‘Kutoti Jehovha Akavaka Imba...’
PASINEI zvapo nokwaunogara, pane nzvimbo iyo, nokuda kwako, iri musha. Zvitaira zvedzimba nemitoo yomuvakiro zvinosiana zvikuru. Dzimba dzedhaka nemiti, dzimba dzamatanda, dzimba dzekongiri yakagadzirwa kare—ndaza yacho inoratidzika kuva isingagumi. Vamwe vanonzwa vakasununguka zvikuru muimba youswa sezvinongoita vamwe mudzimba huru zvikuru. Neiko ikoku kwakadaro?
Kunzwa wakasununguka, wakagutsikana, kunotsamira zvikurukuru paboka iro munhu anochengeta. (Zvirevo 18:24) Pasinei zvapo nezvakanaka zvose nyika inazvo zvokupa, musha ndipo apo munhu anoda nenzira yomuzvarirwo kudzokera nokuda kworugare norunyararo. Bva, kusarudza nemishumo pamusoro poupenyu hwapamusha hwomuzuva razvino uno, hapana vimbiso kuti munhu nguva dzose achawana rugare norunyararo pamusha. Kusvikira patambanuko huru, avo vanogara newe—mhuri yako—vanogona kugoverana rugare rwako kana kuti zvimwe kurukuvadza. Chii, ipapoka, chiri chakavanzika chokuvaka musha unofadza, une rugare?
Kuvaka Imba
“Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanobata pasina;” inodaro ndima yokutanga yePisarema 127. Avo vanogoverana mukuvaka zvivako zvenamatwo yaMwari wechokwadi, Jehovha, vanowana ikoku kuva kwechokwadi. Kunyange zvazvo vashandi vano unyanzvi vachipa nguva yavo nenhamburiko zvokuvakwa kwokukurumidza kweHoro dzoUmambo dzakaisvonaka, ndicho chikomborero chaJehovha chinovimbisa budiriro. Kunyange vaoni vanogona kazhinji kazhinji kuona kuti chimwe chinhu chechienzi chinoshanda. Somuenzaniso, imwe magazini ichishuma pamusoro pegadziriro imwe yakadaro muColchester, England, yakashandisa musoro unoti “Jehovha Anosimudza Denga.”
Zvisinei, budiriro munhamburiko dzisiri gadziriro chaidzoidzo dzokuvaka inotsamirawo pachikomborero chaJehovha. Rangarira mashoko aSoromoni ari mundima yechitatu yePisarema 127: “Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubairo waanopa.” Jehovha ndiyewo Muvaki akaisvonaka apo kunouya kumhuri, uye vabereki vane ropafadzo inoshamisa yokuva vashandi biyake, kana kuti vashandiri pamwe.a (VaHebheru 11:10) Vabereki vechiKristu vanogona seiko kushandisa uhu ukutsirani hwakaropafadzwa ndokuvaka zvinobudirira mhuri inofara, ine rugare, iyo inounza rukudzo kuMusiki, Jehovha Mwari?
Kuvaka Mhuri Kunobudirira
Chinhu chinokosha mukuvaka kunobudirira ipurani yakanaka yavanyori vepurani, kana kuti purani. Nokuda kwokuvaka varumbidzi vaduku vaMwari, hakuna purani iri nani inopfuura Shoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri. (2 Timotio 3:16, 17) “Rovedza mukomana mukuwirirana nenzira yake; kunyange apo anokura haazati achizobva mairi,” akanyora kudaro Soromoni. (Zvirevo 22:6, NW) “Nzira yake” inzira yaJehovha, uye apo vabereki vanoitevera, ivo vanopa vaduku vavo kariro yokukura kuva vabatiri vakatendeka vaMwari.
Chivako chakanaka chinoda zvivakiso zvakanaka. Mumwe mushanyi weAfrica kuEurope akakuwana kwakaoma kudavira kuti zvimwe zvezvivako zvaakaona zvakanga zvagara mazana amakore. Chakanga chiri chishamiso kwaari kuona zvivakiso zvinogara zvakashandiswa muizvi zvivako. Pane rumwe rutivi, apo vavaki vanoshomekesa zvivakiso, miuyo yacho kazhinji kazhinji inobvumikisa kuva ine ngwavaira, kunyange inouraya. Ikoku kunogona kuvawo kwechokwadi mukurera vana.
Pakunambwa, vana vanogamuchira nhaka yokuberekwa nayo inoratidzirwa nokusakwana nemhaka yechivi. (Pisarema 51:5) Namamwe mashoko, ivo vanokanganiswa kuvambira pamavambo chaipo. Vabereki vechiKristu vanofanira kukurira ikoku kupfurikidza nokuvavarira kuvakira hunhu husingagumi, hwoumwari muvana vavo. (1 VaKorinte 3:10-15) Kutoti ikoku kukaitwa, pasinei zvapo nokuti vabereki vanoshanda zvakaoma sei mudzimwe nzvimbo, zvakadai somukugovera vanakomana vavo navanasikana zvokudya zvakanakisisa, zvipfeko, uye pokugara, nhamburiko dzavo dzokuvaka dzichava dzisina maturo.
Ndokusaka zano roumwari kuvabereki, zvikurukuru kumadzibaba, riri iri: “Pfuurirai kuvarera [vana] muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4, NW) Chirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha zvinobatanidza mapurani akanakisisa nezvivakiso. Kuzvishandisa kuchaguma nebetsero dzisingaperi nokuda kwemhuri yose.
Rovedzo Yapabasa
Pasinei zvapo namapurani akagadzirwa zvakanakisisa, nguva dzose pane njodzi dzisingakarirwi mukati mokuvaka kupi nokupi. Nenzira yakafanana, vabereki vanofanira kudzidza kukarira zvinetso zvisingakarirwi muupenyu hwezuva nezuva hwemitezo yemhuri ndokuva vakagadzirira kubata nazvo. Ikoku kunogona sei kuitwa?
Kurukurirano yakanaka pakati pavabereki vaviri inokosha. Apo baba naamai vanokurukura nokunyengetera fambiro mberi yavaduku pamwe chete, ivo vachawana nzvimbo umo rumbidzo yakafanira uye dzimwe umo kumwe “kuvaka” kunodikanwa. Apo bedzi utera hwakadaro hunozivikanwa, vabereki vanogona kushandira pamwe chete ndokuita nhano dzakafanira kubata nahwo.
Asi zvichida iwe une mhuri huru, uye ungashamisika, kuti: ‘Tinogona seiko kukodzeresa nhamburiko dzedu kuzvinodikanwa zvomunhu mumwe nomumwe zvavana vedu vazhinji?’ Kuregerereiko kupa rovedzo yapabasa zvokuti vana venyu vanogona kubetserana? Vanodzidzira basa vanobatira kwamakore mukudzidzira unyanzvi vari parutivi penyanzvi huru. Zvichida pafundo yenyu yemhuri, unogona kuedza kubvunza vana vako vechiduku kutsanangura nhau dzakati kuvaduku. Kutendeseka, chisarudzo cheshamwari, kudzivisa pesvedzero dzakashata muchikoro, uye zvichingunodaro, misoro iyo vose vari vaviri vana vakura navaduku vanogona kunzwisisa zvakanaka zvikuru. Kupfurikidza nokugovera vana vakura migove chaiyoiyo yakadaro, unogona kubetsera kuvarovedza kukudziridza masimba avo enzwisiso nemano okudzidzisa apo vanenge vachirovedza vaduku zvavanofanira kuziva. (VaHebheru 5:14) Ikoku kune betsero yakawedzerwa yokusakurira ukama hwechokwadi pakati pavana.
Zvichida mhuri yako iduku, ine mwana mumwe chete. Ipapo, une mabanza akawanda okusvika pakuziva ndokunzwisisa muduku wako. Ngwarira, zvisinei, ngozi yokushatisa mwana wako kupfurikidza nokunyanyomuda. Kune vatatu venyu, havapo here? Naizvozvo itirai zvinhu pamwe chete. Ikoku kuchamudzidzisa kukurukurirana navamwe ndokutendeudzira ngwariro yake kunze, nokudaro kuchimudzivisa kuva noudyire.
Vavarira Kuva Pamwe Chete Kwemhuri
Chokwadika, kune zvakawanda zvikuru kukuvaka mhuri kupfuura kuitisa fundo yeBhaibheri nokupa zano nechirango. Soromoni akati: “Hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake.” (Muparidzi 2:24) Pasina panikiro mhuri yako inofarikanya zvokudya zvayo apo zvinogadzirirwa zvakanaka. Ko unoronga here kudya zvokudya zvenyu pamwe chete semhuri? Ikoku kungasabvira nguva dzose apo mitezo yemhuri yakasiana-siana inenge iri kubasa, kuchikoro, kana kuti parimwe basa. Kazhinji kazhinji, kunyanguvezvo, kune zvinenge zvokudya zvimwe pazuva zvamunogona kudya pamwe chete semhuri. Chiiko chinogona kugovera kumugariro wakanaka patafura yemhuri?
Imwe hama inoshandisa nguva yacho kumutsa mubvunzo weBhaibheri wokuti vose varipo vakurukure. Chokwadika, iye anodzivisa kukwenudza avo vangasaziva mhinduro. Vamwe vanorondedzera zvinoitika zvomuushumiri hwomumunda. Kupfurikidza nokupa ngwariro kuzvinhu zvomudzimu, nguva dzezvokudya dzinova nguva dzokuvaka mhuri yose. (Ona VaRoma 14:19.) Chokwadi, mumamwe mativi enyika, hausi muitiro kukurukura zvakawanda mukati mezvokudya. Bva, nhamburiko yokungwarira kuchengeta mugariro unofadza inokosha. Zvirevo 15:17 inoti: “Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemirivo, rudo ruripo, pakuti ave nenzombe yakakodzwa, pane mbengo.”
Varaidzo nechinjo yomugariro zvinewo nzvimbo yazvo muupenyu hwemhuri yechiKristu. Vabereki vakachenjera vanoshandisa nguva dzakadaro kuvaka boka rakasimba remhuri youbati ushe hwaMwari. Seiko?
Nepo kuri nyore kurega vaduku vachienda ndokuronda fariro dzavo vamene, kune ngozi iri muna ikoku. Somuenzaniso, kunogona kuva kusachenjera sei kubvumira vaduku kuva vanobatanidzwa zvikuru kwazvo mumitambo zvokuti kune tyisidziro kuupenyu kana kuti ruoko kana gumbo! (1 Timotio 4:8) Kusvikira patambanuko inobvira, sarudza mibato inobatanidza mutezo uri wose wemhuri. Baba vanogona kukumbira mirangariro yavo nepfungwa ndokugovera mumwe nomumwe chimwe chinhu chokuita mukugadzirira.
Munogona here semhuri kukudza rudo rwenyu ndokukoka mimwe mitezo yeungano kuzogoverana mifaro yenyu yemhuri? Mitezo yakura yeungano kazhinji kazhinji inofarikanya kugoverana mudzimu wemhuri, zvikurukuru apo mhuri dzavo vamene dzinenge dzisipo kana kuti dzisingararami mukuwirirana nenheyo dzechiKristu. (Jakobho 1:27) Muungano dzakawanda, mune mhuri dzine mubereki mumwe. Nerangariro yakafanira kuumusoro hwoubati ushe hwaMwari noruremekedzo nokuda kwefaniro yechiKristu, vakuru navamwe vanogona kupa dziviriro yomudzimu kumitezo yemhuri dzakadaro. (Isaya 32:1) “Nherera” dzakawanda dzakava misoro yemhuri yakadzikama somuuyo wefariro yorudo yakaratidzwa nomukuru wechiKristu akakura mumudzimu.—Pisarema 82:3.
Kuvaka mhuri yechiKristu ibasa rakaoma. Asi nebetsero yaJehovha, iwe zvirokwazvo uchasvika pakunzwisisa kuti “vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubairo waanopa.” (Pisarema 127:1, 3) Ivo vanogona kuva manyuko erumbidzo kwete bedzi kuvabereki vechiKristu asiwo kuMusiki wavo, Jehovha Mwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvomenemene, mashoko echiHebheru nokuda kwa“vavaki” (ndima 1) uye “vanakomana” (ndima 3) ose ari maviri anofungwa kuva anobva murevo huru yokuti “kuvaka.” Kupfuurirazve, muchiHebheru shoko rokuti “imba” rinogona kunongedzera ku“nzvimbo yokugara” kana kuti zvimwe “mhuri.” (2 Samueri 7:11, 16; Mika 1:5) Nokudaro, kuvaka imba kunobatanidzwa nokurera mhuri. Chikomborero chaJehovha chinokosha mumabasa acho ose ari maviri.