Ganhuro 12
Manyuko Akakwirira Zvikuru Ouchenjeri
“Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Imi makaita iwo ose muuchenjeri. Pasi rizere nezvibereko zvenyu.” (Pisarema 104:24) Hungu, kubvira mukuisvonaka kwechisiko chapose pose chikurusa kusvikira kurutsvindo rwakanakisisa rweruva, chisiko chinopupurira uchenjeri husingaenzaniswi hwoMusiki wacho. Ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu rwezana rino ramakore rechi 20 runova pasitongorina pakuenzanisirwa namabasa aMwari. Kana Bhaibheri riri Shoko raMwari, taizorikarirawo kupa ufakazi hwouchenjeri hunopfuura kukwanisa kwavanhu. Rinodaro here?
1. (Batanidza sumo.) (a) Ndokupi kwatinowana ufakazi hwouchenjeri husingaenzaniswi hwaMwari? (b) Bhaibheri rinopa zanoi pamusoro pouchenjeri?
BHAIBHERI rinosimbisa ukoshi hwouchenjeri. Iro rinoti: “Uchenjeri chinhu chikuru. Wana uchenjeri; uye nezvose zvaunowana, wana nzwisiso.” (Zvirevo 4:7) Rinobvumawo kuti isu vanhu tinowanzoshaiwa uchenjeri, uye rinotikurudzira, kuti: “Kana munhu upi noupi wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, nokuti iye anopa zvikuru kuna vose.”—Jakobho 1:5.
2. Munhu anogona sei kuwedzera uchenjeri hwake?
2 Ko Mwari ‘anopa uchenjeri zvikuru’ sei? Imwe nzira iri kupfurikidza nokutikurudzira kurava Bhaibheri ndokudzidza mariri. Bhuku reBhaibheri raZvirevo rinotikurudzira, kuti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu ndokuchengeta mirairo yangu ndimene kwauri umene, kuti uteerere uchenjeri . . . uchanzwisisa kutyiwa kwaJehovha, uye uchawana zivo imene yaMwari. Nokuti Jehovha iye amene anopa uchenjeri.” (Zvirevo 2:1, 2, 5, 6) Apo tinoshandisa zano riri muBhaibheri ndokuona kuti rinobudirira sei, tinoziva kuti rinomirira zvamazvirokwazvo uchenjeri hwoumwari.
Mashoko Okuchenjera
3, 4. (a) Bhaibheri rinotii pamusoro pokusava namaturo kworudo rwemari? (b) Bhaibheri rinoratidzira dzikamoi yakaisvonaka mukutizanura pamusoro poukoshi hwemari?
3 Kunzwisisa ikoku zviri nani, ngatinzverei ndima shomanene dzeBhaibheri. Rangarira uku kutaura kwokuchenjera, kunoti: “Avo vanotsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo nomukuchiva kwoupenzi uye kunokuvadza . . . Nokuti rudo rwemari ndirwo chisakiso chamarudzi ose ezvinhu zvinokuvadza.” (1 Timotio 6:9, 10) Enzanisa ikoku nomurangariro wazvino uno—zvimwe muchaunga chokuMadokero—chinokurudzira vanhu kuronda mari senharidzano yavo huru. Nomutoo usingafadzi, vazhinji vanowana pfuma yavanotsvaka asi vane kunzwa kwokusava nechinhu nokusagutsikana. Nyanzvi yokushanda kwendangariro yapachipatara yakati: “Kuva Nha. 1 nokupfuma hakusati kuchikuita kuti unzwe wakaringanirwa, wakagutsikana, uchiremekedzwa zvapachokwadi kana kuti uchidiwa.”1
4 Hakusati kuri kuti munhu chaiyeiye anogona kurinza gotsi rake chose chose pamari. Bhaibheri rinoratidzira uchenjeri hwakaisvonaka hwakadzikama apo iro rinoti: “Uchenjeri ndohwechitaviridzo kungofanana nemari iri nokuda kwechitaviridzo; asi chimuko chezivo ndechokuti uchenjeri ihwo humene hunochengeta vene vahwo vari vapenyu.” (Muparidzi 7:12) Nokudaro, Bhaibheri rinotibetsera kuona kuti mari, kunyange zvazvo ichikosha, haisati ichikosha chose. Inongova bedzi mutoo wokuwana nawo donzo rakati, uye ndeyoukoshi hwakaganhurirwa kana tisina uchenjeri hwokuishandisa zvakafanira.
5, 6. (a) Neiko zano reBhaibheri rokudzivisa songaniro dzakashata riri rokuchenjera? (b) Tinobetserekana sei pa“kufamba navanhu vakachenjera”?
5 Uku kutaura kweBhaibheri ndokwechokwadiwo, kunoti: “Iye unofamba navanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye ari kuva nokubata namapenzi achaguma nomutoo wakashata.” (Zvirevo 13:20) Wati wambocherechedza here kuti vasonganiri vedu vane tapuro yakasimba zvakadini patiri? Dzvinyiriro yavezera rimwe chetero yakaparira vechiduku kupinda muudhakwa, shandiswo isina kufanira yemirimo, uye utere. Kana tichisonganirana naavo vanoshandisa mutauro wakashata, isu pakupedzisira tinozviwana timene tichishandisa mutauro wakashata. Kuva pamwe chete navanhu vasina kutendeseka kunokombamira kukutiita kuti tive vasina kutendeseka. Zvamazvirokwazvo, sokurevawo kunoita Bhaibheri kuti, “Songaniro dzakashata dzinoshatsa tsika dzinobetsera.”—1 VaKorinte 15:33.
6 Kune rumwe rutivi, songaniro dzakanaka dzinogona kutivandudza. Kupfurikidza no“kufamba navanhu vakachenjera,” tichava vakachenjera isu timene. Tsika dzakanaka dzinonamatira, sezvinoitawo dzakashata. Zvakare, Bhaibheri rinoratidzira uchenjeri mukutikurudzira kusanosarudza vasonganiri vedu.
7. Chii chinoita kuti Bhaibheri rive rechienzi samanyuko epangiro?
7 Bhaibheri rine nheyo zhinji dzakadaro dzokutibetsera kutungamirira upenyu hwedu. Samanyuko epangiro, iro nderechienzi. Zano raro nguva dzose rinobetsera. Harisati richitongova zvaro rondedzero, uye harisati richitongoita kuvadziko yedu. Dura rakafara rezano reBhaibheri harienzaniswi. Avo vanorishandisa muupenyu hwavo, uye vachiona mashandire arinoita nguva dzose nokuda kwebetserwo yavo, vanosvika pakunzwisisa Bhaibheri samanyuko echienzi ouchenjeri.
Nheyo Dzokuchenjera
8. Bhaibheri rinogona sei kutibetsera kunyange patinonangana nomugariro usati uchidudzwa nomutoo wakananga mariri?
8 Kunyange zvazvo zvakadaro, zvakadiniko kana tikanangana nomugariro usati uchidudzwa chaizvoizvo muBhaibheri? Kazhinji kazhinji, tinowana nheyo dzakafara dzokutitungamirira. Somuenzaniso, vazhinji pane imwe nguva muupenyu hwavo vanonangana nechisarudzo pamusoro pomuitiro wokusvuta fodya. Sezvo fodya yakanga isati ichizivikanwa muMiddle East mumazuva aJesu, Bhaibheri harisati richiidudza. Kunyanguvezvo, pane nheyo dzakafanira dzeBhaibheri dzokutibetsera kuita chisarudzo chokuchenjera mune iyi nhau.
9-11. Munzirai umo nheyo dzeBhaibheri dzinotibetsera kusvika pachisarudzo chokuchenjera munhau dzokushandisa fodya, uye tinobetserekana sei kupfurikidza nokutevera nheyo idzodzi?
9 Kusvuta fodya, kunyange kuchishumwa kuva kunofadza, zvamazvirokwazvo kunobatanidza kupinza shatiswo dzakawanda mumapapu. Musvuti anoshatisa muviri wake, uyewo zvipfeko zvake nemhepo yakamupoteredza. Mukuwedzera, kusvuta kupindwa muropa. Vanhu vanoda kurega vanowanzokuwana kwakaoma zvikuru. Tichirangarira ikoku, tinogona kuvimba neBhaibheri nokuda kwebetsero mukusvika mhedziso yokuchenjera pamusoro pokusvuta fodya.
10 Kutanga, rangarira chinetso chokupindwa muropa. Pauro, pakutaura pamusoro pezvokudya, akati: “Handisati ndichizozvibvumira ndimene kuva ndinoiswa pasi pechiremera nechinhu chipi nechipi.” (1 VaKorinte 6:12) Pauro akanga akasununguka kudya rudzi rupi norupi rwezvokudya, asi aiziva hake kuti vamwe vanhu shure ikoko vakanga vane hana dzinotapurika. Naizvozvo iye akataura kuti iye akanga asina “kupindwa muropa” zvikuru nezvokudya zvakati zvokuti aisagona kuzvirega kana aifanira kudaro kuti agorega kugumbura vamwe. Kana munhu asingagoni kurega kusvuta—kana kuti kutsenga—fodya, chaizvoizvo iye ‘ari pasi pechiremera chayo.’ Naizvozvo kutaura kwaPauro pamusoro penhau yezvokudya inhungamiro yakanaka nokuda kwokushandisa fodya. Hatisati tichifanira kuzvibvumidza isu timene kuva vanoitwa varanda nomuitiro wakati.
11 Chechipiri, rangarira nhau yeshatiswo. Bhaibheri rinoti: “Ngatizvichenurei timene pasvipiso iri yose yenyama nomudzimu.” (2 VaKorinte 7:1) Kusvuta pasina panikiro isvipiso, kana kuti shatiswo, yenyama. Ukombi hweiyi shatiswo hunoonwa muidi rokuti, mukuwirirana neSangano reNyika Routano, inoparira vanhu vanopfuura mirioni imwe kufa pamberi penguva gore rimwe nerimwe. Kana tikatevera nheyo yeBhaibheri pamusoro pokuramba takashambidzika pasvipiso dzenyama, tichataviridzirwa pangozi dzakakomba dzoutano dzokusvuta, uyewo mirimo nedzimwe svipiso.
Mashoko Anobetsera
12. Neiko zano reBhaibheri richigarobatanidzwa negarikano yedu yomuviri nendangariro?
12 Hatisati tichifanira kukatyamadzwa kuti kutevera zano reBhaibheri kunotibetsera munzira yokunyama. Zano reBhaibheri rinobva kuna Mwari. SoMusiki wedu, iye ane zivo yakadzama yenzira yatakaitwa nayo nezvatinoshaiwa. (Pisarema 139:14-16) Zano rake rinogarobatanidzwa negarikano yomuviri wedu nendangariro.
13, 14. Neiko kuri nzira youchenjeri kutevera zano reBhaibheri rokusareva nhema?
13 Ikoku kunoonwa muzano rokusareva nhema. Nhema dzakarongwa pakati pezvinhu zvinomwe izvo Jehovha anovenga, uye bhuku raZvakazarurwa rinoronga varevi nhema pakati paavo vasati vachizova nenzvimbo munyika itsva yaMwari. (Zvirevo 6:19; Zvakazarurwa 21:8) Pasinei hapo naizvozvi, kureva nhema kwakapararira. Imwe magazini yebhizimisi inoti: “U.S. iri kutambura wedzero yakaipisisa yokurozva, nyengedzo nezvakashata zvine chokuita naizvozvi munhau yayo.”2
14 Kunyange zvazvo zvakadaro, sezvakwakarovedzeka, kureva nhema kwakashatira chaunga uye kwakashatira munhu. Nyanzvi yokuronga nhau Clifford Longley nomutoo wakarurama anoti: “Nhema dzinokuvadza murevi wenhema naanoreverwa nhema, pamwero mukurusa wegarikano yavo, kupfurikidza nokuparadzanisa batano iyeyo iri madikanwa pakati pendangariro nechimiro chouchokwadi.”3 The American Journal of Psychiatry inoti: “Simba rendangariro pavanhu vanoudzwa nhema rinogona kuva rinoparadzanya. Zvisarudzo zvikuru zvoupenyu zvingavakirwa pamashoko enhema anodavirwa kuva akarurama. Nhema dzingavawo nemiuyo yakashata pavarevi nhema ivo vamene.”4 Haiwa zviri nani zvikuru sei kutaura chokwadi, sokupa zano kunoita Bhaibheri nomutoo wokuchenjera!
15, 16. Ko kutevera zano reBhaibheri rokuratidzirana rudo kuvamwe kunotibetsera munzirai?
15 Nomufungo wakananga zvikuru, Bhaibheri rinotiudza kuti tinofanira kuva vanoitira hanya vamwe, kuratidza rudo, ndokuva vanovabetsera. Mashoko aJesu anosanozivikanwa, anoti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zva munoda kuti vanhu vakuitirei, imiwo munofanira kuvaitirawo.”—Mateo 7:12.
16 Nyika yaizova iri nani zvikuru sei kudai munhu ari wose aitevera uyu murairo! Uyezve, mukuwirirana nenzverwo yendangariro yakaitwa muUnited States, vanhu vamwe navamwe vaizonzwa zviri nani. Vanhu vane 1 700 vakanzverwa vakashuma kuti kubetsera vamwe kwakavapa pfungwa yoruteramo nesununguko pavhiringidziko dzine chokuita nenhamo dzakadai sokutemwa nemusoro nokurasikirwa nenzwi. Mushumo wacho unogumisa uchiti: “Ipapoka, kunooneka kuti kuitira hanya vamwe rutivi rukuru rwomusikirwo wavanhu sokuzviitira hanya timene.”5 Ikoku kunotiyeuchidza nezvomurairo weBhaibheri, unoti: “Unofanira kuda muvakidzani wako sokuzvida kwaunoita iwe umene.” (Mateo 22:39; enzanisa naJohane 13:34, 35.) Ndokwomuzvarirwo kuzvida timene. Asi kuti tigova vane utano mundangariro, Bhaibheri rinoti tinotofanira kudzikamisa rudo irworwo nokuda kwedu timene norudo nokuda kwavamwe.
Roorano Netsika
17. Neiko zano reBhaibheri padzimwe nguva richiratidzika kuva rechinyakare?
17 Kunyange zano reBhaibheri richipa ufakazi hwouchenjeri hukuru, harisati richigarotaura zvinhu izvo vanhu vanoda kunzwa. Kazhinji kazhinji, rinowanzopomerwa kuva rechinyakare. Neiko ikoku kwakadaro? Nokuti kunyange zano reBhaibheri riri nokuda kwebetserwo yedu yenhambo refu, kurishandisa kunowanzoda chirango nokuzvinyima; uye aya mavara haasati achidiwa nhasi.
18, 19. Ndeipi iri mipimo yeBhaibheri nokuda kweroorano netsika?
18 Rangarira nhau yeroorano netsika. Mipimo yeBhaibheri pano ine rumano zvikuru. Inonongedzera kukusaparika, murume mumwe nokuda kwomudzimai mumwe. Uye kunyange richidudza zvinoitika zvakakomba umo kuchatanura kana kuti paradzano ingava inobvira, rinowanzotaura kuti chisungo cheroorano ndechoupenyu hwose. “Hamuna kurava here kuti iye wakavasika kubvira pamavambo akavaita munhurume nomunhukadzi ndokuti, ‘Nokuda kweichi chikonzero murume achasiya baba vake naamai vake ndokunamatira kumudzimai wake, uye vaviri vachava nyama imwe’? Zvokuti havasati vachirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, icho Mwari akabatanidza pamwe chete ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa.”—Mateo 19:4-6; 1 VaKorinte 7:12-15.
19 Uyezve, Bhaibheri rinoti nzvimbo bedzi nokuda kwevatano iri mukati mechisungo cheroorano. Rinorambidza vatano yose yakadaro kunze kweroorano. Tinorava, kuti: “Zvifeve, kana kuti vanamati vezvifananidzo, kana kuti mhombwe, kana kuti vanhu vanochengeterwa madonzo asati ari omuzvarirwo, kana kuti varume vanovatana navarume . . . havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.”—1 VaKorinte 6:9, 10.
20. Ko mipimo yeBhaibheri yetsika iri kufuratirwa zvakapararira nhasi munzirai?
20 Nhasi, iyi mipimo inofuratirwa zvakapararira. Purofesa wezvamagariro avanhu David Mace anoti: “Mukati mezana rino ramakore tsika yedu yakaita chinjo hurusa, uye tsika zhinji dzakare namasangano zvakazununguswa kusvikira kuhwaro hwazvo. Roorano haina kusiiwa.”6 Miitiro isingadzorwi yetsika yakapararira. Vatano pakati pavechiduku vanoronga misi yomuvhakacho inowanzorangarirwa somuitiro. Kugara pamwe chete pamberi peroorano—‘nokuda kwamaedzwa bedzi’—kunowanzoitika. Uye kana vaviri vangoroorana bedzi, vatano dzisiri dzapamutemo hadzizi dzechienzi.
21. Chii chakaparirwa nokufuratirwa kwakapararira kwemipimo yeBhaibheri yeroorano netsika?
21 Uyu mugariro wetsika dzisingadzorwi zvikuru wakavigira mufaro here? Nyangwe, hauna kuunza chinhu kunze kwenhamo—uye nhamo hurusa kunze kwezvo—kuchiparira kusafara nemisha inoputsika. Kunewo denda rehosha dzinopomeranwa muvatano rinoparirwa nomutoo wakananga netsika dzisingadzorwi. Kupararira kwechinzonono, njovhera, uye chlamydia, pakati pedzimwe, hakudzoreki. Mumakore azvino uno, miitiro youhure nevatano yavane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo yakawedzera kupararira kweAIDS. Kune denda ravasikana vechiduku vasina kuroorwa vanova navana apo ivo vamene vasati vatongobva muuhwana. Ladies’ Home Journal yakati: “Simbiso pamusoro pevatano yakava chinhu chikurusa mumakore omumakumi matanhatu nomumakumi manomwe haina kuunza mufaro usina kuganhurirwa wavanhu asi nhamo yakakomba yavanhu.”7
22. Munhau yetsika, chii chinovigira mufarwa mukurusa?
22 Naizvozvo, zvino tinonzwa tsinhiro dzakadai seinotevera yakaitwa napurofesa wamagariro avanhu Carlfred B. Broderick, dzinoti: “Zvichida takura zvakaringanira zvokugona kurangarira kana kusati kwaizotibetsera tose zviri nani kusimudzira kuzvinyima kwapamberi peroorano somuitiro uri davidzo hurusa yezvinodikanwa zvavagari vemo vedu namaruramiro avo orusununguko: rusununguko pahosha, rusununguko panhumbu dzisingadikanwi.”8 Zvamazvirokwazvo, mupimo weBhaibheri wetsika wakabvumikisa, pakupedzisira, kuvigira mufaro mukurusa.
Nheyo Dzinoshanda Chaizvoizvo
23. (a) Kana roorano isingafadzi, chatanuro ndicho chigadzikiso bedzi chinobvira here? (b) Ndezvipi zviviri zvezvinokosha zveroorano inofadza, yakatsiga?
23 Sezvo roorano ichiitirwa kuti igare nokuda kwoupenyu hwose, tinodikanirwa kuziva nzira yokuita kuti ibudirire. Vamwe vakataura kuti kuri nani kubuda muroorano isingafadzi pane kugara mairi ndokuva akasuruvara. Asi pane chimwe chingaitwa: kushandira pakugadzikisa zvinetso zviri kuparira kusafara. Iyi ndiimwe nharaunda umo Bhaibheri rinobetsera. Tatoona mapire arinotiita zano rokuti tive vakatendeka kumukwanyina wedu weroorano, uye ikoku ndichimwe chinhu chikurusa cheroorano inofadza, yakatsiga. Chimwe ndechokuziva kuti panogona bedzi kuva nomusoro mumwe muroorano, uye Bhaibheri rinoti unofanira kuva murume. Mudzimai anopiwa zano rokuva anotsigira murume wake uye kwete kushora nzvimbo yake. Murume, kune rumwe rutivi, anoudzwa kushandisa nzvimbo yake nokuda kwokubetsera mudzimai wake ndokusava noudyire.—1 VaKorinte 11:3; 1 Timotio 2:11-14.
24, 25. Ko Bhaibheri rinokurudzira sei varume navadzimai kuita mabasa avo akafanira muroorano?
24 Kumurume, Bhaibheri rinoti: “Varume vanofanira kuda vadzimai vavo semiviri yavo vamene. Iye unoda mudzimai wake anozvida iye amene, nokuti hakuna munhu akambovenga nyama yake amene.” (VaEfeso 5:28, 29) Murume ane rudo anoshandisa chiremera chake nenzira yokurangarira. Iye anoyeuka kuti kunyange zvazvo ari musoro, mudzimai wake anofanira kuva anorangarirwa uye kubvunzwa. Roorano mushandira pamwe, kwete ushushi.
25 Zano reBhaibheri nokuda kwavadzimai rinobatanidza aya mashoko, anoti: “Mudzimai anofanira kuva noruremekedzo rukuru nokuda kwomurume wake.” (VaEfeso 5:33) Iye anoremekedza murume wake nokuda kwenzvimbo yake, uye ruremekedzo rwake ruchaonekwa kupfurikidza nokuva kwake anomutsigira, sezvo rudo rwomurume wake ruchizoonekwa kupfurikidza nokuva kwake anomuitira hanya. Kuvanhu vazhinji vanofunga vazvino uno, pangiro yakadai seiyi haigamuchiriki. Asi vashandiri pamwe vanovakira ukama hwavo parudo noruremekedzo—sokupa zano kunoita Bhaibheri—vanogarofara.
26. Ko mipimo yapaMagwaro nokuda kweroorano inoshanda chaizvoizvo here? Enzanisira.
26 Idi rokuti zano reBhaibheri mune iyi nharaunda rinoshanda chaizvoizvo rinoonwa mune chinoitika chokuSouth Seas. Vanyakuroorana ikoko, pashure pamakore gumi vari pamwe chete, vakapwiswa kuti roorano yavo yakanga ichikundikana. Naizvozvo vakatanga kurongedzera kuparadzana. Ipapo mudzimai akataura nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Pamwe chete, iye neChapupu vakafunda pangiro yeBhaibheri nokuda kwavanyakuroorana. Murume wacho anoshuma, kuti: “Mudzimai wangu zvaakanga achidzidza nheyo dzeBhaibheri, akaita nhamburiko dzokudzishandisa muupenyu hwake. Munguva yamavhiki mashomanene, ndakatanga kucherekedza chinjo dzakati kuti.” Ayevedzwa, iye akabvuma kukumbanira fundo yomudzimai wake yeBhaibheri ndokudzidza zano reBhaibheri nokuda kwavarume vakaroora. Chii chakava muuyo wacho? Iye anoti: “Zvino tawana hwaro hwoupenyu hwemhuri hunofadza chaizvoizvo.”
27. Kushandiswa kwenheyo dzipi dzeBhaibheri kunogona kubetsera maKristu anotambura urombo mune zvemari?
27 Kugonana nourombo ndiimwezve nharaunda umo zano reBhaibheri rakabvumikisa kuva rinobetsera. Somuenzaniso, kusvuta fodya noudhakwa, izvi zvose zviri zviviri zvinopesana nenheyo dzeBhaibheri, zvinopambadza pfuma yakaganhurirwa. (Zvirevo 23:19-21) Kupfuurirazve, Bhaibheri rinorumbidza kubishaira, sezvo munhu anoshanda nesimba kazhinji kazhinji achigona kuwana mutoo wokuriritira nawo mhuri yake kupinda zvinogona kuita nyope kana kuti munhu anotera kukuora mwoyo. (Zvirevo 6:6-11; 10:26) Zvakare, kutetekera pangiro inopesana nokuva ano“godora avo vanoita zvisina kururama” kunodzivisa munhu pakutendeukira kuzvinhu zvakadai soutsotsi kana kuti kubhejera senzira dzokuderedza nadzo urombo. (Pisarema 37:1) Miitiro yakadai ingaratidzika kuva inogovera chigadzikiso chokukurumidza kuzvinetso zvemari, asi chibereko chayo chenguva refu chinorwadza zvikurusa.
28-30. (a) Ko kushandiswa kwenheyo dzeBhaibheri kwakabetsera sei mumwe mukadzi wechiKristu kubata nourombo? (b) Ko zvinoitika zvezviuru zvamaKristu ari mumigariro yokushaiwa mune zvemari zvinopupurira chii?
28 Ko iri zano rinobetsera chaizvoizvo avo vari varombo zvikuru here, kana kuti rinongova zvaro rondedzero yakaisvonaka? Mhinduro inoti, Pangiro inoshanda, sokuratidza kunoita zvinoitika zvizhinji kupote nyika. Kungorangarira bedzi muenzaniso mumwe, mumwe mukadzi wechiKristu womuAsia akazviwana amene ava chirikadzi, asina mari ipi neipi, uye aine mwanakomana muduku wokutarisira. Ko Bhaibheri rakamubetsera sei nomwanakomana wake?
29 Aibishaira, sokupa zano kunoita Bhaibheri, uye akatanga kusona zvipfeko achizvitengesa. Nemhaka yokuti akanga akatendeseka uye akavimbika, sokupawo zano kunoita Bhaibheri, nokukurumidza akava navatengi venguva dzose. (VaKorose 3:23) Ipapo, akachinja kamuri duku romumba make kuva nzvimbo duku yokudyira uye aimuka parinenge awa rechina mangwanani mamwe namamwe kugadzira zvokudya zvokutengesa, uye ikoku kwakawedzera mari yake. “Kunyange zvakadaro,” iye anoti, “tinotofanira kurarama upenyu hwakapfava.” Asi iye anoyeuka pangiro yeBhaibheri, inoti: “Zvatine zvokudya nezvokufuka, tichagutsikana nezvinhu izvozvi.”—1 Timotio 6:8.
30 Iye anowedzera, kuti: “Kunyange zvazvo ndichirarama somunhu ari murombo, handisati ndichiita pfundepfunde kana kuti kushatirwa. Zvokwadi yeBhaibheri inondizadza nomurangariro wakanaka.” Mukuwedzera, akawana kuti vimbiso yakatanhamara iyo Jesu akapa yakashanda chaizvoizvo muchinoitika chake. Iye akati: “Naizvozvo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu [zvinodikanwa zvokunyama] zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33) Chinoitika chake chave chiri chokuti kupfurikidza nokuisa kwake basa rake kuna Mwari pakutanga muupenyu hwake, iye anogarogamuchira, munzira dzakasiana-siana, zvinodikanwa zvokunyama. Zvinoitika zvaava mai vechiKristu, zvikarangarirwa pamwe chete nezvozvo zvamamwe maKristu asingaverengeki ari varombo mune zvemari, zvinowedzera chipupuriro chokuti zano reBhaibheri rinoshanda chaizvoizvo.
31. Chii chinoitika apo tinotevera zano reBhaibheri, uye idi iroro rinopupurira chii?
31 Muganhuro rino, tangotaura bedzi pamusoro poukoshi hukurusa hwezano nepangiro izvo Bhaibheri rinazvo, uye taona chaizvoizvo zvinoitika zvishomanene bedzi umo iri zano rakashanda. Zvinoitika zvadudzwa zvinogona kuwanziridzwa kane chiuru. Kazhinji kazhinji, apo vanhu vanotevera Bhaibheri, vanobetserekana. Apo ivo vanorifuratira, vanotambura. Hakuna rimwe bumbiro rezano, rekare kana kuti razvino uno, rinopfuurira zvikuru kuva rinobetsera uye rinoshanda kuvanhu vamadzinza ose. Zano rokuchenjera rakadai seiri haringagoni kungovawo zvaro uchenjeri hwavanhu. Idi rokuti Bhaibheri idura gurusa rouchenjeri hwakadaro ufakazi hune simba hwokuti iro iShoko raMwari.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 168]
Chimiro chendangariro chokubatsira chinobetsera munhu ari wose
[Mufananidzo uri papeji 163]
Kufamba navanhu vakachenjera kunotiita vakachenjera, asi kusonganirana navanhu vari mapenzi kuchatitapura zvakashata
[Mufananidzo uri papeji 165]
Kusvuta fodya kunofanira kudziviswa nokuti kunorwisana nenheyo dzeBhaibheri
[Mufananidzo uri papeji 171]
Avo vanotevera zano reBhaibheri muroorano vane hwaro hwakasimba nokuda kwomufaro
[Mufananidzo uri papeji 173]
Kushandisa zano reBhaibheri kunobetsera vanhu kugonana nezvinetso zvakakomba zvourombo