“Pfekai Chipfeko Chakakwana Chechidzitiro Chesimbi Chinobva Kuna Mwari”
MAKRISTU akapfeka chidzitiro chesimbi here? Neiko achifanira kuva nezvokushandisa zvakafanana nezvehondo zvakadaro? Havasi vadi vorugare here? (2 Timotio 2:24) Hungu, vadi vorugare. Kunyanguvezvo, maKristu ose echokwadi ari mukurwa—uko anovavarira makuri, kwete kuuraya, asi kukunda.
Kudai Satani asina kupanduka, kurwa kwakadaro kungadai kusina kutongova kuri madikanwa. Asi iye akapanduka, uye akatsausa Adhama naEvha mukukumbanira kupanduka kwake. Chifo chenguva iyoyo tsika yenyika yakatanga iri musimba ro“wakaipa,” Satani Dhiabhorosi. (1 Johane 5:19) Avo vanozviisa pasi paChangamire ane maruramiro, Jehovha, vanofanira kudzivisa pesvedzero yenyika nomutongi wayo. Vanofanira kurwira upenyu hwavo hwomudzimu. Nedonzo irori, maKristu anopangirwa, kuti: “Pfekai chipfeko chakakwana chechidzitiro chesimbi chinobva kuna Mwari kuti mugokwanisa kumira makasimba mukurwisana namazano aDhiabhorosi.”—VaEfeso 6:11, NW.
Chipfeko Chechidzitiro Chesimbi
Cherekedza kuti tinoda “chipfeko chakakwana chechidzitiro chesimbi chinobva kuna Mwari” kana tichizova vakadzivirirwa zvakakodzera. Ipapoka, ngatinzverei rutivi rumwe norumwe rweichi chidzitiro chesimbi sezvinorondedzerwa nomuapostora Pauro ndokuzvinzvera timene nokutendeseka kuti tizive kana takashongedzerwa zvizere nokuda kwehondo yomudzimu.—VaEfeso 6:14-17, NW.
“Mirai makasimba, naizvozvo, hudyu dzenyu dzakasungwa nezvokwadi.” (VaEfeso 6:14a, NW) Munguva dzeBhaibheri varwi vaipfeka bhande redehwe rakafara kusvikira kumasendimita gumi namashanu. Iri bhande raibetsera kudzivirira hudyu. Apo murwi aibatisa bhande rake, ikoku kwairatidzira kuva kwake akagadzirira nokuda kwehondo.
Kwakakodzera sei, ipapoka, kuti zvokwadi youmwari inofananidzwa nebhande romurwi! Ikoku kunosanoenzanisira kuti tinofanira kuchengeta Shoko raMwari rezvokwadi riri pedyo zvikuru nesu, sokunge takasungwa naro. Tinofanira kurangarira zvikuru mufungo uri mukati meShoko raMwari. Ikoku kuchatidzivirira mukutsauswa nenhema nenyengedzo. Uyezve, mashoko omuromo waJehovha achatitsigira nokutisimbisa mumudzimu ndokutsigisa perero yedu.
“Makapfeka chidzitiro chechifuva chokururama.” (VaEfeso 6:14b) Chidzitiro chechifuva chomurwi chaidzivirira mutezo unokosha womuviri—mwoyo. Muchidzitiro chedu chesimbi chomudzimu chakapiwa naMwari, ipapoka, kururama kunodzivirira mwoyo wedu. MuMagwaro, mwoyo chiratidzo chakakodzera chezvatiri mukati—kunzwa kwedu, mifungo, uye zvishuvo. Sezvo Bhaibheri richitaurawo kuti mwoyo wakakombamira kuushati, kunokosha kusakurira kutsunga kubatirira kumupimo waJehovha wokururama. (Jeremia 17:9) Kuteerera Mwari hakufaniri kuva kuratidza kwokunze kwokunyengera; kunofanira kubva mukati. Ikoku kunoda kuti tikudziridze rudo rwakasimba rwokururama noruvengo rwakasimba zvakaenzana rwokusateerera mutemo. (Pisarema 45:7) Nokudaro mwoyo wedu uchadzivirirwa.
“Tsoka dzenyu dzakasungwa neshongedzero yamashoko akanaka orugare.” (VaEfeso 6:15, NW) Tsoka dzako dzakasungwa nenzira iyoyi here? Dzinokupinza nguva dzose muushumiri hwomumunda kuti uzivise mashoko akanaka here? Uri kuvavarira kuvandudza kunaka kwemibato yako yokuparidzira nokudzidzisa here? Chokwadi, ndima dzakati hadzigamuchiri zvikuru. Vanhu vangava vasingaitiri hanya, vasingakendengi, kana kuti vanoshora. Kuparidzira kwedu kungatounza chitambudzo patiri. Asi kupfurikidza nokupfuurira, maKristu anokudziridza tsungiriro, vara rinogovera dziviriro mukurwisana nedenho dzaSatani. Kunyange zvazvo aitambudzwa, Pauro akanga ari muparidziri anoshingaira, uye tinokurudzirwa ‘kuva vatevedzeri vake, kunyange sezvo iye akanga ari waKristu.’—1 VaKorinte 11:1.
Kuramba takabatikana mumubato wokuparidzira Umambo kunosimbisa chivimbo chedu mumashoko akanaka. Uyezve, kunobvumira mudzimu waJehovha kushanda nomatiri mukuitwa kwokuda kwake. Kutaura idi, mubato wakadaro unotiita vashandi biyake nengirozi—kunyange naJehovha Mwari amene. (1 VaKorinte 3:9; Zvakazarurwa 14:6) Uye kuva ne‘zvakawanda zvokuita mubasa raShe’ kunotiita “vakatsiga, vasingazununguki.” (1 VaKorinte 15:58, NW) Ikoku kunogovera dziviriro inoshamisa zvakadini!
“Torai nhovo huru yokutenda.” (VaEfeso 6:16, NW) Nenhovo huru, murwi wenguva dzakare aizvidzivirira amene pamapfumo nemiseve. Kana akakundikana kushandisa nhovo, iye aigona kukuvadzwa zvakakomba kana kuti kunyange kuurawa. MaKristu anonangana nezvombo zvinotouraya zvikuru—“miseve inopisa yowakaipa.” Iyoyi inobatanidza zvinhu zvose izvo Satani anoshandisa kuti anetese kutenda kwedu ndokutiuraya mumudzimu. Iyo inobatanidza chitambudzo, nhema, uzivi hwenyika hunonyengera, zvinokwezva zvokudisa zvenyika, uye muedzo wokupinda muutere. Kutidzivirira pana iyoyi yose, tinoda nhovo huru. Hapana rutivi rwedu runogona kusiiwa zvakakotsekana rusina kudzivirirwa.
Abrahama nomudzimai wake, Sara, vakanga vane kutenda kwakasimba. Pavakanga vapfuura zera rokubereka vana, vakaisa kutenda muchipikirwa chaMwari chokuti vaizobereka mbeu. Gare gare, Abrahama akaratidza kutenda kunoshamisa apo akateerera danidzo yokubaira Isaka, mwanakomana wake bedzi akaberekwa naSara anodiwa. Jehovha akabata ruoko rwaAbrahama ndokugovera chibairo chinotsiva. Asi Abrahama akanga akagadzirira kuteerera. Neiko? Nemhaka yokuti akanga ane kutenda kwakazara kwokuti Jehovha aigona kumutsa mwanakomana wake ndokuzadzika zvipikirwa zvakaitwa pamusoro pake.—VaRoma 4:16-21; VaHebheru 11:11, 12, 17-19.
Mosesi akanga anewo rudzi rwokutenda rwatinoda. Iye akaramba pfuma yeEgipita, achisarudza kusvaatambura zvake dzvinyiriro navanhu vaMwari. Neiko? Nemhaka yokuti iye akanga ane kutenda kwokuti Jehovha aripo uye aizounza ruponeso kuvaIsraeri. Kutenda kwaMosesi kwakanga kwakasimba kwazvo zvokuti “iye akapfuurira akatsiga seari kuona Iye uyo asingaoneki.”—VaHebheru 11:6, 24-27, NW.
Tine kutenda kwakaenzana muna Jehovha here? Ukama hwedu naJehovha ndohwapedyo kwazvo zvokuti kwakadokuita sokunge tinogona kumuona here? Tinodisa kurega zvimwe zvinhu zvipi nezvipi kana kuti kutsungirira nhamo ipi neipi kuti tichengete ukama hwedu naMwari here? Tine kutenda kwakazara muna Jehovha here? (VaHebheru 11:1) Kana zvakadaro, miseve inopisa yaSatani haisati ichizoboora nhovo yedu yokutenda.
“Gamuchirai ngowani yoruponeso.” (VaEfeso 6:17a, NW) Ngowani yomurwi yaidzivirira musoro wake uye nokudaro uropi—mutezo wokushandira pamwe kwetsinga newokufunga. Tariro yechiKristu yoruponeso inofananidzwa nengowani nemhaka yokuti inodzivirira ndangariro. Ndangariro yomuKristu yakaitwa itsva kupfurikidza nezivo yakarurama, asi ichiri yomunhu akaneta neasina kukwana. (VaRoma 7:18; 12:2) Kana tikabvumira ndangariro kudya kufunga kusina kuchena kunoparadza kutenda kunoparirwa nomudzimu wenyika ino, chivimbo chedu muruponeso chichasvava uye pakupedzisira chingafa. Pane rumwe rutivi, kana tikadyisa ndangariro yedu nguva dzose mashoko anosimbisa aMwari, tariro yedu icharamba yakajeka nokuchena. Unochengeta ngowani yako yoruponeso yakapfekwa zvakabata here?
“Munondo womudzimu, ndiko kuti, shoko raMwari.” (VaEfeso 6:17b, NW) Kutaura kwokuti dziviriro yakanakisisa kudenha kwakanaka ndokwechokwadi muhondo yechiKristu. Sezvo tsoka dzedu, dzakasungwa namashoko akanaka orugare, dzichitiendesa pakati pavasingatendi, hatisiiwi tiri vasina zvombo. Shoko raMwari, Bhaibheri, rinoshanda somunondo une simba wokucheka nawo nhema dzomudzimu nemirangariro isina kururama uye kubetsera vanhu vane mwoyo wakarurama kuwana rusununguko rwomudzimu.—Johane 8:31, 32.
Jesu akaratidza simba reichi chombo apo, chaizvoizvo, iye akarwa naSatani Dhiabhorosi. Paakaedzwa murenje, Jesu akazvidzivirira amene padenho nhatu dzousatani kupfurikidza nokushandisa nenzira inobudirira Shoko raMwari uye achiti: “Kwakanyorwa kuti.” (Mateo 4:1-11, NW) Kana tikadzidza kushandisa uyu munondo nounyanzvi, tinogona kubetsera vanhu vanyoro kubva musimba raSatani. Ipapowo, vakuru veungano vanoshandisa Shoko raMwari kudzivirira boka vanhu vanoedza kutsausa kutenda kwavakaneta.—Mabasa 20:28-30.
Unyanzvi hwomurwi nomunondo hahuuyi nenzira iri nyore. Rovedzo nokushandisa kwenguva refu, kwakatsaurirwa zvinodikanwa kuushandisa nounyanzvi. Nenzira yakafanana, muhondo yomudzimu kunoda fundo huru nokurovedza nguva dzose muushumiri kuti uve mushandisi ane unyanzvi weShoko raMwari. Napazvinobvira napo, ngatishandisei nhamburiko inodikanwa yokuva vashandisi vomunondo womudzimu vane unyanzvi, vanokwanisa ku“bata shoko rezvokwadi zvakarurama.”—2 Timotio 2:15, NW.
Pfuurirai Kunyengetera, Mirai Makasimba
Mativi ose echidzitiro chedu chesimbi chomudzimu anokosha nokuda kwokuchengeta perero kuna Mwari. Asi tinogona sei kuramba takapfeka ichi chidzitiro chesimbi? Kufunda Bhaibheri nguva dzose, kugadzirira pachine nguva mberi nokuda kwemisangano yechiKristu, uye ipapo kusanoteerera nokutora rutivi nenzira yokushingaira mairi kuchatibetsera kuramba takapfeka chidzitiro chedu chesimbi. (2 Timotio 3:16; VaHebheru 10:24, 25) Ushumiri hwomumunda hwenguva dzose nehwokushingaira pamwe chete nesonganiro yakaisvonaka yechiKristu zvichabetserawo kuchengeta chidzitiro chedu chesimbi chomudzimu chokudenha nechokudzivirira chiri mumugariro wakanaka.—Zvirevo 13:20; VaRoma 15:15, 16; 1 VaKorinte 15:33.
Kukudziridza chimiro chendangariro chakarurama kunokoshawo. Tinofanira kuramba kubvumira zvinokwezva zvenyika ino kutitsausa. Panzvimbo pezvo, ngatisakurire ‘ziso rakapfava.’ (Mateo 6:19-24) Mukutevedzera Jesu Kristu, tinofanirawo kudzidza kuda kururama ndokuvenga kusateerera mutemo. (VaHebheru 1:9) Zvinhu zvose izvozvi zvinotibetsera kuramba takapfeka chidzitiro chedu chesimbi chomudzimu chakapiwa naMwari.
Pashure pokukurukura rutivi rumwe norumwe rwechidzitiro chesimbi chomudzimu, Pauro anogumisa nokuti: “Munyengetere nguva dzose nokunyengetera kose nokukumbira mu[mudzimu, NW], muchirinda pazvinhu izvo nokutsunga kose nokukumbirira vatsvene vose.” (VaEfeso 6:18) Varwi vakavimbika vanoramba vachikurukurirana nedzimbahwe ramauto uye vanoteerera mirairo. Savarwi vechiKristu, tinofanira kuramba tiri mukurukurirano yenguva dzose naChangamire wedu, Jehovha Mwari, kupfurikidza no“mutungamiriri nomubati wamarudzi” wake mukuru, Jesu Kristu. (Isaya 55:4) Ikoku kunogona kuitwa, kwete kupfurikidza nomunyengetero womuitiro, asi kupfurikidza nomukumbiro womwoyo wose uyo unoratidzira kuva pedyo nokuzvipira kukuru kuna Jehovha. Kupfurikidza nokukurukura nguva dzose naJehovha, tinogamuchira simba zuva rimwe nerimwe rokutitsigira mukurwa.
Jesu akati: “Ndakakunda nyika.” (Johane 16:33) Jehovha anodawo kuti tive vanokunda. Sezvo rufu rwomuapostora Pauro rwakaswedera pedyo, iye aigona kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda.” (2 Timotio 4:7) Ngatikwanisei kuita kutaura kwakafanana pamusoro porutivi rwedu murwisano yacho. Kana tichishuva ikoku chaizvoizvo, ngati“mire takasimba mukurwisana namazano aDhiabhorosi” kupfurikidza nokuramba takapfeka chipfeko chakakwana chechidzitiro chesimbi chinobva kuna Mwari.—VaEfeso 6:11, NW.