RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chii Chinoreva Kuzviisa Pasi Muroorano?
    Nharireyomurindi—1991 | December 15
    • Kuzviisa Pasi Kune Mwero

      Chiremera chomurume pamudzimai wake hachisi chachose chose. Munzira dzakati kuzviisa pasi kwohudzimai kunogona kuenzaniswa nokuzviisa pasi kwomuKristu pomutongi wenyika. Mwari anoraira kuti muKristu anofanira “kuva pasi pezviremera zvikuru.” (VaRoma 13:1, NW) Bva uku kuzviisa pasi nguva dzose kunofanira kudzikamiswa neizvo tine ngava nazvo kuna Mwari. Jesu akati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Marko 12:17, NW) Kana Kesari (hurumende yenyika) akaraira kuti timupe chiri chaMwari, tinoyeuka izvo muapostora Petro akataura: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.”—Mabasa 5:29, NW.

      Nenzira yakati fananei, kana mukadzi wechiKristu akaroorwa nomurume asinganzwisisi kana kuti anokundikana kuremekedza nheyo dzechiKristu, iye, kunyanguvezvo, anosungirwa kuzviisa pasi pake. Panzvimbo pokupandukira iyi gadziriro yakaiswa naMwari, aizoita zvakanaka kuita kwaari norudo nerangariro uye nokudaro achiedza kuwana chivimbo chake. Zvichida mufambiro wakaisvonaka wakadaro uchaita kuti murume wake achinje; ungatomuwana kuzvokwadi. (1 Petro 3:1, 2) Kana murume wake akamuraira kuita chimwe chinhu chinorambidzwa naMwari, anofanira kuyeuka kuti Mwari ndiye Mutongi wake mukuru. Somuenzaniso, kana iye akaraira kuti apinde mumiitiro youtere hwevatano, zvakadai sokuchinjana vadzimai, anosungirwa kusabvuma kuzviisa pasi. (1 VaKorinte 6:9, 10) Kuzviisa pasi pomurume wake kunodzorwa nehana yake nokuzviisa pasi kwake kukuru paMwari.

      Munguva yaMambo Dhavhidhi, Abhigairi akanga akaroorwa naNabhari, murume aisaremekedza nheyo dzoumwari uye akaita nehasha uye nenzira isina rudo kuna Dhavhidhi navarume vaDhavhidhi. Ivava vakanga vadzivirira zviuru zvamakwai nembudzi zvaNabhari, asi apo Dhavhidhi akakumbira mupiro wezvokudya, Nabhari akaramba kupa chinhu chipi nechipi.

      Pakuziva kuti chimiro chokunyima chomurume wake chakanga chichizounza ngwavaira pamhuri, Abhigairi akazvisarudzira amene kuendesa zvokudya kuna Dhavhidhi. “Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amazambiringa akaoma ane zana, namapundu amaonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro. Akati kumajaya ake: ‘Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai.’ Asi haana kuudza murume wake Nabhari.”—1 Samueri 25:18, 19.

      Abhigairi akanga asina kururama here mukuita mukupesana nokuda kwomurume wake? Kwete muchinoitika chino. Kuzviisa pasi kwaAbhigairi hakuna kuda kuti ave asina rudo somurume wake, zvikurukuru sezvo nzira yokusachenjera yaNabhari yakapinza mhuri yake yose mungozi. Nokudaro, Dhavhidhi akati kwaari: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosongana neni; nokungwara kwako ngakukudzwe.” (1 Samueri 25:32, 33) Nenzira yakafanana, vadzimai vechiKristu nhasi havafaniri kunyanduka ndokupandukira umusoro hwavarume vavo, asi kana ivava vakatora nzira isiri yechikristu, vadzimai havafaniri kuvatevera muna iyoyi.

      Chokwadi, Pauro mutsamba yake kuvaEfeso anoti: “Seungano iri pasi paKristu, naizvozvo vadzimai ngavavewo pasi pavarume vavo muchinhu chiri chose.” (VaEfeso 5:24, NW) Kushandisa kwomuapostora mashoko okuti “chinhu chiri chose” pano hakurevi kuti hakuna miganhu kukuzviisa pasi kwomudzimai. Kutaura kwaPauro kwokuti, “sezvo ungano iri pasi paKristu,” kunoratidzira icho airangarira. Chinhu chiri chose icho Kristu anoda kuungano yake chakarurama, chiri mutsinhirano nokuda kwaMwari. Naizvozvo, ungano inogona nenzira iri nyore uye nenzira inofadza kuzviisa pasi pake muchinhu chiri chose. Nenzira yakafanana, mudzimai womurume wechiKristu anoedza zvapachokwadi kutevera muenzaniso waJesu achava anofara kuva pasi pake muchinhu chiri chose. Iye anoziva kuti anoitira hanya zvikuru fariro dzake dzakanakisisa, uye haasati achizomukumbira achiziva kuita chimwe chinhu chisiri mutsinhirano nokuda kwaMwari.

      Murume achachengeta rudo noruremekedzo zvomudzimai wake apo anoratidzira mavara oumwari omusoro wake, Jesu Kristu, uyo akaraira vateveri vake kudana. (Johane 13:34) Kunyange zvazvo murume achikanganisa uye asina kukwana, kana achishandisa chiremera chake mutsinhirano noumusoro hukuru hwaKristu, anoita kuti kuve nyore zvikuru kuti mudzimai wake ave anofara kuva naye somusoro wake. (1 VaKorinte 11:3) Kana mudzimai akasakurira mavara echiKristu okuzvininipisa nomutsa worudo, hakuna kumuomera kuzviisa amene pasi pomurume wake.

  • Chii Chinoreva Kuzviisa Pasi Muroorano?
    Nharireyomurindi—1991 | December 15
    • Zvimiro zvakadaro zvinofanira kusakurirwa muungano. Uye zvinofanira zvikuru kusakurirwa pakati pomurume nomudzimai mumusha wechiKristu. Murume anogona kuratidza chidakadaka chake chikuru nounyoro kupfurikidza nokuteerera zvikarakadzo zvinobva kumudzimai wake. Iye anofanira kurangarira murangariro womudzimai wake asati aita chisarudzo chinotapura mhuri. Vadzimai vechiKristu havasi vasingafungi. Ivo vanogona kazhinji kazhinji kupa varume vavo zvikarakadzo zvinokosha, sezvakaita Sara kumurume wake, Abrahama. (Genesi 21:12) Pane rumwe rutivi, mudzimai wechiKristu haasati achizoraira murume wake nenzira isina mufungo. Iye acharatidza mutsa wake nokuzvininipisa kwendangariro kupfurikidza nokutevera nhungamiro yake nokutsigira zvisarudzo zvake, kunyange zvazvo izvo pane dzimwe nguva zvingasiana nezvido zvake amene.

      Murume ane mufungo, kufanana nomukuru ane mufungo, anosvikika uye ane mutsa. Mudzimai ane rudo anopindura nokuva netsitsi nomwoyo murefu, achiziva nhamburiko dzaanoita kuti aite mitoro yake pasinei zvapo nokusakwana nedzvinyiriro dzoupenyu. Apo zvimiro zvakadaro zvinosakurirwa navose vari vaviri murume nomudzimai, kuzviisa pasi muroorano hakusati kuchizova chinetso. Panzvimbo pezvo, manyuko omufaro, chengeteko, uye gutsikano isingaperi.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe