RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mhemberero Dzese Dzinofadza Mwari Here?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • Verengai VaEfeso 5:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

      • Tisati tasarudza kuti topemberera zororo kana kuti kwete, tinofanira kuva nechokwadi chei?

      • Mazororo api akakurumbira kwaunogara?

      • Unofunga kuti mazororo acho anofadza Jehovha here?

      Wakambozvibvunza here kuti Mwari anoti kudii nekupemberera mazuva ekuberekwa? MuBhaibheri, hapana munhu ainamata Jehovha anombotaurwa kunzi akapemberera zuva rekuberekwa, asi rinotaura nezvevanhu vaviri vaisashumira Mwari vakapemberera mazuva ekuberekwa. Verengai Genesisi 40:20-22 uye Mateu 14:6-10 mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

      • Chii chakaitika pamhemberero dzacho dzese dziri mbiri?

      • Kubva munyaya dzataverenga muBhaibheri, unofunga kuti Jehovha anonzwa sei nezvekupemberera mazuva ekuberekwa?

      Asi unogona kuramba uine mubvunzo wekuti, ‘Jehovha angabva aiita nyaya here kuti ndapemberera zuva rekuberekwa kana rimwe zororo rinopesana nezvinotaurwa muBhaibheri?’ Verengai Eksodho 32:1-8. Kana mapedza onai VHIDHIYO, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

      VHIDHIYO: Mazororo Nemhemberero Zvisingafarirwi naMwari (5:07)

      • Nei tichifanira kuva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kuna Jehovha?

      • Tingazviita sei?

      Tingaziva sei mhemberero dzisingafarirwi naMwari?

      • Yakatangira padzidziso dzisingabvi mumagwaro here? Kuti uwane mhinduro, ongorora matangiro ayakaita.

      • Inopa rukudzo rusina kukodzera kumunhu, sangano kana mucherechedzo wenyika here? Jehovha ndiye watinofanira kukudza kupfuura zvese uye ndiye watinofanira kuvimba naye kuti achagadzirisa matambudziko panyika.

      • Tsika dzinoitwa pamhemberero yacho hadzipesani nezvinotaurwa muBhaibheri here? Tinofanira kuramba tiine tsika dzakachena.

  • Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • Chidzidzo 53. Baba, amai, nemwana vari kudya maputi vachiona TV.

      CHIDZIDZO 53

      Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha

      Jehovha ‘ndiMwari anofara.’ (1 Timoti 1:11) Anoda kuti tifare uye tinakidzwe neupenyu. Anofara paanoona tichimbovawo nenguva yatinenge takazorora pabasa tichifara zvedu. Muchidzidzo chino, tichaona kuti tingashandisa sei nguva yedu yekumbozorora nenzira inoita kuti tifare uye tigutsikane uku tichifadzawo Jehovha.

      1. Tinofanira kuyeukei patinosarudza zvinotivaraidza?

      Unowanzofarira kuitei paunenge wakazorora? Vamwe vanoda kungova pamba zvavo vari vega, vachiverenga mabhuku, kuteerera mimhanzi, kuona mafirimu, kana kutsvaga zvinhu paIndaneti. Vamwewo vanoda kuita zvinhu zvakadai sekuenda kune dzimwe nzvimbo neshamwari, kana kutamba mimwe mitambo. Pasinei nekuti tinofarira zvipi, tinofanira kusarudza kuvaraidzwa nezvinhu “zvinogamuchirika kunaShe.” (VaEfeso 5:10) Izvi zvinokosha kuti tizvinzwisise nekuti zvinhu zvakawanda zviri kuvaraidza vanhu mazuva ano ndezviya zvinovengwa naJehovha, zvakadai senyaya dzekurwisana, upombwe, nezvechidhimoni. (Verengai Pisarema 11:5.) Tingaite sei kuti tisarudze zvakanaka panyaya yekuzvivaraidza?

      Kana tikasarudza shamwari dzinoda Jehovha, zvichaita kuti tive vanhu vakanaka uye tisarudze zvinotivaraidza nekuchenjera. Sezvatakatodzidza mune chimwe chidzidzo, “munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.” Asiwo tikagara tichishamwaridzana nevanhu vasingadi mitemo yaMwari ‘zvichatiipira.’—Zvirevo 13:20.

      2. Nei zvichikosha kuti tingwarire nguva yatinopedzera pakuzvivaraidza?

      Kunyange kana zvinotivaraidza zvakanaka, tinoda kungwarira kuti tisapedze nguva yakawandisa tiri pazviri. Tikadaro tinopedzisira tisisina nguva yekuita zvinhu zvinonyatsokosha. Bhaibheri rinotikurudzira kushandisa nguva yedu “nekuchenjera.”—Verengai VaEfeso 5:15, 16.

      WEDZERA KUONGORORA

      Dzidza kuti ungasarudza sei zvinokuvaraidza nekuchenjera.

      3. Usavaraidzwa nezvinhu zvakaipa

      Nei tichifanira kungwarira pakusarudza zvinotivaraidza? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

      VHIDHIYO: Ndinofanira Kuzvivaraidza Nezvinhu Zvakaita Sei? (4:39)

      • Zvaiitwa mumitambo yekare zvakafanana papi nezvinhu zvinovaraidza vanhu mazuva ano?

      • Muvhidhiyo iyi, Danny akadzidzei nezvenyaya yekuzvivaraidza?

      Verengai VaRoma 12:9, mobva makurukura mubvunzo uyu:

      • Zviri kutaurwa nevhesi iyi zvingakubatsira sei pakusarudza zvinokuvaraidza?

      Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinovengwa naJehovha? Verengai Zvirevo 6:16, 17 uye VaGaratiya 5:19-21. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

      • Ndezvipi zvataurwa mumavhesi aya zvakazara muzvinhu zvinovaraidza vanhu mazuva ano?

      Masarudziro aungaita zvinhu zvinokuvaraidza nekuchenjera

      Zvibvunze kuti:

      • Chii? Zvinosanganisira chimwe chinhu chisingafadzi Jehovha here?

      • Riini? Ndiri kuzviita panguva yandinofanira kuita zvimwe zvinhu zvinokosha here?

      • Naani? Zvinoita kuti ndigare ndichishamwaridzana nevanhu vasingadi Jehovha here?

      Zvinenge zvakanaka kuti tisatambire kune ngozi. Saka tikangofungira kuti chimwe chinhu chiri kutivaraidza chinogona kupinza ushamwari hwedu naMwari pangozi, ngatisudurukei pachiri

      Motokari iri kufamba nechekumucheto mumugwagwa uri pamawere. Yava kutotanga kuita seichakoromoka.

      4. Shandisa nguva yako nekuchenjera

      Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

      VHIDHIYO: Nguva Yako Zhinji Iri Kuperera Pachii? (2:45)

      • Kunyange zvazvo hama iri muvhidhiyo iyi yakanga isingaone zvinhu zvakaipa, mashandisiro aaiita nguva yaainge asiri pabasa aimukanganisa sei?

      Verengai VaFiripi 1:10, mobva makurukura mubvunzo uyu:

      • Rugwaro urwu runotibatsira sei pakusarudza kuti totora nguva yakadii tichizvivaraidza?

      5. Sarudza zvekuzvivaraidza nazvo zvisingakukuvadzi

      Kunyange zvazvo zvimwe zvinhu zvinovaraidza vanhu zvisingafadzi Jehovha, kune zvakawanda zvinonakidza zvisingamugumburi. Verengai Muparidzi 8:15 uye VaFiripi 4:8, mobva makurukura mubvunzo uyu:

      • Unowanzofarira kuvaraidzwa nezvinhu zvipi zvakanaka?

      Mifananidzo: Vanhu vemazera akasiyana-siyana vari kuvaraidzwa nezvinhu zvakasiyana-siyana. 1. Musikana ari kuteerera mumhanzi achidhirowa mifananidzo. 2. Vakomana vari kutamba basketball. 3. Vakomana vaviri vari kuchovha mabhasikoro. 4. Mukomana ari kugadzira kamotokari kekutambisa. 5. Murume ari kuridza ngoma. 6. Mukomana ari kutamba vhidhiyo gemhu nababa vake. 7. Mukadzi ari kutora mifananidzo.

      Kune zvinhu zvakanaka zvekuzvivaraidza nazvo

      VAMWE VANOTI: “Hapana chakaipa nekuvaraidzwa nenyaya dzekurwa, dzeupombwe, kana kuti dzechidhimoni, chero ini pachangu ndisiri kuzviita.”

      • Iwe unotiwo chii?

      PFUPISO

      Jehovha anoda kuti tisarudze kuzvivaraidza nezvinhu zvakanaka uye tinakidzwe nazvo.

      Kudzokorora

      • VaKristu havafaniri kuvaraidzwa nezvinhu zvakaita sezvipi?

      • Nei tichifanira kungwarira nguva yatinopedzera pakuzvivaraidza?

      • Nei uchida kusarudza zvekuzvivaraidza nazvo zvinofadza Jehovha?

      Edza Izvi

      WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

      Dzidza kuti ndiani anofanira kutisarudzira zvekuzvivaraidza nazvo.

      “Zvapupu zvaJehovha Zvinorambidza Mamwe Mafirimu, Mabhuku, Kana Kuti Nziyo Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

      Ona kuti ungasarudza sei nekuchenjera panyaya yekuzvivaraidza nekumbotandara.

      “Zvaunovaraidzwa Nazvo Zvinobatsira Here?” (Nharireyomurindi, October 15, 2011)

      Munyaya inoti “Ndakarega Kunyange Kusarura Kwandaiita Vamwe Vanhu,” ona chakaita kuti mumwe murume achinje zvinhu zvaaizvivaraidza nazvo.

      “Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu” (Nharireyomurindi, February 1, 2010)

      Ona kuti vamwe amai vakangwarira sei pakusarudza zvekuzvivaraidza nazvo zvisina chidhimoni.

      Usazvivaraidza Nenyaya Dzine Chidhimoni (2:02)

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe