoro pokuronga mhuri chigorega kuyera mufaro wake sounokosha zvikuru kupfuura utano hwazvino hwomudzimai wake kana kuti hwomunguva yemberi.—VaFiripi 2:4.
Kupfuurira Kutsunga Kudzivisa Makaro
21. Neiko kurukurirano yedu yamakaro isingafaniri kutiodza mwoyo?
21 Jehovha haasati achigovera chenjedzo kana kuti nyevero nokusavimba kupi nokupi. Anoziva kuti vabatiri vake vakazvipira vanoda kumubatira nenzira yokuvimbika, uye ane chivimbo chokuti voruzhinji vachapfuurira kuita ikoko. Pamusoro pavanhu vake vose zvavo, anogona kutaura zvakafanana neizvo akataura nezvaJobho paaitaura kuna Satani, kuti: “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuno munhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:8) Baba wedu wokudenga ane rudo, anovimba anotisvinudzira kumisungo ine ngozi, yakadai seiyo yakabatanidzwa nezvimiro zvamakaro, nemhaka yokuti anoda kuti tipfuurire tisina kusvibiswa uye takatendeka kwaari.
22. Chii chatinofanira kuita kana fundo yedu yaratidzira nharaunda yengozi yomunhu oga kana kuti utera?
22 Mumwe nomumwe wedu akagara nhaka kombamiro yamakaro, uye tingave takakudziridzazve iyoyi mupesvedzero yenyika yakaipa. Zvakadiniko kana mukati mefundo yedu yamakaro—pamusoro poupfumi, zvinhu, simba nechiremera, zvokudya, kana kuti mufaro wevatano—waona nharaunda youtera? Ipapo rangarira zvakakomba zano raJesu, rokuti: “Kana ruoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, pakuenda muGehena.” (Marko 9:43) Ita chinjo dziri madikanwa muchimiro chendangariro kana kuti fariro. Dzivisa musungo unouraisa wamakaro. Nokudaro nebetsero yaMwari, unga“pinde muupenyu.”
Chii Chandadzidza?
◻ Neiko tichifanira kuitira hanya musungo wamakaro?
◻ Makaro oupfumi kana kuti zvinhu angatisunga munzirai?
◻ Makaro mune dzimwe nharaunda dzoupenyu angapa sei ngozi chaidzoidzo?
◻ Chii chinofanira kuva chimiro chedu chendangariro kuutera hupi nohupi tinahwo pamakaro?