“Unonatsa Kururamisa Shoko Razvokwadi”
SHOKO raMwari idura renheyo dzinokosha nokuda kwoupenyu hunobudirira. Rinogona kubetsera mushumiri kudzidzisa, kutsiura, uye kururamisa. (2 Timotio 3:16, 17) Zvisinei, kuti tibetserwe zvizere neiyi nhungamiro yakagoverwa nenzira youmwari, tinofanira kutevera zano romuapostora Pauro kuna Timotio, rokuti: “Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi.”—2 Timotio 2:15.
Shoko raMwari rinofananidzwa, pakati pezvimwe zvinhu, nemukaka unovaka muviri, zvokudya zvikukutu, mvura inozorodza neinochenesa, chionioni, uye munondo unopinza. Kunzwisisa izvo mashoko aya anoreva kunobetsera mushumiri kushandisa Bhaibheri nenzira younyanzvi.
Kugovera Mukaka weShoko raMwari
Mukaka ndiwo zvokudya izvo vacheche vachangobva kuberekwa vanoda. Sezvo mucheche anokura, zvokudya zvikukutu pashoma napashoma zvinopinzwa muzvokudya zvake, asi kuvamba, anogaya mukaka bedzi. Mumativi mazhinji, avo vanoziva zvishoma pamusoro peShoko raMwari vakaita savacheche. Kana munhu achangobva kufarira Shoko raMwari kana kuti ave akarovedzana naro kwenguva yakati, kana aine bedzi kunzwisisa kusina kukwana kweizvo Bhaibheri rinotaura, mucheche womudzimu uye anoda zvokudya zvinovaka muviri zviri nyore kugaya—“mukaka” womudzimu. Achigere kukwanisa kugaya “zvokudya zvikukutu,” zvinhu zvikuru zveShoko raMwari.—VaHebheru 5:12.
Ikoku ndiko kwakanga kuri mamiriro ezvinhu muungano yakanga ichangobva kuumbwa muKorinte apo Pauro akavanyorera, kuti: “Ndakakupai mukaka mumwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni.” (1 VaKorinte 3:2) VaKorinte vaifanira kutanga kudzidza “dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari.” (VaHebheru 5:12) Pamwero wavo wokukura, vaisagona kuva vakagaya “zvakadzika zvaMwari.”—1 VaKorinte 2:10.
SaPauro, vashumiri vechiKristu nhasi vanoratidzira itiro hanya yavo nokuda kwavacheche vomudzimu kupfurikidza nokuvapa “mukaka,” ndiko kuti, kupfurikidza nokuvabetsera kuva vakasimba zvikuru mudzidziso yokutanga yechiKristu. Vanokurudzira vatsva vakadaro kana kuti vasina kukura mumudzimu ku“pang[a] mukaka womweya, usina kushatiswa.” (1 Petro 2:2) Muapostora Pauro akaratidza kuti ainzwisisa ngwariro chaiyo iyo vatsva vaida apo akanyora, kuti: “Mumwe nomumwe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake.” (VaHebheru 5:13) Shiviriro, rangariro, nzwisiso, uye unyoro zvinodikanwa kuvashumiri vaMwari sezvavanogoverana mukaka wakachena weShoko nevatsva uye vasina ruzivo rwokuzviwanira kupfurikidza nefundo dzeBhaibheri dzapamusha uye muungano.
Kushandisa Zvokudya Zvikukutu zveShoko raMwari
Kuti akure kuruponeso, muKristu anoda zvinopfuura “mukaka.” Zvokwadi dzinokosha dzeBhaibheri dzangonzwisiswa nokugamuchirwa nenzira yakajeka, agadzirira kufambira mberi ku‘zvokudya zvikukutu zvevanhu vakakura mumudzimu.’ (VaHebheru 5:14) Anogona sei kuita ikoku? Zvikurukuru, kupfurikidza nemuitiro wenguva dzose wefundo yemunhu oga uye songaniro pamisangano yechiKristu. Miitiro yakanaka yakadaro ichabetsera kuita kuti muKristu ave akasimba mumudzimu, akakura mumudzimu, uye anobudirira muushumiri. (2 Petro 1:8) Hatifaniri kukanganwa kuti mukuwedzera kuzivo, kuita kuda kwaJehovha kuchaumbawo zvokudya zvomudzimu.—Johane 4:34.
Nhasi, “muranda wakatendeka, wakangwara” akagadzwa kuti agovere vabatiri vaMwari zvokudya panguva yakafanira uye kuvabetsera kunzwisisa “kuchenjera kukuru kwaMwari.” Jehovha, kupfurikidza nomudzimu wake, anozivisa zvokwadi huru dzaMagwaro kupfurikidza nomuranda uyu akavimbika, uyo anobudisa nokutendeka “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira.” (Mateo 24:45-47; VaEfeso 3:10, 11; enzanisa naZvakazarurwa 1:1, 2.) MuKristu mumwe nomumwe ane mutoro wokushandisa zvakazara zvikurusa gadziriro dzakadaro dzinobudiswa.—Zvakazarurwa 1:3.
Chokwadika, zvimwe zvinhu zviri muBhaibheri “zvikukutu kunzwisiswa,” kunyange nokuda kwavaKristu vakakura mumudzimu. (2 Petro 3:16) Mune kutaura kunokangaidza, uporofita, uye mienzaniso inoda fundo huru nokufungisisa. Nokudaro, fundo yomunhu oga inobatanidza kuchera muShoko raMwari. (Zvirevo 1:5, 6; 2:1-5) Vakuru zvikurukuru vane mutoro muna ikoku apo vanodzidzisa ungano. Vangava vachiitisa Fundo yeBhuku yeUngano kana kuti Fundo yeNharireyomurindi, kupa hurukuro dzavose, kana kuti kubatira mune imwe nzvimbo yokudzidzisa ipi neipi, vakuru vanofanira kuva vakasanorovedzana nemashoko avo ndokuva vakagadzirira kupa ngwariro ku“unyanzvi hwokudzidzisa” hwavo sezvavanopa zvokudya zvomudzimu zvikukutu kuungano.—2 Timotio 4:2, NW.
Mvura Inozorodza Nokuchenesa
Jesu akaudza mukadzi weSamaria patsime kuti aizomupa chimwe chinhu chokunwa icho chaizova maari “tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” (Johane 4:13, 14; 17:3) Mvura iyi inopa upenyu inobatanidza gadziriro dzose dzaMwari dzokuwana upenyu kupfurikidza neGwayana raMwari, uye gadziriro idzi dzinotsanangurwa muBhaibheri. Savanhu vane nyota ye“mvura” iyoyo, tinogamuchira kokero inopiwa nomudzimu nemwenga waKristu ku“tor[a] mvura youpenyu [ti]singatengi.” (Zvakazarurwa 22:17) Kunwa mvura iyi kunogona kureva upenyu husingaperi.
Uyezve, Bhaibheri rinogadza mipimo yetsika neyomudzimu nokuda kwavaKristu vechokwadi. Sezvatinoshandisa mipimo iyi yakagadzwa nenzira youmwari, tinocheneswa neShoko raJehovha, ku“shambidzwa” pamiitiro yose iyo Jehovha Mwari anovenga. (1 VaKorinte 6:9-11) Nokuda kwechikonzero ichi, zvokwadi iri muShoko rakafuridzirwa inonzi “kushambidza kwemvura.” (VaEfeso 5:26) Kana tisingabvumiri zvokwadi yaMwari kutichenesa munzira iyi, kunamata kwedu hakusati kuchizogamuchirika kwaari.
Nenzira inofadza, vakuru vano‘shandisa shoko rezvokwadi zvakarurama’ vanofananidzwawo nemvura. Isaya anotaura kuti vakaita “senzizi dzemvura panzvimbo yakawoma.” (Isaya 32:1, 2) Vakuru vane rudo vanoita rondedzero iyi apo vanoshanyira hama dzavo savafudzi vomudzimu, vachishandisa Shoko rinozorodza raMwari kupa mashoko omudzimu anovaka, anonyaradza, anosimbisa nokukurudzira.—Enzanisa naMateo 11:28, 29.a
Mitezo yeungano inotarira mberi kushanyo dzinoitwa navakuru. “Ndinoziva kuti vakuru vanogona kuzorodza sei, uye ndinofara kwazvo kuti Jehovha akaita gadziriro iyi,” anodaro Bonnie. Lynda, mai asina kuroorwa, anonyora, kuti: “Nekurudziro yapaMagwaro, vakuru vakandibetsera kukunda. Vakateerera ndokuratidza tsitsi.” Michael anoti: “Vakandiita kuti ndinzwe ndiri rutivi rwesangano raiitira hanya.” “Shanyo dzavakuru dzakandibetsera kukurira nhambo dzokuora mwoyo kwakakomba,” anodaro mumwe. Shanyo inovaka mumudzimu yomukuru yakaita sechokunwa chinotonhorera, chinozorodza. Vakaita samakwai vanonyaradzwa sezvo vakuru vane rudo vanovabetsera kuona kuti nheyo dzapaMagwaro dzinoshanda sei kumamiriro avo ezvinhu.—VaRoma 1:11, 12; Jakobho 5:14.
Shandisa Shoko raMwari Sechionioni
Apo munhu anodya zvokudya zvikukutu, chinangwa chacho hachisati chete chiri kufarikanya kunaka kwacho. Panzvimbo pezvo, anokarira kuwana zvokudya zvinovaka muviri zvichamugonesa kushanda. Kana ari mwana, anokarira kuti zvokudya zvacho zvichamubetsera kuti ave mukuru. Kwakafanana nezvokudya zvomudzimu. Fundo yomunhu oga yeBhaibheri inogona kuva inofarikanywa, asi handicho bedzi chikonzero chayo. Zvokudya zvomudzimu zvinofanira kutichinja. Zvinotibetsera kuziva ndokubereka zvibereko zvomudzimu uye zvinotibetsera kupfeka “munhu mutsva, unovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika.” (VaKorose 3:10; VaGaratia 5:22-24) Zvokudya zvomudzimu zvinotibetserawo kukura mumudzimu, kuchitiita kuti tikwanise zviri nani kushandisa nheyo dzapaMagwaro mukubata nezvinetso zvedu uye mukubetsera vamwe kubata nezvavo.
Tinogona kuziva sei kana Bhaibheri riri kuva netapuro iyoyo patiri? Tinoshandisa Bhaibheri sechionioni. Jakobho akati: “Ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, . . . Nokuti unozviona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wakadini iye. Asi munhu unocherekedza murayiro wakakwana, iwo murayiro wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, unokanganwa, asi muiti webasa, iye ucharopafadzwa pane zvaanoita.”—Jakobho 1:22-25.
Tino‘tarira’ muShoko raMwari apo tinosanorinzvera ndokuenzanisa zvatiri nezvatinofanira kuva maererano nemipimo yaMwari. Tichiita ikoku, tichava “vaiti veshoko, [kwete] vanzwi voga.” Bhaibheri richange richiva netapuro yakaisvonaka patiri.
Shoko raMwari Somunondo
Pakupedzisira, muapostora Pauro anotibetsera kuona kuti tinogona sei kushandisa Shoko raMwari somunondo. Pakutinyevera nezve“vabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga,” anotikurudzira ku“tora . . . munondo woMweya, iro Shoko raMwari.” (VaEfeso 6:12, 17) Shoko raMwari chombo chinokosha chatinogona kushandisa kubvisa mifungo ipi neipi iyo ino“mutswa kuzorwa nokuziva Mwari.”—2 VaKorinte 10:3-5.
Pasina panikiro, “shoko raMwari ibenyu, rine simba.” (VaHebheru 4:12) Jehovha anotaura kurudzi rwomunhu kupfurikidza namapeji eShoko rake rakafuridzirwa. Sanorishandisa mukudzidzisa vamwe uye mukufumura dzidziso dzenhema. Zviyamure umene naro kukurudzira, kuvaka, kuzorodza, kunyaradza, kunyandura, uye kusimbisa vamwe mumudzimu. Uye Jehovha “ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake,” kuitira kuti ugaroite “zvinofadza pamberi pake.”—VaHebheru 13:21.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya yeNharireyomurindi ine musoro unoti “Vanofudza Netsitsi Makwai Maduku,” September 15, 1993, mapeji 20-3.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Vakuru vanokurudzira vamwe, ku“natsa kururamisa shoko razvokwadi.”