Mutongi Wenyika Asingadi Kuzivikanwa Anofumurwa
MUMWE musi Jesu akamboudza vanhu kuti: “Mutongi wenyika ino achadzingwa.” Nezvomutongi uyu, Jesu akawedzera kuti, “haana simba pandiri,” achibva azotizve, “mutongi wenyika ino atongwa.” (Johani 12:31; 14:30; 16:11) Jesu aireva ani?
Tikatarisa zvakanga zvichitaurwa naJesu nezvo“mutongi wenyika ino,” zviri pachena kuti haangambovi aireva Baba vake, Jehovha Mwari. Saka “mutongi wenyika ino” ndiani? ‘Akatongwa’ uye “achadzingwa” sei?
“Mutongi Wenyika Ino” Anobuda Pachena
Dhiyabhorosi paaiedza Jesu Mwanakomana waMwari, akataura achidada nezvesimba raanaro, sezvinongowanzoitawo mutungamiriri wechikwata chematsotsi. Aratidza Jesu “umambo hwose” hwenyika, Satani akamuti: “Ndichakupa simba pane hwose uhwu nokubwinya kwahwo, nokuti hwakaiswa kwandiri, uye ndinohupa chero wandinoda. Naizvozvo, iwe, kana ukangondinamata kamwe chete, zvose zvichava zvako.”—Ruka 4:5-7.
Kudai Dhiyabhorosi aingova mafungiro akaipa ari mumwoyo momunhu, sezvinotaurwa nevamwe vanhu, muedzo uyu taizoutsanangura sei? Jesu akanga ari kuedzwa nemafungiro akaipa kana kuti ndiye aingovhiringidzika hake mumwoyo make mushure mokunge abhabhatidzwa here? Kana zvakadaro, tingazoti “maari hamuna chivi” here? (1 Johani 3:5) Jesu haana kutomboramba kuti Satani ari kutonga vanhu, asi akatozvibvuma paakamuti “mutongi wenyika,” achimuti “mhondi” uye “murevi wenhema.”—Johani 14:30; 8:44, The New Jerusalem Bible.
Pashure pemakore 60 kubva pakaedzwa Kristu naDhiyabhorosi, muapostora Johani akayeuchidza vaKristu kuti Dhiyabhorosi ane simba rokufurira paakati “nyika yose iri musimba reakaipa.” Johani akati akaipa iyeye “ari kutsausa nyika yose inogarwa.” (1 Johani 5:19; Zvakazarurwa 12:9) Zviri pachena kuti Bhaibheri rinotaura nezvemunhu uyu asiri wenyama richimuti “mutongi wenyika.” Asi simba raSatani rokufurira vanhu rakakura zvakadini?
Mutongi Wenyika Anopawo Vamwe Vake Rimwe Simba
Paainyorera vaKristu nezvokurwira kutenda kwavo, muapostora Pauro akanyatsovaratidza kuti vavengi vavo vakaipisisa ndivanaani. Akataura zvakajeka kuti: “Hatirwi neropa nenyama, asi nehurumende, nevanhu vane masimba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” (VaEfeso 6:12) Saka hondo iyi yakasiyana nokurwisana kunoita vanhu, nokuti hatirwisani “neropa nenyama,” asi “nemasimba emidzimu yakaipa.”
Maererano neshanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzemazuva ano, mashoko okuti “masimba emidzimu yakaipa” haarevi mafungiro akaipa, asi anoreva vanhu vakaipa vasingaoneki vane masimba. Dzimwe shanduro dzinoti “ngirozi zhinji dzakaipa dziri mumatenga,” (Revised Standard Version), uye “mweya yakaipa yedenga” (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona). Saka kuti aratidze simba rake, Dhiyabhorosi ari kushandisa ngirozi idzi dzakapanduka idzo dzakasiyawo “nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera” iri kudenga.—Judha 6.
Bhuku rouprofita riri muBhaibheri rinonzi Dhanieri rinotaura zvanga zvichiitwa ne“vatongi venyika” kuti vatonge nyika kubvira kare kare. Kwemavhiki matatu, muprofita Dhanieri akanyengeterera vaJudha vaainamata navo nokuti ainetseka nezvavo kubva pavakadzokera kuJerusarema muna 537 B.C.E., vachibva kuBhabhironi kwavakanga vakatapwa. Ngirozi yakatumwa naMwari kuti isimbise muprofita wacho yakamuudza chakaita kuti inonoke kusvika. Yakati: “Muchinda woumambo hwePezhiya akandirwisa kwemazuva makumi maviri nerimwe chete.”—Dhanieri 10:2, 13.
‘Muchinda wePezhiya’ uyu aiva ani? Zviri pachena kuti ngirozi yacho yakanga isiri kureva Mambo Koreshi wePezhiya, uyo aifarira Dhanieri nevanhu vake panguva iyoyo. Uyezve, kana ngirozi imwe chete yakakwanisa kuparadza varwi vane simba 185 000 muusiku humwe chete, zvaizoita here kuti mambo aingovawo munhu akwanise kumirisana nengirozi iyi kwemavhiki matatu? (Isaya 37:36) Zviri pachena kuti ‘muchinda wePezhiya’ uyu aiva mutumwa waDhiyabhorosi kana kuti dhimoni rakapiwa masimba okutonga Umambo hwePezhiya. Nhoroondo yacho inozoenderera ichiti ngirozi yaMwari yakati yaizofanirazve kurwa “nomuchinda wePezhiya” nomumwezve muchinda wemadhimoni, kureva “muchinda wokuGirisi.”—Dhanieri 10:20.
Nyaya iyi inotiratidzei? Kuti zvechokwadi “vatongi venyika” vasingaoneki, iwo machinda emadhimoni ariko, uye ari kutotongawo nyika achitungamirirwa nomukuru wawo Satani Dhiyabhorosi. Asi kusvika iye zvino chinangwa chawo ndechei?
Mutongi Wenyika Anoratidza Hasha Dzake
Mubhuku rokupedzisira reBhaibheri raZvakazarurwa, muapostora Johani akarondedzera kuti Jesu saMikaeri ngirozi huru akakunda sei Dhiyabhorosi nemadhimoni ake. Akataurawo kuti kudzingwa kwaDhiyabhorosi nemadhimoni ake kudenga kwaizoguma nei. Nyaya yacho inoti: “Mune nhamo imi nyika . . . nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:9, 12.
Dhiyabhorosi ari kuratidza sei kuti akatsamwa kwazvo? Sezvinoita gondo rinoti kana rapotsa nhiyo rinokumba marara, Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vakatsunga kuti vaparare pamwe chete nenyika ino nevanhu vanogara pairi. Dhiyabhorosi zvaari kuziva kuti nguva yake yava pfupi, ari kushandisa chimwe chezvinhu zvikuru kwazvo zviri munyika yake, kureva zvebhizimisi, kuti aite kuti vanhu vangotenga zvinhu vachiunganidza. Izvi zvinoguma zvaita kuti zviwanikwa zvinogadzirisa zvinhu izvozvo zvipere zvoita kuti upenyu hwevanhu huve pangozi.—Zvakazarurwa 11:18; 18:11-17.
Kubva zvakasikwa vanhu, kukara kunoita Dhiyabhorosi simba kunooneka mune zvematongerwo enyika nezvitendero. Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezvemasimba ezvematongerwo enyika richiati zvikara zvakapiwa “masimba makuru” naDhiyabhorosi. Rinoratidzawo kuti zviri kuitwa nezvitendero zvokupindira mune zvematongerwo enyika zvinonyadzisa, richiti uhwu upombwe hwokunamata. (Zvakazarurwa 13:2; 17:1, 2) Funga nezvokudzvinyirirwa, uranda, hondo, uye kurwisana kwemarudzi zvanga zvichiitika kwemazana emakore izvo zvakakonzera kuti mamiriyoni evanhu afe. Chokwadi pane munhu angatsunga here kutaura kuti vanhu ndivo vari kukonzera zvinhu zvinotyisa zvanga zvichiitika kubvira pakasikwa vanhu? Kana kuti toti here zvakakonzerwa nokunyengera kwanga kuchiitwa nengirozi dzakaipa dzisingaoneki?
Bhaibheri rinotaura pachena uye rinofumura munhu ari kunyengera vanhu vanotungamirira uye nyika dzine masimba akakura pasi rose. Vanhu vanoratidza unhu hwomutongi wavo Satani uye maitiro ake okuti kana ukaramba kumuteerera unofanira kufa, vangave vachiita vachizviziva kana kuti vasingazivi. Asi vanhu vacharamba vachitambura vachitongwa naDhiyabhorosi kusvikira rini?
Dhiyabhorosi Anoparadzwa Zvachose
Zvakaitwa naKristu paaiva pasi pano muzana remakore rokutanga zvakaratidza kuti Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vava kuzoparadzwa. Vadzidzi vake pavakamurondedzera kudzinga kwavakanga vaita madhimoni, akavaudza kuti: “Ndatotanga kuona Satani atowa semheni achibva kudenga.” (Ruka 10:18) Jesu paakataura mashoko iwayo akanga ari kufarira kukunda kwaaizoita mutongi wenyika paaizodzokera kudenga ava ngirozi huru Mikaeri. (Zvakazarurwa 12:7-9) Kana tikanyatsoongorora uprofita hweBhaibheri tinoona kuti Jesu akakunda Dhiyabhorosi kudenga muna 1914 kana kuti gore iri richangopfuura.a
Kubvira mugore iroro, Dhiyabhorosi anoziva kuti nguva yasara kuti aparadzwe ipfupi chaizvo. Kunyange zvazvo ‘nyika yose iri musimba rake,’ mazuva ano mamiriyoni evanhu haasi kutsauswa nezvose zvaari kuita. Bhaibheri rakavhura maziso avo kuti vanyatsomuziva uye vazive mazano ake. (2 VaKorinde 2:11) Vanowana tariro mumashoko aPauro aakanyorera vaKristu vaainamata navo okuti: “Mwari anopa rugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.”b—VaRoma 16:20.
Munguva pfupi iri kuuya Dhiyabhorosi achaparadzwa zvachose! Kristu paanenge ava kutonga zvine rudo, vanhu vakarurama vachachinja chitsiko chetsoka dzaMwari, iyo nyika, kuti ive paradhiso. Kurwisana, kuvengana uye makaro zvichange zvisisiko zvachose. Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvekare hazvizoyeukwi.” (Isaya 65:17) Vose vachange vasisiri pasi pomutongi wenyika ino nesimba rake vachange vasunungurwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko panyaya yegore iri, ona mashoko okuwedzera ari mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, mapeji 215 kusvika ku218.
b Pano Pauro akadzokorora mashoko ouprofita hweBhaibheri hwokutanga huri pana Genesisi 3:15, hunotaura nezvokuparadzwa kuchaitwa Satani. Pauro akashandisa shoko rechiGiriki rinoreva kuti “kuputsa, kuparadza uye kutswanya.”—Vine’s Complete Expository Dictionary of Old and New Testament Words.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
Kana Kristu ava kutonga zvine rudo, vanhu vakarurama vachachinja nyika kuti ive paradhiso